RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/1 p. 31
  • Maria Akafa Nezvikonzero Zvomusikirwo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maria Akafa Nezvikonzero Zvomusikirwo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/1 p. 31

Maria Akafa Nezvikonzero Zvomusikirwo Here?

MAERERANO nepepanhau reVatican L’Osservatore Romano, dzidziso yeKaturike yoKuenda Kudenga kwaMaria inoti: “Mhandara Tsvene, yakasunungurwa patsvina yose yechivi chokutanga, yakaendeswa kumbiri yokudenga iri mweya nenyama, pakapera upenyu hwayo hwapasi.” Dzidziso iyi yakaita kuti vamwe vafundisi veKaturike vataure kuti Maria “haana kufa uye akakurumidza kumutswa achibva muupenyu hwapasi kuenda kumbiri yokudenga,” rinodaro pepa racho.a

Nguva pfupi yapfuura, Pope John Paul II akatsanangura nhau yacho zvakasiyana. PaGeneral Audience paVatican musi wa25 June 1997, akati: “Testamende Itsva haigoveri mashoko pamusoro pokufa kwaMaria. Kunyarara uku kunoita kuti munhu afungidzire kuti kwakaitika nenzira yomusikirwo, pasina mashoko chaiwoiwo anofanirwa kududzwa. . . . Mirangariro yokuti haana kufa nezvikonzero zvomusikirwo inoratidza seisina ufakazi.”

Kutaura kwaPope John Paul kunofumura chikanganiso chikuru mudzidziso yoKunamba Kutsvene. Kana mai vaJesu vaka“sunungurwa patsvina yose yechivi chokutanga,” Maria aigona sei kufa ne“zvikonzero zvomusikirwo,” zvinoparirwa nechivi chakapfuudzirwa naAdhama akatadza? (VaRoma 5:12) Ichi chinetso chorudzidziso chinoparirwa nemurangariro wakaipa wamai vaJesu weChechi yeKaturike. Hazvishamisi kuti kupesana nokuvhiringidzika zvakamuka muChechi yeKaturike pamusoro penhau yacho.

Nepo Bhaibheri richiratidza Maria seanozvininipisa, akatendeka, uye akavimbika, haritauri kuti mavara aya akaparirwa ne“kubereka kutsvene.” (Ruka 1:38; Mabasa 1:13, 14) Bhaibheri rinongoti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Hungu, Maria akagara nhaka chivi nokusakwana sezvakaita rudzi rwose rwomunhu, uye hapana ufakazi hwokuti akafa nechimwe chinhu chisingaparirwi nezvikonzero zvomusikirwo.—Enzanisa na1 Johane 1:8-10.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Kukwira Kudenga kwaMaria Nomuviri Wenyama—Idzidziso Yakaziviswa naMwari Here?” iri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, mapeji 26-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe