Kutsvaka Mazano Anobatsira
KANA uri kutsvaka mazano, aripo akawanda. Mabhizimisi anobudisa mazano okuzvibatsira ari kuwanda chaizvo munyika yose. Munyika dzakasiyana-siyana dzakadai seBritain, Latin America, Japan, neUnited States, mabhuku ane mazano okuzvibatsira ndiwo ari kunyanya kutengwa. Mavhidhiyo, misangano, uye mapurogiramu eTV anotaura nezvemazano okuti munhu angazvibatsira sei zviri kuwandawo. Chinoita kuti vanhu vafarire zvinhu izvi ndechokuti zvinopa pfungwa yokuti unogona kugadzirisa woga zvinenge zvichikunetsa, usingabvunzi nyanzvi dzemazano, vanopa mazano kune vakaroorana, kana vafundisi. Inyaya dzipi dzinenge dzichimbotaurwa nezvadzo?
Nyaya dzinonyanya kutaurwa nezvadzo ndedzokurera vana, kuti ungakwanisa sei kubudirira kuita zvinangwa zvako, ungagutsikana sei norudo mumba. Dzimwewo dzinotaura nezvokuti ungatsungirira sei kuora mwoyo, kurwadziwa, uye zvinetso zvinokonzerwa nokurambana. Uyewo vanhu vakawanda vanofarira chaizvo mazano anotaura kuti vangakunda sei matambudziko okudyisa, kusvuta, uye kudhakwa. Mazano acho anobatsira here? Dzimwe nguva anobatsira, asi kashoma. Saka, kuchenjera kufunga nezvezano iri reBhaibheri rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.
Mabhuku anopa mazano okuzvibatsira akasiyana chaizvo nemabhuku emirayiridzo anodzidzisa unyanzvi hwokutora mapikicha, akaunzi, kana mutauro. Mabhuku emirayiridzo anogona kubatsira uye haadhuri saka angashandiswa nomunhu pane kuti aite kosi inodhura. Asi mabhuku okuzvibatsira akasiyana nemabhuku emirayiridzo pasinei nokuti ndeebhizimisi, ndeomuchato, ndeokurera vana kana kuti ndeeutano hwepfungwa here. Anowanzotsigira ruzivo rwomumwe munhu kana mamwe mararamiro. Saka kuchenjera kubvunza kuti: ‘Ndiani ari kupa mazano acho? Mazano ake akaawana kupi?’
Hapasi pose apo nyanzvi dzinopa mazano dzichitora pamashoko akanyatsoongororwa. Vamwe vangapa mazano avanoziva kuti anotengwa zvikuru, vachiziva kuti achavawanisa mari yakawanda kana vakaudza vanhu zvavanoda kunzwa. Mune imwe nyika, mabhizimisi anobudisa mazano okuzvibatsira anowana mari yokuUnited States inopfuura mabhiriyoni masere gore roga roga!
Mabhuku Anopa Mazano Okuzvibatsira Anobatsira Zvakadini?
Paunotsvaka mazano okuzvibatsira, unenge uchitarisira kuwana mazano anobatsira. Zvisinei, dzimwe nguva unowana mazano asingabatsiri. Kakawanda, mabhuku acho anokuudza kuti: ‘Kana ukangova nemafungiro akanaka, uchabudirira. Chipi nechipi chaunoda, ingava mari, utano, kana kuva noukama hwakanaka nevamwe, uchazviwana kana uine mafungiro akanaka uye uine tariro.’ Zano rakadaro rinobatsira kupedza zvinetso zvako here? Richakubatsira kutarisana nechokwadi choupenyu uye zvimwe zvinoodza mwoyo muupenyu here?
Somuenzaniso, chimbofunga nezvemabhuku anotaura nezvoushamwari nevamwe uye ushamwari hwevanhu vakaroorana, dziri nyaya dzinonyanya kufarirwa nevanhu. Mabhuku acho anobatsira vanhu kuti vave nemhuri dzakasimba dzinofara here? Kashoma. Mumwe anoita zvokuongorora mabhuku akataura kuti, munyori wemabhuku emazano okuzvibatsira anotaura nezvorudo ayo anotengwa zvikuru muLatin America “anoudza vaverengi nezvokuti vangava sei noukama hwakanaka hwakasimba uye kuti vangagona sei kuzvivimba.” Munyori wacho anoti kuramba uri mumhuri isina kuwirirana kuzvinyengera. Pfungwa inobuda ipapo ndeyokuti, chinokosha ndechokuti munhu aite zvinhu zvinoita kuti iye afare pane kuti aone pane chinetso obva aedza kuchigadzirisa.
Ichokwadi kuti mabhuku emazano okuzvibatsira anogona kuvawo nemamwe mazano akanaka anobatsira. Asi, anogonawo kupa mazano anokuvadza. Nyanzvi inogona kupa mazano anobatsira pane imwe nyaya asi mazano acho pane imwewo nyaya anogona kuita kuti zvinhu zvitonyanya kuipa. Hazviiti kuti unyatsosarudza zvakanaka pamazano akawanda, ayo asingawanzowirirani, anowanika mumabhuku acho. Mazano aani aungavimba nawo? Zvibvunze kuti: ‘Zano racho rakanyatsoongororwa here, kana kuti angori mafungiro omunyori wacho? Kuvimbika kwomunyori wacho hakuna kukanganiswa nokutsvaka mari kana mukurumbira here?’
Rimwe bhuku remazano rave richibatsira kwenguva yakareba iBhaibheri. Rinopa maza- no anobatsira panyaya dzakawanda dzinotaurwa nemabhuku emazano okuzvibatsira nedzimwewo nyaya dzakawanda. Rakaita kuti mamiriyoni evanhu atevedzere zano rinoti: “Munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande . . . Munofanira kupfeka unhu hutsva.” (VaEfeso 4:23, 24) Bhaibheri rinopa uchenjeri hwokuona zvinoita kuti tive nezvinetso uye rinotidzidzisa kuti tingazvikurira sei. Chinotonyanya kukosha ndechokuti rinopa zvikonzero zvakasimba nei tichifanira kuita zvakanaka. Nyaya inotevera ichatsanangura kuti nei zvakadaro.