Ngatisambodzokera Shure Kunoparadzwa!
“Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa.” —VAHEBHERU 10:39.
1. Mamiriroi ezvinhu akaita kuti muapostora Petro atye?
VAAPOSTORA vanofanira kuva vakashaiwa romuromo Tenzi wavo anodiwa, Jesu, paakavaudza kuti vose vaizopararira ndokumusiya. Chinhu chakadaro chaigona sei kuitika—mune iyi, awa yaaida kubetserwa zvikuru? Petro akasimbirira kuti: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, asi ini handizodaro.” Zvechokwadi, Petro aiva murume akashinga, asingatyi. Asi Jesu paakatengeswa ndokusungwa, vaapostora—kusanganisira Petro—vakapararira. Gare gare, Jesu paaibvunzurudzwa mumba moMupristi Mukuru Kayafasi, Petro aingodzivaira muchivanze achinetseka. Sezvo usiku hwaitonhora hwaipera, zvimwe Petro akatya kuti Jesu uye nomunhu chero upi zvake aishamwaridzana naye vangaurayiwa. Vaiva vakamirapo pavakaziva Petro somumwe weshamwari dzapedyo dzaJesu, akabatwa nokutya. Katatu akati hapana chaivapo pakati pake naJesu. Petro akaramba kunyange kuti aimuziva!—Mako 14:27-31, 66-72.
2. (a) Nei kutya kwaPetro pausiku hwakasungwa Jesu kusina kuzomuita ‘uya wokudzokera shure’? (b) Chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
2 Apa ndipo apo zvinhu zvisina kunyatsofambira Petro zvakanaka muupenyu hwake, pasina mubvunzo inguva yaakademba kwemazuva ake ose. Asi zvakaita Petro usiku ihwohwo zvakamuita mbwende here? Zvakamuita here mumwe we“vaya” avo vakarondedzerwa nomuapostora Pauro gare gare paakanyora kuti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa here”? (VaHebheru 10:39) Vakawanda vedu tingangobvuma kuti mashoko aPauro haashandi kuna Petro. Nei? Nokuti kutya kwaPetro kwaiva kusiri kwenguva dzose, chikanganiso chiduku-duku muupenyu hwaizivikanwa neushingi nekutenda zvakatanhamara. Nenzira yakafanana, vakawanda vedu tine nguva yekare yatinoyeuka tichiti nyarei, nguva apo kutya kwakangoerekana kwatibata ndokutitadzisa kumira tisingatyi nokuda kwechokwadi sezvataizoda. (Enzanisa naVaRoma 7:21-23.) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kukanganisa kwenguva pfupi kwakadaro hakutiiti vaya vanodzokera shure kunoparadzwa. Nazvino, tinoda kutsunga kusambova vakadaro. Nei? Uye tingadzivisa sei kuva munhu akadaro?
Zvinorehwa Nokudzokera Shure Kunoparadzwa
3. Vaprofita Erisha naJona vakambotya sei?
3 Pauro paainyora nezve“vaya vanodzokera shure,” akanga asingarevi vaya vaizoshaya ushingi kwenguva pfupi. Zvechokwadi Pauro aiziva nezvezvakaitika kuna Petro uye zvimwe zviitiko zvakafanana. Erisha, muprofita akanga asingatyi uye aitaura pachena, akambotya ndokutiza nokuda kwoupenyu hwake nemhaka yokutyisidzirwa norufu naMambokadzi akaipa Jezebheri. (1 Madzimambo 19:1-4) Muprofita Jona aiva norutyo rwakanyanya. Jehovha akamuti aende kuguta raiva nechisimba chisingaitiki, rakanga rakaipa reNinevhe. Jona akakurumidza kukwira chikepe chaienda Tarshishi—makiromita 3 500 kudivi rakasiyana! (Jona 1:1-3) Asi, hapana kana mumwe waava vaprofita vakatendeka kana kuti muapostora Petro vaigona kurondedzerwa nenzira yakarurama sevaya vanodzokera shure. Nemhaka yei?
4, 5. (a) Mashoko akapoteredza anotibetsera sei kuziva zvairehwa naPauro nokuti “kunoparadzwa” pana VaHebheru 10:39? (b) Pauro akarevei paakati: “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa”?
4 Cherechedza chitsama chemashoko chakashandiswa naPauro chinoti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa.” Airevei nokuti “kunoparadzwa”? Shoko rechiGiriki raakashandisa dzimwe nguva rinoreva kuparadzwa kusingaperi. Rondedzero iyi inowirirana nemashoko akapoteredza. Pauro akanga achangobva kunyevera kuti: “Kana tine tsika yokuita chivi noune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapachina kana nechibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi, asi pane kutarisira kunotyisa kwokutongwa uye pane godo rinopisa richapedza vanodzivisa.”—VaHebheru 10:26, 27.
5 Saka Pauro paakati kune vaaitenda navo, “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa,” aireva kuti iye nevaravi vake vechiKristu vakatendeka vakanga vakatsunga kusambotsauka kuna Jehovha ndokurega kumushandira. Kuita izvozvo kwaigona kungotungamirira kukuparadzwa kusingaperi. Judhasi Iskarioti ndomumwe akadzokera shure kunoparadzwa kwakadaro, sezvakaita vamwe vavengi vechokwadi avo nokuda zvikuru vakaita zvinopesana nemudzimu waJehovha nemaune. (Johani 17:12; 2 VaTesaronika 2:3) Vanhu vakadaro vari pakati pe“mbwende” dzichaparadzwa nokusingaperi mudziva remwoto rokufananidzira. (Zvakazarurwa 21:8) Kwete, hatimbodi kuva vakadaro!
6. Satani Dhiyabhorosi anoda kuti tiite sei?
6 Satani Dhiyabhorosi anoda kuti tidzokere shure kunoparadzwa. Tenzi we“zviito zvemanomano,” anoziva kuti maitiro anoparadza akadaro kazhinji anotanga nenzira duku. (VaEfeso 6:11, mashoko emuzasi) Kana chitambudzo chakananga chikatadza kuita zvaanoda, anotsvaka kukanganisa kutenda kwevaKristu vechokwadi nemitoo isinganzwisisiki. Anoda kuona Zvapupu zvaJehovha zvisingatyi, zvinoshingaira zvanyaradzwa. Ngationei kuti mazanoi aakashandisa pavaKristu vechiHebheru vakanyorerwa naPauro.
Kumanikidzwa Kwakaitwa vaKristu Kuti Vadzokere Shure
7. (a) Nhau yeungano yomuJerusarema yakanga yakamira sei? (b) Vamwe vevaravi vaPauro vakanga vane mamiriroi ezvinhu omudzimu?
7 Uchapupu hunoratidza kuti Pauro akanyora tsamba yake kuvaHebheru munenge muna 61 C.E. Ungano yaiva muJerusarema yaiva nenhau isina kugadzikana. Jesu afa, kutambudzwa kwakakasharara kwazvo kwakavapo, kuchimanikidza vaKristu vakawanda vaiva muguta racho kuti vapararire. Zvisinei, nguva yorugare yakatevera, ichibvumira nhamba yevaKristu kuti iwedzere. (Mabasa 8:4; 9:31) Sezvo makore akapfuura, zvimwe zvitambudzo nezvinetso zvakaitika apo neapo. Zvinoita sokuti panguva yakanyora Pauro tsamba yacho kuvaHebheru, ungano yacho yakanga yavazve nenguva yorugare chairwo. Kunyange zvakadaro, kwaiva nekudzvinyirira. Anoda kusvika makore makumi matatu akanga apfuura kubvira Jesu paakafanotaura kuparadzwa kweJerusarema. Kungangodaro kwaiva nevamwe vaifunga kuti mugumo wakanga wanyanyisa kunonoka uye waisazouya vachiri kurarama. Vamwe, kunyanya vaiva vatsva mukutenda, vakanga vasati vaedzwa nechitambudzo chakanyanya uye vaiziva zvishomanana zvokudiwa kwokutsungirira miedzo. (VaHebheru 12:4) Zvechokwadi Satani aitsvaka kushandisa mamiriro ezvinhu akadaro. “Zviito zvemanomano” zvipi zvaakashandisa?
8. VaJudha vakawanda vaiona sei ungano yechiKristu yaiva itsva?
8 Nzanga yechiJudha muJerusarema nemuJudhea yakaona ungano yechiKristu yaiva itsva noruzvidzo. Tichitarira mashoko ari mutsamba yaPauro, tinowana pfungwa yokushora uko vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaizvitutumadza nevateveri vavo vaiita vaKristu. Chaizvoizvo, vangave vakati: ‘Tine temberi huru muJerusarema, yave iripo kwemazana emakore! Tine mupristi mukuru akanaka anoshanda ipapo, pamwe chete nevapristi vake vaduku. Zvibayiro zvinopiwa zuva nezuva. Tine Mutemo, wakapiwa nengirozi kuna Mosesi uye wakatangwa nezviratidzo zvinotyisa paGomo reSinai. Ichi chitendero chiduku chichangotanga, vaKristu ava, vakaramba kutenda kwechiJudha, havana chimwe chezvinhu izvi!’ Kushora kwakadaro kwakava nemugumisiro waidiwa here? Zviri pachena kuti vamwe vaKristu vechiHebheru vakatambudzwa nekushora ikoko. Tsamba yaPauro yakavabetsera panguva chaiyo.
Nei Vaisambofanira Kudzokera Shure Kunoparadzwa
9. (a) Musoroi wakatekeshera mutsamba yakanyorerwa vaHebheru? (b) Mupfungwai umo vaKristu vaishanda mutemberi iri nani pane iya iri muJerusarema?
9 Ngationei zvikonzero zviviri izvo Pauro akapa hama nehanzvadzi dzake ikoko kuJudhea zvokusadzokera shure kunoparadzwa. Chokutanga—ukuru hwegadziriro yokunamata yechiKristu—ndihwo hwakaparadzira tsamba yacho yakanyorerwa vaHebheru. Mutsamba yake yose, Pauro akatsanangura musoro iwoyo. Temberi muJerusarema yaingova yakafanana neyechokwadi yakakura zvikuru, temberi yomudzimu yaJehovha, chivako ch“isina kuitwa namaoko.” (VaHebheru 9:11) VaKristu ivavo vaiva neropafadzo yokushanda mugadziriro yomudzimu iyoyo yokunamata kwakachena. Vaishanda pasi pesungano iri nani, sungano itsva yakanguri yavimbiswa, yaiva noMurevereri akakwirira pana Mosesi, Jesu Kristu.—Jeremia 31:31-34.
10, 11. (a) Nei dzinza raJesu risina kutadzisa kushanda kwake soMupristi Mukuru mutemberi yomudzimu? (b) Jesu akava Mupristi Mukuru kupfuura uyo aishanda patemberi muJerusarema munzirai?
10 VaKristu ivavo vaivawo neMupristi Mukuru ari nani zvikuru, Jesu Kristu. Kwete, akanga asina kubva kuna Aroni. Panzvimbo pezvo, aiva Mupristi Mukuru “une rudzi naMerkizedheki.” (Pisarema 110:4) Merkizedheki, aiva nedzinza risina kunyorwa, aiva mambo weSaremi yekare uyewo mupristi wayo mukuru. Saka iye akaita rudzi rwouprofita rwakakodzera Jesu, uyo ane upristi hwaitsamira, kwete padzinza chero ripi revanhu vasina kukwana, asi pachimwe chinhu chakakura zvikuru—mhiko yaJehovha Mwari pachake. SaMerkizedheki, Jesu anoshanda kwete soMupristi Mukuru chete asiwo saMambo, uyo asingambofi.—VaHebheru 7:11-21.
11 Uyezve, kusiyana nemupristi mukuru patemberi muJerusarema, Jesu aisafanira kupa zvibayiro gore negore. Chibayiro chake chaiva upenyu hwake hwakakwana, hwaakapa kamwe zvechigarire. (VaHebheru 7:27) Zvibayiro zvose zviya zvaipiwa patemberi zvaingova mimvuri, mifananidzo yezvakapiwa naJesu. Chibayiro chake chakakwana chakagovera kukanganwirwa chaikoiko kwezvivi zvavose avo vanoshandisa kutenda. Dzinonyevenutsawo mwoyo itsinhiro dzaPauro dzinoratidza kuti iyeye Mupristi Mukuru ndiJesu asingachinji uyo vaKristu vomuJerusarema vakanga vaziva. Aizvininipisa, aiva nemutsa, uye uyo anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15; 13:8) VaKristu vaya vakazodzwa vaitarisira kushanda sevapristi vaduku vaKristu! Vaigona sei kutombofunga zvekudzokera shure kuzvinhu “zvisina simba zvisina basa” zvechiJudha chaiva nouori?—VaGaratiya 4:9.
12, 13. (a) Chikonzeroi chechipiri chokusadzokera shure chakapiwa naPauro? (b) Nei chinyorwa chavo chekare chokutsungirira chaigona kukurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vasambodzokera shure kunoparadzwa?
12 Sokunge kuti hwakanga husina kukwana, Pauro akapa vaHebheru chikonzero chechipiri chokusambodzokera shure kunoparadzwa—chinyorwa chavo pachavo chokutsungirira. Akanyora kuti: “Rambai muchiyeuka mazuva ekare ayo, pashure pokunge mavhenekerwa, makatsungirira kukakavara kukuru pakutambura kuzhinji.” Pauro akavayeuchidza kuti vakanga va“iswa pachena sepanzvimbo yemitambo” pakuzvidzwa nokutambudzwa. Vamwe vakanga vaiswa mujeri; vamwe vakanga vanzwira tsitsi ndokutsigira vaiva mujeri. Hungu, vakanga varatidza muenzaniso wokutenda nokutsungirira. (VaHebheru 10:32-34) Asi, nei Pauro akavakumbira kuti va‘rambe vachiyeuka’ zviitiko zvinorwadza zvakadaro? Hazvaigona kuodza mwoyo here?
13 Kusiyana neizvozvo, ku“yeuka mazuva ekare” kwaizoyeuchidza vaHebheru nezvenzira iyo Jehovha akanga avatsigira nayo mumuedzo. Vachibetserwa naye, vakanga vatodzivisa kurwisa kwakawanda kwaSatani. Pauro akanyora kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Hungu, Jehovha akayeuka mabasa avo ose okutendeka, achiachengeta mupfungwa dzake dzisingagumi. Tinoyeuchidzwa nezvomurayiro waJesu wokuchengeta pfuma mudenga. Hapana mbavha ingaba pfuma iyi; hapana chipfukuto kana ngura zvingazvipedza. (Mateu 6:19-21) Chokwadi, pfuma iyi inogona kuparadzwa chete kana muKristu akadzokera shure kunoparadzwa. Zvingaparadza pfuma ipi neipi yaakanga achengeta mudenga. Chikonzero chakasimba zvakadini icho Pauro akapa vaKristu vechiHebheru chokusambotevera upenyu hwakadaro! Kutambisirei makore avo ose ebasa rokutendeka? Zvaizova zvakanaka uye zviri nani zvikuru kuramba vachitsungirira.
Nei Tisingambofaniri Kudzokera Shure Kunoparadzwa
14. Zvinetsoi zvatinotarisana nazvo zvakafanana nezvakatarisana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga?
14 VaKristu vechokwadi nhasi vane zvikonzero zvakasimba zvakaenzana zvokusadzokera shure. Kutanga, ngatiyeukei chikomborero chatinacho mukunamata kwakachena kwatakapiwa naJehovha. Kufanana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga, tinorarama panguva apo nhengo dzezvitendero zvinozivikanwa zvikuru dzinotizvidza nokutinyomba, dzichinongedza norudado kuzvivako zvadzo zvechitendero zvoumbozha uye zvinhu zvekare zvetsika dzadzo. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotivimbisa kuti anotendera kunamata kwedu. Chokwadi, nhasi tine zvikomborero izvo vaKristu vomuzana ramakore rokutanga vakanga vasina. Ungashamisika kuti, ‘Zvingadaro sei?’ Pashure pezvose, vakararama temberi yomudzimu payakatanga kushanda. Kristu akava Mupristi Mukuru wayo paakabhabhatidzwa muna 29 C.E. Vamwe vavo vakanga vaona Mwanakomana waMwari aiita zvishamiso. Kunyange afa, kwaiva nezvishamiso zvakawanda. Zvisinei, sezvakafanotaurwa, zvipo zvakadaro pakupedzisira zvakaguma.—1 VaKorinde 13:8.
15. VaKristu vechokwadi nhasi vanorarama munguva yokuzadzika kwouprofita hupi, uye izvozvo zvinorevei kwatiri?
15 Zvisinei, tinorarama munguva yokuzadzika kunokosha kwouprofita hwetemberi huru hwaEzekieri zvitsauko 40-48.a Nokudaro, taona kudzorerwa kwegadziriro yaMwari yokunamata kwakachena. Temberi yomudzimu iyoyo yakacheneswa mune zvinosvibisa zvose zvechitendero nekunamata zvidhori. (Ezekieri 43:9; Maraki 3:1-5) Funga nezveyamuro dzatakapiwa nokuchenesa uku.
16. Muitiroi waiodza mwoyo wakatarisana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga?
16 Muzana ramakore rokutanga, ramangwana rakanga risingafadzi nokuda kweungano dzechiKristu dzakarongwa. Jesu akanga afanotaura kuti zvaizoita sokuti munda wegorosi wakanga uchangobva kusimwa wakadyarwawo masora, zvichiita kuti gorosi nemasora zvide kutadza kusiyaniswa. (Mateu 13:24-30) Uye ndozvazvakaita. Pakupera kwezana ramakore rokutanga, muapostora Johani aiva akura paaishanda somudzivisi wokupedzisira wouori, kuramba kutenda kwakanga kwatonyanya. (2 VaTesaronika 2:6; 1 Johani 2:18) Nguva shomanana pashure pokufa kwevaapostora, rimwe boka ravafundisi rakasiyana rakamuka, richidzvinyirira makwai nokupfeka nguvo dzinorisiyanisa. Kuramba kutenda kwakanyenga seronda. Zvaiodza mwoyo sei vaKristu vakatendeka! Vakaona gadziriro yakanga ichangotangwa yokunamata kwakachena ichikurirwa neyakanga yashatiswa. Izvi zvakaitika makore asingasviki zana Kristu atanga ungano.
17. Ungano yechiKristu yamazuva ano yagara kwenguva yakareba kupfuura imwe yayo yomuzana ramakore rokutanga mupfungwai?
17 Zvino, funga chimwe chinhu chakasiyana. Nhasi, kunamata kwakachena kwatogara kwenguva yakareba pane zvakwakaita kusvikira vaapostora vafa. Kubva panguva yokubudiswa kwechinyorwa chokutanga chemagazini ino kare muna 1879, Jehovha akatikomborera nokunamata kuri kuramba kuchicheneswa. Jehovha naKristu Jesu vakapinda mutemberi yomudzimu muna 1918 nechinangwa chokuichenesa. (Maraki 3:1-5) Kubvira muna 1919, gadziriro yokunamata Jehovha Mwari yakanatswa zvinofambira mberi. Kunzwisisa kwedu uprofita hweBhaibheri nenheyo kwajeka. (Zvirevo 4:18) Mbiri inoenda kunaani? Kwete kuvanhuwo zvavo vasina kukwana. Jehovha bedzi, neMwanakomana wake soMutungamiriri weungano, anogona kudzivirira vanhu Vake pakuora munguva iyi yakashata. Ipapo, ngatisambotadza kutenda Jehovha nokuda kwekutibvumidza kuti tibatanidzwe mukunamata kwakachena nhasi. Uye ngatitsungei zvakasimba kusambodzokera shure kunoparadzwa!
18. Chikonzeroi chatinacho chokusambodzokera shure kunoparadzwa?
18 Kufanana nevaKristu vechiHebheru vaya, tine chikonzero chechipiri chokuramba mararamiro oumbwende, okudzokera—chinyorwa chedu pachedu chokutsungirira. Kunyange takatanga kushandira Jehovha mumakore achangobva kupfuura kana kuti tave tichidaro takatendeka kwemakumi emakore, takaita chinyorwa chemabasa echiKristu. Vakawanda vedu takatambudzwa, kungava kuiswa mujeri, kubhanwa, utsinye, kana kuti kurasikirwa nezvinhu. Vamwe vakawanda vakatarisana nechishoro chemhuri, kuzvidzwa, kusekwa, uye kusakendenga. Tose zvedu takatsungirira, tichipfuurira mubasa redu rokutendeka kuna Jehovha pasinei zvapo nezvinetso uye miedzo zvoupenyu. Nokuita kudaro, takatanga chinyorwa chokutsungirira icho Jehovha asingazokanganwi, dura repfuma mudenga. Saka zvechokwadi ino haisi nguva yokudzokera shure kugadziriro yakashata yakare yatakasiya shure! Kutorerei basa redu rose rakaoma serisingakoshi? Izvi zvinonyanya kuva zvechokwadi nhasi, apo bedzi “nguva duku zvikuru” yasara mugumo usati wasvika.—VaHebheru 10:37.
19. Chii chichakurukurwa munyaya yedu inotevera?
19 Hungu, ngatitsungei kuti “hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa”! Panzvimbo pezvo, ngativei “vaya vane kutenda.” (VaHebheru 10:39) Tingava sei nechokwadi chokuti tinokodzera rondedzero iyoyo, uye tingabetsera sei vamwe vaKristu kuita zvakafanana? Nyaya yedu inotevera ichakurukura nhau iyi.
[Mashoko Omuzasi]
Unoyeuka Here?
◻ Zvinorevei kudzokera shure kunoparadzwa?
◻ Idzvinyiriroi dzakanga dziri kuremera vaKristu vechiHebheru vakanyorerwa naPauro?
◻ Pauro akapa vaHebheru zvikonzeroi zvokusadzokera shure kunoparadzwa?
◻ Tine zvikonzeroi zvokutsunga kusadzokera shure kunoparadzwa?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kutya kwaPetro hakuna kumuita u“ya anodzokera shure kunoparadzwa”