Ucharumbidza Jehovha Here?
“SEZVAKAITA zita renyu, Mwari, ndizvo zvakaitawo kurumbidzwa kwenyu kusvikira kumigumo yapasi pose.” Aya mashoko anobva murwiyo rwouporofita rwavana vaKora. (Pisarema 48:10) Nhasi, korasi ine simba yamamiriyoni eZvapupu zvaJehovha iri kurumbidza Mwari uye kuzivisa zita rake kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwake. Kupfurikidza nokuita ikoku munyika 232 nezvitsuwa zvegungwa uye mumitauro inopfuura 300, vari kusvika “migumo yapasi pose” chaizvoizvo.
Chii chinosunda vanhu vamamiriro ezvinhu etsika yekare, nzanga, uye mutauro kurumbidza Jehovha? Kuonga kwavo zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri, chikonzero chikuru. Zvokwadi yomudzimu yakavasunungura pakudavira mashura napazvitendero zvorudzidziso zvinoisa muuranda zvakadai sokutambura kusingagumi. (Johane 8:32) Zvokwadi inovabetserawo kunzwisisa mavara anoshamisa aMwari, akadai sorudo, simba, uchenjeri, uye ruramisiro zvake zvinopfaviswa nengoni. Kunzwisisa kupa kwaMwari Mwanakomana wake akaberekwa ari oga bedzi, Jesu Kristu, sechibayiro chorudzikinuro chorudzi rwomunhu kunosunda vanhu vakarurama kurumbidza nokubatira Jehovha.
Maererano nebhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, korasi yokudenga inokuwa, kuti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” (Zvakazarurwa 4:11) Rumbidzo yakadaro haisati ichibva mupfungwawo zvayo yomusengwa. Panzvimbo pezvo, inobva mukuremekedza Jehovha.
Rumbidza Mwari kupfurikidza Nokuzivisa Mashoko Akanaka
Mukurumbidza Jehovha, mumwe munhu ari kutevedzera muenzaniso wakaisvonaka waJesu Kristu, murumbidzi mukuru waMwari. Kutevera mumakwara aJesu kunobatanidza kutora rutivi mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 4:17, 23; 24:14) Uyu mubato wokuparidza wazova nhamburiko hurusa yenyika yose mukurumbidza Jehovha.
Iri basa rokuparidza rinokosha kwazvo zvokuti Bhaibheri rinoribatanidza nenzira yakajeka noruponeso. VaRoma 10:13-15 rinorava, kuti: “Aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?”
Gore rapera roga, Zvapupu zvaJehovha zvakapa anopfuura maawa bhiriyoni kubasa rokuparidza. Uye migumisiro yakanaka zvakadini yakabva muuku kurumbidza Mwari! Vane 314 000 vakakumbanira korasi yavarumbidzi kupfurikidza nokuratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura.
Bva, chii chingagona kutaurwa pamusoro pevane 12 288 917 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu cha 1994? Pakati pavo pakanga pane vanopfuura 7 000 000 vachigere kurumbidza Jehovha savaparidzi vamashoko akanaka. Asi kuvapo kwavo paiyi nhambo inokosha kungagona kuguma pakupedzisira nokuwedzerwa kwamamwe mamiriyoni kukorasi yavarumbidzi. Chii chinogona kuitwa kubetsera ava vanofarira kuva varumbidzi vaJehovha?
Betsero Inowanika
Vanhu vakawanda vanofarira vangava nechishuvo chokurumbidza Jehovha asi vanonzwa kuti havagoni kusvitsa zvinodikanwa. Vanoita zvakanaka kuyeuka mashoko ewezvamapisarema, anoti: “Ndichasimudzira meso angu kumakomo; kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi.” (Pisarema 121:1, 2) Sezviri pachena, wezvamapisarema akasimudza meso ake kumakomo eJerusarema uko tembere yaJehovha nechigaro chapasi chehurumende youbati ushe hwaMwari zvakanga zviri. Kubva muna ikoku tinogona kugumisa nenzira yakarurama kuti betsero inodikanwa kurumbidza Mwari nokuzivisa shoko roUmambo inobva bedzi kuna Jehovha nesangano rake.—Pisarema 3:4; Dhanieri 6:10.
Nhasi, avo vanoshuva kurumbidza Jehovha vanogona kukarira yamuro yorudo inobva kusangano rake rapasi. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvinopa betsero kupfurikidza nokuitisa vanhu vanofarira fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena. Ichi chirongwa chedzidzo chinobatanidza zvinopfuura kudzidza chete dzidziso dzeBhaibheri. Chinobetsera mudzidzi kukudziridza kunzwisisa izvo ari kudzidza uye sangano iro Jehovha ari kushandisa.
Mutsinhirano naikoku, Chapupu chiri kuitisa fundo yeBhaibheri chinoedza kuva nechokwadi chokuti zvokwadi dzichangobva kuwanwa dzinosvika kwete bedzi ndangariro asiwo mwoyo. Uye mudzidzisi haafaniri kurega kuratidza mudzidzi nzira iyo Jehovha ari kushandisa nayo sangano Rake kuita chinangwa Chake pasi pano. Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose netepi yevhidhiyo inoti Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name kazhinji kazhinji zvakabvumikisa kuva zvinobetsera mukuita ikoku.
Misangano yechiKristu inoitawo basa rinokosha mukuyamura varumbidzi vaJehovha vanokarirwa. Pamatanho okuvamba amene efundo yeBhaibheri, mudzidzi angakokwa kupinda misangano yechiKristu. Pashure penguva yakati, achadzidza ukoshi hwokupinda nguva dzose uye kutora rutivi mumisangano yose yeungano. (VaHebheru 10:24, 25) Vatariri vanogona kugovera betsero inokosha zvikuru kuvatendi biyavo uye varumbidzi vaJehovha vanokarirwa kupfurikidza nokugadzirira misangano inovaka mumudzimu uye inoshanda.
Betsera Vana Kurumbidza Jehovha
Vana vari pakati pavakawanda vangagona kuva vaparidzi vamashoko akanaka munguva yemberi iri pedyo. Zvikurukuru vanababa vane basa reBhaibheri rokurera vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Apo vanorovedzwa zvakafanira navabereki voumwari, kunyange vana vaduku zvikuru vanogona kukudziridza chishuvo chokurumbidza Jehovha.
Kamwe kasikana muArgentina kakasvika kasvikazve vakuru veungano kwemwedzi inoverengeka, kachikumbira betsero yavo kuti kagokwanirisa somuparidzi woUmambo. Pashure penguva yakati, vabereki vako navakuru vakabvumirana kukabvumidza kuva muparidzi asina kubhapatidzwa. Kanotopa shoko roUmambo nenzira inobudirira pamasuo. Kunyange zvazvo aka kasikana kane makore mashanu bedzi okukura uye kasingagoni kurava, kakadzidza nomusoro panowanika mamwe amagwaro eBhaibheri. Pashure pokuwana rugwaro, kanokumbira saimba kururava, uye ipapo kanotsanangura.
Kuri pachena kuti vose vari vaviri vakuru navabereki vanogona kuita zvakanaka zvikuru kupfurikidza nokukurudzira uye kubetsera avo vari kufambira mberi kukuva varumbidzi vaJehovha.—Zvirevo 3:27.
Ukama Husingagumi naJehovha
Bva, zvakadini kana iwe umene wave uchisonganirana neZvapupu zvaJehovha kwenguva yakati asi uchigere kuzvikumbanira mubasa razvo rokuparidza? Kungava kunobetsera kuzvibvunza umene mibvunzo inotevera, ‘Ndinodavira kuti ndakawana zvokwadi uye kuti Jehovha ndiye Mwari bedzi wechokwadi here? Ndinopwiswa here kuti Umambo hwaMwari ndiyo mhinduro bedzi kuzvinetso zvorudzi rwomunhu? Ndakasiya rudzidziso rwose rwenhema uye tsika nemiitiro zvenyika izvo zvinogumbura Jehovha here? Ndinoda Mwari zvikuru nezvinodikanwa zvake zvakarurama here?’ (Pisarema 97:10) Kana uchigona kupindura kuti hungu nenzira yokutendeseka iyi mibvunzo, chii chinokudzivisa kurumbidza Jehovha?—Enzanisa naMabasa 8:36.
Kurumbidza Jehovha kunobatanidza zvinopfuura kuparidza mashoko akanaka. Kana wakapinza zivo yakarurama, une kutenda kwechokwadi, uye uchiwiriranisa upenyu hwako nezvinodikanwa zvoumwari, unofanira kusimbisa ukama hwako pachako naMwari. Seiko? Kupfurikidza nokuita tsauriro kwaari mumunyengetero uye ipapo kuratidzira iyoyi norubhapatidzo rwomumvura. Upenyu husingaperi huri mungozi. Naizvozvo, shandira zvino pazano raJesu rokuti: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.
Netsika ino yezvinhu iri kusvika mugumo wayo une ngwavaira, ino haisati iri nguva yokuzengurira. Ita matanho okukurumidza kuukama husingagumi naJehovha. Zvirokwazvo, zvino yava nguva yokupindura zvakanaka mubvunzo wokuti, Ucharumbidza Jehovha here?