RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 7/1 pp. 3-4
  • Kutsvaka Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Chokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Munzira Yechitendero Here?
  • Nesimba Rokufunga Here?
  • Chikamu 8: c. 563 P.n.V. zvichingodaro—Kuvhenekerwa Kwakavimbisa Rusununguko
    Mukai!—1990
  • Kuwana Chokwadi Chaichoicho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chikamu 19: zana ramakore rechi 17 kusvikira ku rechi 19—ChiKristudhomu Chinorwisana Nechinjo Yenyika
    Mukai!—1991
  • Ramba Uchifambirana Nesangano raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 7/1 pp. 3-4

Kutsvaka Chokwadi

“KUSAZIVA hakuna kumbobvira kwava nani pane kuva nezivo,” akadaro Laura Fermi, mudzimai waEnrico Fermi, imwe nyanzvi yefizikisi inozivikanwa zvikuru. Vamwe vangasabvumirana nazvo, vachitaura kuti zvausingazivi hazvimbofi zvakakukuvadza. Zvisinei, kune vakawanda, kutaura kwacho ndokwechokwadi, kwete bedzi mukutsvakurudza zvesayenzi asiwo mune mamwe mamiriro ezvinhu oupenyu. Kusaziva, mupfungwa yokusaziva chokwadi, kwakasiya vakawanda vachiparapatika kwemazana emakore murima rezvedzidzo, tsika, uye zvokunamata.—VaEfeso 4:18.

Ndokusaka vanhu vanofunga vachitsvaka chokwadi. Vanoda kuziva chikonzero nei tiri pano uye kuti tiri kuenda kupi. Kutsvaka kwavo kwakaita kuti vaedze nzira dzakasiyana-siyana. Ngatimbokurukurai dzimwe dzacho muchidimbu.

Munzira Yechitendero Here?

Maererano nenhoroondo yevaBuddha, Siddhārtha Gautama, uyo akatanga dzidziso yechiBuddha, aitambudzika zvikuru nokutambura kwevanhu uye kufa kwavo. Akakumbira vafundisi vechiHindu kuti vamubatsire kuwana “nzira yechokwadi.” Vamwe vakarumbidza yoga uye kuzviramba kwakanyanya. Asi Gautama akazosarudza imwewo nzira yokuwana nayo chokwadi chaichoicho iri yokufungisisa chaizvo munhu ari oga.

Vamwe vakashandisa zvinodhaka zvinochinja pfungwa pakutsvaka mhinduro. Somuenzaniso, nhasi nhengo dzeNative American Church dzinoti peyote—chimwe chigwenzi chinodhaka—“inozivisa zvakavanzika.”

Imwe nyanzvi yokuFrance yomuzana remakore rechi18 Jean-Jacques Rousseau yaidavira kuti munhu wose anobvunza nomwoyo wose anogona kuziviswa naMwari zvinhu zvine chokuita nokunamata. Sei? Nokuteerera “zvinotaurirwa mwoyo naMwari.” Zvadaro, manzwiro aunoita nezvezvinhu—zvaunofunga uye zvaunoudzwa nehana yako—ndizvo zvichava “mutungamiriri wako akavimbika zvikuru papfungwa dzevanhu dzakasiyana-siyana dzinovhiringidza chaizvo,” akadaro Rousseau.—History of Western Philosophy.

Nesimba Rokufunga Here?

Vanhu vakawanda vakararama pamwe chete naRousseau havana kubvumirana zvachose nokuona chitendero saizvozvo. Somuenzaniso, mumwe murume anobvawo kuFrance anonzi Voltaire aifunga kuti pane kuti chitendero chiudze vanhu chokwadi, ndicho chainge chatonyanya kuita kuti kwemazana emakore Europe ive mumamiriro ezvinhu okusaziva, okutenda mashura, uye okusashivirira munguva inodanwa nevamwe vanyori venhau dzakaitika kuti Dark Ages.

Voltaire akazova nhengo yerimwe sangano rokuEurope revanhu vanoti zvavanodavira zvakavakirwa pachokwadi rinonzi Enlightenment. Vateveri varo vakabatanidza pfungwa dzevaGiriki vekare—dzinoti, kufunga kwevanhu uye kuongorora kwesayenzi ndizvo zvinhu zvinokosha pakuwana chokwadi chaichoicho. Imwe nhengo yesangano racho, Bernard de Fontenelle, aifunga kuti kufunga kwevanhu ndiko kwaizoita kuti vanhu vave “nezana remakore richange richijeka zuva nezuva, zvokuti kana mazana ose emakore akapfuura akaenzaniswa naro achanzi aiva rima roga roga.”—Encyclopædia Britannica.

Idzi dzinongova dzimwe dzepfungwa dzakawanda dzinopikisana pamusoro pokuti chokwadi chingawanikwa sei. Chaizvoizvo pane “mutungamiriri akavimbika” here watingaenda kwaari patinenge tichitsvaka chokwadi? Ona kuti nyaya inotevera inoti chii nezvokunowanikwa chokwadi kwakavimbika.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Gautama (Buddha), Rousseau naVoltaire vakatora nzira dzakasiyana pakutsvaka chokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe