Unogona Sei Kudzivirira Vana Vako?
PASHURE pokupinda chikoro chomunharaunda kwamakore akawanda, Wernera akavamba zvidzidzo zvapamusoro pamwe chete nedzimwe pwere dzinenge 3 000 muSão Paulo, Brazil. Kwenguva yokutanga, akacherekedza vaaidzidza navo vachitengesa nokushandisa zvinodhaka. Sezvaaiva muduku, akakurumidza kuva nyajambwa wetsika dzakaipa uye dzine ngozi dzaitangwa navamwe vadzidzi vakuru.
Hanzvadzi yaWerner Eva yakanga ine zvinetsowo. Ichida kuita zvakanakisisa, yakafunda zvakakomba kwazvo zvokuti yakaneta ndokuvhiringidzika mupfungwa. Kufanana navamwe vayaruki, Werner naEva vaida zvose zviri zviviri dziviriro yomuviri neyendangariro. Vana venyu vanoda betsero yorudzii? Munogona sei kuvagadzirira upenyu hwomunhu mukuru? Zvirokwazvo, munoda nguva yemberi yakadini nokuda kwavana venyu?
Vanoda Zvinopfuura Zvokudya
Chimbofunga nezvedenho iyo vabereki vanotarisana nayo mukudzivirira vana vavo nhasi. Nemhaka yokuderera kwokunaka kwoupenyu hwemhuri uye kuwedzera muurombo, munyika dzakawanda nhamba yavana vanogara mumigwagwa iri kuwedzera. Kushanda zvakaoma kwavana mugumisiro wokukundikana kudzivirira vaduku pakushandiswa zvisina kunaka. Kushandisa zvinodhaka nenzira isina kufanira kunoparadzawo vaduku vakawanda. Somuenzaniso, apo mumwe wechiduku wokuBrazil akapindwa muropa nezvinodhaka, rugare rwakanyangarika mumusha wake. Kunze kwokunetseka mundangariro kwaiva navabereki vake, pakanga pane kutamburira kuti vawane mari yokunaya kwake, uye vanotengesa zvinodhaka vasina tsitsi vaiuya pamba pavo vachida kubhadharwa.
Pasinei zvapo nedzvinyiriro dzoupenyu, zvisinei, vabereki vakawanda vanopfuurira kutamburira kugovera vana vavo kwete bedzi zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara asiwo dziviriro pamasimba masimba, kushandisa zvinodhaka nenzira isina kufanira, uye zvimwe zvinetso. Iyi ivavariro yakanaka, asi yakakwana here? Zvakadini nokudzivirira pakuvadziko yendangariro neyomudzimu? Vakawanda vanoziva kuti kuva mubereki anobudirira kunobatanidza kubata nedenho dzinobatanidza kusarudza kwavana vavo shamwari nenhandaro. Asi, vabereki vanogona sei kudzivisa kuva vanonyanyodzivirira kana kuti vanonyanyoregerera? Unokumbirwa kuti urangarire mhinduro dzinowanwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okutsiva anoshandiswa munyaya ino.