RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 6/1 pp. 24-25
  • Rwendo Rwokuenda “Kunogumira Nyika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwendo Rwokuenda “Kunogumira Nyika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanyira Hama Dzedu Dziri Munyika Yakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 6/1 pp. 24-25

Tsamba Inobva kuRussia

Rwendo Rwokuenda “Kunogumira Nyika”

NDEGE yedu duku yakasimuka kubva kuYakutsk uye payakanga yava mugwenga rinonzi Tuymaada yakanga yava mudenga zvikuru. Takabhururuka nepamusoro penyanza dzakasiyana-siyana, tikapfuura nepamusoro penzvimbo inonzi Verkhoyanskiy, zuva richipenya nepamusoro pemakomo aiva nesinou pamusoro. Tabhururuka kwemakiromita 900, takazomhara mumusha weDeputatskiy.

Aka ndiko kaiva kekutanga kuita nzendo dzokuSakha Republic, inozivikanwawo seYakutia, nyika yakanaka asi isina mamiriro okunze akanaka, uye yakakura kupfuura dzimwe nzvimbo dziri kuWestern Europe. Ndiyo nzvimbo inogona kuita matembiricha anosvika 40°C muchirimo kana kuti -70°C muchando uye kunowanikwa zvakasara zvemhuka dzisingachawaniki dzakapera kufa kare. Kunyange zvazvo pava nemakore akawanda kubva pandakapedzisira kuendako, ndichiri kuyeuka sezvichangoitika pandaiona taundi duku iri rakavharwa nemhute, chiedza chichipenya kuchamhembe, uye vaYakut vanofara uye vakashinga.

Hatina kugumira mumusha unonzi Deputatskiy. Ini newandaifamba naye taifanira kushanyira mimwe misha. Wokutanga wainzi Khayyr, waiva makiromita 300 kuchamhembe, pedyo nenyanza yeLaptev, kuchamhembe kweSiberia. Nei takaronga kuva nerwendo urwu? Izvi zvisati zvaitika, chimwe Chapupu chaJehovha chakanga chambouya kumisha iyi uye chakanga chawana vanhu vakawanda vaida kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Uye isu vaiva kuYakutsk, iyo yaiva kure nenzvimbo yacho nemakiromita 1 000, ndisu taitova pedyo pane vamwe! Takaona kuti vanhu ava vaida kukurudzirwa uye kubatsirwa.

Patakasvika muDeputatskiy, takawana murume aienda kuKhayyr nemotokari, uye akati aizotitakura pasina kubhadhara. Takambotya patakaona motokari yake—yakagadzirwa panguva yeSoviet uye yakanga yava mugweje zvawo wasakara. Zvisinei, takati chauya chauya, uye takaenda naye manheru iwayo. Hataimboziva kuti chii chaive chakatimirira.

Masiti emumotokari aitonhora zvisingamboiti, hazvina kumbotitorera nguva kuona kuti aisazombodziya. Patakangowana mukana takakumbira kumbomira uye takavhendenyura mabhegi edu tichitsvaka mbatya dzinodziya, dzatakavirikidza. Asi chando chacho chaikwidza hamba mumuti.

Dhiraivha wedu, uyo aiva nenguva yakawanda achigara kuchamhembe, aifara zvake. Akangoerekana abvunza kuti, “Makamboona here chiedza chokuchamhembe?” Ndakanga ndisati, saka akamisa motokari ndokubva tabuda. Kwekanguva takambokanganwa zvekutonhorwa. Ndakamira ndikabva ndati maziso ndee ndakatarisa chiedza chaipenya zvinoshamisa, chichiita sejira rine mavara akasiyana-siyana riri kuvharika richivhurika riri pamusoro pedu—chishamiso ichi chaiita sechaiva pedyo nesu.

Tiri mubani rine chando ava mambakwedza motokari yedu yakanyura musinou. Takabatsira dhiraivha kubudisa motokari mayakanga yanyura, uye takanyura kanoverengeka patakanga takananga kuKhayyr mumigwagwa yakagadzirwa musinou. Takazoziva zuva rabuda kuti yataiti migwagwa dzaiva nzizi dzakanga dzaomeswa nechando! Pakupedzisira ava masikati takasvika kuKhayyr, uye pakanga papera maawa 16 kubva patakanga tabva kuDeputatskiy. Kunyange zvazvo taitarisira kurwara pashure pokurohwa nechando, takamuka mangwana acho takasimba. Zvigunwe zvangu chete ndizvo zvakanga zvava nechiveve zvichikonzerwa nechando. Vanhu vomumusha uyu vakandipa mafuta okuti ndizore.

Kakawanda, taishanyira vanhu mudzimba dzavo kuti titaure navo nezvemashoko akanaka. Zvisinei kuno kuKhayyr, vanhu vacho pavakangoziva kuti takanga tasvika, vakatouya vachititsvaka! Zuva nezuva kwevhiki mbiri nehafu, taidzidza Bhaibheri nevanhu veko, dzimwe nguva kubva mangwanani-ngwanani kusvikira usiku. Zvainakidza zvikuru kuonana nevanhu vane ushamwari, vanofarira vanhu uye vachifarira zvinhu zvine chokuita naMwari. Vakadzi vakawanda vechiYakut vakatiudza kuti: “Tinotenda muna Mwari. Kuuya kwamaita kuno kunogumira nyika, zvinoratidza kuti Mwari ariko!”

Tainakidzwa netsika dzavo. Somuenzaniso, vanhu vanounganidza matombo echando parutivi rwedzimba dzavo sezvinoitwa huni. Pavanenge vava kuda mvura, vanongotora dombo rimwe chete, vorimisa muketero inenge iri pamoto kuti rinyunguduke. Vanhu vacho vakatipa hove dzomuArctic dzinonzi chir, dzinonaka kana dzikabikwa sestroganina, machikichori ekwavo. Hove iyi inotonhodzwa kusvika yava chando painongobatwa, yoitwa midzonga midzonga, yoiswa munyu nemhiripiri uye yobva yadyiwa ipapo. Vanhu veko vanofarira kuudza vamwe nezvezvinhu zvavanowana muvhu, zvakadai senyanga dzenzou, uye miti yekare, zvavanogara vachiwana munzvimbo iyi.

Ndichibva kuKhayyr, ndaiita nzendo dzemazana emakiromita, kakawanda nendege, kuti ndishanyire vaya vaifarira Bhaibheri vaiva mumisha yokuYakutia. Chokwadi vanhu veko vaiva noushamwari uye vaine rudo! Pane imwe nguva ndakasangana nekamwe kakomana kakaona kuti ndaitya kubhururuka nendege. Kuti kandikurudzire, kakandigadzirira kadhi. Kakadhirowa shiri mbiri duku nekandege ndokunyora kuti: “Sasha, kana wava kubhururuka mundege, usatya kudonha. Mateu 10:29.” Ndakabayiwa mwoyo pandakatarisa ndima yacho! Ipapo, ndakaverenga mashoko aJesu nezveshiri mbiri duku anoti: “Hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.”

Ndangorondedzera zvinhu zvishoma pane zvakawanda zvandakaona kuYakutia. Nzvimbo iyoyo inotonhora haizomboiti kuti ndikanganwe vanhu vakanaka vane ushamwari vanogara “kunogumira nyika.”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Takaona kuti vaYakut vanhu vane ushamwari uye vanofarira vamwe vanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe