“Chokwadi Chichakusunungurai”
“Muchaziva Chokwadi, Uye Chokwadi Chichakusunungurai.” Ndizvo Zvakazivisa Jesu Sezvaaidzidzisa Vakawanda Vaiva Mutemberi Yemujerusarema. (Johane 8:32, NW) Vaapostora Vajesu Vaigona Kuziva Dzidziso Dzajesu Sechokwadi Nyore Nyore. Vakanga Vaona Uchapupu Hwakawanda Hwokuti Mudzidzisi Wavo Akanga Abva Kuna Mwari.
ZVISINEI, nhasi vamwe vangaomerwa nokuziva chokwadi chakataurwa nezvacho naJesu. Somumazuva omuporofita Isaya, nhasi pane “vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.” (Isaya 5:20) Nepfungwa dzakawanda, uzivi, uye mararamiro zviri kutsigirwa mazuva ano, vanhu vakawanda vanofunga kuti zvinhu zvose zvinosiyana-siyana uye hapana chinhu chinonzi chokwadi.
Jesu paakataura kuvateereri vake kuti chokwadi chaizovasunungura, vakapindura vachiti: “Tiri vorudzi rwaAbrahama isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti muchasunungurwa?” (Johane 8:33) Havana kufunga kuti pane munhu kana kuti chinhu chaifanira kuvasunungura. Asi Jesu akatsanangura kuti: “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi.” (Johane 8:34) Chokwadi chaitaurwa nezvacho naJesu chinogona kusunungura muchivi. Jesu akati: “Kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.” (Johane 8:36) Naizvozvo chokwadi chinosunungura vanhu ichokwadi pamusoro paJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Munhu upi noupi anogona kusunungurwa muchivi norufu nokutenda bedzi chibayiro choupenyu hwomunhu hwakakwana hwaJesu.
Pane imwe nguva Jesu akati: “Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.” (Johane 17:17) Shoko raMwari riri muBhaibheri ndiro chokwadi chinogona kutisunungura mukudavira mashura nokunamata kwenhema. Bhaibheri rine chokwadi pamusoro paJesu Kristu, chinoita kuti vanhu vamutende ndokuva netariro yakajeka yeramangwana. Kuziva chokwadi cheShoko raMwari chinhu chakazonaka!
Kuziva chokwadi kunokosha zvakadini? Nhasi zvitendero zvakawanda zvinopesvedzerwa zvikurukuru neuzivi hwavanhu nemagamuchidzanwa, nepo zvichitaura kuti zvinotevera Bhaibheri. Kakawanda, vatungamiriri vezvitendero vanoita sevasina hanya nokururama kweshoko ravo sezvavanoita kugamuchirwa kwavo navanhu vakawanda. Vamwe vanofunga kuti Mwari anogutswa nokunamata kwose kwose, chero bedzi kuri kwemwoyo wose. Asi Jesu Kristu akatsanangura kuti: “Nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.”—Johane 4:23.
Kana tichida kunamata Mwari sezvaanoda, tinofanira kuziva chokwadi. Iyi inhau inokosha. Mufaro wedu usingaperi unotsamira pairi. Naizvozvo, munhu wose anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Manamatiro angu anodiwa naMwari here? Ndinonyatsoda kudzidza chokwadi cheShoko raMwari here? Kana kuti ndinotya kuti kunyatsonzvera kungazivisei here?’