“Nguva Yakatarwa” Yava Pedyo
KUFANANA naHabhakuki, vadzidzi vaJesu vaida chaizvo kuona kutambura kuchipera. Zvavakanga vaziva zvaizoitwa noUmambo hwaMwari kuti hugadzirise zvinhu panyika, vakabvunza Jesu kuti: “Tiudzei, zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [musimba roUmambo] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Achipindura, Jesu akati Jehovha ndiye oga anoziva kuti Umambo huchatonga rini nyika yose. (Mateu 24:36; Mako 13:32) Zvisinei, Jesu nevamwe vakagara vataura zvimwe zvinhu zvaizoratidza kuti nguva yacho yaswedera pedyo.—Ona bhokisi riri kurudyi.
Haubvumi here kuti zvinhu izvi zviri kuoneka nhasi? Jesu akagara ataura kuti basa iri rokudzidzisa raizoitwa munyika yose. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.
Ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iroro. Munyika dzinosvika 236, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni manomwe zviri kuudza vanhu zvichazoitwa noUmambo, uye zviri kuvabatsira kuti vachinje upenyu hwavo kuti huenderane nemitemo yaMwari yakarurama, ane chinangwa chokuda kugumisa kutambura nenhamo. Ramba uchidzidza nezvoUmambo hwaMwari, uye uchakwanisa kuzogara nokusingaperi munyika inenge isina kutambura.
[Bhokisi riri papeji 8]
Magwaro Anoratidza Mazuva Okupedzisira
MATEU 24:6, 7; ZVAKAZARURWA 6:4
• Hondo iri kuitwa pamwero mukuru
• Kudengenyeka kwenyika kukuru
• Kushomeka kwezvokudya
• Matenda
• Kuwedzera kwokusateerera
• Rudo rwevazhinji ruri kutonhora
• Kuparadzwa kwenyika
• Kudisa mari
• Kusateerera vabereki
• Kunyanya kuzvida
• Kushaya rudo rukuru rwokuzvarwa narwo
• Vanhu vasingambodi kubvumirana
• Vanhu vakawanda vasingazvidzori
• Kuwedzera kwevanhu vasingadi zvakanaka
• Kunyanya kuda mafaro kupfuura Mwari
• Vanhu vakawanda vanonyepedzera kuvaKristu
• Vaprofita venhema vakawanda vanovapo
• Kutambudzwa kwevaKristu vechokwadi
• Vanhu vasingateereri zvinonyeverwa neBhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 8]
Munyika yose Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vamwe nezvoUmambo hwaMwari