RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 1/1 pp. 3-4
  • Zvinetso Zvinokonzerwa Nokusarurana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinetso Zvinokonzerwa Nokusarurana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Panoratidza Kuti Pangava Netariro Here?
  • Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Nhamo Iripo Zvino Yekusaenzana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Zvinoita Here Kuti Vanhu Vemarudzi Akasiyana Vabatwe Zvakaenzana?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Zvakadiniko Nenzendo Dzekirasi?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 1/1 pp. 3-4

Zvinetso Zvinokonzerwa Nokusarurana

“KUENZANA KUNGAVA ZVAKO KODZERO, ASI HAPANA SIMBA PASI PANO RINGAITA KUTI KUITIKE.”

Ndozvakataurwa naHonoré de Balzac, mumwe nyanduri wokuFrance womuzana remakore rechi19. Unobvumirana naye here? Nomuzvarirwo vazhinji vanonzwa kusarurana kusina kururama. Asi, kunyange muzana rino remakore rechi21, vanhu vachakakamuraniswa kuva mapoka akawanda munzanga.

CALVIN COOLIDGE, mutungamiriri weUnited States kubva muna 1923 kusvika muna 1929, aida zvikuru kupedza dambudziko rokusarurana munzanga uye akataura nezvo“kupedzisira pasisina vanhu vemapoka akakwirira.” Kunyange zvakadaro, makore 40 Coolidge abva pautungamiriri, boka rinonzi Kerner Commission, rakagadzwa kuti riongorore nezvokunzwanana kwevanhu vane ganda rakasiyana, rakaratidza kuti raityira kuti zvakanga zvisisadzivisiki kuti United States ive nzanga mbiri: “imwe yevatema, imwe yevachena—dzisina kubatana uye dzisina kuenzana.” Vamwe vanoti izvi zvakagara zvataurwa zvava kutoitika uye kuti “kusiyana kwakaita vanhu mune zvoupfumi nezvemarudzi kuri kuwedzera” munyika iyoyo.

Nei kuita kuti vanhu vave vakaenzana kwakaoma zvakadaro? Chikonzero chikuru ndechezvatiri isu vanhu. William Randolph Hearst, aimbova nhengo yeparamende yeUnited States akamboti: “Vanhu vose vakasikwa vakaenzana pachinhu chimwe chete, chokuti vose havadi kunzi vakaenzana nomumwe.” Airevei? Zvichida munyori wemitambo womuzana remakore rechi19 Henry Becque wokuFrance akazvitaura zvakatijekei paakati: “Chinoita kuti kuenzana kunetse ndechokuti tinongoda kuenzana nevari pamusoro pedu chete.” Nemamwe mashoko, vanhu vanoda kuenzana nevaya vanoremekedzwa kupfuura ivo munzanga; asi havasi vazhinji vanoda kuzvideredza kuti vazvienzanise nevavanofunga kuti vakaderera kupfuura ivo.

Munguva dzakapfuura, vanhu vaizvarwa vari vanhuwo zvavo, veimba huru, kana kuti veimba youmambo. Izvozvo zvichiri kuitika mune dzimwe nzvimbo shomanana. Zvisinei, munyika dzakawanda, mari—kana kuti kushayikwa kwayo—ndiyo inoita kuti munhu anzi ndeweboka repasi, repakati, kana kuti repamusoro. Asi kune zvimwe zvinhu zvinoratidza boka romunhu zvakadai sorudzi, dzidzo, uye kugona kuverenga nokunyora. Mune dzimwe nzvimbo, kuva murume kana mukadzi kunoshandiswa zvikuru pakusarurana, vakadzi vachinzi ndivo vakaderera.

Panoratidza Kuti Pangava Netariro Here?

Mitemo yekodzero dzevanhu yakabatsira kuderedza kukamurana kwakaita mapoka evanhu. Mitemo yokusava norusaruro yakadzikwa muUnited States. Rusaruraganda rwakabviswa mumutemo weSouth Africa. Uranda, kunyange huchiriko, haubvumidzwi munzvimbo dzakawanda munyika. Zvisarudzo zvakaitwa mumatare zvakamanikidza kuzivikanwa kwekodzero dzezvizvarwa zvomunyika dzokuva nevhu, uye mitemo yokusasarura yakazorodza vamwe vanotambura.

Izvi zvinoratidza kuti kusarurana kwevanhu kwakapera here? Hakuna kunyatsodaro. Nepo kumwe kusarurana munzanga kungava kwaderera iye zvino, pane kusarurana kworumwe rudzi kwakatanga. Bhuku rinonzi Class Warfare in the Information Age rinoti “Mazuva ano zvinoita sezvisina kufanira kukamuranisa vanhu mumapoka evashandi nevashandirwi, asi izvi ndizvo zvazviri nokuti mapoka makuru maviri aya ari kuzokamuka kuva tumwe tumapoka twevanhu vakashatirwa.”

Kusiyana kwevanhu munzanga kuchagara kwakangokamuranisa vanhu here? Sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, mamiriro ezvinhu, haasati ari asina tariro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe