Kunamata Mwari Nechokwadi
Kuti kunamata kugamuchirwe naMwari, kunofanira kuvakirwa pachokwadi. (Johane 4:23) Bhaibheri rinozivisa vanamati vechokwadi sevari ve“ungano yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiso chechokwadi.” (1 Timotio 3:15, NW) Avo vanoumba ungano yaMwari havangodaviri chete chokwadi cheShoko raMwari asiwo vanorarama mukuwirirana nacho ndokuchidzivirira, vachiita kuti chizivikanwe munyika yose.—Mateo 24:14; VaRoma 10:9-15.
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinonyatsozikanwa nokuda kwebasa razvo rokudzidzisa Bhaibheri, zvino riri kuitwa munyika dzinopfuura 200. Zvinofunda Bhaibheri ndokuridzidzisa sechokwadi, vasingabvumiri kurerutsa kunoparirwa neuzivi hwavanhu. Unoziva dzidziso dzazvo dzakavakirwa paBhaibheri here? Vakawanda vanozengurira kuteerera Zvapupu zvaJehovha nemhaka yemashoko asina kunaka anotaurwa nezvazvo. Asi vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanokumbirwa kuti vazvisarudzire kuti zvinodzidziswa neZvapupu ichokwadi here kana kuti kwete. Chisarudzo chakakosha kudaro hachifaniri kuvakirwa parunyerekupe. Vakawanda vakazvinzverera dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha vakabetserwa zvikuru.
Kuziva Chokwadi Kunobvisa Kutya
Somuenzaniso, chimbofunga nezvaEugenia. Akarererwa mumhuri yechiKaturike chakasimba. Baba vake vakanga vari mumwe wevaironga nezvokushanya kwapapa kuMexico muna 1979. Paaishanyira shamwari, Eugenia akasangana neZvapupu zvaJehovha. Akatanga kunyatsonzvera zvinotaura Bhaibheri achibetserwa nazvo. Anoyeuka kuti: “Pakutanga, ndakatanga kutya. Ndakanga ndawana chokwadi! Asi izvi zvaireva kuti zvitendero zvangu zvokutanga zvakanga zvisina kururama. Mhuri yangu, shamwari dzangu, vanhu vandaida—vose vakanga vasina kururama. Ndakatya. Ndakaramba ndichizvibvunza kuti mhuri yangu yaizotii nezvandakanga ndichangobva kuwana. Sezvo nguva yakafamba uye ndichibetserwa naJehovha, ndakatanga kubvuma uku kuchinja kukuru. Rimwe zuva ndakafunga kutaura neshamwari yemhuri yedu, mumwe purofesa wezvokunamata. Ndakamuudza zvose nezvechishuvo changu chokuwana chokwadi. Ipapo akati, ‘Kana uchida kuziva chokwadi, tsvaka Zvapupu zvaJehovha.’”
Sezvakagara zvichityiwa naEugenia, mhuri yake yakamudzinga pamba. Zvisinei, Zvapupu zvakaramba zvichimubetsera mumudzimu. Anoti: “Ndakasimbiswa kuti nditsigire chokwadi. Ndakaziva kuti chinhu chaifanirwa kurwirwa. Kugamuchirwa kwandakaitwa neZvapupu zvaJehovha kwakanga kwakakosha zvikuru. Ndakanzwa ndichidiwa muungano yechiKristu. Kuva pedyo nesangano raMwari kwakandibetsera kukurira kutya kutsigira chokwadi ndiri ndoga.”
Funga nezvomumwe muenzaniso. Sabrina akakura akarovedzana nokukurukura Bhaibheri nguva dzose semhuri. Chaizvoizvo, vakatanga yainge ‘chechi yemhuri.’ Wakava muitiro wake kusonganirana nenhengo dzemachechi akasiyana-siyana kuti afumure kusaziva kwavo. Mumwe weZvapupu zvaJehovha paakakarakadza fundo yeBhaibheri, akabva angobvuma achiitira kuti aratidze kuti zvitendero zvavo ndezvenhema. Anoyeuka kuti: “Pashure pokufunda kwerinopfuura gore, ndakatya kurasikirwa ne‘chokwadi changu.’ Zvakanga zviri nyore kufumura kunyengera kwemachechi akawanda andakanga ndambokurukura nawo, asi iye zvino zvakanga zvisina kudaro.”
Kutya kwaSabrina kwakamuita kuti asapfuurira kufunda kwake Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi ipapo akanzwa kuti aishayiwa chimwe chinhu chomudzimu. Akafunga kumutsidzira kufunda kwacho uye pakupedzisira akagamuchira kutenda uku kuchangobva kuwanwa. Sabrina akafambira mberi kusvikira oda kutaura zvaakanga achidzidza nevamwe. Akatokumbira kuti aperekedze Zvapupu muushumiri hwazvo hwapaimba neimba. Sabrina anotsanangura kuti: “Ndisati ndatenderwa kuparidza neZvapupu zvaJehovha, ndakabvunzwa kuti: ‘Unonyatsoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’ Ndakapindura kuti, ‘Aiwa!’ Ndakatanga kutya zvakare.” Pakupedzisira, pashure pokuramba achipinda misangano yose nokucherekedza vanhu vaMwari nemashandisiro avanoita mitemo yeBhaibheri, Sabrina akazobvuma kuti zvechokwadi chakanga chiri chokwadi. Akabhabhatidzwa uye zvino muevhangeri wenguva yakazara.
Nei Zvakasiyana Kudaro?
Mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Nei dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiyana kudaro nemamwe machechi?’ Kumbotarisa zvishoma zvinodavirwa neZvapupu kuchakubetsera kuti uone kuti ivo vaKristu vechokwadi, vadzidzi veBhaibheri vakarurama. Tinokukurudzira kuti utarire muBhaibheri rako magwaro ari mupfupiso yezvitendero zvavo zvinokosha inoratidzwa pamusoro apa.
Nokunyatsotarisa zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha nokuomerera kwazvinoita zvinodzidziswa neBhaibheri, unogona kukomborerwa norusununguko rwunogoverwa nechokwadi. (Johane 17:17) Hapana chikonzero chokutya chokwadi. Yeuka vimbiso yaJesu: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johane 8:32, NW.
[Bhokisi riri papeji 6]
ZVIMWE ZVITENDERO ZVINOKOSHA ZVINODAVIRWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
◯ Jehovha ndiye Mwari wamasimba ose. Zita rake rinooneka ka7 000 mumanyoro okutangisisa eBhaibheri.—Pisarema 83:18.
◯ Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, akauya pasi pano kuti ape vanhu upenyu hwake. (Johane 3:16, 17) Zvapupu zvaJehovha zvinotevera dzidziso dzaJesu Kristu sezvadziri muEvhangeri.
◯ Zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rakavakirwa pana Isaya 43:10, panoti: “Zvanzi naJehovha: Ndimi zvapupu zvangu.”
◯ Umambo hunonyengetererwa navanhu mumunyengetero wa“Baba Vedu” ihurumende yokudenga ichakurumidza kubvisa kutambura kwose nemarwadzo munyika ichigadzirira Paradhiso inovimbiswa neBhaibheri.—Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:3, 4.
◯ Munhu wose anoita kuda kwaMwari ane mukana wokuva nezvikomborero zvoUmambo nokusingaperi.—Johane 17:3; 1 Johane 2:17.
◯ VaKristu vanofanira kuwiriranisa mufambiro wavo nezvinotaura Bhaibheri. Vanofanira kuedza kuva vakatendeseka, kurarama upenyu hwakachena, hune tsika, uye kuratidza kuda muvakidzani wavo.—Mateo 22:39; Johane 13:35; 1 VaKorinte 6:9, 10.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa vanhu chokwadi cheBhaibheri munyika dzinopfuura 200