RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 6/1 pp. 21-23
  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvishamiso Zvakapera?
  • Nei Barika Raibvumirwa?
  • Nei Sabata Rakangochengetwa Kare?
  • Mwari Akavimbika uye Ane Rudo
  • Unofanira Kuchengeta Sabata Revhiki Nevhiki Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Sabata
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mwari Anobvumira Barika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 6/1 pp. 21-23

Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?

NEZVAMWARI, Bhaibheri rinoti: ‘Haambochinji sokufamba kunoita mumvuri.’ Uye zvinotopa chivimbo ndezvokuti, Mwari pachake akati: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Jakobho 1:17; Maraki 3:6) Jehovha Mwari akanyatsosiyana zvachose nevanhu vakaoma kufadza uye vasingagoni kuvimbwa nokuti vanongogara vachichinja-chinja mafungiro avo!

Zvisinei, vamwe vanoverenga Bhaibheri vanonetseka kana Mwari akachinja mafungiro ake. Somuenzaniso, pane imwe nguva Jehovha Mwari akapa vaKristu simba rokuita zvishamiso, asi iye zvino haachazviiti. Kare, Mwari aibvumira barika, asi iye zvino haacharibvumiri. MuMutemo waMosesi, Jehovha akarayira kuti Sabata richengetedzwe, asi iye zvino haacharayiri kuti richengetedzwe. Izvi zvinoratidza kuti Mwari akachinja here?

Chokutanga, ngatizivei kuti Mwari haambochinji mitemo yake yorudo nokururamisira. Uyewo kuti “chinangwa chake chisingagumi” chokukomborera vanhu achishandisa Umambo hwake hachina kuchinja. (VaEfeso 3:11) Kunyange zvakadaro, sokuchinja kwaungaita mafungiro ako pamunhu anongogara achikugumbura, Jehovha anochinjawo mafungiro ake zvichienderana nokuchinja kunoita mamiriro ezvinhu.

Mwari anochinjawo mirayiridzo yake yaanopa vanhu vake maererano nemamiriro ezvinhu uye zvavanenge vachida. Izvi hazvifaniri kutishamisa. Chimbofunga zvaizoitwa nomunhu ane ruzivo anoratidza vaenzi nzvimbo kana akaona kuti mberi kune njodzi. Anoudza boka revanhu vaanenge achiratidza nzvimbo kuti riende neimwe nzira kure nenjodzi. Zvisinei, izvozvo hazvirevi kuti anenge achinja mafungiro ake nezvekwavanenge vachienda handiti? Saka ngatimboongorora mienzaniso mitatu yataurwa pamusoro apa inotemesa vamwe misoro.

Nei Zvishamiso Zvakapera?

Nei Mwari akapa vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga simba rokuita zvishamiso? Ungave uchiziva kuti vaIsraeri pavaiva rudzi rwakasarudzwa naMwari, aiwanzoratidza kuti aiva navo nokuita zvishamiso. Achishandisa Mosesi, Mwari akaratidza simba rake rinoshamisa nokununura vaIsraeri kubva kuIjipiti uye nokuvatungamirira pavaiva murenje kuenda kuNyika Yakapikirwa. Zvinosuwisa ndezvokuti nguva nenguva, vaIsraeri vakanga vasingaratidzi kuti vaiva nokutenda. Jehovha paakazoramba vaIsraeri nokutanga ungano yevaKristu, akapa vaapostora nevamwe simba rokuita zvishamiso. Somuenzaniso, muapostora Petro naJohani vakaporesa mumwe murume akaberekwa akaremara, uye Pauro akamutsa mumwe murume akanga afa. (Mabasa 3:2-8; 20:9-11) Zvishamiso zvavakaita zvakabatsira kuti munyika dzakawanda muve nevaKristu. Kana zvakadaro nei zvishamiso izvi zvakapera?

Muapostora Pauro akatsanangura achishandisa muenzaniso: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.” (1 VaKorinde 13:11) Sezvinongoita vabereki vanobata mwana muduku zvakasiyana nezvavanoita kumwanakomana wavo akura, Jehovha akachinjawo mabatiro ake neungano yechiKristu payakanga isisiri ‘kacheche.’ Muapostora Pauro akatsanangura kuti zvipo zvakadaro zvinoshamisa zvakadai sokukwanisa kutaura nedzimwe ndimi kana kuprofita ‘zvaizogumiswa.’—1 VaKorinde 13:8.

Nei Barika Raibvumirwa?

Jesu akaratidza kuti Mwari akapa murayiro waiva nechokuita nokuroorana paakaudza vanhu vaviri vokutanga kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.” (Mateu 19:5) Vanhu vaviri vakaroorana vaifanira kuva noukama hunogara narini. Zvisinei, nenguva iyo Mwari akazoronga vaIsraeri kuti vave rudzi rwake uye paakavapa Mutemo, barika rakanga rava kungoitwa kwose kwose. Saka kunyange zvazvo Mwari asina kutanga kana kuti kukurudzira barika, akapa mitemo yokuridzora. Ungano yechiKristu payakavapo, Shoko raMwari rakarambidza zvakajeka barika.—1 Timoti 3:2.

Jehovha Mwari anombobvumira zvimwe zvinhu kusvikira nguva yake yokuti azvigadzirise yakwana. (VaRoma 9:22-24) Jesu akaratidza kuti Jehovha akanga amboshivirira dzimwe tsika dzisina kururama dzokuroorana ‘achidzibvumira’ pamusana ‘pokuoma kwemwoyo’ yevaIsraeri.—Mateu 19:8; Zvirevo 4:18.

Nei Sabata Rakangochengetwa Kare?

Mwari ndiye akatanga kupa murayiro wokuti Sabata richengetwe vhiki nevhiki pashure pokunge anunura vaIsraeri muIjipiti. Gare gare akazoita kuti zvive muMutemo werudzi rwacho. (Eksodho 16:22-30; 20:8-10) Muapostora Pauro akatsanangura kuti Jesu akazvipa sechibayiro uye “akabvisa . . . Mutemo wemirayiro wakaumbwa nemirau” uye “akadzima rugwaro rwakanyorwa nemaoko.” (VaEfeso 2:15; VaKorose 2:14) ‘Zvakabviswa’ uye ‘zvakadzimwa’ zvaisanganisira mutemo weSabata nokuti Bhaibheri rinoenderera mberi richiti: “Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anokutongai pane zvokudya nezvokunwa kana pamusoro pomutambo kana pamusoro pokuchengetwa kwokugara kwomwedzi kana pamusoro pesabata.” (VaKorose 2:16) Nei Mwari akapa Mutemo kusanganisira weSabata kubvira pakutanga?

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu.” Akabva atizve: “Asi zvino kutenda zvakwakasvika, hatisisiri pasi pomuperekedzi.” (VaGaratiya 3:24, 25) Pane kuti achinje mafungiro ake, Mwari akashandisa Sabata sourongwa hwenguva pfupi kuti adzidzise vanhu vake kuti vanofanira kugara vachiwana nguva yokufungisisa zvinhu zvokunamata. Kunyange zvazvo mutemo weSabata waiva wenguva pfupi wairatidza kuti matambudziko evanhu uye okunamata achapera zvachose.—VaHebheru 4:10; Zvakazarurwa 21:1-4.

Mwari Akavimbika uye Ane Rudo

Mienzaniso yomuBhaibheri yataurwa pamusoro apa inoratidza kuti Jehovha Mwari anopa mirayiridzo yakasiyana-siyana pane dzimwe nguva. Asi izvozvo hazvirevi kuti anenge achinja mafungiro ake. Asi anoita zvinhu maererano nezvinenge zvakakodzera vanhu vake pamamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, uye anozviitira kuti vabatsirwe. Ndizvo zvaari kungoitawo mazuva ano.

Nokuti Jehovha haachinji mitemo yake, tinogara tichiziva nguva dzose zvatinofanira kuita kuti timufadze. Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvakavimbiswa naMwari zvichazadzika. Jehovha anoti: “Ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira . . . Ndakazviumba, ndichazviitawo.”—Isaya 46:10, 11.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Mwari haambochinji mitemo yake yorudo nokururamisira

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Pauro akatsanangura kuti nokufamba kwenguva, zvipo zvinoshamisa ‘zvaizogumiswa’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

Vanhu vaviri vakaroorana vaifanira kuva noukama hunogara narini

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe