RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 pp. 4-6
  • Kusaenzana—Ndizvo Zvaida Mwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusaenzana—Ndizvo Zvaida Mwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pakatangira Kusaenzana
  • Zvinhu Zvichazombochinja Here?
  • Nhamo Iripo Zvino Yekusaenzana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuderedza Nhamo Yekusaenzana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Umambo hwaMwari Huchaitei Nematambudziko Ezveupfumi?
    Dzimwe Nyaya
  • Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 pp. 4-6

Kusaenzana—Ndizvo Zvaida Mwari Here?

Mhinduro yacho mushoko rimwe ndikwete. Ngationei kuti nei.

MWARI aida kuti vanhu vose vave nemikana yakaenzana yokuva noupenyu nomufaro. Nezvekusikwa kwomunhu, tinorava kuti: “Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” Paakapedza kusika zvinhu zvepanyika, “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:26, 31.

Mwari angataura kuti mamirire ezvinhu anosuruvarisa aripo okusaenzana “akanaka kwazvo” here? Nyangwe, nokuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Nezvake, zvinonzi haa“tsauri vanhu” uye kuti “basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, asinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 10:17; 32:4; enzanisa naJobho 34:19.) Uye muapostora Petro akagumisa kuti: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Sezvo Mwari aine rudo, asingatsauri, achiruramisira, ari wepachokwadi uye akarurama, kana totaura nezvekodzero yavo yokuva nomufaro, aigozovasika vasina kuenzana sei? Kubvumira rusaruro pakati pavanhu nokuvaisa mugadziriro isina kuenzana kwaizova kwakapesana zvikuru nounhu hwake. Aida kuti vose “vaberekw[e] vakasununguka uye vakaenzana muchiremera nekodzero.” Asi sezviri pachena nhasi, zvinhu hazvina kudaro. Neiko?

Pakatangira Kusaenzana

Kuti Mwari akasika vanhu vakaenzana hazvirevi kuti aida kuti vaenzane muzvinhu zvose. Vaigona kusiyana mumano, zvavanofarira, uye unhu. Vaigonawo kusiyana muzvinzvimbo kana kuti mwero wechiremera. Somuenzaniso, murume nomukadzi havana kuenzana muzvinhu zvose, asi Mwari akasika mukadzi so“mubatsiri wakamukwanira” womurume. (Genesi 2:18) Sezviri pachena, vabereki nevana vanosiyana pachiremera. Zvisinei, pasinei zvapo nokusiyana uku, vose—varume, vakadzi, uye vana—vaifanira kuva nekodzero dzavo dzavakapiwa naMwari, mikana yakaenzana yokuwana zvinodiwa chaizvo zvomufaro. Vose vaifanira kuva vakaenzana muchiremera nechinzvimbo pamberi paMwari.

Nenzira yakafanana, vanakomana vomudzimu vaMwari, vakatangira vanhu kusikwa, vakapiwa migove yakasiyana-siyana nemitoro. (Genesi 3:24; 16:7-11; Isaya 6:6; Judhasi 9) Kunyange zvakadaro, pane zvavakanga vapiwa, vose vaikwanisa kuva nezvinogoverwa naMwari zvoupenyu nomufaro kumwero wakaenzana. Saka vakaratidzira kusatsaura kwaMwari munzira inoshamisa.

Zvinosuruvarisa kuti chimwe chisikwa chomudzimu hachina kugutsikana negadziriro yokusatsaura yaMwari. Akada zvaipfuura izvo Mwari akanga amupa, achipanga kuva nenzvimbo yapamusoro, yakakwirira zvikuru. Nokurera ichi chido chakaipa, akada kukwikwidzana naJehovha, uyo seMusiki ane kodzero yenzvimbo yakakwirira kupfuura vose. Uyu mwana waMwari womudzimu anopandukira gare gare akanyengera vanhu kuti varayire kuna Mwari zvakawanda kupfuura zvaAkanga avapa. (Genesi 3:1-6; enzanisa naIsaya 14:12-14.) Saka, gadziriro dzaJehovha dzokuti vanhu vave noupenyu nomufaro dzakaita sokunge dzakanga dzakanganiswa. Iyi mhandu yomudzimu inopandukira, inoziviswa pana Zvakazarurwa 20:2 sa“Dhiyabhorosi naSatani,” yakava mupesvedzeri akaipa wokusaenzana kwavanhu.

Zvinhu Zvichazombochinja Here?

Mhinduro mushoko rimwe ndihungu!

Asi ndiani anogona kuunza kuchinja kunodiwa? Vatungamiriri vavanhu, vamwe vacho pasina mubvunzo vachiita nomwoyo wose, vatamburira kwamazana amakore kuti vadaro. Kubudirira kwavo kwave kuri kuduku, zvichitungamirira vanhu vakawanda kugumisa kuti hazviiti kutarisira kuti chinetso chokusaenzana kwavanhu chichazombopedzwa. Zvisinei, maonero aMwari akanyorwa pana Isaya 55:10, 11, kuti: “Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”

Zvinonyaradza sei kuziva kuti Jehovha Mwari akataura kuti achazadzisa chinangwa chake chapakuvamba chokupa vanhu vose mukana wakaenzana woupenyu nomufaro! SaMwari anotaura chokwadi, akazvipa basa rokuita zvaakavimbisa. Zvinofadza kuti ane zvose zviri zviviri chido nesimba rokuita izvozvo. Achazviita sei?

Mhinduro iri muUmambo uhwo Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake vose kunyengeterera, vachiti: “Baba vedu vari kudenga, . . . Ushe hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Hungu, Umambo hwaMwari ndihwo huchashandiswa naJehovha ku“putsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo zvino], ihwo hwuchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Mukutonga kwoUmambo hwokudenga, nzanga itsva yavanhu ichavapo. Nezveizvi, muapostora Johane akanyora mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, kuti: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:1) Zvinhu zvose zvakaipa zvokusaenzana zvichava zvisisipo—urombo, urwere, kusaziva, rusaruro, nezvimwe zvinotambudza vanhu.a

Anopfuura makore zana, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiita kuti vanhu vazive nezveUmambo ihwohwo. (Mateo 24:14) Zvichishandisa zvinhu zvakadhindwa uye nebetsero yomunhu oga, zviri kuzvishandisa nesimba mukubetsera vanhu kuwana zivo yechinangwa chaMwari chakanyorwa muBhaibheri. Zvisinei, basa razvo rokudzidzisa munyika yose harina kungopa chete tariro yokurarama zvakaenzana nomufaro munguva yemberi asiwo pari zvino riri kuita zvakanaka iye zvino mukuderedza nhamo yekusaenzana. Ngationei kuti sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamashoko akakwana pamusoro pokuti Umambo hwaMwari huchaunza nokukurumidza sei kuenzana kuvose, tapota ona zvitsauko 10 ne11 zvebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Mwari aida kuti vanhu vose vave nemikana yakaenzana yokuva noupenyu nomufaro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe