Ndakadzidza Kuti Upenyu Hunokosha
ZVAKAITIKA MANGWANANI OMUSI WAAPRIL 16, 2007. Sezvandaichonjomara mukona yehofisi yaiva panhurikidzwa yechina muNorris Hall payunivhesiti inonzi Virginia Polytechnic Institute and State University kana kuti Virginia Tech, ndakayeuchidzwa zvekare kuti tinofanira kuonga zvakadini zuva rimwe nerimwe roupenyu hwatiinahwo.
Ndaiva muhofisi yangu ndichigadzirira kudzika panhurikidzwa yepasi kuti ndinotora tsamba. Mumwe purofesa akauya ndokundikumbira kuti ndiende naye kuhofisi yake kuti ndimugadzirire kombiyuta yake. Pataipinda muhofisi yake, takanzwa pfuti dzichirira munhurikidzwa iyi yechitatu. Tisingazivi kuti chii chaiitika, takatizira muhofisi yake tikakiya musuwo, ndokumirira tichitya kuti chii chaizoitika mumaminitsi mashoma oupenyu hwedu. Ndakahwanda mukona ndokutanga kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha Mwari, ndichimukumbira kuti anditungamirire chero pane zvaizoitika.
Sezvatanga takachonjomara kudaro, ndakafunga nezvezvakanga zvamboitika kwandiri makore 15 akanga apfuura. Ndaishanda pane rimwe garaji ndiri makanika wemotokari. Kagaba kaiva nepeturu kainge kakabatwa newandaishanda naye kakabatira moto. Avhunduka, akaerekana akanda kagaba kacho aka kaibvira kumeso kwangu! Ndakafema moto ndokutsva zvikuru kubva kumeso kusvika muchiuno ndikaita matuzu uye ganda rangu rikabva rakanganisika zvachose. Ndakatakurwa neherikoputa ndikaendeswa kuchipatara chevanenge vatsva ndokugara ikoko kwemwedzi mitatu nehafu ndiri munochengeterwa vanenge varwarisa. Papera mwedzi mishanu ndichirapwa uye ndichipora, ndakakwanisa kudzokera kumba ndichionga kuti ndakanga ndichiri mupenyu. Izvi zvakandidzidzisa kuti ndinofanira kukoshesa zuva rimwe nerimwe roupenyu hwangu. Zvakatoitawo kuti nditowedzera kutsunga kurarama ndichishumira munhu akandipa upenyu, Jehovha Mwari, ndiri mumwe weZvapupu zvake.—Pisarema 90:12; Isaya 43:10.
Sezvo ndakanga ndisingachakwanisi kushanda samakanika pamusana pokutsva kwandakanga ndaita, ndakadzidzira kugadzira makombiyuta ndokuwana basa paVirginia Tech. Ndicho chikonzero nei ndaiva muNorris Hall mangwanani omusi uyu.
Pfuti zvadzairamba dzichirira, hatina kumboziva kuti panhurikidzwa yepasi paitoitika njodzi huru kupfuura dzakanga dzamboitika muUnited States. Bongozozo rakazopera apo murume aipfura vanhu akazviuraya nepfuti pashure pokunge auraya vanhu 32 vasina mhosva. Papera maminitsi 20 izvi zvatanga, takanzwa mapurisa ari mukoridho. Takavadana, ndokutiperekedza vachitiendesa kwaiva kwakachengeteka.
Chiitiko ichi chinotyisa chakandidzidzisa kuti upenyu hupfupi uye hatizivi zvinogona kuitika. (Jakobho 4:14) Zvinokosha zvikuru kuti tivimbe noMupi woupenyu, Jehovha Mwari, uye kuti tione zuva rimwe nerimwe sechipo chinokosha chinobva kwaari!—Pisarema 23:4; 91:2.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
AP Photo/The Roanoke Times, Alan Kim