Ndinofara Pasinei Nematambudziko—Kubatsirwa Kwandakaitwa neBhaibheri Kuti Nditsungirire
YAKATAURWA NAENRIQUE CARAVACA ACOSTA
Waiva musi waApril 15, 1971. Ndaida kushanyira mhuri yangu yaigara kupurazi remhuri yedu. Ndakanga ndarova chaizvo saka ndaitarisira zvikuru kuona munhu wose. Ndaizvibvunza kuti ndaizowana munhu wose ari pamba here uye wandaizotanga kuona. Pandakasvika, ndakarohwa nehana kuona vanhu vana—kusanganisira amai vangu—vakanga vapondwa!
NDAKASHAYA neromuromo. Chii chakanga chaitika? Ndaifanira kuitei? Pakanga pasina munhu uye ndakavhiringika ndokushaya pekutangira. Ndisati ndaenderera mberi nenyaya yangu, regai ndikuudzei zvishoma nezveupenyu hwangu. Zvadaro muchanzwisisa zviri nani kuti ndakanzwa sei pakaitika izvi uye dzimwe njodzi dzakaitika muupenyu hwangu.
Takawana Chokwadi
Ndakaberekerwa muguta rinonzi Quirimán, pedyo netaundi yeNicoya, muCosta Rica. Muna 1953, pandaiva nemakore 37, ndaigara nevabereki vangu papurazi remhuri yedu. Kunyange zvazvo takarerwa tichipinda Chechi yeRoma, takanga tisingafariri dzimwe dzidziso uye taiva nemibvunzo yakawanda yatakanga tisingapindurwi.
Rimwe zuva ari mangwanani, mumwe murume ainzi Anatolio Alfaro akauya kumba kwedu akatikurudzira kudzidza Bhaibheri. Akatiratidza magwaro akawanda uye zvinodzidziswa neBhaibheri. Baba, Amai, munin’ina wangu, hanzvadzi yangu, neshamwari yayo yataigara nayo, neni takagara pasi tose tichiteerera. Takapedza zuva rose tikasvika usiku tichingokurukura. Taiva nemibvunzo yakawanda.
Anatolio akarara pamba pedu akaswera nesu mangwana acho. Takanakidzwa zvikuru nezvatainzwa uye takatonyanya kufadzwa nokuti mibvunzo yedu yaipindurwa neBhaibheri. Kukurukurirana kwatakaita kwakatibatsira zvikuru. Takafunga nezvezvatakanga tadzidza uye tikaziva kuti takanga tawana chokwadi. Anatolio akatisiyira magazini uye mabhuku anotaura nezveBhaibheri. Kana ava manheru, taiverenga nekudzidza mabhuku acho pamwe chete semhuri. Zvaiva zvakati omei nokuti takanga tisina magetsi. Tisati tagara pasi kuti tidzidze, mumwe nomumwe aitora saga hombe rembatatisi kuti avhare makumbo netsoka dzake kuitira kuti asarumwa neumhutu.
Papera mwedzi mitanhatu, vanhu vashanu vemumba medu, vaisanganisira vabereki vangu neni, vakabhabhatidzwa. Zvakatifadza chaizvo zvokuti takatanga kuenda paimba neimba kuti tiudzewo vamwe zvatakanga tadzidza. Taifamba netsoka kwemaawa maviri uye dzimwe nguva taikwira mabhiza pataienda kutaundi rinonzi Carrillo kuti tinosangana nerimwe boka reZvapupu zvaJehovha ikoko. Anatolio akaramba achiuya kumba kwedu kuti adzidze Bhaibheri nesu. Misangano yakarongwa kuti iitirwe pamba pedu, uye yaipindwa nevanhu vasere. Pakupedzisira vose vakabhabhatidzwa. Pasina nguva boka iroro rakakura rikava ungano duku yevaparidzi 20.
Kuita Basa raMwari Nguva Yakazara
Nokufamba kwenguva hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yekuCosta Rica yakakoka vaya vaida kuita basa rokuparidzira nguva yakazara. Muna 1957, ndakabvuma uye ndakatanga kuita basa renguva yakazara. Basa iri rainakidza zvekuti. Kakawanda ndaifamba ndoga kwemaawa kuti ndinoona vanhu vaiva kumaruwa. Dzimwe nguva vaisafarira. Ndinoyeuka pandakambotyisidzirwa kanopfuura katatu nevarume vaiva nematemo vachida kuziva kuti ndaiva ani uye ndaida kuitei.
Kare muma1950, migwagwa yakawanda yaingova tunzira twakapfumbira twaiva musango, uye tainetseka kuwana vanhu. Kuti tisvike kune dzimwe nzvimbo, taitofanira kukwira mabhiza. Taiyambuka nzizi uye dzimwe nguva tairara panze usiku hwose. Taibayiwa nekurumwa neumhutu. Taifanirawo kungwarira nyoka nemakarwe. Nezvose izvi, ndakanakidzwa zvikuru nokubatsira vanhu kuti vadzidze nezvaJehovha Mwari. Pandaidzokera kumba, ndaifara uye ndaigutsikana nokukwanisa kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri. Pandaiita basa rangu uye pandaidzidza Bhaibheri zuva nezuva, ndaiwedzera kuda Jehovha Mwari, uye ndainzwa ndichiswedera pedyo naye.
Nokufamba kwenguva ndakapiwa mamwe mabasa okuita. Kwemakore anopfuura gumi, ndakashanda somutariri anofambira, ndichishanyira uye ndichisimbisa ungano, dzakasiyana-siyana vhiki imwe neimwe, mune imwe nzvimbo. Kunyange zvazvo utano hwakaita kuti ndirege kuita basa iri, ndakaramba ndichinakidzwa nokuparidzira, ndichishumira Mwari nguva yakazara.
Ndinowirwa Nematambudziko
Zvadaro, pandakanga ndichiri kuNicoya muna 1971, ndakashanyirazve mhuri yangu. Pandaipinda mumba, ndakawana amai vangu vaiva nemakore 80 vakazvambarara pasi. Vakanga vapfurwa uye vachekwa-chekwa. Pandakapfugama kuti ndivabate, vakanga vachiri kufema. Papera kanguva vakafira mumaoko angu. Ndakatarisa mumba imomo, ndokuwana mushandi aivabikira uyo akanga akazvitakura kwemwedzi misere ari pasi. Akanga afawo. Ndichiri kurwadziwa, ndakawanawo vamwe hanzvadzi vavaipinda navo muungano vakafawo vari mukoridho, uye mwanakomana wemushandi akanga afawo ari muimba yokugezera. Vose vakanga vachekwa-chekwa zvine utsinye uye vakanga vapfurwa. Ndiani angave aita utsinye hwakadai, uye achizviitirei?
Pandakabuda panze, ndakawana baba vangu varipo. Vakanga vapfurwa mumusoro asi vakanga vachiri vapenyu! Ndakamhanya kumba kwemunin’ina wangu, kwaiita maminitsi 15 kuti usvikeko, ndakasvikowana kuine mumwe mudzimai nemwanakomana wake vakanga vaurayiwawo. Zvakandigura kunorira pandakaziva kuti mhondi iyi yaiva muzukuru wangu aiva nemakore 17, akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye airwara nepfungwa! Akanga atiza. Mapurisa akatanga kumutsvaka, uye muCosta Rica makanga musina kumboita chipatapata chokutsvaka mhondi chakadaro.
Nhau dzomunyika iyi dzaingotaura nezvenyaya iyi. Papera mazuva manomwe mapurisa akabata mhondi yacho, iyo yakanga iine banga hombe nechivhorovhoro chaakanga atengeserwa nemumwe munhu aiziva zvake kuti airwara nepfungwa. Muzukuru wangu akapfurwa ndokufa pavaiedza kumubata.
Paaitsvakwa, vakawanda vakandiudza kuti nditize munzvimbo iyoyo vachityira kuti muzukuru wangu aigona kudzoka akandikuvadza. Ndakanyengetera nezvazvo nokuti ndainzwa kuti ndaifanira kuva nevamwe vomumhuri yedu vakanga vasara uye nevomuungano. Saka ndakaramba ndiri munzvimbo iyi.
Kunetswa Nematambudziko Aingoita Zvokudirana
Zvinosuwisa kuti Baba vakangorarama kwegore rimwe chete. Gore rakatevera racho, hanzvadzi yangu, yaiva mushumiri akatendeka waJehovha Mwari, yakapondwa pane imwewo nguva yakasiyana. Zvakare, hama dzangu dzose dzakarwadziwa nokufirwa nomumwe munhu womumhuri yedu. Handigoni kutsanangura nemashoko kurwadziwa nokusurukirwa kwatakaitwa isu neshamwari dzedu. Mumatambudziko ose aya, ndakavimba zvizere naJehovha ndokuramba ndichimukumbira kuti andipe simba.
Muna 1985, ndakapinda kirasi yemazuva matatu yevakuru vechiKristu muguta guru rinonzi San José. Ndapedza kudzidza, ndakanzwa ndakurudzirwa zvikuru mune zvokunamata. Mangwanani-ngwanani oMuvhuro ndakafamba ndichida kunokwira bhazi rokudzokera kumba. Pandaifamba ndichienda kuchiteshi chebhazi, ndakarwiswa nematsotsi akandidzvinya pahuro ndokundibira. Zvose izvi zvakaitika nokukurumidza zvokuti handina kukwanisa kuona zviso zvavo. Zvakaitika izvi zvakandikuvadza zvokuti handichakwanisi kukwazisa ndichitevedzera tsika yevanhu vokuCosta Rica. Kuno kupurovhinzi yokuGuanacaste, varume vanoshevedzera pavanosangana nokukwazisana kana kuti pavanosvika pane imwe nzvimbo. Ndaigona kushevedzerawo chaizvo, asi kubvira pandakarwiswa handichakwanisi kuzviita.
Muna 1979 ndakaroora Celia, chimwe Chapupu chaibva muungano yataive takavakidzana nayo. Celia aida Bhaibheri. Taiverenga nokudzidza Bhaibheri tose zuva roga roga. Zvinosuwisa kuti akafa nekenza muna July 2001. Ndinombosurukirwa pane dzimwe nguva, asi tariro yokuti vakafa vachamuka inondisimbisa.—Johani 5:28, 29.
Kufara Pasinei Nemiedzo
Kunyange zvazvo ndingave ndakasangana nematambudziko akawanda muupenyu hwangu kupfuura ane vanhu vakawanda, ndinoona miedzo iyi semikana yokuratidza kuti ndinotenda uye ndakavimbika kuna Jehovha. (Jakobho 1:13) Kuti ndirambe ndiine maonero akanaka pazvinhu zvakaitika muupenyu hwangu, ndinoramba ndichizviyeuchidza kuti “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11) Ndinoyeukawo kuti dzino i“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” nokuti vanhu vanotyisa, vane chisimba, uye havazvidzori. (2 Timoti 3:1-5) Ndinogara ndichiyeukawo muenzaniso waJobho. Pasinei nokutambura kwaakaita, kufirwa nemhuri yake, kurwara, uye kuparara kwepfuma yake—Jobho akaramba asingatsuduguki, akati: “Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.” Uye Jehovha akakomborera Jobho nokuti akaramba akavimbika. (Jobho 1:13-22; 42:12-15) Mashoko ose aya ari muBhaibheri anondibatsira kuti ndirambe ndichifara pasinei nemiedzo yangu yakawanda.
Jehovha ave achindibatsira nguva dzose kuti ndirambe ndichimuisa pakutanga muupenyu hwangu. Kuverenga Bhaibheri mazuva ose ndiko kunondinyaradza zvikuru uye kwave kuchindipa simba rokutsungirira. Nokunyengetera kuna Jehovha, ndinokwanisa kuva no“rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaFiripi 4:6, 7) Izvi zvinoita kuti ndive norugare mupfungwa. Kupinda nokuvawo nezvokuita pamisangano yechiKristu kunondisimbisawo mukutenda.—VaHebheru 10:24, 25.
Kunyange zvazvo ndakwegura, ndinoonga Jehovha kuti ndichine simba rokushanda nevamwe vangu vechiKristu, kudzidzisa vamwe Bhaibheri, uye kuparidzira. Kushumira vamwe seizvi kunondipa simba rokutsungirira kuora mwoyo. Nomwoyo wangu wose, ndinoonga Jehovha chaizvo pasinei nematambudziko angu akawanda andakasangana nawo muupenyu.a
[Mashoko Omuzasi]
a Makore maviri vatumira nyaya iri pamusoro apa, hama Enrique Caravaca Acosta vakafa vava nemakore 90.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
Kuverenga Bhaibheri mazuva ose ndiko kunondinyaradza zvikuru uye kwave kuchindipa simba rokutsungirira
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kare ndichiedza kukurukura hurukuro yeBhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 20]
Ndichiparidzira ndichiri muduku