Nei Bhaibheri Richibatsira Mazuva Ano?
“Magwaro matsvene ose akafemerwa naMwari uye anobatsira . . . nokudzidzisa magariro akanaka.”—2 TIMOTI 3:16, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva.
MUMAZANA ose emakore aya, Bhaibheri rakabatsira vanhu vemarudzi akawanda kuti vave noupenyu huri nani. Rugwaro rune mashoko ari pamusoro apa runotsanangura chikonzero nei Bhaibheri richibatsira zvakadaro—uchenjeri hurimo hunobva kuna Mwari. Kunyange zvazvo vanhu vakashandiswa kunyora Bhaibheri, rine pfungwa dzaMwari. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Petro 1:21.
Bhaibheri ibhuku rinobatsira munzira dzakawanda. Kutanga, rinopa maonero echokwadi nezvoupenyu hwakanaka. Chechipiri, rine simba rokuita kuti vanhu vachinje upenyu hwavo kuti vawane upenyu huri nani. Ngatimbokurukura nzira mbiri idzodzo.
Rinotipa Uchenjeri Hwokuita Zvinangwa Zvinobatsira
MuBhaibheri, Mwari akavimbisa kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pisarema 32:8) Ona kuti Mwari haasi kuda kungotipa zano chete asi anoda kutipawo njere, uye izvi zvinoreva kukwanisa kunzwisisa zvose zvinobatanidzwa pane chimwe chinhu. Kuva nenjere dzokugona kunzwisisa zvinangwa zvinonyatsobatsira kunotibatsira kuti tisatambisa upenyu hwedu tichitsvaka zvinhu zvisingabatsiri.
Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanova nechinangwa chokuva nomukurumbira kana kuva nepfuma muupenyu hwavo. Mabhuku akawanda emazano okuzvibatsira anopa mazano okuti unganyengedza sei vamwe kuti uwane mukurumbira kana kuti upfume. Asi, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kukwikwidzana nevamwe . . . hazvina zvazvinobatsira uye kudzingana nemhepo.” “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha.” (Muparidzi 4:4; 5:10) Izano rinotibatsira here mazuva ano?
Kuti tione kuti zano reBhaibheri rinobatsira sei, ngatimboonai zvakaitika kuna Akinori wokuJapan. Akinori akabudirira pazvidzidzo zvake pane imwe yunivhesiti yakakurumbira achikunda vamwe vaaidzidza navo zvikazoita kuti awane basa pane imwe kambani yakabudirira zvikuru. Zvinhu zvose zvaiita sezviri kumufambira zvakanaka. Asi, kubudirira kwake hakuna kuita kuti awane mufaro waaitarisira. Pane kudaro, kuzvidya mwoyo uye kuneta kwakakanganisa utano hwake. Shamwari dzake dzokubasa dzakanga dzisingakwanisi kumubatsira. Apererwa nezano, akatanga kudhakwa uye akatofunga zvokuzviuraya. Akabva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvaakadzidza zvakaita kuti achinje maonero aaiita upenyu. Pasina nguva, zvirwere zvake zvaikonzerwa nokuzvidya mwoyo zvakatanga kupera. Pane kuti atungamirirwe nokudada nokuvavarira kuita zvaaida, Akinori akazvionera kuti chirevo cheBhaibheri ndechechokwadi chinoti: “Mwoyo wakadzikama unopa upenyu kumuviri.”—Zvirevo 14:30, Bhaibheri Rinoera.
Ndechipi chaunoti ndicho chinangwa chinobatsira zvikuru muupenyu? Chii chaungaita chingaita kuti unyatsofara zvechokwadi? Kuva nemhuri inobudirira here? Kana kuti kuita kuti vana vako vave noupenyu hwakanaka here? Kuva neshamwari dzakawanda here? Kunakidzwa noupenyu here? Zvose izvi zvinangwa zvakanaka. Chokwadi, Bhaibheri rinotozvikurudzira, asi kwete kuti zvive zvinangwa zvinonyanya kukosha muupenyu. Richiratidza uchenjeri hunoshanda, Bhaibheri rinotaura nezvechinhu chinokosha kuti tiwane upenyu hunogutsa parinoti: “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” (Muparidzi 12:13) Patinorega kuita izvi zvatinosungirwa kuti tiite, upenyu hunoshaya chinangwa, hahunakidzi, uye hunoodza mwoyo. Asi, Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Munhu anovimba naJehovha anofara.”—Zvirevo 16:20.
Kubatsira Kunoita Bhaibheri Vanhu Kuti Vachinje
Muapostora Pauro akanyora kuti, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” Sezvinoita bakatwa rinocheka nekwose, rinokwanisa kusvika mupfungwa uye mumwoyo. (VaHebheru 4:12) Bhaibheri rine simba rokuchinja mararamiro evanhu nokuti rinovabatsira kuzviona sezvavari chaizvo kwete semafungiro avo. Vaya vane mwoyo yakarurama vanobva vaziva kuti vanofanira kuchinja. Somuenzaniso, nezvevaya vaiva muungano yechiKristu muKorinde yekare avo vaimbova mbavha, zvidhakwa, mhombwe, zvichingodaro, Pauro akati: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena, . . . nomudzimu waMwari wedu.” (1 VaKorinde 6:9-11) Mudzimu mutsvene waJehovha uri kushandawo uye une simba mazuva ano, uye unogona kuita kuti vanhu vachinje sezvinodiwa.
Mario, uyo anogara kuEurope aiita zvechisimba uye aisvuta nokutengesa mbanje. Pane imwe nguva, mumwe mupurisa paakamutorera zvinodhaka zvaaiva nazvo, Mario akatsamwa zvokuti akarova mupurisa wacho uye akaparadza motokari yake. Mario aivewo asingashandi uye akanga aine chikwereti chakakura. Aona kuti akanga asingakwanisi kupedza zvinetso zvake, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Paaifambira mberi, Mario akachenesa upenyu hwake, akarega kushandisa uye kutengesa zvinodhaka, uye akarega kuita zvechisimba. Vakawanda vaiziva nezvemararamiro aaimboita vakashamisika. Vaimumisa vomubvunza kuti, “Mario, ndiwe here?”
Chii chinoita kuti vanhu vakaita saAkinori naMario vachinje upenyu hwavo vonyatsofara uye vogutsikana muupenyu? Zviri pachena kuti izivo itsva nezvaMwari yavanowana nokudzidza Bhaibheri. Mwari chete ndiye anogona kupa mazano anobatsira atinoda kuti tibudirire muupenyu iye zvino uye kuti tive netariro yokurarama upenyu husingaperi mune remangwana. SaBaba, Jehovha Mwari anotaura kwatiri achishandisa Bhaibheri achiti: “Inzwa, mwanakomana wangu, ugamuchire mashoko angu. Ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji. . . . Paunofamba, nhanho dzako hadzizopinganidzwi; uye kana ukamhanya, hauzogumburwi. Batisisa kurangwa; usakuregedza. Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.” (Zvirevo 4:10-13) Izano ripi ringabatsira kupfuura rokuti titsvake kutungamirirwa noMusiki wedu?
[Bhokisi riri papeji 7]
Mazano Anobatsira Mazuva Ano
Bhaibheri rinotipa mashoko anobatsira anogona kutitungamirira mune zvose zvatinoita muupenyu mazuva ano. Heinoi mimwe mienzaniso:
• Kuva noukama hwakanaka nevamwe
“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12.
“Anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”—Ruka 9:48.
“Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.”—VaRoma 12:13.
• Kukunda tsika dzakaipa dzinokuvadza
“Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.
“Usava mumwe wevanonwisa waini.”—Zvirevo 23:20.
“Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa.”—Zvirevo 22:24.
• Kuva nomuchato wakasimba
“Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”—VaEfeso 5:33.
“Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VaKorose 3:12, 13.
• Kubatsira vana
“Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.
“Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.
• Kudzivisa kukakavadzana
“Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”—Zvirevo 15:1.
“Pakukudzana, tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.
Kunyange paushamwari, kusawirirana mune zvebhizimisi kunogona kudziviswa nokunyorerana chibvumirano. Saka, mushumiri waMwari Jeremiya akanyora kuti: “Ndakabva ndanyora gwaro rechibvumirano, ndikaisa chisimbiso, ndikashevedza zvapupu pandaiyera mari yacho muchikero.”—Jeremiya 32:10.
• Kuvavarira kuva nemafungiro akanaka
“Zvinhu zvose zvechokwadi, . . . zvinodiwa, . . . zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8.
Bhaibheri harikurudziri kuti munhu agare achifunga zvinhu zvakaipa uye rinoshora “vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu.” Rinoti: “Farai patariro.”—Judha 4, 16; VaRoma 12:12.
Kushandisa mazano aya akanaka hakuzongoiti kuti tive norugare uye tigutsikane chete asi kunotibatsirawo kuti tikwanise kuita zvinodiwa naMwari obva atikomborera. Bhaibheri rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Akinori paakanga ari muzvinabhizimisi (kuruboshwe) uye aine mudzimai wake achifara kuparidzira chokwadi nhasi