RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 1/15 pp. 8-9
  • Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Ndibetserei Pandinoda Kutenda!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 1/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa

JESU, Petro, Jakobho, uye Johane vasipo, sezvingabvira vari pamusoro peGomo reHermoni, vamwe vadzidzi vanopinda muchinetso. Pakudzokera kwake, Jesu anokurumidza kuona kuti chimwe chinhu chakaipa. Pane boka rakaungana rakakomba vadzidzi vake, uye vanyori vari kuitirana nharo navo. Pakuona Jesu, vanhu vanoshamiswa zvikuru uye vanomhanya kunomukwazisa. “Munoita nyaya neiko navo?” iye anobvunza.

Achibuda muboka, mumwe murume anopfugama pamberi paJesu uye anotsanangura, kuti: “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, uno mweya wembeveve. Kwose kwaanomubata, unomuwirisira pasi, achipupuma furo, achigedageda meno, uye unoonda kwazvo; ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”

Vanyori sezviri pachena vari kuita zvose zvavanogona nokukundikana kwavadzidzi kuporesa mukomana, zvichida kunyomba nhamburiko dzavo. Paiyi nguva chaiyo yakakomba, Jesu anosvika. “Haiwa, rudzi rusingatendi,” iye anodaro, “ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko?”

Jesu anoratidzika kuva ari kutaura mashoko ake kumunhu ari wose aripo, asi pasina panikiro iwo anonangidzirwa zvikurukuru kuvanyori, avo vave vachinetsa vadzidzi vake. Tevere, Jesu anoti nezvomukomana: “Uyai naye kwandiri.” Asi sezvo mukomana anouya kuna Jesu, dhemoni riri maari rinomuwisira pasi uye rinomubvundisa zvikuru. Mukomana anokunguruka pasi uye anopupuma furo pamuromo.

“Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Jesu anobvunza.

“Kubva pauduku hwake,” baba vanopindura. “Kazhinji [dhemoni] rakamuwisira mumwoto kana mumvura kuti umuparadze.” Ipapo baba vanoteterera, kuti: “Kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.”

Zvichida kwamakore, baba vave vachitsvaka betsero. Uye zvino, nekundikano yavadzidzi vaJesu, nhamo yake ihuru. Achiita chimwe chinhu pamsoro pechikumbiro chokupererwa nezano rose chomurume wacho, Jesu anoti nenzira inokurudzira: “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuno unotenda.”

“Ndinotenda!” baba vanokurumidza kudanidzira kudaro, asi ivo vanokumbira, kuti: “Ndibatsirei pakusatenda kwangu!”

Achicherechedza kuti boka riri kumhanyira pamwe chete paari, Jesu anotuka dhemoni, achiti: “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!” Sezvo dhemoni rinobuda, iro rinoparirazve mukomana kudanidzira uye rinomubvundisa kazhinji. Ipapo mukomana anorara pasi asingatenheki, zvokuti vanhu vazhinjisa vanovamba kuti: “Wafa!” Asi Jesu anobata ruoko rwomukomana, uye iye anomuka.

Pamberi pezvi, apo vadzidzi vakanga vatumwa kundoparidzira, vakanga vadzinga madhemoni. Naizvozvo zvino, apo vanopinda mumba, ivo vanobvunza Jesu vari voga, kuti: “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”

Achiratidzira kuti yakanga iri mhaka yokushaiwa kwavo kutenda, Jesu anopindura: “Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.” Sezviri pachena gadziriro yaidikanwa kudzinga dhemoni rine simba zvikuru rakabatanidzwa muchinoitika chino. Kutenda kwakasimba pamwe chete nomunyengetero wokukumbira betsero yaMwari inopa simba kwaidikanwa.

Ipapo Jesu anowedzera, kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana muno kutenda kwakaita setsanga yemastada, mungati kugomo iri: ibva pano, enda koko! ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.”

Haiwa kutenda kunogona kuva kune simba sei! Mhinganidzo nezvitambudzo izvo zvinodzivisa fambiro mberi mubasa raJehovha zvingaratidzika kuva zvisingakundiki nezvisingabvisiki segomo guru chairoiro. Bva, Jesu ari kuratidza kuti kana tikasakurira kutenda mumwoyo yedu, tichikudiridzira nokukurudzira kukura, kuchakura kusvikira kuukuru uye kuchatigonesa kukurira mhinganidzo nezvitambudzo zvakadaro zvakafanana negomo. Marko 9:14-29; Mateo 17:19, 20; Ruka 9:37-43.

◆ Mugariroi uyo Jesu anowana pakudzokera achibva kuGomo reHermoni?

◆ Ikurudziroi yakapa Jesu baba vomukomana ane dhemoni?

◆ Neiko vadzidzi vakanga vasina kukwanisa kudzinga dhemoni?

◆ Jesu anoratidza kuti kutenda kunogona kuva kune simba sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe