Kugara Nokuparidza Pedyo Negomo Rinoputika
“CHIITIKO chinotyisa. Chingagona chaizvoizvo kuva chakafanana nomugumo wenyika unotaurwa neBhaibheri. Tinofanira kuramba takasvinura ndokuva nechimiro chakanaka pamberi paJehovha Mwari nhambo yose.” Ayo mashoko aVictor, mumwe weZvapupu zvaJehovha, paairondedzera chakaitika chake chokugara pedyo zvikuru negomo rinoputika rePopocatépetl, rinozivikanwa zvikuru sePopo, muMexico.
Iri gomo rinotinhira rave riri munhau dzenyika dzakawanda kubva muna1994.a Zviremera zvakagumisa kuti zvinhu zvose zviri mukati memakiromita 30 akapoteredza gomba rakaparirwa nokuputika kwegomo zviri munzvimbo ine ngozi huru. Rutivi rwokumaodzanyemba rwegomo rinoputika rwune ngozi zvikuru nokuti gomba racho rakarerekera kurutivi irworwo uye kune mipata yakadzama yakawanda munogona kuyerera namo mvura nemadhaka zvinobva mugomba racho.
Sezvingakarirwa, vakawanda vanoshamisika kuti chii chingaitika kuMexico City kana kuputika kwegomo racho kukava kukuru. Guta racho riri pangozi here? Uye kunezve vanhu vose vari muruwa rweMorelos rwuri kumaodzanyemba kwegomo rinoputika. Vose vari munzvimbo iyoyo variwo pangozi here? Uye kugara pedyo negomo rinoputika kwakaita sei, usingazivi chingaitika zuva ripi neripi?
Kutyisidzira Kwegomo Rinoputika
Pakati peMexico City makitomita anenge 70 kuchamhembe kwakadziva kumavirira kwePopocatépetl, kunyange zvazvo mamwe masabhabha aro ari pedyo namakiromita 40. Chaizvoizvo, nharaunda yose yeguta guru racho, nevanhu vayo vane mamiriyoni 20, iri kunze kwenzvimbo ine ngozi. Zvisinei, zvichitsamira pakunonanga nemhepo, nharaunda iyi ingagona kutapurwa kana madota akawanda akabudiswa negomo rinoputika.
Migumisiro yemadota egomo rinoputika inowanzova yakakomba zvikuru nechokumabvazuva kwegomo rinoputika. Nharaunda iyi inobatanidza guta rePuebla uye maguta maduku akati wandei nemadhorobha, nevanenge 200 000 vachirarama mukati menzvimbo ine ngozi zvikuru. Musi weSvondo, 11 May 1997, gomo rinoputika rakaputitsira mumhepo matani amadota ndokuamwayira munzvimbo iyi yose, achisvika kuruwa rweVeracruz, anopfuura makiromita 300 kumabvazuva. Munzvimbo iri kumaodzanyemba kwegomo rinoputika, muruwa rweMorelos, kune maguta nemadhorobha anoverengeka ane hwerengedzo yevagari vanenge 40 000 vangagonawo kuva mungozi yakakomba.
Zvapupu zvaJehovha zvinorarama nokushanda pakati pezvinhu zvose izvi. MuMexico City, mune zvinopfuura 90 000 muungano 1 700. Bazu reWatch Tower Society riri kunze kweMexico City kuchamhembe kwadziva kumabvazuva, asingapfuuri makiromita anenge 100 kubva pagomo rinoputika. Kune vakazvipira vanopfuura 800 vari kushanda pabazu racho, kunze kwe500 vakazvipira kushanda pabasa guru rokuvaka. Vose zvavo vari kunze kwenzvimbo ine ngozi.
Muruwa rweMorelos, mune ungano dzinenge 50 dzeZvapupu zvaJehovha dzine vaparidzi voUmambo vanopfuura 2 000. Dzimwe dzeidzi, dziri muTetela del Volcán neHueyapan, dziri pedyo namakiromita 20 kubva kugomba racho. Mukuwedzera, kumabvazuva muruwa rwePuebla, kune ungano dzine vaparidzi vanenge 600 vanogara makiromita asingapfuuri 20 kusvikira ku30 kubva kugomo rinoputika. Chokwadika, idzi dzingagona kuva mungozi yakakomba.
Zvapupu zvaJehovha Zvinoramba Zvichishingaira
Pasinei zvapo netyisidziro inopfuurira, Zvapupu zvaJehovha hazvina kurega basa razvo rokuparidza munzvimbo iyi. Zvakarambawo zvine rudungwe rwazvo rwemisangano yechiKristu, inozvipa mufungo wokubatana nechivimbo muaya mamiriro ezvinhu akaipa. (VaHebheru 10:24,25) Mushumo unobva kuimwe yeungano dzacho unoti: “Chimiro chendangariro chavanhu kumashoko akanaka oUmambo chakachinja zvinoshamisa. Somuenzaniso, mune mumwe musha muduku, vanhu 18 vachangobva kugamuchira fundo dzeBhaibheri dzapamusha.”
Imwe ungano, iri makiromita 20 kubva kugomo rinoputika, inoshuma kuti: “Kukura kwacho kwave kuchioneka zvikuru. Ungano iyi yakaumbwa muna November 1996. Mumwedzi mitanhatu yakatevera, vanhu gumi vakakwanirisa kugoverana mubasa romumunda. Vamwe vaparidzi vanogara makiromita anenge makumi maviri bedzi kubva pagomba. Misangano yechiKristu iri kuitwa ikoko, uye vanenge 40 vanopinda.”
Magdalena, anogara muSan Agustín Ixtahuixtla, Puebla, makiromita 25 chete kubva kugomo rinoputika, akaramba achishingaira zvikuru kuitisa fundo dzeBhaibheri. Anorondedzera zvakaitika pashure pokumwe kuputika kwakakomba.
“Takaziviswa kuti tinofanira kubva pamisha yedu, tikabva—tichinayiwa namadota aibva mudenga. Pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu okukurumidzira, ndakafunga nezvemhuri yokwaDorado yandakanga ndichifunda nayo Bhaibheri. Dzimwe hama neni takaenda kumba kwavanaDorado kundovabetsera kuti vaende kunzvimbo yakakotsekana. Muguta riri pedyo rePuebla, dare rokubatsira reZvapupu zvaJehovha rakanga ratotanga kushanda. Mhuri yokwaDorado yakaororwa zvikuru nenzira iyo tose takabatwa nayo ikoko. Takagadzirirwa pokugara pachine nguva mberi munzvimbo dzakasiyana-siyana nehama dzedu dzechiKristu. Hatina chataishayiwa, kunyange zvazvo takanga tiri kure nokumusha. Mhuri iyi yakanga yapinda mimwe misangano paHoro yoUmambo, asi vakashamiswa norudo rwavakaratidzirwa nehama dzavakanga vasina kumbosangana nadzo. Mavhiki akati pashure pokudzokera kumisha yedu, mhuri iyi yakatanga kupinda misangano yose nguva dzose. Nokukurumidza vakakwanirisa kuva vaparidzi vemashoko akanaka. Vaviri vavo zvino vakabhabhatidzwa. Vakashanda semapiyona ebetsero kwemwedzi yakati uye vari kuronga kupinda mubasa roupiyona hwenguva dzose.”
Martha, musikana ane makore 20 okukura anogara makiromita 21 kubva kugomba, haana kubvumira kuti kuremara kumudzivise kushandisa mukana wose wokuparidza. Akadzidza chokwadi makore matatu apfuura apo kuputika kwegomo kwakaitika zvekare. Panzvimbo pokushandisa wiricheya, iyo inganetsa kudzora munzvimbo yakatenuka zvikuru maanogara, anokwira dhongi kuti agoverane mubasa rokuparidza. Anokwirawo dhongi iroro pakuenda kumisangano. Martha anoonga Jehovha zvikuru kuva rutivi rwouhama hune rudo, sezvo achitsamira pabetsero yehanzvadzi dziri muungano kuti akwire nokuburuka padhongi racho. Mwedzi mumwe nomumwe, anopedzera maawa anopfuura 15 muushumiri.
Munzvimbo idzi dziri dzoga, Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvinonangana nedzvinyiriro inobva kuvavakidzani vazvo yokuti zvivakumbanire mukupemberera mazororo erudzidziso. MuTulcingo, musha uri makiromita anenge 20 kubva kugomo rinoputika, mumwe murume akapiwa basa rokushanyira Zvapupu kuti aunganidze mipiro yemhemberero dzacho. Hama dzacho dzakatsanangura zvakanaka chikonzero nei dzaisagona kutora rutivi mumazororo iwayo orudzidziso. Murume wacho akanga akatsunga kuedza kuwana mari kuhama dzacho zvokuti akavamba kusonganirana nadzo, ndokusvika pakuziva zvimwe zvezvitendero zvadzo. Akafara kuwana mhinduro dzemibvunzo yake muBhaibheri rake pachake rechiKaturike. Ave achipinda misangano nguva dzose kwegore, pamwe chete nomukadzi wake nomwanasikana, uye akaratidza chishuvo chake chokuva muparidzi wamashoko akanaka.
Unogona Sei Kuva Akagadzirira?
Nyanzvi dzezvokuputika kwemakomo dzinoita zvifundo zvadzo ndokupa mishumo pamusoro pePopocatépetl inotyisa, asi hapana anoziva chaizvoizvo chichaitika kana kuti rini. Maererano nezvinobudisa nhau nevanhu vanogara pedyo neipapo, gomo racho ringaputika panguva ipi neipi. Tyisidziro yacho ndeyechokwadi. Chokwadika, zviremera zviri kunetseka zvikuru uye zvinoda kuita zvose zvazvinogona kuti zvive zvakagadzirira muchiitiko chekurumidziro. Asi zvinonzwisisika kuti vanofanira kuva vanochenjerera pakupa nyevero, sezvo vasingadi kuparira kutama kwevakawanda kana pasina ngozi ichaitika nokukurumidza. Ipapoka, munhu anofanira kuitei?
“Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 22:3) Naizvozvo, nzira yokuchenjera ndeyokutora matanho anodikanwa kuva nechokwadi chokuchengeteka kwomunhu mukana uchakazaruka, kwete ‘kuregeredza’ sokunge kuti hapana chinofa chakaitika, uchiita zvokutamba nemasimba omusikirwo anotyisa kudaro. Iyi ndiyo nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira nayo nhau yacho.
Nguva pfupi yapfuura, vamiriri vanobva kubazu reWatch Tower Society vakasangana nevatariri vanofambira muruwa rwePuebla, avo vanoonana zvikuru neungano dziri munzvimbo ine ngozi. Rongedzero dzakaitwa kuti vatariri vanofambira nemitezo yedare rokubatsira kuti vashanyire imwe neimwe yemhuri dzinogara makiromita asingapfuuri 25 akapoteredza gomba racho. Idzi mhuri dzakabetserwa kuti dzifunge nezvokutama munzvimbo ine ngozi kuputika kusati kwaitika. Zvokufambisa nepokugara zvakarongwa kuitira kuti vanhu 1 500 vawane pokugara kuguta rePuebla. Dzimwe mhuri dzakaenda kunogara nehama dzokunyama mumamwe maguta.
Nyevero Huru
Utsi, moto, uye kutinhira zvinobva kuPopocatépetl zviratidzo zvakajeka zvokuti kuputika kwava pedyo. Vose vanoshuva kupukunyuka vanofanira kuteerera nyevero inopiwa nezviremera ndokuita chiito chakakodzera. Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo iri pedyo negomo rinoputika zvinoramba zvakangwarira kuti zvive nechokwadi chokuchengeteka kwazvo pamwe chete nokubetsera vamwe kuona ngozi yacho ndokuita chimwe chinhu pamusoro payo kusati kwava kunyanyononoka.
Pamwero mukuru zvikuru, Zvapupu zvaJehovha zvakangwarirawo zvinoitika zvenyika mukujekerwa nouporofita hweBhaibheri. Hondo, kudengenyeka kwapasi, nzara, hosha, uye utsotsi zvinongokoshawo sezvinoita zviito zvokuputika kwegomo. Mativi echiratidzo chakaumbwa nezvizhinji icho Jesu Kristu akafanotaura kuti chaizoratidza “kuguma kwenyika.” Kunyange zvazvo pasina anoziva kuti ndirini chaizvo apo mugumo uchauya, hapana mubvunzo kuti uchasvika uye kuti wava pedyo pedyo.— Mateo 24:3, 7-14, 32-39.
Zviri kudikanwa nokukurumidza nhasi ndezvokuti vanhu kwose kwose vakoshese nyevero yaJesu, inoti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” (Ruka 21:34) Nenzira yakajeka iyi ndiyo nzira yokuchenjera yokutora. Kungofanana nezviratidzo zvinonyevera kuputika kwegomo zvisingafaniri kurerutswa, hatifaniri kufuratira kuuya kwoMwanakomana womunhu, Jesu Kristu, uyo akakurudzira kuti: “Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.”—Mateo 24:44.
[Mashoko Omuzasi]
a Magazini yeMukai! yechiNgezi yaMarch 8, 1997, yakashuma uku kuputika kwegomo kunotyisidzira.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Martha (ari padhongi) nevamwe vanopupura pedyo nePopocatépetl