Nei Vari Kusiya Rudzidziso?
PAKATI pezana ramakore rechi19, zvakanga zvisingambonzwiki kuti mugari wokuPrussia (zvino yava kuchamhembe kweGermany) ataure kuti akanga asiri worudzidziso rwakati. Kutaura idi, kungotendeuka kubva murudzidziso rukuru achiva munhu wechechi isingawirirani nedzimwe kungagona kumuita kuti ave munhu anocherekedzwa namapurisa. Nguva dzachinja sei!
Nhasi, nhamba huru yavanhu vokuGermany iri kusiya machechi. Sezvinoshumwa, mumwe muvana anotaura kuti haasimbori worudzidziso. Muitiro wakafanana unooneka muAustria neSwitzerland. Kana kuva mutezo kuchikosha kurudzidziso, ipapo, sokutaura kwakaita munyori weGermany Reimer Gronemeyer, “machechi eEurope ari kufa.”
Chikonzero Nei Vachiramba Rudzidziso
Nei vakawanda vachiramba rudzidziso rwakarongwa? Kakawanda, nokuda kwezvikonzero zvemari, zvikurukuru munyika umo mitezo inodikanirwa kubhadhara mutero wechechi. Vakawanda vanobvunza kuti, ‘Nei mari yangu yandakashandira zvakaoma ichifanira kuenda kuchechi?’ Vamwe vanovhiringidzwa neupfumi hukuru hwechechi nesimba. Zvimwe vanobvumirana noMufundisi mukuru Joachim Meisner weCologne, Germany, uyo akataura kuti pfuma yechechi ingava yakaipesvedzera kupa ngwariro yakawandisa pazvinhu zvenyama uye “kwete kutenda muna Kristu zvakakomba zvakakwana.”
Vamwe vanhu vari kusiya chechi yavo nemhaka yokuti vanoiwana isinganakidzi, isingafadzi, isingakwanisi kugutsa nzara yavo yomudzimu. Vanotambura nenzara yakafanotaurwa nomuporofita Amosi, “isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Nemhaka yokuti havambogamuchiri betsero ipi neipi inobva murudzidziso rwavo, vanorusiya.
Nepo zvinetso zvinosanganwa nazvo zviri zvechokwadi, kusiya marudzidziso ose ndizvo zvakarurama here? Fungidzira murume ane nzara anoona chinhu chakafanana nerofu rechingwa. Paanoedza kuchidya, zvisinei, anowana kuti chakagadzirwa nomupfupfunyurwa. Aizorega pfungwa yokudya nokupedza nzara yake here? Aiwa, aizotsvaka chimwe chokudya chaichoicho. Nenzira yakafanana, kana rudzidziso rusingapedzi nzara yemitezo yarwo, inofanira kusiya rudzidziso here? Kana kuti vangava vakachenjera zvikuru kutsvaka nzira yokuita kuti nzara yavo yomudzimu ipedzwe here? Ndizvo zvakaita vakawanda, sezvinoratidza nyaya inotevera.