RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/1 pp. 11-16
  • Nyaradzo Inobva Kuna “Mwari Wokunyaradza Kwose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo Inobva Kuna “Mwari Wokunyaradza Kwose”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha—Mwari Wenyaradzo
  • Jesu naPauro—Vanyaradzi Vane Tsitsi
  • Nzira Yokunyaradza Nayo Avo Vanotambudzika
  • Zvokudzivisa
  • Magwaro Anonyaradza
  • “Chemai Nevanhu Vanochema”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Nyaradza Vose Vanochema’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mwari Anotinyaradza Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/1 pp. 11-16

Nyaradzo Inobva Kuna “Mwari Wokunyaradza Kwose”

“Mwari ngaaongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VAKORINTE 1:3, 4.

1, 2. Vanhu vanotambudzika vanoda nyaradzo yorudzii?

VANHU vanotambudzika vanoda nyaradzo yechokwadi—kwete zvenhando uye zvachero. Tose zvedu takanzwa kuti ‘nguva ichaporesa maronda,’ asi munhambo dzapakuvamba dzokufirwa, munhu upi anotambudzika anonyaradzwa nomufungo iwoyo? VaKristu vanoziva kuti Mwari akapikira rumuko, asi ikoko hakusati kuchidzivisa kukuvadza kukuru nenhamo zvokurasikirwa kwakamwe kamwe. Uye zvirokwazvo kana wakarasikirwa nomwana, vamwe vana vari vapenyu havatsivi anokosha iyeyo.

2 Munguva dzokurasikirwa, tinobetserwa zvikurusa nenyaradzo yechokwadi, nyaradzo ine hwaro hwakasimba muzvipikirwa zvaMwari. Tinodawo tsitsi. Ikoku zvirokwazvo kwave kuri kwechokwadi nokuda kwavanhu veRwanda, uye zvikurukuru nokuda kwamazana emhuri dzeZvapupu zvaJehovha ikoko idzo dzakarasikirwa navadiwa mukupondwa ikoko kwedzinza kwoudhiyabhorosi. Vose avo vanotambudzika vanogona kuwana nyaradzo kubva kunaani?

Jehovha—Mwari Wenyaradzo

3. Jehovha akagadza sei muenzaniso mukupa nyaradzo?

3 Jehovha akagadza muenzaniso mukupa tose zvedu nyaradzo. Akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari oga, Kristu Jesu, kupasi kuti atipe nyaradzo isingaperi netariro. Jesu akadzidzisa, kuti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Akaudzawo vateveri vake, kuti: “Hakuno munhu uno rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake.” (Johane 15:13) Pane imwe nhambo iye akati: “Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Uye Pauro akataura, kuti: “Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.” (VaRoma 5:8) Kupfurikidza naaya magwaro namamwe akawanda, tinoona rudo rwaMwari nerwaKristu Jesu.

4. Neiko muapostora Pauro akanga ane ngava zvikurukuru kuna Jehovha?

4 Muapostora Pauro akanga achiziva zvikuru mutsa usakafanirwa waJehovha. Akanga anunurwa mumugariro wokufa mumudzimu, mukuva mutambudzi akakasharara wavateveri vaKristu kukuva muKristu anotambudzwa iye amene. (VaEfeso 2:1-5) Iye anorondedzera chakaitika chake, kuti: “Ini ndiri muduku kuvaapostora vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.”—1 VaKorinte 15:9, 10.

5. Pauro akanyorei pamusoro penyaradzo inobva kuna Mwari?

5 Nenzira yakakodzera ipapoka, Pauro akanyora, kuti: “Mwari ngaaongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.”—2 VaKorinte 1:3-7.

6. Chii chinorehwa neshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “nyaradza”?

6 Mashoko anonyandura zvakadini! Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “nyaradza” rine chokuita ne“danidzo yokuva parutivi rwomunhu.” Naizvozvo, “ndiko kumira parutivi pomunhu kuti umukurudzire apo anenge achiva mukuedzwa kwakakomba.” (A Linguistic Key to the Greek New Testament) Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakanyora, kuti: “Shoko racho . . . nguva dzose rinoreva zvinopfuura zvikuru tsitsi dzinonyaradza. . . . Nyaradzo yechiKristu inyaradzo inounza ushingi, nyaradzo inogonesa munhu kugonana nezvose izvo upenyu hunogona kuita kwaari.” Inobatanidzawo mashoko anonyaradza akavakirwa pachipikirwa chakasimba netariro—iya yorumuko rwavakafa.

Jesu naPauro—Vanyaradzi Vane Tsitsi

7. Pauro akanga ari anonyaradza sei kuhama dzake dzechiKristu?

7 Pauro akanga ari muenzaniso unoshamisa zvakadini mukupa nyaradzo! Aigona kunyora kuhama muTesaronika, kuti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai.” Kungofanana navabereki vane rudo, vanoitira hanya, tose zvedu tinogona kugoverana ushamwari hwedu nokunzwisisa navamwe munguva yavo yokuzvida.—1 VaTesaronika 2:7, 8, 11, 12.

8. Neiko dzidziso yaJesu iri nyaradzo nokuda kwaavo vanotambudzika?

8 Mukuratidzira itiro hanya yakadaro nomutsa, Pauro akanga achingotevedzera bedzi Muenzaniso wake mukuru, Jesu. Yeuka kokero yetsitsi iyo Jesu anotambanudza kuna vose seyakanyorwa pana Mateo 11:28-30, kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” Hungu, dzidziso yaJesu inozorodza nemhaka yokuti inopa tariro nechipikirwa—chipikirwa chorumuko. Iyoyi ndiyo tariro nechipikirwa chatinopa kuvanhu, somuenzaniso, apo tinovasiyira bhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Iyi tariro inogona kubetsera tose zvedu, kunyange kana tave tichitambudzika kwenguva yakareba.

Nzira Yokunyaradza Nayo Avo Vanotambudzika

9. Neiko tisingafaniri kuva vasingashiviri navanhu vanotambudzika?

9 Kutambudzika hakuna kuganhurirwa kunhambo yenguva yakarongwa nokukurumidza mushure morufu rwomudiwa. Vamwe vanhu vanotakura mutwaro wokutambudzika kwavo muupenyu hwavo hwose, zvikurukuru avo vakarasikirwa navana. Vamwe varoorani vakatendeka vechiKristu muSpain vakarasikirwa nomwanakomana wavo ane makore 11 okukura muna 1963 sanyajambwa wemeningitis. Nanhasi, vachiri kusvimha misodzi apo vanenge vachitaura pamusoro paPaquito. Kuchengeta kwegore negore, mapikicha, zviyeuchidzo, zvingamutsa yeuko dzinosuruvarisa. Nokudaro, hatitongofaniri kuva vasingashiviri ndokufunga kuti vamwe vanofanira kuve vanaya pakurasikirwa kwavo kusvikira zvino. Chimwe chiremera chezvokurapa chinobvuma, kuti: “Kuora mwoyo nokuchinja-chinja kwemirangariro zvingavapo kwenguva yakareba samakore anoverengeka.” Yeuka, naizvozvo, kuti kungofanana namavanga chaiwoiwo ari pamuviri angava nesu kwoupenyu, ndizvo zvinoita mavanga emirangariro akawanda.

10. Chii chatinofanira kuita kubetsera vanotambudzika?

10 Ndezvipi zviri zvinhu zvinoshanda zvatinogona kuita kunyaradza avo vanotambudzika muungano yechiKristu? Muuchokwadi hwose tingati kune imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi inoda nyaradzo, “Kana pane chinhu chipi nechipi chandinogona kuita kubetsera, chingondizivisai.” Asi munhu akafirwa anotidana kakawanda sei kuti ataure kuti, “Ndafunga nezvechimwe chinhu chamunogona kuita kundibetsera”? Sezviri pachena, tinofanira kuita nhano yokutanga yakafanira kana tichizonyaradza vakafirwa. Naizvozvo, chii chatinogona kuita munzira inobetsera? Hezvino zvikarakadzo zvishomanene zvinoshanda.

11. Kuteerera kwedu kunogona sei kuva nyaradzo kune vamwe?

11 Teerera: Chimwe chezvinhu zvinobetsera zvikurusa chaunogona kuita kugoverana kurwadziwa kweakafirwa kupfurikidza nokuteerera. Ungabvunza kuti, “Mungada kutaura pamusoro pako here?” Munhu wacho ngaasarudze. Mumwe muKristu anoyeuka apo baba vake vakafa, kuti: “Kwakandibetsera chaizvoizvo apo vamwe vakabvunza zvakaitika uye ipapo vakateerera chaizvoizvo.” Sokupa zano kwakaita Jakobho, kurumidza kuteerera. (Jakobho 1:19) Teerera nenzira yokushivira uye nenzira yokunzwira tsitsi. “Chemai navanochema,” rinorumbidza kudaro Bhaibheri pana VaRoma 12:15. Yeuka kuti Jesu akachema naMarta naMaria.—Johane 11:35.

12. Rudzii rwekurudziro rwatinogona kupa kuavo vanochema?

12 Govera kurudziro: Yeuka kuti munhu akafirwa pakutanga anganzwa ane mhaka, achifunga kuti zvichida pakanga pane zvakawanda izvo aigona kuve akaita. Vimbisa munhu wacho kuti sezvingabvira zvose zvakanga zvichibvira zvakaitwa (kana kuti chimwezve chipi nechipi chaunoziva kuva chechokwadi nechakanaka). Muvimbise kuti zvaanonzwa hazvisati zvitongori zvisingazivikanwi. Muudze nezvevamwe vaunoziva vakanaya nenzira inobudirira mukurasikirwa kwakafanana. Namamwe mashoko, iva anotapurwa neanonzwira tsitsi. Betsero yedu yomutsa inogona kureva zvakawanda kwazvo! Soromoni akanyora, kuti: “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivheri.”—Zvirevo 16:24; 25:11; 1 VaTesaronika 5:11, 14.

13. Kana tikazviita timene vanowanika, ikoko kunogona sei kubetsera?

13 Iva Anowanika: Zviite umene anowanika kwete kwamazuva mashomanene chete apo shamwari dzakawanda nehama dzokunyama vanenge varipo asi kwemwedzi gare gare kana kuri madikanwa, apo vamwe vanenge vadzokera kumuitiro wavo wenguva dzose. Nhambo yokutambudzika inogona kusiyana zvikuru, kuchitsamira pamunhu wacho. Fariro yedu yechiKristu nokunzwira urombo zvinogona kureva zvakawanda kwazvo munguva ipi neipi yokuzvida. Bhaibheri rinotaura kuti “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” Nokudaro, kutaura kwokuti, “Shamwari mukushayiwa ishamwari zvirokwazvo,” ichokwadi chatinofanira kurarama mukuwirirana nacho.—Zvirevo 18:24; enzanisa naMabasa 28:15.

14. Tinogona kutaura pamusoro pei kuti tinyaradze vakafirwa?

14 Taura pamusoro pemavara akanaka anyakufa. Iyoyi ndeimwe betsero huru apo inopiwa panhambo yakarurama. Goverana zviitiko zvinofadza zvaunoyeuka pamusoro pomunhu wacho. Usatya kushandisa zita romunhu wacho. Usaite sokunge mudiwa akashayika haana kutongovako kana kuti akanga asingakoshi. Kunonyaradza kuziva izvo chinyorwa chakabva kuHarvard Medical School chakataura, kuti: “Rudzi rwakati rwokunaya runowanwa apo akafirwa pakupedzisira anogona kufunga nezvemunhu akafa pasina rusuruvaro rukuru . . . Sezvo chokwadi chitsva chinobvumwa uye chinogamuchirwa, nhamo inopera ndokuva yeuko dzinokosheswa.” “Yeuko dzinokosheswa”—kunonyaradza sei kuyeuka nhambo idzodzo dzinofadza dzakapedzwa uine mudiwa! Chimwe Chapupu chakarasikirwa nababa vacho makore akati akapfuura chakati: “Yeuko chaiyo nokuda kwangu ndiko kurava Bhaibheri naBaba nokukurumidza mushure mokunge vavamba kufunda zvokwadi. Uye kuvata mumahombekombe merwizi tichikurukura zvimwe zvezvinetso zvangu. Ndaingovaona bedzi makore matatu kana kuti mana ari ose, naizvozvo nhambo idzodzo dzakanga dzichikosha.”

15. Munhu anogona sei kuita nhano yokutanga kubetsera?

15 Ita nhano yokutanga apo kunenge kwakakodzera: Vamwe vanhu vanotambudzika vanogona kugonana nako zviri nani kupfuura vamwe. Naizvozvo, kuchitsamira pamamirire ezvinhu, ita nhano dzinoshanda dzokubetsera. Mumwe mukadzi wechiKristu anotambudzika akarondedzera, kuti: “Vakawanda vaiti, ‘Kana pane chinhu chipi nechipi chandinogona kuita, ndizivisei.’ Asi imwe hanzvadzi yechiKristu haina kubvunza. Yakapinda mukamuri rokurara chaimo, yakawarura mubhedha, uye yakageza machira akasviba. Imwe yakatora bhakiti, mvura, uye zvinhu zvokuchenesa ndokukwesha kapeti apo murume wangu akanga arutsira. Idzodzi dzakanga dziri shamwari dzechokwadi, uye handisati ndichizotongodzikanganwa.” Uko kune kudikanwa kuri pachena kwebetsero, ita nhano yokutanga—zvichida kupfurikidza nokugadzira zvokudya, kubetsera kuchenesa, kana kuti kuita mabasa. Chokwadika, tinofanira kungwarira kusava vanopindira apo munhu akafirwa anenge achida kuva ari oga. Nokudaro, tinofanira kufungisisa mashoko aPauro, anoti: “Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” Mutsa, shiviro, uye rudo hazvitongokundikani.—VaKorose 3:12; 1 VaKorinte 13:4-8.

16. Neiko tsamba kana kuti kadhi zvichigona kugovera nyaradzo?

16 Nyora tsamba kana kuti tumira kadhi rinonyaradza: Hunofuratirwa kazhinji kazhinji ndihwo ukoshi hwetsamba yenyaradzo kana kuti kadhi rokunzwira tsitsi rakaisvonaka. Betsero yayo? Inogona kuraviwa yaraviwazve. Tsamba yakadaro haifaniri kuva refu, asi inofanira kuratidza tsitsi dzako. Inofanira kuratidzirawo mutoo womudzimu asi isingavi inoparidza. Shoko guru chete rokuti, “Tiripo nokuda kwenyu” rinogona kuva nyaradzo.

17. Munyengetero unogona sei kuunza nyaradzo?

17 Nyengetera navo: Usaderedza ukoshi hweminyengetero yako uine vaKristu biyako vakafirwa uye nokuda kwavo. Bhaibheri rinoti pana Jakobho 5:16: “Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru.” Somuenzaniso, apo vanotambudzika vanonzwa tichivanyengeterera, kunovabetsera kupedza murangariro wakaipa wakadai sokuva nemhaka. Munhambo dzedu dzokuneta, dzokupera simba, Satani anoedza kutinetesa ne“mano” ake kana kuti “mazano.” Apa ndipo patinoda nyaradzo netsigiro yomunyengetero, sokutaura kwakaita Pauro: ‘Nechimiro chiri chose chomunyengetero nomukumbiro pfuurirai kunyengetera panhambo iri yose mumudzimu. Uye nechinangwa ichocho rambai makamuka nguva dzose uye muchikumbirira vatsvene vose.’—VaEfeso 6:11, 18, Kingdom Interlinear; enzanisa naJakobho 5:13-15.

Zvokudzivisa

18, 19. Tinogona sei kuratidza kungwarira pakutaura mukurukurirano dzedu?

18 Apo munhu anenge achitambudzika, kunewo zvinhu zvokusaita kana kuti kutaura. Zvirevo 12:18 inonyevera, kuti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” Pane dzimwe nguva, tisingakuzivi, tinokundikana kuratidza kungwarira pakutaura. Somuenzaniso, tingati, “Ndinoziva manzwire enyu.” Asi ndizvo zvazvakaita chaizvoizvo here? Wakatambura kurasikirwa kumwe cheteko chaikoiko here? Uyewo, vanhu vanoita nenzira dzakasiyana-siyana. Kuita kwako kungasava kwaive kwakafanana nouko kwomunhu ari kutambudzika. Kungava kunotapura zvikuru kuti, “Ndinokunzwirai tsitsi chaizvoizvo nemhaka yokuti ndakava nokurasikirwa kwakafanana apo . . . wangu akafa nguva yakapfuura.”

19 Kwaizoratidzawo kutapurwa kudzivisa kutsinhira pamusoro pokuti nyakufa achamutswa here kana kuti kwete. Dzimwe hama nehanzvadzi dzakakuvadzwa zvikuru netsinhiro dzokutonga dzakaitwa pamusoro pebviro dzomunguva yemberi dzomukwanyina asingatendi akafa. Hatisati tiri vatongi vaavo vachamutswa kana kuti vasati vachizomutswa. Tinogona kuzorodzwa kuti Jehovha, anoona mwoyo, achava ane ngoni zvikuru kupfuura izvo vazhinjisa vedu vaizombova.—Pisarema 86:15; Ruka 6:35-37.

Magwaro Anonyaradza

20, 21. Mamwe magwaroi anogona kunyaradza vakafirwa?

20 Mamwe amanyuko makurusa eyamuro, apo inopiwa panguva yakarurama, kurangarirwa kwezvipikirwa zvaJehovha nokuda kwavakafa. Iyi mifungo yeBhaibheri ichava inoshanda kana munhu akafirwa atori Chapupu kana kuti ari munhu watinosangana naye muushumiri. Ndeapi ari mamwe eaya magwaro? Tinoziva kuti Jehovha ndiMwari wokunyaradza kwose, nokuti iye akati: “Ini—ini ndimene ndini Uyo anokunyaradzai imi vanhu.” Akatiwo: “Kufanana nomunhu uyo amai vake amene vanoramba vachinyaradza, saizvozvo ini ndimene ndicharamba ndichikunyaradzai imi vanhu.”—Isaya 51:12; 66:13, NW.

21 Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; nokuti shoko renyu rakandiponesa. Ndakarangarira zvamakatonga kare kare, Jehovha, ndakazvinyaradza. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, sezvamakareva kumuranda wenyu.” Cherekedza kuti shoko rokuti “nyaradza” rinoshandiswa rashandiswazve muzvikamu zvamashoko izvozvo. Hungu, tinogona kuzviwanira timene uye vamwe nyaradzo yechokwadi kupfurikidza nokutendeukira kuShoko raJehovha munguva yedu yokutambudzika. Ikoku, kwakabatanidzwa norudo netsitsi zvehama, kunogona kutibetsera kubuda mukurasikirwa kwedu ndokuzadza upenyu hwedu zvakare nomubato unofadza muushumiri hwechiKristu.—Pisarema 119:50, 52, 76.

22. Ikariroi iri pamberi pedu?

22 Tinogonawo kukurira nhamo yedu kusvikira kutambanuko yakati kupfurikidza nokuva vakabatikana kubetsera vamwe munhamo yavo. Sezvatinorereudzira ngwariro yedu kuvamwe vanoda nyaradzo, tinowanawo mufarwa wechokwadi wokupa mupfungwa yomudzimu. (Mabasa 20:35) Ngatigoverane navo chiono chezuva rorumuko apo vanhu veose aichimbova marudzi, chizvarwa nechizvarwa, vachava vachigamuchira vadiwa vavo vakashayika vachidzoka kubva kuvakafa ndokupinda munyika itsva. Ikariro yakadini! Misodzi yakadini yomufaro ichabudiswa panguva iyoyo sezvatinoyeuka kuti Jehovha zvirokwazvo ndiMwari “unonyaradza vakaora mwoyo.”!—2 VaKorinte 7:6.

Unoyeuka Here?

◻ Jehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose” sei?

◻ Jesu naPauro vakanyaradza sei vanotambudzika?

◻ Zvimwe zvinhui zvatinogona kuita kunyaradza avo vanotambudzika?

◻ Tinofanira kudzivisei pakubata neakafirwa?

◻ Ndeapi ari magwaro aunofarira enyaradzo munguva dzokurasikirwa?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nenzira yokungwarira pakutaura ita nhano yokutanga kubetsera avo vanotambudzika

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe