Vakaparadzaniswa Kuti Vave Varumbidzi Vanofara Munyika Yose
“Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.”—PISAREMA 113:1.
1, 2. (a) Mutsinhirano nePisarema 113:1-3, ndiani anofanirwa nokurumbidza kwedu kwokushingaira? (b) Mubvunzoi wakakodzera kubvunza?
JEHOVHA MWARI ndiye Musiki Mukuru wedenga napasi, Changamire wedu Wechisiko Chose nokusingagumi kwose. Anofanirwa zvikuru nokurumbidza kwedu kwokushingaira. Ndosaka Pisarema 113:1-3 richitirayira kuti: “Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha. Zita raJehovha ngarikudzwe kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.”
2 SeZvapupu zvaMwari, tinofara kuita izvozvi. Zvinofadza sei kuti Jehovha Mwari achakurumidza kuita kuti urwu rwiyo rwomufaro rwerumbidzo rwatiri kuimba nhasi rwuzadze pasi rose! (Pisarema 22:27) Inzwi rako riri kunzwika muiyi kwaya huru yomunyika yose here? Kana zvakadaro, zvinofanira kukufadza sei kuparadzaniswa nenyika ino isina kubatana, isingafari!
3. (a) Chii chinoita kuti vanhu vaJehovha vasiyane, vave vakatanhamara? (b) Takaparadzaniswa munzirai?
3 Kurumbidza kwedu Jehovha takabatana zvirokwazvo kunotiita kuti tive vakatanhamara, vakasiyana. Tinotaura nokudzidzisa zvinobvumirana uye tinoshandisa mitoo mimwe cheteyo kuzivisa ‘ukuru hwokunaka kwaJehovha.’ (Pisarema 145:7) Hungu, savanhu vaJehovha vakazvitsaurira, takaparadzaniswa nokuda kwebasa raMwari wedu, Jehovha. Mwari akaudza vanhu vake vakare vakazvitsaurira, Israeri, kuramba vakaparadzana namarudzi akavapota ndokusasvibiswa nemiitiro yamarudzi iwayo. (Eksodho 34:12-16) Akapa vanhu vake mitemo yokuvabatsira kuita izvozvi. Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha akatipa Shoko rake Dzvene, Bhaibheri. Murayiridzo waro unotiratidza nzira yokuramba takaparadzana nayo nenyika ino. (2 VaKorinte 6:17; 2 Timotio 3:16, 17) Hatina kuparadzaniswa kuti tive toga mudzimba dzechechi namakonivhendi, sezvakaita mamongi nemanani eBhabhironi Guru. Tichitevera muenzaniso waJesu Kristu, tiri varumbidzi vaJehovha vapachena.
Tevedzera Murumbidzi Mukuru waJehovha
4. Jesu akagadza sei muenzaniso mukurumbidza Jehovha?
4 Jesu haana kumbotsauka padonzo rake rokurumbidza Jehovha. Uye izvozvi zvakamuparadzanisa nenyika. Mumasinagoge uye patembere muJerusarema, akarumbidza zita dzvene raMwari. Pangave paive pamusoro pegomo kana kuti pamhenderekedzo yegungwa, kwose kwose kwaiungana mapoka, Jesu aizivisa pachena zvokwadi dzaJehovha. Akazivisa kuti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga napasi.” (Mateo 11:25, NW) Kunyange paaitongwa pamberi paPontio Pirato, Jesu akapupura kuti: “Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.” (Johane 18:37) Jesu ainzwisisa ukoshi hwebasa rake. Kwose kwose kwaaive, Jesu aipupurira Jehovha uye akamurumbidza pachena.
5. Pisarema 22:22 rinoshanda kuna vanaani, uye ndechipi chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro?
5 PaPisarema 22:22, tinowana uku kutaura kwouporofita pamusoro poMurumbidzi Mukuru waJehovha: “Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai pakati peungano.” Uye pana VaHebheru 2:11, 12, muapostora Pauro anoshandisa ndima idzodzi kuna Ishe Jesu uye kuavo Jehovha Mwari akatsvenesa nokuda kwembiri yokudenga. Kufanana naye, havanyari kurumbidza zita raJehovha pakati peungano. Tine chimiro chendangariro chakafanana patinopinda misangano yedu yeungano here? Kutora rutivi kwedu kwokushingaira mumisangano, mune zvose zviri zviviri mupfungwa nomukutaura, kunorumbiza Jehovha. Asi kurumbidza kwedu kwomufaro kunoperera ipapo here?
6. Jesu akapa vadzidzi vake basai, uye vadi vechiedza vanorumbidza sei Mwari?
6 Maererano naMateo 5:14-16, Ishe Jesu akatumawo vateveri vake kuti varege chiedza chavo chichipenya kuitira kuti vamwe vagorumbidza Jehovha. Akati: “Imi muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” Vadi vechiedza vanounza mbiri kuna Mwari. Vanoita izvozvi kupfurikidza nokungotaura havo nokuita zvinhu zvakanaka, zvokubatsira vanhu here? Aiwa, panzvimbo pezvo vanodaro kupfurikidza nokurumbidza Jehovha vakabatana. Hungu, vadi vechiedza vanozvitsaurira kuna Mwari ndokuva varumbidzi vake vanofara. Wakatora iri danho rinofadza here?
Mufaro Unobva Mukurumbidza Jehovha
7. Nei varumbidzi vaJehovha vachifara kwazvo, uye mufaroi wavaiva nawo pazuva rePentekosta ya33 C.E.?
7 Nei varumbidzi vaJehovha vachifara kwazvo? Nemhaka yokuti mufaro chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. Pana VaGaratia 5:22, unorongwa pashure chaipo porudo. Vadzidzi vaJesu muzana ramakore rokutanga vakaratidzira ichi chibereko chomudzimu waJehovha. Chokwadi, pazuva rePentekosta ya33 C.E., apo Mwari akadurura mudzimu wake pane vadzidzi vaJesu vanenge 120, vose vakatanga kurumbidza Jehovha nendimi dzakasiyana-siyana. VaJudha vainamata vakanga vauya kuJerusarema vachibva kunyika dzakawanda ‘vakashamiswa ndokukatyamadzwa.’ Vakati: “Tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari”! (Mabasa 2:1-11) Chii chakava mugumisiro wouku kurumbidza Jehovha nemitauro yakawanda kunoshamisa? VaJudha vanenge 3 000 navakatendeukira kuchiJudha vakagamuchira mashoko akanaka oUmambo pamusoro paMesiya. Vakabhabhatidzwa, vakagamuchira mudzimu mutsvene, uye vakawedzera manzwi avo nokudisa savarumbidzi vanofara vaJehovha. (Mabasa 2:37-42) Ichocho chaiva chikomborero chakadini!
8. Pashure pePentekosta, vaKristu vakaitei kuti vawedzere mufaro wavo?
8 Mushumo wacho unopfuurira uchiti: “Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa.” (Mabasa 2:46, 47) Kwaingova chete kusangana kwavo pamwe chete nokudya zvokudya kwakavaunzira mufaro mukuru here? Aiwa, mufaro wavo mukuru wakabva mukurumbidza Jehovha Mwari zuva nezuva. Uye mufaro wavo wakakura sezvavakaona zviuru zvichigamuchira shoko ravo roruponeso. Zvakafanana nesu nhasi.
Varumbidzi Vanofara Mumarudzi Ose
9. (a) Mwari akavamba kupa vanhu vamarudzi ose mukana wokunzwa mashoko ake akanaka riini uye sei? (b) Nei mudzimu mutsvene wakadururwa pana Kornerio neshamwari dzake vasati vabhabhatidzwa?
9 Jehovha aisada kuti mubato wokutakura chiedza wevabatiri vake uganhurirwe kurudzi rumwe. Kuvambira muna 36 C.E., naizvozvo, akapa vanhu vamarudzi ose mukana wokunzwa mashoko ake akanaka. Achitungamirirwa naMwari, Petro akaenda kumusha kwemumwe mukuru mukuru weuto weMarudzi muKesaria. Ikoko akawana Kornerio akaungana neshamwari dzake dzapedyo nemhuri. Sezvavakateereresa mashoko aPetro, vakashandisa kutenda muna Jesu mumwoyo yavo. Tinoziva sei? Nemhaka yokuti mudzimu mutsvene waMwari wakauya pane ava vatendi vaMarudzi. Kazhinji kazhinji, chipo chomudzimu waMwari chaipiwa bedzi pashure perubhabhatidzo, asi panhambo iyoyo Jehovha akaratidzira kutendera kwake ava vaisava vaJudha vasati vaombekwa. Kudai Jehovha akanga asina kuita izvozvo, Petro aisagona kuva nechokwadi chokuti Mwari akanga ogamuchira Vamarudzi savabatiri Vake uye kuti vaikwanirisa kubhabhatidzwa mumvura.—Mabasa 10:34, 35, 47, 48.
10. Zvakafanotaurwa sei munguva dzakapfuura kuti vanhu vanobva mumarudzi ose vaizorumbidza Jehovha?
10 Kubvira munguva dzakare, Jehovha akafanotaura kuti vanhu vanobva kumarudzi ose vaizomurumbidza. Aizova navarumbidzi vanofara munyika iri yose. Kuti abvumikise izvozvi, muapostora Pauro akanokora mashoko uporofita hwomuMagwaro echiHebheru. Akaudza ungano yamarudzi akawanda yavaKristu muRoma kuti: “Saka gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe. Nokuti ndinoti: Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba. Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi [paPisarema 18:49]: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, nokukuimbirai zita renyu. Uyezve unoti [pana Dheuteronomio 32:43]: Farai imi vahedheni, navanhu vake. Uyezve [paPisarema 117:1]: Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; marudzi ose ngaamukudze.”—VaRoma 15:7-11.
11. Mwari akabatsira sei vanhu vamarudzi ose kudzidza zvokwadi dzake, uye ndoupi wave uri mugumisiro wacho?
11 Vanhu havagoni kurumbidza Jehovha vakabatana kutoti vakaisa tariro yavo muna Jesu Kristu, uyo Mwari akagadza kuti atonge vanhu vamarudzi ose. Kuti avabatsire kunzwisisa zvokwadi Dzake dzinotungamirira kuupenyu husingagumi, Mwari akatanga gadziriro yomunyika dzakawanda yokudzidzisa. Ari kupa nhungamiro kupfurikidza neboka rake romuranda akatendeka. (Mateo 24:45-47) Mugumisiro wacho? Manzwi anofara anopfuura mamiriyoni mashanu ari kuimba rumbidzo yaJehovha munyika dzinopfuura 230. Uye mamwe mamiriyoni zvino ari kuratidza fariro mukuita zvimwe chetezvo. Tarira kuti vangani vakapinda Chirangaridzo muna 1996: 12 921 933. Zvinoshamisa!
Boka Guru Ravarumbidzi Vanofara Rakafanotaurwa
12. Chionoi chinonyandura chakava nomuapostora Johane, uye zvaakaona zviri kuitika sei?
12 Muchiono, muapostora Johane akaona “boka guru” rakabva kumarudzi ose. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Iri boka guru riri kuimba musoro upi werumbidzo pamwe chete navakasarira vakazodzwa vaMwari? Johane anotiudza kuti: “Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro choushe, nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 7:10) Izvozvi zviri kuziviswa noushingi murutivi rwuri rwose rwenyika. Tichiita sokunge tinovheyesa michindwe, tinorumbidza Mwari takabatana saChangamire Wechisiko Chose ndokubvuma nomufaro pamberi pedenga napasi kuti kuponeswa kwedu [“kunobva,” NW] kwaari noMwanakomana wake, Gwayana, Jesu Kristu. Haiwa, Johane anofanira kuve akafara sei mukuona ichi chiono chinofadza cheboka guru! Uye tine mufaro wakadini nhasi mukuona, uye kutova rutivi rwezvakaonwa naJohane!
13. Chii chinoparadzanisa vanhu vaJehovha nenyika?
13 Savabatiri vaJehovha, tinotakura zita rake nokudada. (Isaya 43:10, 12) Kuva kwedu Zvapupu zvaJehovha kunotiita kuti tisiyane nenyika ino. Mufaro wakadini kutakura zita raMwari rakasiyana uye kuita basa rake roumwari sedonzo redu muupenyu! Donzo guru raJehovha rokutsvenesa zita rake dzvene uye kureverera uchangamire hwake hwomuchisiko chose kupfurikidza noUmambo zvakapa revo kuupenyu hwedu. Uye akatibatsira kuva nenzvimbo mudonzo rake roumwari pamusoro pezita rake noUmambo. Izvozvi akazviita munzira nhatu.
Takaronzwa Chokwadi
14, 15. (a) Mwari akatibatsira kuva nenzvimbo mudonzo rake roumwari pamusoro pezita rake noUmambo munzirai? (b) Umambo hwakagadzwa muna 1914 hwakasiyana sei nohuya hwakaparadzwa muna 607 B.C.E.?
14 Yokutanga, Jehovha akaronza vanhu vake chokwadi. Kuratidzwa kunoshamisa zvikurusa ndokwokuti Umambo hwake hwakavamba kutonga muna 1914. (Zvakazarurwa 12:10) Iyi hurumende yokudenga yakasiyana noumambo hwokufananidzira hwaiva muJerusarema, uko madzimambo aiva mumutsara waDhavhidhi aigadzwa pachigaro choumambo. Umambo ihwohwo hwakaparadzwa, uye kuvambira muna 607 B.C.E., Jerusarema rakatongwa chose chose namasimba enyika aVamarudzi. Umambo hutsva uhwo Jehovha akagadza muna 1914 isimba romudenga risingazombotongwi nemunhu upi noupi kunze kwaJehovha, uyewo hahuzoparadzwi. (Dhanieri 2:44) Uyewo, kutonga kwahwo kwakasiyana. Sei? Zvakazarurwa 11:15 inopindura kuti: “Manzwi makuru akavapo kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.”
15 “Ushe . . . hwaShe wedu, naKristu wake” hunotonga nyika yose yorudzi rwomunhu. Uku kuratidzirwa kutsva kwouchangamire hwaJehovha, kunobatanidza Mwanakomana wake Mesiya nehama dzaJesu 144 000, zhinjisa dzacho zvino dzakamutsirwa kumbiri yokudenga, hakusi nhau yedzidzo inongofadzawo zvayo—chimwe chinhu chokufungidzira icho vadzidzi vangada kukurukura. Aiwa, uhwu Umambo hwokudenga ihurumende chaiyoiyo. Uye kariro yedu inofadza yokurarama nokusingaperi takakwana somugumisiro wokutonga kwahwo inotipa chikonzero chikuru chokuti tirambe tichifara. Kuronzwa zvokwadi dzakadaro dzeShoko raJehovha kunotisunda nguva dzose kutaura zvakanaka nezvahwo. (Pisarema 56:10) Uri kuita izvozvi nguva dzose kupfurikidza nokuudza munhu ari wose kuti Umambo hwaMwari hwaMesiya zvino huri kutonga mumatenga here?
Kubatsirwa Nomudzimu Mutsvene Nouhama Hwomunyika Yose
16, 17. Inzirai yechipiri neyechitatu iyo Mwari akatibatsira nayo kuva nenzvimbo mudonzo rake roumwari?
16 Nzira yechipiri iyo Mwari akatibatsira nayo kuti tive nenzvimbo mudonzo rake roumwari iri kupfurikidza nokutipa mudzimu mutsvene wake, uyo unotigonesa kubereka chibereko chawo chakaisvonaka muupenyu hwedu ndokuwana tendero yake. (VaGaratia 5:22, 23) Uyezve, Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti: “[Takagamuchira, NW ] . . . Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.” (1 VaKorinte 2:12) Kupfurikidza nokugamuchira kwedu mudzimu waJehovha, tose zvedu tinogona zvino kuziva ndokunzwisisa zvinhu zvakanaka zviripo zvaakatipa nomutsa—zvipikirwa zvake, mitemo, nheyo, zvichingodaro.—Enzanisa naMateo 13:11.
17 Kana iri nzira yechitatu iyo Mwari ari kutibatsira nayo, tine uhama hwedu hwomunyika yose uye gadziriro yaJehovha inofadza yesangano nokuda kwokunamata. Muapostora Petro akataura nezvayo apo akatirayira ku“[da] hama dzose.” (1 Petro 2:17) Mhuri yedu yehama nehanzvadzi ine rudo, yomunyika dzakawanda inotibatsira kubatira Jehovha nomufaro mukuru womwoyo, seizvo Pisarema 100:2 rinorayira: “Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake muchiimba.” Ndima 4 inotizve: “Pindai pamasuo ake muchionga, napavazhe dzake muchirumbidza; chimuongai, murumbidze zita rake.” Naizvozvo tingave tichiparidza pachena kana kuti tichipinda misangano yedu, tinogona kuva nomufaro. Takawana rugare nechengeteko zvakadini muvazhe dzakaisvonaka dzetembere yaJehovha yomudzimu!
Batira Jehovha Nomufaro!
18. Nei tichigona kufara mukurumbidza Jehovha pasinei zvapo nechitambudzo kana kuti zvimwe zvinetso zvinotidzosera shure?
18 Pasinei zvapo namamiriro ezvinhu akaoma, chitambudzo, kana kuti zvimwe zvinetso zvingatidzose shure, ngatifarei kuti tiri muimba yaJehovha yokunamatira. (Isaya 2:2, 3) Yeuka kuti mufaro ivara romwoyo. Hama dzedu nehanzvadzi dzapakuvamba dzechiKristu dzaiva varumbidzi vanofara vaJehovha pasinei zvapo nenhamo dzakawanda nokurasikirwa kwadzakava nako. (VaHebheru 10:34) Vatendi biyedu nhasi vakangofanana navo.—Mateo 5:10-12.
19. (a) Mirayiroi inodzokororwa inotinyandura kurumbidza Jehovha? (b) Upenyu hwedu husingagumi hunotsamira pachii, uye tinofanira kutsunga kuitei?
19 Tose zvedu tinobatira Jehovha tinofara kuteerera mirayiro yeBhaibheri yokumurumbidza. Bhuku raZvakazarurwa rinosimbisa rasimbisazve rumbidzo dzaMwari nokutaura kwokuti “Hareruya!” (Zvakazarurwa 19:1-6) Mundima nhanhatu dzePisarema 150, tinoudzwa ka13 kuti tirumbidze Jehovha. Ichochi chikumbiro chomunyika yose chokuti chisiko chose chikumbanire nomufaro mukuimba rumbidzo yaJehovha. Upenyu hwedu husingagumi hunotsamira pakukumbanira kwedu mune iyi korasi huru yeHareruya! Hungu, vanhu bedzi vachararama nokusingaperi ndaavo vanoramba vachirumbidza Jehovha vasingaregi. Naizvozvo, takatsunga kuramba tiri muungano yake yakavimbika yomunyika yose sezvo mugumo unoswedera pedyo. Ipapo, tinogona kukarira kuona mashoko okupedzisira ePisarema 150 achizadzikwa zvakakwana: “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Hareruya!”
Ungapindure Sei?
◻ Chii chinoita kuti vanhu vaJehovha vave vakatanhamara, vakasiyana?
◻ Nei vabatiri vaJehovha vachifara kwazvo?
◻ Chii chinovaparadzanisa nenyika?
◻ Mwari akatibatsira munzirai nhatu kuva nenzvimbo mudonzo rake roumwari?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kwose kwose kwaaive, Jesu akapupurira Jehovha uye akamurumbidza pachena