RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 7/1 pp. 4-6
  • Chikonzero Nei Vamwe Vari Kuchinja Rudzidziso Rwavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Vamwe Vari Kuchinja Rudzidziso Rwavo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro Dzemibvunzo Yakaoma
  • Chii Chiri Donzo Roupenyu?
  • Kubata Nezvinetso Zvoupenyu
  • Ukama Hwapedyo naMwari
  • Rudzidziso Rwechokwadi Rwakafanira!
  • Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 7/1 pp. 4-6

Chikonzero Nei Vamwe Vari Kuchinja Rudzidziso Rwavo

Nokuda kwavakawanda, rudzidziso runongovawo zvarwo kutaura. Rwungaratidzira kunowanzoenda munhu nomusi weSvondo, kwaanoroora kana kuti kuroorwa, uye kwaachavigirwa. Asi harutauri kuti munhu worudzii kana kuti zvaanoziva nokudavira. Somuenzaniso, imwe nzvero yakazivisa kuti 50 muzana yavanozviti vaKristu yakanga isingazivi kuti ndiani akataura Mharidzo yapaGomo. Chokwadika, kunyange mutungamiriri akakurumbira weIndia Mohandas Gandhi, muHindu, aiziva izvozvo!

ZVINOSHAMISA here kuti vanhu vanobuda murudzidziso apo vakawanda kwazvo vavo vanenge vasingazivi chinhu pamusoro pokutenda kwavo? Aiwa, hazvishamisi. Zvisinei, hazvidzivisikiwo. Avo vakagamuchira betsero yokudzidza pamusoro peBhaibheri kakawanda vanoshamisika kuwana kuti rinovabetsera zvikuru sei. Bhaibheri pacharo rinoti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isa 48:17.

Avo vane nzara yomudzimu isina kupedzwa vanofanira kuitei? Havafaniri kurega kubatira Mwari! Panzvimbo pezvo, vanofanira kunzvera Bhaibheri ndokuona izvo Mwari pachake anoita kuti vawane.

Mhinduro Dzemibvunzo Yakaoma

Pamakore manomwe ezera, Bernd akaona mai vake vachifa.a Muuduku hwake hwose, aishamisika kuti, ‘Mai vangu varipi? Nei ndichifanira kukura ndisinavo?’ Sowechiduku, Bernd akanga ari mutezo unoshingaira wechechi. Achinetseka pamusoro pokutambura kworudzi rwomunhu, aikarira kuva mushandi anoyamura mune imwe nyika. Zvisinei, ainetswa nemibvunzo iyo chechi yake yakanga isina mhinduro dzinogutsa.

Ipapo Bernd akataura nomumwe waaifunda naye pachikoro uyo akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pwere iyi yakaratidza Bernd muBhaibheri kuti mai vake vakanga vasingazivi chinhu, vavete murufu. Bernd akadzidza nezvendima dzeBhaibheri dzakawanda dzinotsanangura izvi, dzakadai saMuparidzi 9:5: “Vakafa havana chavanoziva.” Naizvozvo Bernd akanga asina chikonzero chokunetseka pamusoro pokuti mai vake vakanga vari kutambura murumwe rudzi rwepurigatori—kana kuti zvakatoipisisa. Kunyange zvazvo dzidziso yomweya usingafi ichidzidziswa mumarudzidziso akawandisa, Bernd akaona muBhaibheri kuti mweya womunhu unongova zvawo munhu. Apo munhu anofa, mweya unofa. “Mweya unotadza—uchafa.”—Ezekieri 18:4.

Bernd akadzidzawo nezvekariro yakaisvonaka nokuda kwavakafa. Akazviravira mubhuku reBhaibheri raMabasa kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Akafara sei kuziva kuti rumuko urwu rwuchaitika pasi pano, iro Mwari achadzorera kuti rive paradhiso!—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Nokukurumidza zvinodikanwa zvaBernd zvomudzimu zvakagutswa kupfurikidza nezivo yechokwadi yeBhaibheri. Bernd haana kurega rudzidziso. Panzvimbo pezvo, akasiya chechi yakanga isingagoni kupedza nzara yake ndokugamuchira rudzi rwokunamata rwakavakirwa zvakasimba paBhaibheri. Anoti: “Akanga ari makore 14 akapfuura, uye handisati ndambozvidemba nokuda kwenhano yacho. Zvino ndinoziva kuti Musiki haapariri kutambura. Satani ndimwari wegadziriro ino yezvinhu, uye anofanira kupiwa mhaka nokuda kwemamiriro ezvinhu akatipoteredza. Asi nokukurumidza Mwari achagadzirisa kuvadziko yose yakaitwa nenyika yaSatani. Mai vanguwo vachadzoka murumuko. Uchava mufaro wakadini!”

Sezvineiwo, Bernd akasvika vavariro yake yokushanda kune imwe nyika kuti abetsere vamwe. Anoshanda munyika yokumwe achibetsera vamwe kudzidza pamusoro poUmambo hwaMwari, mhinduro chaiyoiyo yenhamo yavo. Kufanana naBernd, mamiriyoni akadzidza kuti Mwari achakurumidza kugumisa kutambura kwavanhu. Vanofara kuwana kuti pane rudzidziso rwunogutsa chinodikanwa chavo chomudzimu.—Mateo 5:3.

Chii Chiri Donzo Roupenyu?

Sezvo nyika yokuMadokero ichiramba ichiva yakafunda zvikuru, vakawanda vanobvunza kuti, ‘Chii chiri donzo roupenyu?’ Mhinduro yacho inofanira kuwanwa muBhaibheri, sokuwana kwakaita Michael. Pakati pama1970, Michael aida kukumbanira boka ramagandanga. Akanga achingova nechinangwa chimwe bedzi muupenyu—kudenha vanhu vaairangarira savaiparira kusaruramisira kwegadziriro yokudzora upfumi. “Ndaisambobva pamba ndisina pfuti yangu,” anodaro. “Zano rangu rakanga riri rokuuraya vezvematongerwe enyika vakuru vakawanda uye vanodzora pfuma vakawanda savanobvira. Ndingadai ndakafira chikonzero chacho.”

Michael akanga ari munhu anoenda kuchechi, asi hapana munhu womuchechi yake aigona kutsanangura chinangwa chaichoicho choupenyu. Naizvozvo apo Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira musha wake ndokumuratidza mhinduro dzeBhaibheri kumibvunzo yake, Michael akateereresa. Akatanga kupinda misangano yokunamata paHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha.

Shamwari dzaMichael dzakanga dzichida kuziva pamusoro pefariro yake yakanga ichangobva kuwanwa muBhaibheri. “Uyai kumisangano Svondo ino,” Michael akavakurudzira. “Garai kwechinguva. Kana musingadi zvamunonzwa, ipapo endai kumba.” Chokwadiwo, pashure pehurukuro yamaminiti 45 yakavakirwa paBhaibheri, shamwari dzake dzakawanda dzakabuda muhoro. Asi imwe—Susan—yakasara. Iyi mhandara yakafadzwa nezvayakanga yanzwa. Michael naSusan gare gare vakaroorana uye vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. “Zvino ndinoziva chikonzero nei tiri pasi pano,” Michael anodaro. “Takasikwa naJehovha. Chinangwa chedu chaichoicho muupenyu ndechokumuziva nokuita kuda kwake. Ndizvo zvinounza gutsikano yechokwadi!”

Mamiriyoni anogoverana chitendero chaMichael. Vanofungisisa mashoko eBhaibheri okuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.

Kubata Nezvinetso Zvoupenyu

Tose zvedu tinoona kuzadzikwa kwouporofita hunowanwa pana 2 Timotio 3:1: “Namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.” Hapana munhu anogona kunzvenga zvinetso zveidzi “nguva dzokutambudzika.” Asi Bhaibheri rinotibetsera kubata nazvo.

Rangarira Steven naOlive, vamwe varoorani. Pavakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ivo, kufanana navamwe vakawanda kwazvo, vakanga vane zvinetso zveroorano. “Takanga tiri kuparadzana,” anotsanangura kudaro Steven. “Takanga tine vavariro dzakasiyana nefariro.” Chii chakavabetsera kuramba vari pamwe chete? “Zvapupu zvaJehovha zvakatiratidza nzira yataigona nayo kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwedu,” Steven anopfuurira. “Kekutanga, takadzidza zvazvinoreva kusava noudyire uye kuitira hanya. Kushandisa nheyo dzeBhaibheri kwakatibatanidza pamwe chete. Zvino tinofarikanya roorano inofadza, yakadzikama.”

Ukama Hwapedyo naMwari

Maererano nokunzvera kuchangobva kuitwa kweGallup, 96 muzana yavanhu vokuAmerica inodavira Mwari, uye vakawanda vaivava vanonyengetera kwaari. Asi, nzvero yakasiyana yakaratidza kuti vapindi vechechi nesinagoge zvino vakadereresa zvikuru muhafu yezana ramakore. Vamwe vanhu vokuAmerica 58 muzana vanotaura kuti vanoenda kuchechi kamwe pamwedzi kana kuti zvishoma. Nenzira yakajeka, rudzidziso haruna kuvaswededza pedyo naMwari. Uye chinetso ichi hachina kuganhurirwa kuUnited States.

Linda akakurira muBavaria. Akanga ari muKaturike akasimba uye ainyengetera nguva dzose. Panguva imwe chete, akanga achitya nguva yemberi. Aisaziva chinhu chipi nechipi pamusoro pedonzo raMwari nokuda kwomunhu. Paakanga achingova namakore 14 chete okukura, Linda akasangana neZvapupu zvaJehovha, uye anoshuma kuti: “Zvavakataura zvaifadza, naizvozvo ndakagamuchira yamuro dzefundo yeBhaibheri mbiri ndokudzirava nokukurumidza.” Makore maviri gare gare, Linda akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. “Zvinhu zvose zvandakadzidza pamusoro paMwari muBhaibheri zvaiva nomufungo,” anodaro. Linda akabuda muchechi yake uye akabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha pazera ramakore 18.

Chii chakasunda Linda kuti achinje rudzidziso rwake? Anotsanangura kuti: “Chechi yangu yakandibetsera kuona kuti kuna Mwari, uye ndakadzidza kudavira maari. Asi akanga asiri chaiyeiye uye ari kure. Kufunda kwangu Bhaibheri hakuna kungosimbisa kudavira kwangu Mwari asi kwakandibetserawo kuti ndisvike pakumuziva nokumuda. Zvino ndine ukama hunokosha hwomunhu oga naMwari, chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi zvacho.”

Rudzidziso Rwechokwadi Rwakafanira!

Rudzidziso rwako rwunokupa nhungamiro yomudzimu ndokukuratidza nzira iyo Bhaibheri rinogona nayo kukubetsera kubata nezvinetso zvoupenyu here? Runodzidzisa tariro yeBhaibheri nokuda kwenguva yemberi here? Runokuita kuti uve noukama hwapedyo, hwomunhu oga noMusiki, hwakavakirwa pazivo yeBhaibheri yakarurama here? Kana rusingadaro, usarega. Panzvimbo pokurega rudzidziso, tsvaka rudzi rwokunamata rwakavakirwa zvakasimba paBhaibheri. Ipapo uchava akafanana naavo vakaporofitwa nezvavo mubhuku reBhaibheri raIsaya kuti: “Naizvozvo zvanzi naShe Jehovha: Tarirai, varanda vangu vachadya, . . . varanda vangu vachanwa, . . . varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo.”—Isaya 65:13, 14.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe emazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Bhaibheri rinotibetsera kusvika pakuziva nokuda Mwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe