RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/15 p. 30
  • Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Une Mudzimu Usingafi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Une Mudzimu Usingafi Here?
    Une Mudzimu Usingafi Here?
  • Iri Ndiro Zuva Rokuponeswa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/15 p. 30

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokurava magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yapfuura here? Zvakanaka, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

◻ Nei kutaura kwaPauro kwokuti “nhume nokuda kwaKristu” kwakakodzera vaKristu vakazodzwa zvakadaro? (2 VaKorinte 5:20)

Munguva dzekare, nhume dzaitumwa kunyanya munguva dzokurwisana kundoona kana hondo yaigona kudziviswa. (Ruka 14:31, 32) Nyika inotadza yavanhu zvayakaparadzana naMwari, ari kutuma nhume dzake dzakazodzwa kuti dzindozivisa vanhu zvaanoda kuti vayananiswe, dzichivakurudzira kuti vave norugare naMwari.—12/15, peji 18.

◻ Zvinhu zvina zvakasimbisa kutenda kwaAbrahama ndezvipi?

Chokutanga, akaratidza kutenda kwake Jehovha nokuteerera Mwari paakataura (VaHebheru 11:8); chechipiri, kutenda kwake kwaiva nechokuita netariro yake zvikuru (VaRoma 4:18); chechitatu, Abrahama aitaura naJehovha kakawanda; uye chechina, Jehovha akatsigira Abrahama paakatevera kutungamirira kwaMwari. Zvinhu zvakafanana zvinogona kusimbisa kutenda kwedu nhasi.—1/1, mapeji 17, 18.

◻ Kutaura kwokuti “Regai kutiisa pakuidzwa” kunorevei? (Mateo 6:13)

Tiri kukumbira Mwari kuti asatibvumira kuti tikundikane patinoidzwa kuti tisamuteerera. Jehovha anogona kutitungamirira kuitira kuti tisabvuma uye tisakurirwa naSatani, “wakaipa.” (1 VaKorinte 10:13)—1/15, peji 14.

◻ Munhu anofanira kuitei kuti akanganwirwe naMwari nokuda kwokukanganisa?

Kureurura kuna Mwari kunofanira kubatanidzwa nokupfidza ne“zvibereko zvakafanira kutendeuka.” (Ruka 3:8) Kuda kupfidza uye chishuvo chokururamisa zvakaipa zvingaitawo kuti munhu atsvake kubetserwa mumudzimu navakuru vechiKristu. (Jakobho 5:13-15)—1/15, peji 19.

◻ Nei tichifanira kuedza kuzvininipisa?

Munhu anozvininipisa anoshivirira uye ane mwoyo murefu, uye haanyanyi kuzvikoshesa. Kuzvininipisa kunoita kuti uve neshamwari dzechokwadi dzinokuda. Zvinopfuura izvozvo, kunounza chikomborero chaJehovha. (Zvirevo 22:4)—2/1, peji 7.

◻ Kufa kwaJesu nekwaAdhama kwakasiyana zvikuru sei?

Kufa kwaAdhama kwakanga kwakakodzera, nokuti akarega kuteerera Musiki wake namaune. (Genesi 2:16, 17) Zvakasiyana neizvozvo, kufa kwaJesu kwakanga kusina kumbokodzera zvachose, nokuti haa“na kuita zvivi.” (1 Petro 2:22) Saka Jesu paakafa, akanga ane chimwe chinhu chaikosha zvikuru chakanga chisina muiti wechivi Adhama pakufa kwake—kodzero youpenyu hwomunhu hwakakwana. Saka, kufa kwaJesu kwakanga kune kukosha kwokuzvibayira pakudzikinura vanhu.—2/15, peji 15, 16.

◻ Muchiono chouporofita chaEzekieri, guta raifananidzirei?

Guta racho zvariri pakati penyika yakashatiswa (isiri tsvene), rinofanira kuva chimwe chinhu chepasi pano. Nokudaro, rinoita serinofananidzira kutarisira kwapasi pano kunobetsera vose vachaumba nzanga yakarurama yapasi.—3/1, peji 18.

◻ Nei Jesu akageza tsoka dzevadzidzi vake paaichengeta Paseka muna 33 C.E.?

Jesu akanga asiri kutanga tsika yokugeza tsoka. Asi, akanga ari kubatsira vaapostora vake kuti vagamuchire mafungire matsva—okuzvininipisa uye okuda kuitira hama dzavo mabasa aya anonzi akaderera pane mamwe ose.—3/1, peji 30.

◻ Patinodzidzisa vamwe, chii chinokosha zvikuru kupfuura mano okuzvarwa nawo?

Unhu hwatinahwo uye miitiro yomudzimu yatakashandira kuti tive nayo inogona kutevedzerwa navadzidzi. (Ruka 6:40; 2 Petro 3:11)—3/15 mapeji 11, 12.

◻ Vakurukuri vapachena vangavandudza sei kurava kwavo Magwaro?

Nokudzidzira. Hungu, nokurava zvinonzwika kakawanda kusvikira vava kugona kuita kudaro vasingandandami. Kana makaseti eBhaibheri achiwanika, kuchenjera kuteerera pfungwa dzinosimbiswa nomuravi uye paanokwidza nepaanoderedza uye kucherekedza kuti mazita namashoko asina kujairika anodudzwa sei.—3/15, peji 20.

◻ ‘Mudzimu unodzokera kuna Mwari’ sei munhu paanofa? (Muparidzi 12:7)

Mudzimu zvauri simba roupenyu, uno“dzokera kuna Mwari wakaupa” mupfungwa yokuti tariro youpenyu chero ipi zvayo yemunhu iyeye yava kuna Mwari zvachose. Mwari oga anogona kudzorera mudzimu, kana kuti simba roupenyu, achiita kuti munhu avezve mupenyu. (Pisarema 104:30)—4/1, peji 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe