RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/15 pp. 9-13
  • Kuwana Rugare Chairwo Munyika Yatambudzika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Rugare Chairwo Munyika Yatambudzika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • “Kana Ndakura, Ndichabatana neIRA!”
  • Kusava Nokwawakarerekera Kunodzivirira Zvechokwadi
  • “Pfuti Dzangu Ndidzo Chete Dzaindidzivirira”
  • “Zvinhu Zvakanga Zvisingarevi Chinhu”
  • “Zvapupu Zvacho Zvaigarotiravira Bhaibheri”
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/15 pp. 9-13

Kuwana Rugare Chairwo Munyika Yatambudzika

“Simba rinotyisa rechisimba chezvitendero zviduku ranyatsobuda muchizarira charo,” wakadaro mumwe mushumo kare muna 1969. Paiva panguva yakatanga kuwedzera Nhamo, nguva iripo zvino yokusagadzikana muNorthern Ireland.

CHISIMBA uye kuuraya kwezvitendero zviduku zvakava zvenguva dzose sezvo vaurayi vechiPurotesitendi nechiKaturike, “vanhu vasingadzoreki kumativi acho ose” okusiyana kwezvematongerwe enyika nezvechitendero, vakaita kuti kurwira udzori muIreland kunyanyise. Kubvira ipapo “vanhu vanopfuura 3 600 vakaurayiwa uye zviuru zvakaremadzwa munenge mumakore 30 echisimba,” inoshuma kudaro The Irish Times.

Chokwadi, uku hakusi kurwa kutsva. Kwakatambudza Ireland kwemazana emakore. Mumakore achangobva kupfuura migumisiro yakwo inouraya zvikuru yaive ichinzwiwa muNorthern Ireland, asi vanhu muIreland yose vakaita kuti upenyu hwavo huparadzwe nokutsamwa uye kusawirirana kwakakonzerwa nakwo.

Muchiitiko ichocho, kwemakore anopfuura zana zvino, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitaura mushonga chaiwo wezvinetso zvatambudza nyika ino yatambura. Mushonga iwowo Umambo hwaMwari huri mumaoko aJesu Kristu. (Mateu 6:9, 10) Pakutanga kweNhamo muna 1969, kwaiva neZvapupu zvaJehovha 876 muIreland. Zvino kune zvinopfuura 4 500, muungano dzinopfuura 100. Hezvino zvishoma zvakaitika kubva kune vamwe vakaramba zviito zvezvamatongerwe enyika nezvehondo.

“Kana Ndakura, Ndichabatana neIRA!”

Michaela akakura ari muKaturike muRepublic of Ireland. Kuchikoro akadzidziswa chimwe chinhu nezvenhau yeIreland nokurwisana kwayo neBritain kwemazana emakore. Semwana, akatanga kuvenga vaNgezi zvakanyanya, vaaiona se“vadzvinyiriri vevanhu vechiIrish.” Paakanga ava nemakore gumi, akaudza ambuya vake kuti, “Kana ndakura, ndichabatana neIRA!” (The Irish Republican Army) “Ndakawatsurwa mbama kumeso yandichiri kuyeuka nanhasi,” anodaro. Akazoziva pave paya kuti sekuru vake vaiva muuto reBritain muHondo Yenyika I. Mbuya vake pane imwe nguva vaifanira kumira pamberi pasekuru vake kuti vadzivise nhengo dzeIRA kuvapfura.

Zvisinei, Michael paakati kurei, aida kuita chimwe chinhu kuti abetsere vamwe vake vaKaturike muNorthern Ireland. Anoti: “Panguva iyoyo vanhu bedzi vairatidzika sevaiita chimwe chinhu kubetsera vanhu vechiKaturike veNorthern Ireland vaiva veIRA.” Akurudzirwa nezvaakafunga sechikonzero chakarurama, akava nhengo yeIRA ndokurovedzwa kushandisa zvombo. Shamwari dzake nhatu dzakapfurwa dzikafa nemauto echiPurotesitendi muNorthern Ireland.

Michael akazoodzwa mwoyo nekurwisa kwechiuto, kwaivhiringidzwa, somuenzaniso, nokuvengana zvakakasharara kwaiitwa nezvikwata zvemauto zvakasiyana-siyana. Ari mujeri nokuda kwemhosva dzine chokuita nezviito zveIRA, akanyengetera kuna Mwari kuti amubetsere kuwana nzira chaiyoiyo yorugare rusingaperi neruramisiro. Imwe nguva gare gare Zvapupu zvaJehovha zvakauya kumba kwake. Zvisinei, kufungira zvakaipa kwakare kwakava chibingamupinyi. Zvapupu zvacho zvaiva zvechiNgezi. Ruvengo rwake rwakasimba zvikuru rwakaita kuti zvimuomere kuteerera. “Ndakanga ndisingavaratidzi nguva dzose kuti ndaivafarira,” anodaro, “asi vairamba vachiuya uye vachitaura neni, uye ndakatanga kuona kuti Umambo hwaMwari hwaizogumisa kusaruramisira kwose kwezvamatongerwe enyika nokwenzanga kwandakanga ndichirwisa kubvisa.”—Pisarema 37:10, 11; 72:12-14.

Zvinhu zvakaoma humwe usiku Michael paakasangana nemukuru mukuru wake aitungamirira weIRA, uyo akati, “Tine basa rokuti uite.” “Ndakanzwa kuti ndaifanira kuita chisarudzo ipapo,” anodaro Michael, “saka ndakatura mafemo ndokuti, ‘Zvino ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha,’ kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa panguva iyoyo. Ndaiziva kuti ndaida kuva mushumiri waJehovha.” “Unofanira kumiswa pamadziro ndokupfurwa,” ndoyaiva mhinduro yomukuru mukuru aitungamirira. Pasinei zvapo nokutyisidzira kwacho, Michael akasiya IRA. Akawana ushingi hwokuita izvi nokurega shoko raJehovha richichinja pfungwa dzake nemwoyo. “Pashure penguva yakati, mukadzi wangu nevamwe vevana vangu vakatsaurirawo upenyu hwavo kuna Jehovha. Zvino tine rugare rwechokwadi mumwoyo yedu. Uye nguva dzose tichaonga Jehovha nokutibvumidza kudzidza chokwadi uye kuparadzirawo mashoko orugare munyika yatambudzika.”—Pisarema 34:14; 119:165.

Kusava Nokwawakarerekera Kunodzivirira Zvechokwadi

“Ndakakurira mumaruwa muCounty Derry muNorthern Ireland,” anodaro Patrick. “Semwana, hapana chandaiziva kunze kweNhamo. Zviri pachena kuti nharaunda iyoyo yakachinja maonero angu nemafungiro.” Patrick akava nepfungwa dzokunyanyisa dzaipesvedzerwa norusarura rwoutsinye uye kufungira zvakaipa zvakanyanya vanhu vasiri vokuBritain. Akaona vanhu vechitendero kumativi acho ose ekurwisa kwezvematongerwe enyika vachiputsa nheyo dzechiKristu dzinokosha pamwe chete nenheyo dzokuzvibata zvikuru kwevanhu. Somugumisiro, akasiya chitendero, achipedzisira ava asingatendi kuti kuna Mwari uye muMarxist akasimba.—Enzanisa naMateu 15:7-9; 23:27, 28.

“Zvinhu zvandinotanga-tanga kuyeuka ndezvokuramwa kudya kwevasungwa vezvematongerwe enyika vokuNorth,” Patrick anodaro. “Zvakandichinja zvakanyanya. Ndinoyeuka ndichisimudza mureza weIreland uye ndichiparangidza mashoko okushora vanhu vokuBritain pose pose pandaigona. Ndiine makore 15 chete, ndakava murindiri pamariro emumwe wevasungwa vairamwa kudya akafira mujeri.” Kufanana nevamwe vakawanda vaiva vavhiringidzwa nezvinetso uye kusagadzikana kwaivapo panguva yacho, Patrick akabatanidzwa mumhirizhonga nokufora achitsvaka zvaaiona sokururamisira nokuva kwevanhu nemasimba akaenzana munzanga. Akatanga kunyatsoshamwaridzana nevanhu vaiva norusaruro rwakanyanyisa, vakawanda vavo vakanga vasungwa nezviremera zveBritain.

“Ipapo,” Patrick anodaro, “nokuda kwezvikonzero zvemari, ndakapedzisira ndava kupedzera imwe nguva muEngland. Pandaiva ikoko, mapurisa eBritain akasunga imwe yeshamwari dzangu yakanga ichida kunoputitsa bhomba.” Kunyange zvazvo Patrick akanga achiri kunzwira tsitsi zvikuru vavariro yezvourudzi, mafungiro ake akatanga kuchinja. Akatanga kuona kuti kufungira kwake zvakaipa vanhu vechiNgezi vose kwaiva kusimborina kana nechikonzero. “Ndakatangawo kuziva,” anodaro, “kuti basa rechiuto harizombofi rakapedza zvinetso chaizvoizvo ndokubvisa kusaruramisira kwaindirwadza. Kwaiva neuori hwakanyanya nezvimwe zvinhu zvaisanyatsoitwa nomazvo neavo vaidzora masangano echiuto.”—Muparidzi 4:1; Jeremia 10:23.

Pakupedzisira Patrick akadzokera kuNorthern Ireland. “Pandakadzoka, imwe shamwari yangu yakandisuma kune Zvapupu zvaJehovha.” Kubva mukudzidza kwake Bhaibheri neZvapupu, Patrick akatanga kuona mushonga chaiwoiwo wokurwisana kwavanhu uye kusawirirana. Akakurumidza kufambira mberi mumudzimu sezvo nheyo dzeBhaibheri dzakachinja pfungwa dzake nemwoyo. (VaEfeso 4:20-24) “Zvino,” anodaro, “panzvimbo pokuronga kupidigura gadziriro yezvematongerwe enyika iripo, ndinozviwana ndichiparidza mashoko orugare ari muBhaibheri, kunyange munzvimbo dzevatsigiri vakavimbika vezvematongerwe enyika dzandaizodai ndisina kumbopinda kare. Chokwadi, panguva apo kwaiva nokuuraya kwakawanda kwemasekete muBelfast, vaigona bedzi kufamba vakasununguka pakati penzvimbo dzevatsigiri vakavimbika vezvematongerwe enyika nedzevaiva norusaruro vasina motokari dzehondo vaiva Zvapupu zvaJehovha.” Sezvimwe Zvapupu muNorthern Ireland munguva iyi, akaona kuti kusava nokwawakarerekera, sezvakanga zvakangoita vaKristu vepakutanga, kunodzivirira zvechokwadi. (Johani 17:16; 18:36) Anopedzisa nokuti: “Zvinosunungura zvikuru kuona kuti Jehovha achishandisa Jesu Kristu achaunzira vanhu vose kururamisira norusununguko rwechokwadi.”—Isaya 32:1, 16-18.

“Pfuti Dzangu Ndidzo Chete Dzaindidzivirira”

“Ndakakurira kune rimwe divi rezvematongerwe enyika nechitendero,” anodaro William. “Ndakanga ndiine kufungira zvakaipa kwechiPurotesitendi kwakanyanya uye ndaivenga zvikuru chinhu chipi nechipi chechiKaturike. Ndaisatombopinda muchitoro chomuKaturike nepazvaibvira pose, uye ndakashanyira Republic of Ireland kamwe chete. Ndakabatanidzwa mumapoka akasiyana-siyana echiPurotesitendi nemasangano, akadai seOrange Order—sangano rakatsaurirwa kudzivirirwa kwechitendero nemararamiro echiPurotesitendi.” Paaiva nemakore 22, William akabatana neUlster Defense Regiment, rimwe reuto reBritain raitorwa imomo. Nhengo dzaro zhinji dzaiva vaPurotesitendi. Aida zvikuru kuuraya kuti adzivirire nhaka yake. “Ndaiva nepfuti dzaiverengeka uye ndaizodai ndisina kutya kudzishandisa kana zvaiva zvakafanira. Ndaichengetera imwe pasi pepiro yangu usiku.”

Asi yakasvika nguva yokuchinja kukuru. “Ndakatanga kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva nechimwe chinhu chinokosha pandakashanda nemumwe wazvo tichigadzirisa imwe imba yakare. Wandaishanda naye uyu akandichinja zvikuru. Sezvataivaka tose imba, ndakakwanisa kumubvunza mibvunzo yakawanda yaindinetsa pamusoro peNhamo, chitendero, uye Mwari. Mhinduro yake yaiva nyore, yakajeka yakandibetsera kuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei chaizvoizvo—vanhu vakabatana, vasina chisimba uye vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika, vanozivikanwa nokuda kwavo Mwari nomuvakidzani.”—Johani 13:34, 35.

Mukati memwedzi mina yokutanga kudzidza Bhaibheri, William akabva mumasangano ose echitendero neezvematongerwe enyika aakanga akabatanidzwa nawo. “Iyi yaiva nhanho inokosha kwandiri,” anoyeuka kudaro, “nokuti ndaifanira kurega tsika dzakawanda dzandaida, dzandakanga ndagara nadzo kwenguva yakareba.” Zvisinei, muedzo wake mukuru zvikuru waizouya. “Nemhaka yemamiriro ezvinhu aiva muNorthern Ireland, ndaifunga kuti pfuti dzangu ndidzo chete dzaindidzivirira. Ndakaonekwa se‘chipfuro chepamutemo’ nemauto eIRA. Saka zvakanga zvakaoma zvikuru kusiya zvombo izvi.” Zvisinei, zvishoma nezvishoma zano reBhaibheri, rakadai seriri pana Isaya 2:2-4, rakachinja maonero ake. Akaona kuti pakupedzisira Jehovha ndiye aimudzivirira zvechokwadi, sezvaaingoitira vaKristu vomuzana ramakore rokutanga. Ipapo William akasiya pfuti dzake.

“Chimwe chezvinhu zvandinonyatsofarira,” anodaro William, “ndechokuti zvino ndine ushamwari hwakadzama uye hunopfuurira nevanhu vandaizodai ndakaona sevavengi vanouraya. Uyewo, kukwanisa kuendesa shoko reBhaibheri retariro ku‘nzvimbo dzandakanga ndisingamboendi’ zvakare kunondipa mufaro wechokwadi. Kufunga nezvezvandakaitirwa nechokwadi ini nemhuri yangu kunondiita kuti ndionge Jehovha nesangano rake nokusingaperi.”

“Zvinhu Zvakanga Zvisingarevi Chinhu”

Robert naTeresa vanobva mumamiriro ezvinhu akanyatsosiyana. “Ndinobva mumhuri yechiPurotesitendi yakasimba zvikuru,” anodaro Robert. “Dzimwe dzehama dzangu dzakabatanidzwa mumabasa echiuto. Ini pachangu ndakabatana neUlster Defense Regiment yeuto reBritain ndiine makore 19. Yakawanda yenguva iyoyo yaipera tichifamba tichiongorora kunharaunda yaigara Teresa. Humwe usiku ndakabviswa pakuongorora kwenguva dzose ndikapiwa mamwe mabasa. Usiku ihwohwo motokari yandingadai ndakanga ndichifamba nayo yakabhombwa. Masoja maviri akaurayiwa uye mamwe maviri akakuvara.”

Robert akatanga kunetseka kuti upenyu hunorevei. “Ndaigarodavira muna Mwari, asi pandaitarira muNorthern Ireland, zvinhu zvakanga zvisina zvazvinoreva kwandiri. Chaizvoizvo ndakatanga kunyengetera kuna Mwari. Ndakabvunza Mwari kana aivapo chaizvoizvo, uye kana aivapo, kuti andiratidze nzira yakarurama yokuti ndirarame upenyu hwangu. Ndinoyeuka ndichitaura kuna Mwari kuti kunofanira kuva nechitendero chimwe chechokwadi kune imwe nzvimbo!” Mazuva mashomanana chete gare gare, mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira Robert ndokumusiyira rimwe bhuku. Paakanonoka kuuya kumba achibva kunofamba achiongorora usiku ihwohwo, Robert akatanga kurirava ndokupedza na5:00 mangwanani. “Ndakakurumidza kuona kachokwadi,” anodaro, “uye ndaigona kuona kuti zvose zvainyatsobva muBhaibheri.” (2 Timoti 3:16) Akatanga kudzidza Bhaibheri, uye munguva pfupi, akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari.

“Zvapupu Zvacho Zvaigarotiravira Bhaibheri”

Ukuwo, Teresa aiva muKaturike, aiva netsitsi dzorudzi dzakadzama. “Somusikana muduku, ndakabatana neSinn Féin.”b Teresa anobvuma kuti: “Izvi zvakandiita kuti nditsigire basa rechiuto. Ndakabetsera kuunganidza mari yokurwisa kwechiuto. Ndaigara ndichitaurira IRA nezvezvaiitika munzvimbo yangu. Ndakabatanidzwawo mumhirizhonga nokurwisa mapurisa nemauto aitenderera achiongorora tichivakandira matombo.”

Vamwe vemhuri yaTeresa pavakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, kuda kuziva kwake kwakamutswawo. Simba reShoko raMwari rakamushandura zvikuru. “Zvapupu zvacho zvaigarotiravira Bhaibheri kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo,” anodaro. “Vimbiso iri pana Dhanieri 2:44 yaipengenutsa chaizvoizvo. Ndakaona kuti Umambo hwaMwari ndihwo hwaiva mutoo chaiwoiwo wokubvisa kusaruramisira kwandairwisana nakwo.” Akanzwa achivenga zvikuru humwe utsinye hwaikonzerwa nemauto. Somuenzaniso, Teresa aisagona kunzwisisa kuti nei munhu chero upi zvake anonzwira tsitsi uye anozvibata aifarira nhau dzechiito chougandanga kwaiurayiwa kana kuremadzwa masoja kana vamwewo uye mhuri padzainetseka nenhamo uye kutambura zvikuru. Naiyewo akabvuma chokwadi chiri muBhaibheri uye akabvumira nheyo dzaMwari kuti dzichinje kufunga kwake. Akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari uye gare gare akabhabhatidzwa.—Zvirevo 2:1-5, 10-14.

Teresa akasangana naRobert vose pavakapinda misangano pane imwe yeungano dzeZvapupu zvaJehovha muNorthern Ireland. Anotaura kuti: “Pandakatanga kusangana naRobert, ndakaona zvakaoma kudavira kuti ndakanga ndichitaura ndakadzikama zvakadaro uye norugare nomumwe munhu wandingadai ndaiona ari mumwe wegadziriro yehondo yeBritain, kusvikira nguva ichangobva kupfuura. Shoko raMwari zvechokwadi rakanga randibetsera kubvisa ruvengo rwakasimba nokufungira zvakaipa.” Iye naRobert vakaona kuti panzvimbo pokukamurwa noruvengo uye kufungira zvakaipa kwaibva mutsika dzavo nemaitiro zvakanga zvakasiyana, zvino vakanga vava nezvinhu zvakawanda zvakafanana. Chakanyanya kusimba pakati pazvo kwaiva kuda Jehovha Mwari. Vakaroorana. Zvino vanoshanda vose kuzivisa shoko raMwari rorugare rwechokwadi kuvanhu vamamiriro ezvinhu ose uye zvinodavirwa munyika ino yatambudzika.

Vamwe muIreland vakava nezvakaitika zvakafanana. Nokuteerera uye kubvuma dzidziso dzeShoko raMwari rakafuridzirwa, vakapukunyuka ‘uzivi uye unyengeri husina maturo’ hwavanhu. (VaKorose 2:8) Zvino vanoisa chivimbo chavo chakazara muvimbiso dzaMwari dzakanyorwa muBhaibheri. Vanofara kugovana noupi noupi achateerera tariro yavo yenguva yemberi ine rugare—isingazovi nechisimba chezvitendero zviduku uye chemamwe marudzi.—Isaya 11:6-9.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

b Boka rezvematongerwe enyika rakabatanidzwa zvikuru neProvisional IRA.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kurwisa kwechiuto kwakarumbidzwa mumifananidzo muNorthern Ireland yose

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe