RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 1/1 pp. 4-7
  • Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vose Vakaenzana Pamberi paMwari
  • Nzanga Isina Mapoka—Sei?
  • Vanhu Vasingasarurani Nhasi
  • Kuenzana Kunobvumira Kusiyana-siyana
  • Zvinetso Zvinokonzerwa Nokusarurana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Nhamo Iripo Zvino Yekusaenzana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kusaenzana—Ndizvo Zvaida Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Jesu ndiMwari Wemasimbaose Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 1/1 pp. 4-7

Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani?

JOHN ADAMS, uyo akava mutungamiriri wenyika wechipiri weUnited States, ndiye mumwe wevakasaina ziviso inokosha munhau inonzi Declaration of Independence, iyo yaisanganisira mashoko aya: “Tinodavira kuti ichokwadi chinozviratidza choga kuti vanhu vose vakasikwa vakaenzana.” Kunyange zvakadaro, John Adams airatidza kuti haana chokwadi kuti vanhu vakanyatsoenzana, nokuti akanyora kuti: “Kusaenzana kwevanhu mupfungwa nomumuviri kwakasikwa kuripo naMwari Wemasimba Ose mumasikiro aakaita vanhu zvokuti hapana unyanzvi kana mutemo unogona kukubvisa zvachose.” Kusiyana naizvozvo, mumwe munyori wezvakaitika kare wokuBritain H. G. Wells akakwanisa kufungidzira kuvako kwenzanga ine vanhu vakaenzana yakatsamira pazvinhu zvitatu: chitendero chimwe chete chisina kusvibiswa chenyika yose, dzidzo yakafanana kumunhu wose, uye kusavapo kwevane zvombo.

Kusvika pari zvino, hazvisati zvamboitika munhau yevanhu kuti kuve nenzanga yevanhu vakaenzana seyakafungwa naWells. Vanhu havana kutomboenzana, uye kuisana mumapoka kuchiri kuoneka zvikuru munzanga. Mapoka akadaro ane zvaanobatsira nazvo nzanga yose zvayo here? Kwete. Kuisana mumapoka munzanga kunokamuranisa vanhu, kuchiguma nokuchiva, ruvengo, kusuruvara, uye kudeurwa kweropa kukuru. Pfungwa yokuti vachena vari pamusoro kupfuura mamwe marudzi yakambova muAfrica, Australia, uye North America yakaita kuti vasiri vachena vatambure—kusanganisira kuurayiwa kukuru kwevaAborigine muVan Diemen’s Land (yava kunzi Tasmania). MuEurope, kusarura vaJudha sevanhu vepasi ndiko kwakatungamirira kuurayiwa kwevanhu vakawanda neNazi. Pfuma yakawanda yaiva neveimba huru uye kusagutsikana kwaiva pakati peboka revepasi uye vepakati ndizvo zvakaita kuti kuve neChimurenga cheFrance muzana remakore rechi18 uye Chimurenga chevaBolshevik chokuRussia muzana remakore rechi20.

Mumwe murume akachenjera wekare akanyora kuti: ‘Kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, anomuitira zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Mashoko ake ndeechokwadi kunyange avo vane simba vari mapoka kana kuti munhu mumwe nomumwe. Apo boka rimwe chete revanhu rinozvikwidziridza kupfuura rimwe, zvinototi zvigume nenhamo nematambudziko chete.

Vose Vakaenzana Pamberi paMwari

Kune mamwe mapoka evanhu vanoberekwa vakakwirira kupfuura vamwe here? Mukuona kwaMwari hakuna vakadaro. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.” (Mabasa 17:26) Uyezve, Musiki “[munhu] asingatsauri vapfumi kupfuura varombo. Nokuti vose ndiro basa ramaoko ake.” (Jobho 34:19) Vanhu vose vane ukama, uye pamberi paMwari vose vanozvarwa vakaenzana.

Yeukawo kuti panofa munhu zvose zvokuzviti iye anopfuura vamwe zvinopera. VaIjipiti vekare vakanga vasingadaviri izvozvo. Paifa Farao, vaiisa zvinhu zvinokosha zvikuru muguva rake kuti agozvishandisa sezvo aizopfuurira kuva panzvimbo yake yepamusoro pashure poupenyu. Aidaro here? Kwete. Zhinji yepfuma iyoyo yakaguma yava mumaoko embavha dzaiba mumakuva, uye zvinhu zvizhinji zvakapotswa nembavha zvinogona kuwanikwa nhasi mumamiziyamu.

Sezvo akanga akafa, Farao wacho akanga asingatombogoni kushandisa zvinhu izvozvo zvinokosha. Murufu hamuna boka repamusoro uye hamuna repasi, hamuna upfumi kana urombo. Bhaibheri rinoti: “Vane njere vanofa, benzi nouya asina njere vanoparara pamwe chete. Asi munhu nokukudzwa kwake kwose haagari; akaita semhuka dzinofa.” (Pisarema 49:10, 12, Bhaibheri Rinoyera) Tingava tiri vanamambo kana kuti varanda, mashoko aya ndeechokwadi kwatiri tose: “Vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina . . . Hakuna basa, kana zano kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10.

Tose tinoberekwa takaenzana mukuona kwaMwari, uye tose tinopedzisira taenzana murufu. Saka hazvina nematuro ose kukudziridza rimwe boka revanhu pamusoro perimwe munguva yatinenge tiri vapenyu!

Nzanga Isina Mapoka—Sei?

Zvisinei, pane tariro ipi neipi here yokuti rimwe zuva pachava nenzanga yevapenyu isingakoshesi mapoka? Hungu iripo. Anoda kukwana makore 2 000 apfuura apo Jesu aiva pasi pano, nheyo yenzanga yakadaro yakaiswa. Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro rwevanhu vose vanotenda kuitira kuti “munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Achiratidza kuti hapana mumwe wevateveri vake anofanira kuzvikwidziridza pamusoro pevamwe vatendi, Jesu akati: “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu. Asi mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu. Munhu wose anozvikudza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakudzwa.” (Mateu 23:8-12) Mukuona kwaMwari vadzidzi vose vaJesu vechokwadi vakaenzana mune zvokunamata.

VaKristu vepakuvamba vaionana sevakaenzana here? Vaya vakanzwisisa zvaidzidziswa naJesu vaidaro. Vaionana sevakaenzana mukunamata uye vaizviratidza nokudaidzana vachiti “hama.” (Firimoni 1, 7, 20) Hapana aikurudzirwa kuzviona seaiva nani kupfuura vamwe. Somuenzaniso, funga nezvokuzvirondedzera kwokuzvininipisa kwakaitwa naPetro mutsamba yake yechipiri: “Simoni Petro, muranda uye muapostora waJesu Kristu, kune avo vakawana kutenda, kune ropafadzo yakaenzana neyedu.” (2 Petro 1:1) Petro akanga adzidziswa naJesu pachake, uye somuapostora, aiva nechinzvimbo chinokosha chomutoro. Asi aizvitora somuranda uye aiziva kuti vamwe vaKristu vaiva neropafadzo yakaita seyake mukutenda.

Vamwe vangati pfungwa yokuenzana inopesana neyokuti Mwari akaita kuti vaIsraeri vave rudzi rwake runokosha chiKristu chisati chavapo. (Eksodho 19:5, 6) Vangati uyu muenzaniso wokuzvikwidziridza kworudzi, asi izvi handizvo. Ichokwadi kuti vaIsraeri, sezvo vaiva vazukuru vaAbrahamu, vakava noukama hunokosha naMwari uye akazvizivisa kuburikidza navo. (VaRoma 3:1, 2) Chinangwa chokudaro chakanga chisiri chokuvakwidziridza. Asi kuti aida kuti ‘marudzi ose aropafadzwe.’—Genesi 22:18; VaGaratiya 3:8.

Zvakazoitika kuti vaIsraeri vakawanda havana kutevedzera kutenda sokwaiva naAbrahamu. Vaiva vasina kutendeka uye vakaramba Jesu saMesiya. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaramba. (Mateu 21:43) Zvisinei, vanyoro pakati pevanhu vose havana kukundikana kuwana zvikomborero zvakapikirwa. PaPendekosti ya33 C.E., ungano yechiKristu yakazvarwa. Sangano iri raiva revaKristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene rakanzi “Israeri waMwari,” uye rakaratidza kuti ndiro raizoshandiswa kuti zvikomborero zviuye.—VaGaratiya 6:16.

Dzimwe nhengo dzeungano iyoyo dzaifanira kudzidza pamusoro pokuenzana. Somuenzaniso, mudzidzi Jakobho akapa zano vaya vaibata vaKristu vakapfuma noruremekedzo kupfuura varombo. (Jakobho 2:1-4) Izvozvo zvakanga zvisina kururama. Muapostora Pauro akaratidza kuti vaKristu veMamwe Marudzi vakanga vasina kutomboderera kupfuura vaKristu vechiJudha, uye vaKrsitu vechikadzi vakanga vasina kutomboderera kupfuura vechirume. Akanyora kuti: “Chaizvoizvo, imi mose muri vanakomana vaMwari nokutenda kwenyu muna Kristu Jesu. Nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. Hapana muJudha kana muGiriki, hapana muranda kana munhu akasununguka, hapana munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri munhu mumwe muri pamwe naKristu Jesu.”—VaGaratiya 3:26-28.

Vanhu Vasingasarurani Nhasi

Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoedza kurarama maererano nenheyo dzeMagwaro. Vanoziva kuti mapoka ari pakati pevanhu haana zvaanoreva mukuona kwaMwari. Nokudaro, havana boka revafundisi nerevanhuwo zvavo, uye havasarurwi maererano noruvara rweganda kana pfuma. Kunyange zvazvo vamwe vavo vangava vapfumi, havaisi pfungwa dzavo pa“kuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu,” nokuti vanoziva kuti zvinhu zvakadaro zviri kupfuura. (1 Johani 2:15-17) Pane kudaro, vose vakabatanidzwa nokunamata Changamire Wezvose, Jehovha Mwari.

Mumwe nomumwe wavo anobvuma mutoro wokuparidza mashoko akanaka oUmambo kuvamwe vanhu. Kufanana naJesu, vanoremekedza vanhu vakadzvinyirirwa uye vakaraswa kuburikidza nokuvashanyira mumisha yavo, vovaudza kuti vanoda kuvadzidzisa Shoko raMwari. Vaya vakaderera muupenyu vanoshanda pamwe chete nevaya vangaonekwa seboka repamusoro. Zvinoitwa mune zvokunamata ndizvo zvinoverengwa, kwete kuti ari muboka ripi munzanga. Sezvazvakanga zvakaita muzana remakore rokutanga, vose ihama nehanzvadzi mukutenda.

Kuenzana Kunobvumira Kusiyana-siyana

Ichokwadi kuti kuenzana hakurevi kuva vakafanana muzvinhu zvose. Varume nevakadzi, vakuru nevaduku, vose vanowanikwa musangano rechiKristu rinosanganisira vanhu vanobva kumadzinza, mitauro, ndudzi, nemamiriro oupfumi akasiyana-siyana. Mumwe nomumwe ane mano epfungwa neomuviri akasiyana neomumwe. Asi misiyano iyoyo haiiti kuti vamwe vave vakakwirira kana kuti vamwe vakaderera. Pane kudaro, misiyano iyoyo inoita kuti pave nokusiyana-siyana kunofadza. VaKristu ivavo vanoziva kuti zvipo zvipi nezvipi zvavanazvo zvakabva kuna Mwari uye hazvisi chikonzero chokufunga kuti vakakwirira.

Kusarurana kwakabva mukuedza kwomunhu kuzvitonga panzvimbo pokutevera nhungamiro yaMwari. Munguva pfupi Mwari achange ava kutonga pasi rino zuva nezuva, zvoguma nokupera kwokusarurana, pamwe chete nezvimwe zvinhu zvave zvichikonzera kutambura mumakore ose apfuura. Zvadaro, ‘vanyoro vachagara nhaka yenyika’ mupfungwa chaiyo. (Pisarema 37:11) Zvikonzero zvose zvokuti munhu azvikudze achifunga kuti akakwirira zvinenge zvapera. Kusarurana hakuzofi kwakaregwa kuchiparadzanisa ukama hwenyika yose hwevanhu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Musiki “munhu usingakudzi machinda, usingatsauri vapfumi kupfuura varombo, nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.”—Jobho 34:19.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza vavakidzani vazvo

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvinoitwa pakunamata ndizvo zvinoverengwa nevaKristu vechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe