RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/15 pp. 15-20
  • Kusimbisa Kuvimba Kwedu Nokururama kwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusimbisa Kuvimba Kwedu Nokururama kwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirangariro Yokuva Akatambura Zvisiri Madikanwa
  • Kudzidza Kuna Jona
  • Zvino Ndiyo Nguva Yokusimbisa Chivimbo Chedu!
  • Kutonga kwaJehovha Kuchava Kwakarurama
  • Tinofanira Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Akadzidza Kuva Nengoni
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kuva Nomutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/15 pp. 15-20

Kusimbisa Kuvimba Kwedu Nokururama kwaMwari

“Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, kuti uvimbe naJehovha.” —ZVIREVO 22:19.

1, 2. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichiratidza kuvimba naJehovha? (Zvirevo 22:19) (b) Chii chinoratidza kuti vamwe vanhu vanofanira kusimbisa chivimbo chavo chomunhu oga?

VAKRISTU vechokwadi vakakomborerwa nezivo yakarurama yaJehovha nezvinangwa zvake. “Muranda wakatendeka, wakangwara” anovagovera norudo “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45) Zivo yavanowana inovagovera chikonzero chakasimba chokuvakira kuvimba naMwari. Nokudaro, seboka, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza chivimbo chinoshamisa muna Jehovha nokururama kwake.

2 Zvisinei, zvinoratidzika sokuti, somunhu oga oga zvimwe Zvapupu zvingada kusimbisa chivimbo chakadaro. Panguva nenguva Sosaiti inogamuchira tsamba dzinoratidza kusava nechokwadi pamusoro petsanangudzo dzinopiwa muzvinyorwa zvayo. Uku kusava nechokwadi kungava kuramba kuita gadziridzo mukunzwisisa, kana kuti kungabata nenhau dzinotapura munhu anobvunza, zvikurukuru nenzira yomurangariro.—Enzanisa naJohane 6:60, 61.

3. Chii chinogona kuitika kunyange kuvabatiri vakatendeka vaJehovha, uye nei?

3 Kunyange vabatiri vechokwadi vaJehovha vanowana uchokwadi hwaMuparidzi 9:11 hwokuti: “Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye une zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma; vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” Izvi zvingabvumikisa sei kuva chokwadi mupfungwa yakakura, kana kuti yomudzimu? Tingave takaziva nezvavaKristu vaikurumidza kushandisa zano reBhaibheri, vaiva vakasimba mukudzivirira chokwadi, vakachenjera mukushandisa nheyo dzeBhaibheri, uye vachishingaira mukuronda zivo yakarurama. Asi, nemhaka ye“nguva nezvinoitika,” vamwe vangazviwana vaganhurirwa somugumisiro wetsaona kana kuti ukweguru. Vangashamisika kana vachizopinda munyika itsva yaMwari vasina kumbofa.

4, 5. Neiko vaKristu vasina chikonzero chipi nechipi chokurasikirwa nechivimbo chavo mukururama kwaJehovha?

4 Apo muKristu anorasikirwa nowaakaroorana naye, marwadzo nepfungwa zvokurasikirwa kwacho zvakakomba. Vangave vakabatira Jehovha pamwe chete savaroorani kwamakore kana kuti makumi amakore. Anenge asara wacho anoziva kuti rufu runopadza chisungo cheroorano.a (1 VaKorinte 7:39) Zvino, achityira kuti chivimbo chake chingaderera, anofanira kudzora pfungwa dzake.—Enzanisa naMarko 16:8.

5 Kungava kuchenjera kwadini kurangarira rufu rwowawakaroorana naye, mubereki, mwana, kana kuti shamwari yechiKristu somukana wokuratidza kuti unovimba nokururama kwaJehovha! Pasinei zvapo nokurasikirwa somunhu oga, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha haasati ari asakarurama. Tinogona kuvimba kuti vanhu vose vanowana upenyu husingaperi—kungava kupfurikidza nokupukunyuka kana kuti norumuko—vachafara. Wezvamapisarema anotaura nezvaMwari kuti: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose. Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi. Uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa.”—Pisarema 145: 16-19.

Mirangariro Yokuva Akatambura Zvisiri Madikanwa

6, 7. (a) Neiko zvimwe Zvapupu zvakatambura munguva yakapfuura zvingava zvava nenzwisiso yakasiyana zvino? (b) Neiko tisingafaniri kurangarira Jehovha saasina kururama nokuda kwokuva akabvumira kutambura kwakadaro munguva yakapfuura?

6 Munguva yakapfuura, zvimwe Zvapupu zvakatambura nokuda kwokuramba kugoverana mubasa iro zvino hana dzazvo dzingazvibvumira. Somuenzaniso, ichi chaigona kunge chaiva chisarudzo chavo kwamakore akapfuura pamusoro pamarudzi akati ebasa risiri rehondo. Hama zvino inganzwa kuti hana yayo inoibvumira kuita kudaro pasina kuputsa kusatora rutivi kwayo kwechiKristu pamusoro pegadziriro ino yezvinhu iripo zvino.

7 Zvaiva zvisina kururama kuti Jehovha amubvumire kutambura nokuda kwokuramba zvaangaita zvino pasina migumisiro here? Vakawanda vakava nechinoitika ichocho vaisazofunga nenzira iyoyo. Panzvimbo pezvo, vanofara kuti vakava nomukana wokuratidzira pachena uye zvakajeka kuti vakanga vakatsunga kuva vakatsiga panhau youchangamire hwechisiko chose. (Enzanisa naJobho 27:5.) Munhu upi noupi angava nechikonzero chipi chokudemba kutevera kwaakaita hana yake pakutsigira Jehovha zvakasimba here? Kupfurikidza nokutsigira nokuvimbika mitemo yechiKristu sezvavanoinzwisisa kana kuti kupfurikidza nokuteerera kurudziro yehana, vakabvumikisa kuva vakafanirwa noushamwari hwaJehovha. Zvechokwadi, kuchenjera kudzivisa nzira ingavhiringidza hana yomunhu kana kuti ingangoparira vamwe kuti vagumburwe. Tinogona kufunga nezvemuenzaniso wakagadzwa nomuapostora Pauro munhau iyi.—1 VaKorinte 8:12, 13; 10:31-33.

8. Neiko vaKristu vechiJudha, vaimbochengeta mutemo, vasina kuva nechikonzero chokupokana kururama kwaJehovha?

8 Kuti vafadze Jehovha, vaJudha vaifanira kuteerera Mirayiro Gumi uyewo mitemo yakawanda zvikuru yokuwedzera inenge 600. Gare gare, mugadziriro yechiKristu, kuteerera mitemo iyi sezvairi kwakanga kusingachadiwi nokuda kwokubatira Jehovha, kunyange nokuda kwavaJudha vokunyama. Mitemo yakanga isingachashandi yaibatanidza iyo yaiva nechokuita nokudzingisa, kuchengeta Sabata, kupisira zvibayiro zvemhuka, uye kuzviganhurira pazvokudya zvakati. (1 VaKorinte 7: 19; 10:25; VaKorose 2: 16, 17; VaHebheru 10: 1, 11-14) VaJudha—kubatanidza vaapostora—avo vakava vaKristu vakasunungurwa pamusengwa wokuchengeta mitemo yavaidikanirwa kuteerera pavaiva pasi pesungano yoMutemo. Vakanyunyuta kuti gadziriro yaMwari yakanga isina kururama mukumboda kuti vaite zvinhu zvakanga zvisisiri madikanwa here? Aiwa, vakafarira nzwisiso yakakudzwa yezvinangwa zvaJehovha.—Mabasa 16: 4, 5.

9. Chii chave chiri chechokwadi nezvezvimwe Zvapupu, asi neiko zvisina chikonzero chokudemba?

9 Munguva dzazvino uno, mave mune zvimwe Zvapupu zvakanga zvakasimba zvikuru mukurangarira kwazvo zvazvaizoita kana kuti kusaita. Nokuda kwechikonzero ichocho zvakatambura zvikuru kupfuura vamwe. Gare gare, zivo yakawedzerwa yakavabatsira kukudza kurangarira kwavaiita zvinhu. Asi vakanga vasina chikonzero chokudemba zvavakanga vamboita mutsinhirano nehana dzavo, kunyange apo izvi sezvingabvira zvakaunza kutambura kwakawedzerwa. Zvinorumbidzwa zvechokwadi kuti vakaratidza kuda kwavo kutambura vakatendeka kuna Jehovha, kuti vaite “zvinhu zvose nokuda kweEvhangeri.” Jehovha anokomborera rudzi irworwo rwokuzvipira kuna Mwari. (1 VaKorinte 9:23; VaHebheru 6: 10) Muapostora Petro akanyora nenzwisiso kuti: “Kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari.”—1 Petro 2:20.

Kudzidza Kuna Jona

10, 11. Jona akaratidza sei kusavimba naJehovha (a) paakapiwa mugove wokuenda kuNinevhe? (b) apo Mwari asina kuparadza vaNinevhe?

10 Paakarayirwa kuenda kuNinevhe, Jona akaratidza kusaonga kuvimbwa kwaakanga aitwa naJehovha. Pashure pechiitiko chinotyisa chakaunzwa nokuzengurira kwake kuteerera, Jona akafunga zvakanaka, akaziva chikanganiso chake, akabvuma mugove wake wokumwe, uye akanyevera vaNinevhe nezvokuparadzwa kwakanga kwoda kuitika. Ipapo zvisingakarirwi zvakaitika: Nemhaka yechimiro chendangariro chokupfidza chavaNinevhe, Jehovha akasarudza kurega kuvaparadza.—Jona 1:1–3:10.

11 Jona akaita sei? Asingagutsikani, akanyunyutira Mwari mumunyengetero. Chaainyunyutira chaiva chokuti: ‘Ndakafungidzira kuti zvinhu zvaizochinja nenzira iyi. Ndokusaka pakutanga ndakanga ndisingadi kuuya kuNinevhe. Zvino, nenhamo yose yandakaona, kubatanidza kutyiswa nokuninipiswa nokumedzwa nehove huru, uye pashure pebasa rangu rakaoma rokunyevera vaNinevhe nezvoruparadziko rwakanga rwoda kuitika, ndizvo zvoitika! Ndakashanda nokutamburira pasina! Zviri nani ndife!’—Jona 4: 1-3.

12. Tinogona kudzidzei muchakaitika kuna Jona?

12 Jona aiva nechikonzero chakanaka chokunyunyuta here? Jehovha akanga asina kururama paakaratidzira tsitsi kuvaiti vezvakaipa vakatendeuka here? Chaizvoizvo, Jona aifanira kuva akafara; makumi ezviuru zvavanhu aisazofanira kuurawa! (Jona 4: 11) Asi chimiro chake chendangariro chokusaremekedza, chokunyunyuta, chakaratidza kuti akanga asiri kuratidza kuvimba zvakazara nokururama kwaJehovha. Aizvikudza uye aitarisira vamwe pasi. Ngatidzidzei kuna Jona kupfurikidza nokuzviisa isu nemanzwiro edu munzvimbo yechipiri. Ngatipwiswei kuti kuteerera Jehovha, kutevera nhungamiro inopiwa nesangano rake nokugamuchira zvisarudzo zvake, ndicho chinhu chakarurama kuita. Tinopwiswa kuti “vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka.”—Muparidzi 8:12.

Zvino Ndiyo Nguva Yokusimbisa Chivimbo Chedu!

13. Tose zvedu tinogona sei kusimbisa kuvimba kwedu naJehovha?

13 Kusimbisa kuvimba kwedu naJehovha inzira yokuchenjera. (Zvirevo 3:5-8) Chokwadika, tinofanira kuita zvinopfuura kungonyengetera kuti Jehovha atibatsire kuva nechivimbo chakazara. Chivimbo chinowedzera chakavakirwa pazivo yakarurama, nokudaro tinofanira kuita fundo yomunhu oga yeBhaibheri, kurava zvose zviri zviviri Bhaibheri nezvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri, rutivi rworudungwe rwedu rwezuva nezuva. Kupinda misangano yechiKristu nguva dzose kunokosha, sezvakaita kugadzirira nokutora rutivi kwakanaka napaunogona napo. Kuita muitiro wokugoverana navamwe zvokwadi dzeBhaibheri, kukurira zvirambidzo nokungwarira, kunokudzawo kuvimba kwedu naJehovha neShoko rake. Nokudaro tiri kubatanidzwa zvikuru naye zuva nezuva.

14. Neiko vanhu vaMwari nokukurumidza vachafanira kuratidzira chivimbo chavo muna Jehovha kupfuura nakare kose?

14 Munguva pfupi iri kuuya, nguva yokutambudzika kusati kwaimboitika parudzi rwomunhu ichasvika kamwe kamwe. (Mateo 24:21) Painosvika, vabatiri vaMwari vachafanira kuratidza kuvimba nokururama kwaJehovha kupfuura nakare kose uye nenhungamiro inopiwa nesangano rake. Nenzira yokufananidzira, ipapo vachateerera nechivimbo murayiro waMwari wokuti: “Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isaya 26:20) Vakatopinda mumhoteredzo yokudzivirira yeungano dzinopfuura 85 000 munyika dzinopfuura 232. Tinogona kuva nechivimbo kuti Jehovha achatibatsira kuita chipi nechipi chingabatanidzwa mukuwedzera kumurayiro wokuti “pindai muimba yenyu yomukati.”

15. Nhau yechivimbo yave ichisimbiswa sei muna 1998, uye neiko zvakarurama kuita kudaro?

15 Zvinokosha kuti tisimbise chivimbo chedu zvino. Pasina chivimbo muhama dzedu dzechiKristu, musangano raJehovha uye, kupfuura zvose, muna Jehovha pachake, kupukunyuka kuchava kusingabviri. Nokudaro zvakakodzera sei kuti muna 1998, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvayeuchidzwa zvayeuchidzwazve, namashoko orugwaro rwavo rwegore, kuti “Munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa”! (VaRoma 10:13, NW) Tinofanira kuramba tichivimba naizvozvo. Kana tikawana kunyange kusava nechokwadi kudukusa muchivimbo ichi, tinofanira kushanda kuti tikagadziridze zvino, hungu, nhasi.

Kutonga kwaJehovha Kuchava Kwakarurama

16. Chii chinogona kuitika kuchivimbo kana chikasasakurirwa, uye tinogona sei kudzivirira izvi kuitika?

16 Pana VaHebheru 3:14, vaKristu vakazodzwa vanonyeverwa kuti: “Tava vagoverani pamwe chete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.” Chaizvozvo, mashoko aya anoshandawo kuvaKristu vane tariro yapasi. Chivimbo chokutanga chinogona kupera kana chisingakudzwi. Zvinokosha sei kuti tipfuurire kuronda zivo yakarurama, nokudaro tichisimbisa nheyo yakavakirwa chivimbo chedu!

17. Neiko tichigona kuva nechivimbo chokuti pamusoro pokupukunyuka, Jesu achasarudza nenzira yakarurama?

17 Marudzi ose nokukurumidza achanzverwa naKristu kuti agone ku“paradzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” (Mateo 25: 31-33, NW) Tinogona kuvimba kuti Kristu achava akarurama mukusarudza kuti ndiani akafanirwa nokupukunyuka. Jehovha akamupa uchenjeri, nzwisiso, uye mamwe mavara anodiwa paku“tonga nyika . . . nokururama.” (Mabasa 17: 30, 31) Ngatipwiswei zvakafanana naAbrahama, uyo akati: “Ngazvive kure nemi [Jehovha] kuita kudaro, kuuraya vakarurama pamwe chete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa; ngazvive kure nemi; Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”—Genesi 18:25.

18. Neiko tisingafaniri kunyanyonetseka pamusoro pezvatingava tisingasazivi panguva ino?

18 Tichivimba zvakazara nokururama kwaJehovha, hatifaniri kunetseka pamusoro pokuwana mhinduro kumibvunzo yakafanana neyokuti: ‘Vacheche navana vaduku vakachatongwa sei? Nhamba huru yavanhu ingava isati yasvikwa namashoko akanaka panosvika Armagedhoni here? Zvakadiniko navanorwara nepfungwa? Zvakadiniko ne . . . ?’ Sezvinobvumwa, panguva ino tingasaziva nzira iyo Jehovaha achapedza nayo nhau idzi. Zvisinei, achaita kudaro nenzira yakarurama uye yetsitsi. Hatimbofaniri kupokana izvozvo. Kutaura idi, tingashamiswa ndokufadzwa kumucherekedza achidzipedza nenzira yatisina kana kumborangarira.—Enzanisa naJobho 42:3; Pisarema 78:11-16; 136:4-9; Mateo 15:31; Ruka 2:47.

19, 20. (a) Neiko zvisina kushata kubvunza mibvunzo ine mufungo? (b) Jehovha achagovera mhinduro dzinokosha rini?

19 Sangano raJehovha haritsoropodzi mibvunzo yakakodzera nguva, yomwoyo wose, sezvingataura vamwe vatsoropodzi nenzira isina kururama. (1 Petro 1:10-12) Zvisinei, Bhaibheri rinopa zano kuti tidzivise mibvunzo youpenzi, yokufungidzira. (Tito 3:9) Kubvunza mibvunzo ine mufungo nokunzvera Shoko raMwari nezvinyorwa zvechiKristu kuti tiwane mhinduro dzomumagwaro kunogona kuwedzera zivo yedu yakarurama uye nokudaro kunogona kusimbisa kuvimba kwedu naJehovha. Sangano rinotevera muenzaniso waJesu. Haana kutsinhira mibvunzo nguva yakakodzera yokuti ipindurwe isati yasvika. Akatsanangura kuti: “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.” (Johane 16:12) Akabvumawo kuti zvimwe zvinhu iye pachake akanga asingazvizivi panguva iyoyo.—Mateo 24:36.

20 Jehovha achine zvakawanda zvokuzivisa. Kuchenjera sei kumumirira, tine chivimbo chokuti achazivisa zvinangwa zvake panguva yakarurama. Tinogona kuva nechivimbo chokuti kana nguva yakafanira yaJehovha yangosvika bedzi, tichafara kunzwisisa nzira dzake zvakawedzerwa. Hungu, tichapiwa mubayiro, chero bedzi tikavimba zvakakwana naJehovha nesangano raari kushandisa. Zvirevo 14:26 inotivimbisa kuti: “Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo; vana vowakadai vachava noutiziro.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaOctober 15, 1967, peji 638; June 1, 1987, peji 30.

Unofungei?

◻ Neiko kusiri kuchenjera kubvumira mirangariro kunetesa kuvimba kwedu naJehovha?

◻ Tinogona kudzidzei muchakaitika kuna Jona?

◻ Neiko kufunda Bhaibheri nokupinda misangano zvichikosha kwazvo?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kunyange mukurasikirwa kwomunhu oga, tinogona kuvimba kuti Jehovha akarurama

[Mifananidzo iri papeji 18]

Une chokwadi chokuti unovimba naJehovha here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe