RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 23 p. 60-p. 61 ndim. 5
  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Kusinagogi—Kwaiparidzira Jesu Nevadzidzi Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Jesu Anowedzera Ushumiri Hwake muGarireya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 23 p. 60-p. 61 ndim. 5
Vanhu vanorwara vanoungana pamba paPetro, uye Jesu anovaporesa

CHITSAUKO 23

Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume

MATEU 8:14-17 MAKO 1:21-34 RUKA 4:31-41

  • JESU ANODZINGA DHIMONI

  • AMAI VEMUDZIMAI WAPETRO VANOPORESWA

Jesu ava nevadzidzi vana vaakadana kuti vave vabati vevanhu vanoti, Petro, Andreya, Jakobho, uye Johani. Musi weSabata, vanoenda kusinagogi yemuKapenaume. Jesu anodzidzisa musinagogi yacho, uye vanhu vanoshamiswazve nemadzidzisiro ake. Anodzidzisa semunhu ane chiremera kwete sezvaiitwa nevanyori.

Pane mumwe murume ane dhimoni auyawo kusinagogi. Asingambofungi kuti ari musinagogi, murume uyu anodanidzira achiti: “Tinei nemi, imi Jesu wokuNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinonyatsoziva kuti ndimi ani, Mutsvene waMwari.” Achituka dhimoni rakagara murume uyu, Jesu anoti: “Nyarara, ubude maari!”—Mako 1:24, 25.

Dhimoni racho rinokandira murume wacho pasi richimugwinha gwinha robva rashamatata. Asi dhimoni racho rinobuda mumurume uyu “risina kumukuvadza.” (Ruka 4:35) Vanhu vari musinagogi vanooma mate mukanwa! “Chii ichi?” vanobvunzana kudaro. “Anorayira nesimba kunyange midzimu isina kuchena, uye inomuteerera.” (Mako 1:27) Hazvishamisi kuti nyaya iyi inoshamisa inozara muGarireya mose.

Vachibva kusinagogi, Jesu nevadzidzi vake vanoenda kumba kwaSimoni, uyo anonziwo Petro. Amai vemudzimai waPetro vari kurwara zvakaipisisa nefivha. Vadzidzi vanokumbira Jesu kuti avaporese. Saka Jesu anosvika ovabata ruoko ovamutsa. Vanobva vangopora uye vanotanga kushumira Jesu nevadzidzi vake, zvimwe vachivabikira.

Zuva rovira, vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vanouya kumba kwaPetro nevarwere vavo. Pasina kana nguva, zvinoita sekuti kudzimba kwasara kusina kana vanhu. Vauyirei vakawanda kudaro? Vari kuda kurapwa. Tingatoti, ‘vose vane vanhu vanorwara nezvirwere zvakasiyana-siyana vanouya navo kwaari. Anovarapa nokuisa maoko ake pane mumwe nomumwe wavo.’ (Ruka 4:40) Anoporesa zvirwere zvavo zvose sezvakagara zvataurwa. (Isaya 53:4) Anosunungura kunyange vaya vakagarwa nemadhimoni. Madhimoni iwayo paanobuda anoshevedzera kuti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.” (Ruka 4:41) Asi Jesu anoatuka uye anoita kuti asataure zvekare. Anoziva kuti Jesu ndiye Kristu, saka Jesu haasi kuda kuaona achinyepedzera kuita seanonamata Mwari wechokwadi.

KUGARWA NEDHIMONI

Munhu ainge agarwa nedhimoni kana kuti nemadhimoni aitambudzika zvikuru. (Mateu 17:14-18) Asi dhimoni racho paraibudiswa, aibva ava munhu kwaye. Jesu akaratidza kakawanda kuti ane simba rekudzinga madhimoni achishandisa mudzimu mutsvene waMwari.—Ruka 8:39; 11:20.

  • Chii chinoitika musinagogi kuKapenaume paSabata?

  • Jesu anoenda kupi achibva kusinagogi, uye anonoitei ikoko?

  • Vanhu vemuguta vanoita sei pane zvaitwa naJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe