RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 4/1 p. 3
  • Kutsvaka Mhinduro Dzakarurama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Mhinduro Dzakarurama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Mazano Anobatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko aJehovha Epanguva Iyoyo Uye Iye Zvino
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Mhinduro Dzinobatsira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 4/1 p. 3

Kutsvaka Mhinduro Dzakarurama

Ndingaitei kuti ndirambe ndiine utano hwakanaka?

Ndingaitei kuti mhuri yangu iwedzere kufara?

Ndingaitei kuti ndinatsiridze mikana yokuchengetedza basa rangu?

WATI wambobvunza mumwe wemibvunzo iyi here? Wakawana mhinduro dzinobatsira dzakanyatsoshanda here? Gore roga roga, panobudiswa mabhuku akasiyana-siyana anenge 2 000 anopa mazano panyaya idzi nedzimwewo dzinokosha. MuBritain yoga, vaverengi vanopedza mari inenge mapaunzi mamiriyoni 80 (mari inenge mamiriyoni US$150) pagore vachitenga mabhuku anopa mazano okukunda kungaitwa matambudziko oupenyu. MuUnited States, vanotengesa mabhuku anopa mazano vanosvitsa mari inenge mamiriyoni US$600 pagore. Zvechokwadi hausiwe woga uri kutsvaka mazano akanaka okukunda matambudziko oupenyu.

Nezvemazano anowanikwa mumabhuku aya akawanda kudai, mumwe munyori akati: “Mabhuku matsva akawanda anongodzokorora zvakatombonyorwa.” Kutaura zvazviri, mazano akawanda ari mumabhuku aya anongodzokorora uchenjeri hwakanyorwa mune rimwe remabhuku ekare zvikuru riri munyika. Hapana mubvunzo kuti bhuku iri ndiro rakaparadzirwa munyika kupfuura mamwe mabhuku ose. Rakashandurwa rose kana kuti chimwe chikamu charo mumitauro inenge 2 400. Munyika yose makopi anopfuura mabhiriyoni 4,6 akadhindwa. Bhuku iri iBhaibheri.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:16) Chokwadi, Bhaibheri harina kunyorwa sezvinoitwa mabhuku anopa mazano. Chinangwa charo chikuru ndechokuzivisa zvinodiwa naMwari kuvanhu. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotaura zvakawanda chaizvo nezvokuti tingakurira sei matambudziko anotiwira tose, uye rinovimbisa vaya vanoteerera zvarinotaura kuti vachadzidza zvinovabatsira ivo. (Isaya 48:17, 18) Parinoshandiswa, zano raro rinobudirira nguva dzose, pasinei nokuti munhu wacho ndeworudzi rupi, ane tsika dzakaita sei, kana kuti akadzidza zvakadini. Wadii kuverenga nyaya inotevera kuti uone kana zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzakadai sedzoutano, mhuri, uye basa zvichibatsira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe