Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Vamwe veZvapupu zvaJehovha vakapiwa mabasa ane chokuita nezvivako kana zvinhu zvevezvimwe zvitendero. Magwaro anotaura kuti kudini pamusoro pemabasa akadaro?
Nhau ino ingabata nevaKristu avo vanonyatsoda kushandisa 1 Timotio 5:8, iyo inosimbisa kukosha kwekugovera zvinodikanwa zvekunyama zvemhuri dzavo. Kunyange vaKristu vachifanira kunyatsoshandisa zano iroro, hazvipembedzi kugamuchira kwavo ripi kana ose emabasa ekunyika, pasinei zvapo nokuti rakaita sei. VaKristu vanoonga kukosha kwokunzwisisa zvimwe zvezvinodiwa naMwari. Somuenzaniso, chido chomunhu chokuchengeta mhuri yake hachigoni kupembedza kuzvidza kwake zvinotaura Bhaibheri pamusoro pounzenza kana kuponda. (Enzanisa naGenesi 39:4-9; Isaya 2:4; Johane 17:14, 16.) Zvinokoshawo kuti vaKristu vaite maererano nomurayiro wokubuda muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hwezvitendero zvenhema.—Zvakazarurwa 18:4, 5.
Mupasi rose, vabatiri vaMwari vanotarisana nemamiriro emabasa akawanda. Zvingava zvisina basa uye harisi basa redu kuedza kuronga zvose zvinobvira uye kuita mitemo chaiyoiyo. (2 VaKorinte 1:24) Kunyange zvakadaro, ngatitaurei zvimwe zvezvinhu izvo vaKristu vanofanira kufunga mukuita zvisarudzo zvomunhu oga zvebasa. Zvinhu izvi zvakaratidzwa nokupfupikisa muNharireyomurindi yaJuly 15, 1982, munyaya iri pamusoro pekubetserwa nehana yatakapiwa naMwari. Paiva nebhokisi raiva nemibvunzo miviri inokosha ndokuzoronga zvimwe zvinhu zvinobetsera.
Mubvunzo wokutanga unokosha ndouyu: Basa racho rekunyika pacharo rinoshorwa muBhaibheri here? Ichitsinhira pauri, Nharireyomurindi yakati Bhaibheri rinoshora kuba, kusashandiswa zvakanaka kweropa, uye kunamata zvidhori. MuKristu anofanira kudzivisa basa rokunyika iro rinotsigira zvakananga zviito izvo Mwari asingatenderi, zvakaita sezvichangobva kutaurwa.
Mubvunzo wechipiri ndouyu: Kuita basa iri kungaita kuti mumwe ave mubetseri muzviito zvinoshorwa here? Zvakajeka kuti munhu anoshanda munzvimbo yokubhejera, mukiriniki yokubvisa pamuviri, kana mumba inoitirwa zvounzenza angava mubetseri mumiitiro isiri yapamagwaro. Kunyange kana basa rake rezuva nezuva imomo richingova rokutsvaira uriri kana kudavira runhare chete, anenge achibatanidzwa mumuitiro uyo Shoko raMwari rinoshora.
VaKristu vakawanda vakatarisana nezvisarudzo zvemabasa vakaona kuti kungonzvera mibvunzo iyoyo kunovabetsera kuita chisarudzo chomunhu oga.
Somuenzaniso, pamibvunzo miviri iyoyo, mumwe anogona kuona kuti nei munamati wechokwadi asingavi mushandi chaiye wesangano rechitendero chenhema, achirishandira uye kuva muchechi. Zvakazarurwa 18:4 inotaura murayiro uyu: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro.” Munhu aizongowadzana mumabasa uye zvivi zveBhabhironi Guru kana aizova mushandi wenguva dzose wechitendero chaidzidzisa kunamata kwenhema. Hazvina basa kuti mushandi wacho mutarisiri webindu, muchengeti, mugadziri wezvinhu, kana mutarisiri wemabhuku eakaunzi, basa rake rinotsigira kunamata uko kunorwisana nechitendero chechokwadi. Uyezve, vanhu vangaona mushandi uyu achishanda kutsvindisa chechi yacho, kuichengeta yakagadzirwa, kana kuita zvinodiwa zvechitendero ichi vangamubatanidza zvakananga nechitendero chacho.
Zvisinei, zvakadini nemumwe munhu asiri mushandi wenguva dzose wechechi kana wesangano rechitendero? Zvichida anenge adaidzwa kungozoita basa rokukurumidzira rokugadzira pombi yemvura yatsemuka pauriri hwepasi hwechechi. Izvozvo hazvingavi zvakasiyana here nokuratidza kuti iye anoda kunyorerana chibvumirano, chakadai sokurovera kana kugadzira denga rechechi?
Panozve, mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana anogona kufungidzirwa. Saka ngatihwirudzurei zvinhu zvishanu zvokuwedzera izvo Nharireyomurindi iyoyo yakaratidza:
1. Basa racho rinongova basa ravanhu iro pacharo risingabvumidzwe naMagwaro here? Ngatimbofungei nezvapositimeni. Kuendesa kwake tsamba hakungamborevi kuti ari kutsigira chiito chakashata kana chimwe chezvivako munharaunda dzaanoendesera chiri chechi kana kiriniki yokubvisa pamuviri. Mwari anogovera zuva iro rinovhenekera nomumawhindo ezvivako zvose, kubatanidza chechi kana kiriniki yakadaro yokubvisira pamuviri. (Mabasa 14:16, 17) MuKristu ari positimeni angagumisa kuti ari kuita basa ravanhu vose, zuva nezuva. Zvinogona kuva zvakafanana nemuKristu uyo anodavidza kuchiitiko chokukurumidzira—mugadziri wepombi adaidzwa kuzomisa kuzara kwemvura muchechi kana mushandi weamburenzi adaidzirwa kuzorapa mumwe munhu adonha munguva yomunamato wemuchechi. Angangozvifunga sokungoitirawo vanhu rubatsiro.
2. Munhu wacho ane simba rakadini pane zvinoitwa? MuKristu ane chitoro haangabvumi kuhodha nokutengesa zvidhori zvinonamatwa, matumwa, fodya, kana masochisi anogadzirwa neropa. Somuridzi ndiye anodzora. Vanhu vangamukurudzira kutengesa fodya kana zvidhori zvinonamatwa ndokuwana mari, asi angaita zvinotsinhirana nezvaanodavira zviri muMagwaro. Asiwo mushandi wechiKristu wepachitoro chikuru chezvokudya angagoverwa kubhadharisa mari pakaunda, kuporisha uriri, kana kutarisira mabhuku eakaunzi. Haadzori kuti ndezvipi zvinohodwa nokutengeswa, kunyange kana zvishoma zvazvo zvisingabvumwe, zvakaita sefodya kana zvinhu zvemazororo echitendero.a (Enzanisa naRuka 7:8; 17:7, 8.) Izvi zvakabatana nezvinotevera.
3. Munhu wacho anobatanidzwa kusvikira kumwero wakadini? Ngatidzokerei kumuenzaniso wechitoro. Zvimwe mushandi akagoverwa kubhadharisa mari pakaunda kana kungozadza masherefu nguva nenguva anobata fodya kana zvinhu zvechitendero; izvozvo chikamu chiduku chebasa rake rose. Zvisinei, pane musiyano mukuru nemushandi muchitoro ichocho anoshanda pakaunda yefodya! Basa rake rose, zuva nezuva, rine chokuita nezvinhu zvinopesana nezvitendero zvechiKristu. (2 VaKorinte 7:1) Izvi zvinoratidza nei mwero wokubatanidzwa kana wokuonana uchifanira kuyerwa pakusarudza basa.
4. Muripo wacho unobva kupi uye nzvimbo yacho uko basa richaitirwa? Funga mamiriro ezvinhu maviri. Kuti inatsiridze chitarisiko chayo kuna vose, kiriniki yokubvisa pamuviri inosarudza kubhadhara mumwe murume kuti achenese migwagwa yakapoteredza. Muripo wake unobva mukiriniki yokubvisa pamuviri, asi iye haashandi imomo, uye hapana munhu anomuona ari mukiriniki zuva rose. Asi vanomuona achiita basa ravose iro pacharo risingarwisani naMagwaro, pasinei zvapo nokuti ndiani anomubhadhara. Zvino pane musiyano. Munyika umo unzenza hwakaitwa kuti huve pamutemo, bazi reutano rinobhadhara mukoti kuti ashande kudzimba dzepfambi, achiongorora utano zvinoitirwa kuderedza kuparadzirwa kwehosha dzinopomeranwa pakusangana kwavarume navakadzi. Kunyange zvazvo achibhadharwa nebazi reutano, basa rake zhinji nderokudzimba dzepfambi, achiita kuti unzenza huve hwakachengeteka, hunogamuchirika. Iyi mienzaniso inoratidza nei kunobva muripo wemumwe uye nzvimbo yebasa zviri zvinhu zvinofanira kufungwa nezvazvo.
5. Ndoupi uri mugumisiro wokuita basa iri; ucharwadzisa hana yako pachako kana kugumbura vamwe here? Hana dzinofanira kufungwa, yedu pachedu uye dzevamwe. Kunyange kana basa rakati (kubatanidza nzvimbo yaro uye kunobva muripo) richiratidzika serinogamuchirika kuvanenge vaKristu vose, munhu angaona kuti rinogona kunetsa hana yake. Muapostora Pauro, uyo akagadza muenzaniso wakaisvonaka, akati: “Tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Tinofanira kudzivisa kuita basa iro ringatisiya takangaidzika; asi, hatidiwo kuva vatsoropodzi vavamwe vane hana dzakasiyana. Nenzira yakasiyana, muKristu angasaona kupesana neBhaibheri mukuita kwake basa rakati, asi angaziva kuti ringakangaidza zvikuru vakawanda vari muungano navari munzanga. Pauro akaratidza mafungire akanaka mumashoko ake anoti: “Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa; asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari.”—2 VaKorinte 6:3, 4.
Zvino ngatichidzokerai kumubvunzo chaiwo wekushanda pachivako chechechi, zvakaita sokuisa mahwindo matsva, kugeza makapeti, kana kugadzirisa choto. Zvinhu zviri pamusoro apa zvingabatanidzwa sei?
Yeuka nhau yesimba. MuKristu wacho ndiye muridzi kana maneja anogona kusarudza kana zvichiita kugamuchira basa rakadaro pachechi here? MuKristu ane simba iroro anoda kugoverana neBhabhironi Guru nokuda kuita basa kana nokunyorerana chibvumirano chokubetsera zvimwe zvitendero kutsigira kunamata kwenhema here? Izvozvo hazvingaenzaniswi here nokusarudza kutengesa fodya kana zvidhori muchitoro chako?—2 VaKorinte 6:14-16.
Kana muKristu ari mushandi asina simba pamusoro pemabasa anogamuchirwa, zvimwe zvinhu zvinofanira kufungwa, zvakaita senzvimbo uye mwero wokubatanidzwa. Mushandi uyu akakumbirwa kuti angoendesa kana kuisa zvigaro zvitsva pane imwe nguva kana kuita basa remutsa rinoitirwa vanhu, rakaita seromudzimi wemoto anodzimura moto muchechi usati wapararira here? Vakawanda vangaona izvi sezvakasiyana nemushandi womubhizimisi anopedza nguva yakareba achipenda chechi kana kugaroshanda mubindu kuti rikwezve. Uku kushandira kwenguva dzose kana kwenguva yakati rebei kungawedzera kubvira kwokuti vakawanda vabatanidze muKristu uyu nechitendero chaanoti haatsigiri, zvichivagumbura.—Mateo 13:41; 18:6, 7.
Tataura zvakawanda zvinokosha pamusoro pemabasa. Izvi zvakataurwa mumashoko emubvunzo wakananga waibatanidza chitendero chenhema. Asi, zvinogona kufungwa nenzira yakaenzana pamusoro pemamwe marudzi emabasa. Muchiitiko chimwe nechimwe, kunzvera uchinyengetera kunofanira kuitwa, uchifunga zvakananga—nezvemamiriro ezvinhu aripo—uye zvimwe kusiyana kwawo. Zvinhu zvataurwa pamusoro apa zvakatobetsera vaKristu vepachokwadi vakawanda kuita zvisarudzo zvehana izvo zvinoratidza kuda kwavo kufamba vakarurama uye vakasimba pamberi paMwari.—Zvirevo 3:5, 6; Isaya 2:3; VaHebheru 12:12-14.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vaKristu vanoshanda muzvipatara vaitofanira kufunga iyi nhau yesimba. Chiremba angave nesimba rokuhodha mishonga kana simba remitoo yokurapa nayo murwere. Kunyange kana murwere asingarambi, chiremba wechiKristu ane simba angarayira sei kuisirwa ropa kana kubviswa kwepamuviri, achiziva zvinotaura Bhaibheri panhau dzakadaro? Nenzira yakasiyana, mukoti anoshanda pachipatara haangavi nesimba rakadaro. Sezvaanoita basa renguva dzose, chiremba angamurayira kuongorora ropa nokuda kwechinangwa chakati kana kutarisira murwere akauya kuzobviswa pamuviri. Maererano nemuenzaniso wakanyorwa pana 2 Madzimambo 5:17-19, angagumisa kuti sezvo asiri iye ane simba rokurayira kuisira ropa kana anobvisa pamuviri, anogona kuita mabasa emutsa anoitirwa murwere. Chokwadika, anofanira kuramba achifunga hana yake, kuti ‘agofamba pamberi paMwari nehana yakachena.’—Mabasa 23:1.