RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 7/1 p. 7
  • Kudzidza Mumhosho Dzakapfuura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Mumhosho Dzakapfuura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kureurura Kunoita Kuti Upore
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ngoni dzaJehovha Dzinotidzivirira Pakuora Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Unogona Kuramba Wakachena Mutsika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 7/1 p. 7

Kudzidza Mumhosho Dzakapfuura

MITEMO yoMusiki wedu yetsika haigumi uye haichinjiki. Nokuda kwechikonzero ichi nheyo inowanwa pana VaGaratia 6:7 inoshanda nhasi: “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” Chokwadi, munhu angaramba kuzvidavirira kuna Mwari, asi mutemo waMwari unoramba uripo nguva dzose. Pakupedzisira, hapana munhu anodzivirirwa pamigumisiro yezviito zvake.

Zvakadini nomunhu anorarama upenyu husina kutwasuka ipapo ndokuchinja, achiva mubatiri waMwari? Angava achiri kufanira kurarama nemigumisiro yamararamiro ake omunguva yakapfuura. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Mwari haana kumukanganwira. Upombwe hwaMambo Dhavhidhi naBhati-shebha hwakaunza ngwavaira huru muupenyu hwake. Aisagona kuzvinzvenga. Asi akapfidza, uye akagamuchira kukanganwira kwaMwari.—2 Samueri 12:13-19; 13:1-31.

Wakambonzwa waodzwa mwoyo paunotambura migumisiro yemhosho dzakawakaita here? Kana kukarangarirwa nenzira yakarurama, kuzvidemba kunogona kushanda sechiyeuchidzo kwatiri ‘kuti tingwarire kuti hatiiti zvinokuvadza.’ (Jobho 36:21) Hungu, kuzvidemba kunogona kutibetsera kudzivisa kudzokorora chakaipa. Zvakatonaka zvikuru, Dhavhidhi akashandisa ruzivo rwokuzviwanira rwaakawana pachivi chaakaita kuti azvibetsere kwete bedzi iye asi vamwewo. Akati: “Ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.”—Pisarema 51:13.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Dhavhidhi akadzidza muchivi chake naBhati-shebha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe