RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 10/1 p. 7
  • Usarega Kuzivisa Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usarega Kuzivisa Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinoisa Jehovha Pekutanga Pane Zvese Zvandinosarudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 10/1 p. 7

Mushumo Wavazivisi voUmambo

Usarega Kuzivisa Mashoko Akanaka

VANHU vanofamba vachiongorora nzvimbo dzisingazivikanwi vokuEurope pavakatanga kushanyira Gulf yeVenezuela neLake Maracaibo, mhenderekedzo yacho yakanga ine dzimba duku dzakawanda dzakapfirirwa neuswa dzakanga dzakavakirwa pamatanda akamiswa mumvura isina kudzika. Chiono chacho chaiyeuchidza nezveVenice, Italy, kune vanhu vaivaka misha yavo pedyo nemahombekombe emvura. Nokudaro vanhu vanofamba vachiongorora nzvimbo dzisingazikanwi vanotaura chiSpanish vakatumidza nharaunda iyoyo kuti Venezuela, zvinoreva kuti “Venice Duku.”

Nhasi, iyi nyika yakaisvonaka iri kuva nokuvaka kworumwe rudzi, kwomudzimu. Ikoko Zvapupu zvaJehovha zviri kubishaira kudyara mbeu yoUmambo pamukana wose wakafanira. Kukohwa kwomudzimu kuri kuvapo kuri kuunza rumbidzo huru kuna“She wokucheka,” Jehovha Mwari.—Mateo 9:37, 38.

Mumwe mutariri anofambira paakashanyira ungano iri muruwa rweZulia kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweVenezuela, Zvapupu zvomunzvimbomo zvakaronga kuti iye nomudzimai wake vashanyire chitsuwa chiduku chiri pedyo chinonzi Toas. Pavakanga vari mumutsetse vakamirira kuti vakwire igwa ramangwanani-ngwanani rinoenda kuchitsuwa chacho, mudzimai womutariri anofambira, Mery, akakarakadza kune waaiva naye, imwe hanzvadzi iri piyona wenguva yakazara kuti vataure navamwe vashandi vaiva muigwa racho. Piyona wacho akabvuma.

Paakasvika pana makanika, Mery akabudisa bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Akamuratidza ganhuro inoti “Kuvaka Mhuri Inokudza Mwari,” yaakaratidza kuva yakakodzera. Ipapo Mery akatsanangura kuti aigona kufunda Bhaibheri pamba pake chaipo, achishandisa bhuku iri. Akatora bhuku racho, uye gadziriro dzokuti mumwe munhu agomushanyira kumba kwake dzakaitwa.

Kwapera nguva duku, munharaunda yacho makanga mune gungano chairo rezuva rimwe. Mery akashamiswa zvikuru kuona makanika wacho, Senor Nava, aripo, pamwe chete nomudzimai wake nevanasikana vaduku vaviri! Mery akabvunza mudzimai wacho kuti aifungei nezvekufunda kwavo Bhaibheri semhuri. Mhinduro yake yaishamisa zvikuru.

“Ndinoonga Jehovha kuti takadzidza chokwadi,” akadaro. Ipapo akatsanangura. “Pamakataura nomurume wangu, akanga achangobva kundisiya achienda kune mumwe mukadzi. Ainwawo zvikuru. Pane dzimwe nguva paaidhakwa, aiva nehasha, zvakanga zvisingadiwi nenzanga duku iri pachitsuwa. Aiitawo zvemidzimu. Zvisinei, zivo yeBhaibheri yaakawana mukufunda yakamubetsera kuti achinje zvikuru muupenyu hwake. Akarega miitiro yake yose isina kuchena. Vabereki vake, vari vaKaturike, vakaororwa zvikuru nokuchinja uku. Vanofara kuti zvino ava murume nababa vakavimbika.”

Senor Nava akabhabhatidzwa muna 1996 uye zvino anoshanda somushumiri wenguva yakazara. Mudzimai wake, Jenny, akabhabhatidzwa muna 1997. Meya wetaundi racho akaororwa zvikuru nokuchinja kwamakanika weigwa zvokuti iyewo akakumbira kufunda Bhaibheri. Hanzvadzi dziya dzinofara kwazvo kuti hadzina kurega kuzivisa mashoko akanaka padzakanga dziri mumutsetse dzakamirira igwa mangwanani aya!

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kutaura mashoko akanaka namakanika weigwa kwakaunza migumisiro inofadza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe