Musangano Wegore Negore October 4, 1997
MUSANGANO WEGORE NEGORE wemitezo yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa pana October 4, 1997, paHoro Yamagungano yeZvapupu zvaJehovha, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wemitezo bedzi uchatanga na9:15, a.m., uchiteverwa nomusangano wavose wegore negore na10:00 a.m.
Mitezo yeSangano inofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvechinjo ipi neipi mukero dzayo dzokutumira tsamba mukati megore rakapfuura kuitira kuti tsamba dzenguva dzose dzeziviso uye magwaro okuvhota usipo agogona kuvasvika mukati maJuly.
Magwaro okuvhota usipo, ayo achatumirwa kumitezo pamwe chete nechiziviso chomusangano wegore negore, anofanira kudzorerwa kuti asvike Hofisi yoMunyori weSosaiti pasati pari pashure paAugust 1. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kuzadza ndokudzorera rugwaro rwawo rwokuvhota usipo nokukurumidza, uchitaura kana iwo uchava pamusangano somunhu oga kana kuti kwete. Mashoko anopiwa parugwaro rumwe norumwe rwokuvhota usipo anofanira kuva akajeka papfundo rino, sezvo achishandiswa mukuwana kuti ndiani achava aripo somunhu oga.
Kunokarirwa kuti rusando rwose, kubatanidza musangano wakarongwa webhizimisi uye mishumo, zvichapedzwa na1:00 p.m. kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Hapasati pachizova norusando rwamasikati. Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa, kupinda kuchava kupfurikidza netikiti bedzi. Hapana gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore norunhare kuti dzimwe horo dzinzwe.