RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/15 pp. 19-24
  • Ngativei Vaya Vane Kutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngativei Vaya Vane Kutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidzai Kuvimbana
  • Kushandiswa Kwakakodzera kweShoko raMwari
  • Kunyatsotsanangura Mienzaniso Yokutenda
  • Nzira Dzokusimbisa Nadzo Kutenda
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 35—Habhakuki
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Vimba naJehovha Urarame!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Vakaipa Vachavapo Kusvika Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kufara Muna Mwari Woruponeso Rwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/15 pp. 19-24

Ngativei Vaya Vane Kutenda

“[Tiri] vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”—VAHEBHERU 10:39.

1. Nei zvinganzi kutenda kwomumwe nomumwe wevashumiri vaJehovha kunokosha?

NGUVA inotevera yaunenge uri muHoro yoUmambo yakazara nevanamati vaJehovha, mira utarire avo vakakupoteredza. Funga nezvenzira dzakawanda dzavanoratidza nadzo kutenda. Ungaona vakwegura vakashumira Mwari kwamakumi emakore, pwere dzinodzivisa kuda kufanana nevezera radzo zuva nezuva, uye vabereki vanoshanda zvakaoma kurera vana vanotya Mwari. Kune vakuru veungano nevashumiri vanoshumira, vanotakura mitoro yakawanda. Hungu, ungaona hama nehanzvadzi dzomudzimu dzemazera ose dzinokurira mitoo yose yezvinetso kuti dzishumire Jehovha. Kutenda kwomumwe nomumwe kunokosha sei!—1 Petro 1:7.

2. Nei zano raPauro riri muna VaHebheru zvitsauko 10 ne11 richitibetsera nhasi?

2 Vanhu vasina kukwana vashomanana, kana varipo, vakanzwisisa kukosha kwokutenda zviri nani pane zvakaita muapostora Pauro. Chokwadi, akacherechedza kuti kutenda kwechokwadi kunotungamirira ku“kuchengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Zvisinei, Pauro aiziva kuti kutenda chinhu chinorwiswa nokuparadzwa munyika ino isina kutenda. Ainyatsova nehanya nevaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema neJudhea, vaiparapatika kuti vachengete kutenda kwavo. Sezvatinotarira zvimwe zvezvinhu zviri muna VaHebheru zvitsauko 10 ne11, ngaticherechedzei mitoo yakashandiswa naPauro kuvaka kutenda kwavo. Patinenge tichidaro, tichaona mavakire atingaita kutenda kwakasimba matiri uye mune vaya vakatipoteredza.

Ratidzai Kuvimbana

3. Mashoko aPauro anowanikwa pana VaHebheru 10:39 anoratidza sei kuti aivimba nehama nehanzvadzi dzake mukutenda?

3 Chinhu chokutanga chatingacherechedza kuvimba kwaiita Pauro vateereri vake. Akanyora kuti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Pauro akafunga zvakanakisisa, kwete zvakaipisisa, zvevamwe vake vaKristu vakatendeka vaainamata navo. Cherechedzawo kuti akashandisa shoko rokuti “ti.” Pauro aiva murume akarurama. Asi, haana kuzviona seari nani kupfuura vateereri vake, sokunge kuti aiva panzvimbo yakakwirira yokururama iri pamusoro pavo zvakanyanya. (Enzanisa naMuparidzi 7:16.) Panzvimbo pezvo, akazvibatanidza navo. Akaratidza chivimbo chinobva pamwoyo chokuti iye nevaravi vake vakatendeka vaiva vaKristu vose vaizotarisana nemhinganidzo dzinotyisa dzaiva pamberi pavo, kuti vaizoramba noushingi kudzokera shure kunoparadzwa, uye kuti vaizoratidza kuva vaya vane kutenda.

4. Pauro aivimba nevaaitenda navo nokuda kwezvikonzero zvipi?

4 Pauro aigona sei kuva nechivimbo chakadaro? Akanga asingakwanisi kuona zvikanganiso zvevaKristu vechiHebheru here? Kusiyana neizvozvo, akavapa zano rakananga rokuvabetsera kukurira zvikanganiso zvavo zvomudzimu. (VaHebheru 3:12; 5:12-14; 6:4-6; 10:26, 27; 12:5) Kunyange zvakadaro, Pauro aiva nezvikonzero zvakanaka zvinenge zviviri zvokuvimba nehama dzake. (1) Somutevedzeri waJehovha, Pauro akaedza kuona vanhu vaMwari sokuonwa kwavanoitwa naJehovha. Zvaisangova muzvikanganiso zvavo asi muunhu hwavo hwakanaka uye kugona kwavo kusarudza kuita zvakanaka munguva yemberi. (Pisarema 130:3; VaEfeso 5:1) (2) Pauro aitenda simba romudzimu mutsvene zvakakwana. Aiziva kuti hapana mhinganidzo, hapana utera hwavanhu, zvaigona kudzivisa Jehovha kupa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kumuKristu upi noupi anoedza kushumira Iye nokutendeka. (2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13) Saka kuvimba kwaPauro nehama nehanzvadzi dzake kwakanga kusina kuratidzwa kuvanhu vasiri ivo, kusiri kwokunyepera, kana kuti kwokutarisira zvisina pfungwa. Kwakanga kwakavakirwa pazvikonzero chaizvo uye kwakavakirwa paMagwaro.

5. Tingatevedzera sei chivimbo chaPauro, uye nomugumisiroi ungangovapo?

5 Chokwadi, chivimbo chakaratidzwa naPauro chakatapukira. Zvinofanira kuva zvakareva zvakawanda kuungano dzaiva muJerusarema neJudhea kuti Pauro ataure zvinokurudzira kudaro kwadziri. Pasinei zvapo nokuzvidza kunokuvadza uye kusakendenga kwokuzvitutumadza kwevashori vavo vechiJudha, vaKristu vechiHebheru vakabetserwa nemashoko akadaro kutsunga mumwoyo yavo kuva vaya vane kutenda. Tingaita zvakafanana kune mumwe nomumwe nhasi here? Zviri nyorewo zvikuru kuona mune vamwe zvikanganiso zvakawanda uye kusiyana kwounhu. (Mateu 7:1-5) Asi, tinogona kubetserana zvakanyanya kana tikacherechedza ndokukoshesa kutenda kwakasiyana kwomumwe nomumwe. Nokukurudzira kwakadaro, kutenda kungangokura.—VaRoma 1:11, 12.

Kushandiswa Kwakakodzera kweShoko raMwari

6. Pauro aidzokorora mashoko akataurwa naani paakanyora mashoko ari pana VaHebheru 10:38?

6 Pauro akavakawo kutenda mune vaainamata navo nokushandisa kwake Magwaro kwounyanzvi. Somuenzaniso, akanyora kuti: “‘Asi akarurama wangu achararama nemhaka yokutenda,’ uye, ‘kana akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.’” (VaHebheru 10:38) Pano Pauro aidzokorora mashoko akataurwa nomuprofita Habhakuki.a Mashoko aya angangova akanga akajairwa nevaravi vaPauro, vaKristu vechiHebheru avo vaiziva zvikuru mabhuku ouprofita. Achifungisisa nezvevavariro yake—kusimbisa kutenda kwevaKristu mukati nepedyo neJerusarema mugore ra61 C.E.—muenzaniso waHabhakuki waiva chisarudzo chakakodzera. Nei?

7. Habhakuki akanyora rini uprofita hwake, zvinhu zvakanga zvakamira sei muJudha panguva iyoyo?

7 Sezviri pachena Habhakuki akanyora bhuku rake makore anongoti pfuurei makumi maviri Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Mune zvakaratidzwa, muprofita akaona vaKardhea (kana kuti, vaBhabhironi), “rudzi rune hasha runopenga,” vachiparadza Judha kamwe kamwe nokuparadza Jerusarema, vachimedza vanhu nemarudzi pavaiita izvi. (Habhakuki 1:5-11) Asi njodzi yakadaro yakanga yafanotaurwa kubvira muzuva raIsaya, makore anopfuura zana iye asati aitaura. Munguva yaHabhakuki, Jehoiakimi akatsiva Mambo Josia akanaka, uye uipi hwakawandazve muJudha. Jehoiakimi akatambudza uye kunyange kuuraya vaya vaitaura muzita raJehovha. (2 Makoronike 36:5; Jeremia 22:17; 26:20-24) Hazvishamisi kuti muprofita aiva nenhamo Habhakuki akadanidzira achiti: “Haiwa, Jehovha . . . kusvikira riniko?”—Habhakuki 1:2.

8. Nei muenzaniso waHabhakuki ungava unobetsera vaKristu vomuzana ramakore rokutanga uye vanhasi?

8 Habhakuki haana kuziva kuti kuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwava pedyo zvakadini. Nenzira yakafanana, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore havana kuziva paizoguma gadziriro yezvinhu yechiJudha. Isu nhasi hatiziviwo ‘zuva neawa’ kutonga kwaJehovha pakuchauya pamusoro pegadziriro ino yakaipa. (Mateu 24:36) Ipapo, ngaticherechedzei mhinduro mbiri dzaJehovha kuna Habhakuki. Yokutanga, akavimbisa muprofita wacho kuti mugumo waizouya panguva chaiyo. “Hazvingaiti nguva huru,” Mwari akadaro, kunyange zvazvo mumaonero evanhu, zvingaita sezvinononoka. (Habhakuki 2:3) Yechipiri, Jehovha akayeuchidza Habhakuki kuti: “Wakarurama uchararama nokutenda kwake.” (Habhakuki 2:4) Ichokwadi chakaisvonaka, chiri nyore zvakadini! Chinokosha zvikuru, hakusi kuziva panouya mugumo, asi kuti kana tichizopfuurira kurarama upenyu hwokutenda.

9. Vashumiri vaJehovha vaiteerera vakaramba vachirarama nokutendeka kwavo sei (a) muna 607 B.C.E.? (b) pashure pa66 C.E.? (c) Nei zvichikosha kuti tisimbise kutenda kwedu?

9 Jerusarema parakapambwa muna 607 B.C.E., Jeremia, munyori wake Bharuki, Ebhedhi-mereki, uye vaRekabhi vakavimbika vakaona chokwadi chevimbiso yaJehovha kuna Habhakuki. Va‘karamba vachirarama’ nokupukunyuka kuparadzwa kwaityisa kweJerusarema. Nei? Jehovha akapa mubayiro kutendeka kwavo. (Jeremia 35:1-19; 39:15-18; 43:4-7; 45:1-5) Nenzira yakafanana, vaKristu vechiHebheru vomuzana ramakore rokutanga vanofanira kuva vakadavidza zvakanaka zano raPauro, nokuti mauto eRoma paakarwisa Jerusarema muna 66 C.E. uye ipapo vakadzoka zvisina tsananguro, vaKristu ivavo vakateerera nokutendeka nyevero yaJesu yokutiza. (Ruka 21:20, 21) Vakaramba vachirarama nemhaka yokutendeka kwavo. Nenzira yakafanana, ticharamba tichirarama kana tikawanwa takatendeka panosvika mugumo. Chikonzero chinokosha zvakadini chokusimbisa kutenda kwedu zvino!

Kunyatsotsanangura Mienzaniso Yokutenda

10. Pauro akatsanangura sei kutenda kwaMosesi, uye tingatevedzera sei Mosesi munhau iyi?

10 Pauro akavakawo kutenda nokushandisa zvakasimba mienzaniso. Sezvaunorava VaHebheru chitsauko 11, cherechedza matsanangurire aanoita mienzaniso yevanhu vomuBhaibheri. Somuenzaniso, anotaura kuti Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Nemamwe mashoko, Jehovha aiva chaiyeiye kuna Mosesi zvokuti zvakanga zvakaita sokuti aigona kuona Mwari asingaonekwi. Zvakafanana zvingataurwa nezvedu here? Zviri nyore kutaura nezvoukama naJehovha, asi kuvaka nokusimbisa ukama ihwohwo kunoda basa. Ndiro basa ratinoda kuita! Jehovha munhu chaiyeiye kwatiri here zvokuti tinomufunga patinoita zvisarudzo, kusanganisira zvinoratidzika sezviduku? Kutenda kworudzi irworwo kuchatibetsera kutsungirira kunyange kushorwa kwakaipisisa.

11, 12. (a) Kutenda kwaEnoki kungava kwakaedzwa mumigariro ipi? (b) Mubayiroi unokurudzira wakagamuchirwa naEnoki?

11 Fungawo nezvokutenda kwaEnoki. Kushorwa kwaakatarisana nakwo kwakaoma kuti tifungidzire. Enoki aifanira kupa mashoko anorwadza okutongwa kwevanhu vakaipa vairarama panguva iyoyo. (Judha 14, 15) Chitambudzo chakatyisidzira murume uyu akatendeka zviri pachena kuti chairwadza zvikuru, chaiva chanyanya zvikuru, zvokuti Jehovha aka“mutamisa,” achimubvisa mumugariro wokurarama achimuisa mumugariro wokufa vavengi vasati vamubata. Saka Enoki haana kuona kuzadzika kweuprofita hwaakataura. Zvisinei, akagamuchira chipo chaitova nani zvikuru neimwe nzira.—VaHebheru 11:5; Genesi 5:22-24.

12 Pauro anotsanangura kuti: “Asati atamiswa [Enoki] akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” (VaHebheru 11:5) Izvi zvairevei? Asati arara murufu, Enoki angadaro akanga ava nezvaakaratidzwa zvorudzi rwakati, zvichida zveParadhiso yapasi maachamuka rimwe zuva nokukurumidza. Chero zvazviri, Jehovha akaita kuti Enoki azive kuti Aifadzwa zvikuru noupenyu hwake hwakatendeka. Enoki aiva aita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Enzanisa naZvirevo 27:11.) Kufunga nezvoupenyu hwaEnoki kunoorora, handizvo here? Ungada kurarama upenyu hwakadaro here hwokutenda? Ipapo fungisisa nezvemienzaniso yakadaro; ione sevanhu chaivoivo. Iva akatsunga kurarama nokutenda, zuva nezuva. Yeukawo kuti vaya vane kutenda havashumiri Jehovha vachitsamira pamusi kana kuti nguva yakatarwa yokuti ndirini Mwari paachazadzika zvipikirwa zvake zvose. Asi, takatsunga kushumira Jehovha nokusingaperi! Kuita izvozvo kunoreva nzira yakanakisisa zvikuru youpenyu mugadziriro ino yezvinhu uye mune inotevera.

Nzira Dzokusimbisa Nadzo Kutenda

13, 14. (a) Mashoko aPauro akanyorwa pana VaHebheru 10:24, 25 angatibetsera sei kuita kuti misangano yedu ive nguva inofadza? (b) Chikonzero chikuru chemisangano yechiKristu ndechei?

13 Pauro akaratidza vaKristu vechiHebheru nzira dzinoshanda dzinoverengeka dzokuti vagone kusimbisa kutenda kwavo. Ngatimbotaurei nezvembiri chete. Zvimwe takajairana nomurayiro wake uri pana VaHebheru 10:24, 25, unotikurudzira kuungana nguva dzose pamisangano yedu yechiKristu. Zvisinei, yeuka kuti mashoko aPauro akafuridzirwa ari ipapo haarevi kuti tinofanira kungova vacherechedzi vasina zvavanoita pamisangano yakadaro. Panzvimbo pezvo, Pauro anotsanangura misangano semikana yokuzivana nevamwe, kuita kuti mumwe nomumwe ashumire Mwari zvakazara, uye kukurudzirana. Tiripo kuti tipe, kwete kungogamuchira. Izvozvo zvinobetsera kuita kuti misangano yedu ive nguva inofadza.—Mabasa 20:35.

14 Zvisinei, tinopinda misangano yechiKristu zvikurukuru kuti tinamate Jehovha Mwari. Tinoita kudaro nokukumbanira mumunyengetero norwiyo, nokunyatsoteerera, uye nokupa “chibereko chemiromo”—mashoko okurumbidza Jehovha mumhinduro dzedu uye migove pamusangano. (VaHebheru 13:15) Kana tikachengeta vavariro idzodzo mupfungwa ndokuva nezvatinoita padziri pamusangano mumwe nomumwe, kutenda kwedu pasina kukundikana kuchavakwa nguva imwe neimwe.

15. Nei Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vabatisise ushumiri hwavo, uye nei zano iroro rakakodzera nhasi?

15 Imwe nzira yokuvaka kutenda ndeyebasa rokuparidza. Pauro akanyora kuti: “Ngatibatisisei kuzivisa kwepachena tariro yedu tisingazununguki, nokuti iye akapikira akatendeka.” (VaHebheru 10:23) Ungakurudzira vamwe kubatisisa chimwe chinhu pavanoratidzika kuva munjodzi yokurega. Zvechokwadi Satani aimanikidza vaKristu vechiHebheru vaya kurega ushumiri hwavo, uye ari kumanikidzawo vanhu vaMwari nhasi. Pasinei zvapo nokumanikidzwa kwakadaro, tinofanira kuitei? Chimbofunga zvakaitwa naPauro.

16, 17. (a) Pauro akawana sei kusatya muushumiri? (b) Inhanhoi dzatinofanira kuita kana tikazviona tatyisidzirwa nemamwe maitirwe oushumiri hwedu hwechiKristu?

16 KuvaKristu vomuTesaronika, Pauro akanyora kuti: “Sezvamunoziva pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa muFiripi, takava vasingatyi . . . naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:2) Pauro neshamwari dzake vakanga va“itirwa zvakaipa” sei muFiripi? Maererano nedzimwe nyanzvi, shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rinoratidza kurova, kunyadzisa, kana kuti kubatwa zvakaipisisa. Zviremera zvokuFiripi zvakanga zvavarova neshamhu, zvavaisa mujeri, uye zvavapfigira muzvitokisi. (Mabasa 16:16-24) Chiitiko chinorwadza ichocho chakatapura sei Pauro? Vanhu vaiva muguta raitevera murwendo rwake rwoufundisi, Tesaronika, vakaita kuti Pauro adzokere shure nokutya here? Kwete, ‘akava asingatyi.’ Akakurira kutya ndokupfuurira kuparidza asingatyi.

17 Kusatya kwaPauro kwaibva kupi? Kwaibva mukati here? Kwete, akati akava asingatyi “naMwari wedu.” Rimwe bhuku rinopa mashoko revashanduri veBhaibheri rinotaura kuti mashoko aya angashandurwa kuti “Mwari akabvisa kutya mumwoyo yedu.” Saka kana usinganyatsonzwa wakashinga pamusoro poushumiri hwako, kana kuti kana mamwe maitirwe ahwo achiita seanotyisa, kuregererei kukumbira Jehovha kuti akuitire zvakafanana? Mukumbire kuti abvise kutya mumwoyo mako. Mukumbire kuti akubetsere kuva asingatyi nokuda kwebasa. Uyezve, ita dzimwe nhanho dzinoshanda. Somuenzaniso, ronga kushanda nomumwe munhu anonyatsogona rudzi rwokupupurira rwunokunetsa. Zvingasanganisira ndima yebhizimisi, kupupurira kwomumugwagwa, kuparidza kusina kurongwa, kana kuti kupupurira norunhare. Zvichida mumwe wako angada kutungamirira pakutanga. Kana zvakadaro, cherechedza uye dzidza. Asi zvino iva asingatyi kuti uzviedze.

18. Zvikomboreroi zvatingawana kana tikava vasingatyi muushumiri hwedu?

18 Kana ukava asingatyi, funga kuti zvii zvingagumisira zvaitika. Paunopfuurira ndokusaora mwoyo, ungangova nezvinoitika zvakanaka mukugovana chokwadi nevamwe, zvinoitika zvaungadai usina kuwana dzimwe nguva. (Ona papeji 25.) Uchagutsikana kuziva kuti wakafadza Jehovha nokuita zvimwe zvinhu zvakakuomera. Uchaona achikukomborera nokukubetsera kukurira kutya kwako. Kutenda kwako kuchasimba zvikuru. Chaizvoizvo, haungashandiri kuvaka kutenda kwavamwe usingavaki kutenda kwako pachako panguva imwe chete.—Judha 20, 21.

19. Mubayiroi unokosha wakachengeterwa “vaya vane kutenda”?

19 Pfuurira kusimbisa kutenda kwako uye kutenda kweavo vakakupoteredza. Unogona kuzviita nokuzvivaka iwe uye vamwe nokunyatsoshandisa Shoko raMwari, nokudzidza mienzaniso yokutenda iri muBhaibheri uye ndokunyatsoitsanangura, nokugadzirira uye kupindura mumisangano yechiKristu, uye nokubatisisa ropafadzo inokosha youshumiri hwapachena. Sezvaunoita zvinhu izvi, iva nechokwadi chokuti uri mumwe we“vaya vane kutenda” zvechokwadi. Yeukawo kuti vaya vakadai vane mubayiro unokosha. Ndivo “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”b Kutenda kwako ngakurambe kuchiwedzera, uye Jehovha Mwari ngaakuchengete uri mupenyu nokusingaperi!

[Mashoko Omuzasi]

a Pauro akadzokorora mashoko eshanduro yeSeptuagint yaHabhakuki 2:4, inosanganisira chitsama chemashoko chinoti “kana mumwe munhu akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.” Kutaura uku hakusi mumanyoro api neapi echiHebheru aripo. Vamwe vakataura kuti Septuagint yakanga yakavakirwa pamanyoro okutanga echiHebheru asisipo. Chero zvakaitika, Pauro akakubatanidza pano achifuridzirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Naizvozvo kunotenderwa naMwari.

b Rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa2000 ruchava rwunoti: “Hatisi vaya vanodzokera shure . . . asi vaya vane kutenda.”—VaHebheru 10:39.

Ungapindura Sei?

◻ Pauro akaratidza sei kuvimba nevaKristu vechiHebheru, uye chii chatingadzidza mazviri?

◻ Nei kutaura kwaPauro nezvomuprofita Habhakuki kwakakodzera zvikuru?

◻ Mienzaniso yokutenda yeMagwaro yakatsanangurwa sei naPauro?

◻ Mitooi inoshanda yokuvaka kutenda yakarumbidzwa naPauro?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Abatwa zvakaipisisa muFiripi, Pauro akava asingatyi kupfuurira kuparidza

[Mifananidzo iri papeji 24]

Unogona kuva asingatyi kuedza nzira dzakasiyana-siyana dzokupupurira here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe