Vaverengi Vanobvunza Kuti
Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari Kunyange Pasina Anonyatsoziva Kuti Raidaidzwa Sei?
Nhasi hapana anonyatsoziva kuti zita raMwari raidaidzwa sei nechiHebheru chekare. Zvisinei, zita raMwari rinooneka chaizvo mundima dziri muBhaibheri kanenge ka7 000. Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe paaiva pasi pano, uye akarayira vadzidzi vake kuti vanyengetere kuti zita iroro ritsveneswe. (Mateu 6:9; Johani 17:6) Saka zviri pachena kuti zvinokosha kuti vaKristu vashandise zita raMwari. Asi nei nhasi pasina anonyatsoziva kuti raidaidzwa sei? Pane zvikonzero zviviri zvikuru.
Chokutanga, makore anenge zviuru zviviri apfuura, vaJudha vakatanga tsika yokudavira mashura vachiti zvakanga zvakaipa kudaidza zita raMwari. Kana muverengi aizosangana nezita iri muBhaibheri, aifanira kuti “Ishe,” achitsiva zita racho. Nenzira iyi, vanhu vakapedzisira vakanganwa madanirwo ezita raMwari sezvo rakanga rava nemazana emakore risingashandiswi.
Chechipiri, chiHebheru chekare chainyorwa chisina mavhawero, sezvakaita mashoko okudimburira eChirungu uye emimwe mitauro. Paaiverenga, munhu wacho aifanira kunge achitoziva mupfungwa dzake mavhawero asina kunyorwa. Nokufamba kwenguva, pakatangwa nzira yokuti vanhu vasakanganwa madanirwo emashoko echiHebheru. Shoko rimwe nerimwe raiva muBhaibheri rechiHebheru rakawedzerwa mavhawero. Zvisinei, kana pari pazita raMwari, vaigona kuwedzera mavhawero eshoko rokuti “Ishe” kuti muverengi ayeuke shoko iri rokuti “Ishe,” kana kuti vakanga vasingatombowedzeri mavhawero acho.
Saka chakasara chichingozivikanwa aiva mabhii mana anonzi Tetragrammaton, anonzi nerimwe duramanzwi “mabhii mana echiHebheru anowanzoshandurwa kuti YHWH kana kuti JHVH anoumba zita chairo romuBhaibheri raMwari.” Zviri nyore kuona kuti shoko rokuti JHVH kana rava nemavhawero rinenge rava kuti “Jehovha,” shoko rinozivikanwa chaizvo uye rinoshandiswa zvikuru muchiShona.
Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinoti rinofanira kunzi “Yave.” Asi madaidziro aya angava ari iwo aiitwa kare here? Hapana anonyatsoziva. Saka, dzimwe nyanzvi dzakapa zvikonzero zvokusaridaidza seizvi. Kutaura chokwadi, mazita omuBhaibheri kana ava kutaurwa mumutauro wemazuva ano hazvizofanani nemadaidzirwo aaiitwa muchiHebheru chekare uye hapana anogona kuzviramba. Izvi zvinokonzerwa nokuti mazita aya ava mumutauro wedu uye ari nyore kuona. Saka zvakafananawo nezita rokuti Jehovha.
VaKristu vomuzana remakore rokutanga vainzi vanhu vezita raMwari. Vaiparidza zita racho kune vamwe uye vaivakurudzira kudana pariri. (Mabasa 2:21; 15:14; VaRoma 10:13-15) Saka zviri pachena kuti zvinokosha kuna Mwari kuti tishandise zita rake mumutauro chero upi watinotaura, kukoshesa zvarinoreva uye kurarama maererano nezvarinomiririra.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]
Zvinokosha kuti zita chairo raMwari rinowanikwa muBhaibheri ka7000