Bhaibheri—Nhungamiro Inoshanda nokuda Kwomunhu Wazvino Uno
“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runogona kushandiswa nenzira inobetsera . . . nokuda kwokutungamirira upenyu hwavanhu.”—2 Timotio 3:16, “The Jerusalem Bible.”
URWU rugwaro runotsanangura chikonzero chinokosha chimene nei Bhaibheri richishanda nokuda kwezuva redu. Rakafuridzirwa naMwari. Sezvo Mwari akatisika, hakuna munhu anoziva zvakawanda pamusoro pemiviri yedu, ndangariro, mirangariro, uye zvinodikanwa kupfuura zvaanoita. Mambo wechiIsraeri Dhavhidhi akamboti nezvaJehovha Mwari: “Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu.” (Pisarema 139:16) Kana Musiki wedu achiziva zvakawanda kwazvo pamusoro pedu, ipapo nenzira ino mufungo zano rake nepangiro pamusoro pokuti tinogona sei kuva vanofara navanobudirira muupenyu rinofanira zvirokwazvo kuva rakafanirwa nokunzvera.
Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti nheyo dzeBhaibheri dziri zvose zviri zviviri dzinoshanda nedzechokwadi nokuda kwezuva redu. Idzo dzakanangawo. Inotevera mienzaniso mina inoratidzira kushanda kwezuva riri rose kweBhaibheri.
Ukama Hwavanhu Nomufambiro Womunhu Oga: Bhaibheri rinotsigira bumbiro remitemo rakanaka retsika dzomunhu oga idzo dzinogona kutungamirira kuukama hwakanaka, hunobudirira navamwe. Somuenzaniso, rudzi rwaIsraeri rwakarairwa, kuti: “Usatsiva, kana kugara wakatsamwira . . . unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:18) Kunyange zvazvo tisiri pasi pomutemo wechiIsraeri, kutevera nheyo dzawo dzeBhaibheri kunogona kutibetsera kuva norugare nomunhu biyedu. Fungidzira, somuenzaniso, kuti zvinetso zvingani zvingagona kupedzwa kudai munhu ari wose akaedza kusakurira mavara omudzimu anowanwa pana VaGaratia 5:22, 23, (NW): “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hapana mutemo unorwisana nezvinhu zvakadaro.”—Enzanisa naVaRoma 8:5, 6.
Sezvineiwo, apo dzvinyiriro dzoupenyu dzinowedzera, nyanduko nerwisano kazhinji kazhinji zvinomuka. Mumigariro yakadaro, kushandisa mashoko enyevero anowanwa pana Zvirevo 29:11 kungagona kutidzivisira nhamo yawakanda. “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; asi munhu akachenjera unodzidzora nokudzinyaradza.”—Enzanisa naZvirevo 15:1; Mateo 7:12; VaKorose 3:12-14.
Izano rakanaka—asi rinoshanda here muupenyu chaihwoihwo? Rangarira chinoitika chomumwe murume muFrance uyo aiva nechinetso chakakomba nehasha dzake. Nguva dzisingaverengeki iye aiguma ava muchinetso, kunyange mutorongo, nokuda kwokubatanidzwa mukupopotedzana. Kuva kwake murwi nyanzvi hakuna kubetserawo. Pane imwe nhambo kupopotedzana kwakavamba pakati pouyu murume nababa vake. Chinhu chinotevera chaakaziva, akanga ariga baba vake nechibhakera chimwe. Mukaha wakakasharara muukama hwavo wakatevera.
Munguvayo, uyu murume akaonana neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kudzidza nheyo dzeBhaibheri. Ikoku kwakamusunda kusanoongorora nzira yaakanga achizvibata nayo amene kuvamwe. Nenhamburiko huru mufambiro wake womunhu oga wakavamba kuchinja, uye iye akava ane rugare zvikuru. Ipapo rimwe zuva murume wacho akadzokera kuna baba vake kundoita rugare. Baba vake vakaororwa kwazvo nechinjo mwanakomana wavo akanga aita zvokuti ukama hwavo hwakadzorerwa.
Uyu ndimumwe wemienzaniso yakawanda inopupurira zvokwadi yamashoko omuapostora Pauro, anoti: “Shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri . . . rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.”—VaHebheru 4:12.
Upenyu Hwemhuri: Mhuri yenyu inofara here? Mhuri dzakawanda hadzisati. “Kuti upenyu hwemhuri sesangano hunotyisidzirwa zvino kune chokwadi,” rinotsinhira kudaro The Natal Witness, rimwe pepanhau reSouth Africa, richiwedzera kuti “vana vanhasi vari kuberekerwa munzanga inopanduka.”
Bhaibheri, zvisinei, rakazara nezano rinoshanda rakarongedzerwa kubetsera mhuri kubudirira kunyange apo zvinetso zvinomuka. Pamusoro pebasa ravarume, somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene.” Apo murume anoita ichi chinodikanwa, mufarwa kuti mudzimai wake adzorere kupfurikidza nokuva no“ruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” (VaEfeso 5:25-29, 33, NW) Ukama hwapakati pavabereki navana hunotsinhirwa pamusoro pahwo muna VaEfeso 6:4 (NW), kuti: “Uye imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Ikokuwo kunoparira mugariro wemhuri unoita kuti kuve kuri nyore zvikuru kuti vana vatevere murairo weBhaibheri ndokuteerera vabereki vavo.—VaEfeso 6:1, NW.
Uchangobva kududzwa muenzaniso zvawo wetsinhiro yeBhaibheri paupenyu hwemhuri. Kupfurikidza nokugamuchira nhungamiro yaMwari, vazhinji vakawana budiriro ndokufarikanya mufarwa mumusha. Edward, baba wavaviri, anotsanangura betsero dzaakafarikanya kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri. “Roorano yangu yakanga yopunzika,” iye anoyeuka kudaro. “Ndakanga ndisina nguva yokuva noukama hune revo navana vangu. Chinhu bedzi chakatiunganidza pamwe chete kwakanga kuri kushandisa kwedu izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro poupenyu hwemhuri.”—Zvirevo 13:24; 24:3; VaKorose 3:18-21; 1 Petro 3:1-7.
Utano Hwendangariro, Hwomuviri, uye Hwemirangariro: Nzvero yakaratidza kuti, kusvikira kumwero wakati, utano hwomuviri womunhu hwakabatanidzwa nomugariro woutano hwake hwendangariro nohwemirangariro. “Zviratidzo zvinozivikanwa navose zvokunetseka,” inodaro The World Book Encyclopedia, “zvinobatanidza mwero wakawedzerwa womwoyo, simba reropa rakakwira zvikuru, nyanduko yetsinga, kupera mwoyo, uye kukwanisa kupa ngwariro.” Vamwe vanodavira, zvisinei, kuti kutevedzera zviito zvamasimba masimba inzira yokusunungura nayo kunetseka. “Tsiva dzinogona kuva mukundi mukuru wokunetseka,” rinotaura kudaro pepanhau reSouth Africa, The Star. Iro rinonokora mashoko enyanzvi inobvunzwa nezvoutano Jannie Claasens, anoti: “Kana mukadzi ava nezuva rinokangaidza zvikuru kwazvo, anogona kubudisa kunyanduka kwake kupfurikidza nokurova bhegi.”
Hakusati kwaizova kuri nani zvikuru here, kunyanguvezvo, kudzidza kudzora chisakiso chikuru chekangaidziko? Mupepanhau rinonzi Stress—The Modern Scourge, Dr. Michael Slutzkin anotaura kuti “kuzivikanwa kwokunetseka . . . kunokosha, nemhaka yokuti zvakawanda zvezvisakiso zvinorapika.” Iye anowedzera kuti “kudzora kunetseka . . . kungatosimudzira muitiro wokuporesa mumhatsa yemigariro.”
Bhaibheri rinotsanangura nzira inobudirira zvikuru umo kunetseka kunogona kudzorwa namo: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kudzora kunetseka neiyi nzira kune betsero dzakawanda—kunyange mumuviri. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinokutaura neiyi nzira: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Chimwe chirevo chinoti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.”—Zvirevo 17:22.
Mukuedza kunzvenga kunetseka nedzvinyiriro, vazhinji vanovimba nefodya, chinodhaka, mirimo. Kuvadziko iyo kupindwa muropa kwakadaro inoparira inosanotsigirwa. Bva, Bhaibheri nguva dzose rakatsigira kudzivisa “chinosvibisa chiri chose chenyama.” (2 VaKorinte 7:1, NW; enzanisa naZvirevo 23:29-35.) Zvirokwazvo, kudzivisa miitiro yakadaro inokuvadza itaviridzo inoshanda munyika yanhasi.
Basa, Mari, uye Kutendeseka: Usimbe hahutongobhadhari. “Simbe hairimi kana kune chando; saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo,” inodaro Zvirevo 20:4. Basa rakaoma, pane rumwe rutivi, rinobhadhara. “Wakaba, ngaarege kubazve,” inodaro VaEfeso 4:28. Rugwaro urwu runowedzera kuti kuri nani zvikuru kuti “atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka kuti ave nechaangapa unoshaiwa.”—Enzanisa naZvirevo 13:4.
Waiziva here kuti nheyo dzeBhaibheri dzinogona kushandiswa kunyange kuukama munzvimbo yebasa? Vashandi, kufanana na“varanda” vomunguva dzeBhaibheri, vanoita zvakanaka ku“teerera muchinhu chiri chose avo vari vanatenzi [vavo] mupfungwa yokunyama.” Vanabhasi, kana kuti “vanatenzi,” pane rumwe rutivi, vanofanira “kuramba vachipa chiri chakarurama nechiri chakanaka” kuvashandiri vavo.—VaKorose 3:22-24, NW; VaK 4:1; enzanisa na 1 Petro 2:18-20.
Zvakawanda zvinotaurwa muBhaibheri pamusoro pemiitiro yebhizimisi yokutendeseka. Kunyange zvazvo kuchishaika nenzira inosuruvarisa nhasi, kutendeseka kunowanzozivikanwa ndokuongwa sevara rinodikanwa. Izvi ndizvo zvinosimbisa Bhaibheri. Jesu akamboti: “Wakatendeka pazvinhu zvidukuduku, wakatendekawo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zvidukuduku, haangaruramiwo pazvikuru.”—Ruka 16:10; enzanisa naZvirevo 20:10; 22:22, 23; Ruka 6:31.
Muimwe nyika yeAfrica, basa rokuchera dhaimani yakanga iri nzvimbo yokuba kwakawanda noushati. Kwakasarudzwa kuisa munhu akasiana kuti atarisire. Makurukota ehurumende akakumbirwa kuti ape mazita aavo aifunga kuti vaizova vakakodzera nokuda kwenzvimbo yacho. Apo dare ramakurukota rakasangana kuti risarudze, mazita akabviswa rimwe pashure perimwe, zvikurukuru nokuda kwoushati. Pakupedzisira, akasvika pazita rokupedzisira pandaza yacho—chisarudzo chapurezidhendi.
“Asi iye haasati ari mutezo webato!” rakaramba kudaro rimwe gurukota.
Purezidhendi akapindura kuti iyi yakanga isiri nzvimbo yezvamatongerwe enyika.
“Iye ndimumwe weZvapupu zvaJehovha,” akadaro mumwe.
“Uye ndicho chikonzero nei achiwana basa racho,” akadaro purezidhendi. Iye ipapo akawedzera, kuti: “Isu tinoziva kuti izvo zvakatendeseka, uye urwu ndirwo rudzi rwomunhu rwatinoda. Tinoziva kuti tinogona kumuvimba.”
Hungu, avo vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri kazhinji kazhinji vanowana kuti ikoku kunovabetsera kunyange munyika yanhasi.
Koshesa Uchenjeri Hunoshanda
Tangorangarira mienzaniso miduku bedzi yechinoreva “kuwana zivo imene yaMwari.” (Zvirevo 2:1-9, NW) Zano rakawanda rakakodzera, rinoshanda rinowanwa muBhaibheri. Nheyo dzine chokuita norucheno, kubishaira, kurukurirano, vatano, chatanuro, kubhadharwa kwemitero, kubata nemisiano yohunhu, uye kugonana nourombo anongova chete mamwe amativi oupenyu anorangarirwa neBhaibheri. Mamirioni achapupurira kuti musiano uri pakati pebudiriro nekundikano muupenyu hwavo wakatsamira pamwero wavakashandisa nheyo dzeBhaibheri.
Nepo kushanda kwapakarepo kweBhaibheri kuchivimbiswa, rinopawo betsero dzakawanda dzenguva refu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinopikira kuti chisakiso chapakuvamba chamarwadzo nokutambura munyika yanhasi chichakurumidza kururamiswa kupfurikidza nepindiro youmwari.—Dhanieri 2:44; 2 Petro 3:11-13; Zvakazarurwa 21:1-5.
Naizvozvo, tinokukurudzira kudzidza zvakawanda sezvaunogona pamusoro peBhaibheri. Kana usina kopi, iva nechokwadi chokuiwana. Vabudisi vamagazini ino vachakubatsira nomufaro. Seizvo vamwe vazhinji vakabetserwa nokushandisa zvikarakadzo zvinoshanda zvinobva muBhaibheri, iwewo unogona kubetserwa kunzwisisa ukoshi hweShoko raMwari, mose muri muviri zvino nomunguva yemberi.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Bhaibheri inhungamiro inoshanda nokuda kwokuita kuti upenyu hwemhuri hufadze