RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • VaKristu Vanofanira Kutsigira Chirango Cherufu Here?
    Mukai!—1996
  • Basa Rezviremera Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari naKesari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuripira Zvinhu Zvakesari Kuna Kesari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Bhaibheri rinoratidzirei pamusoro pokuranga nokuuraya, mutongo worufu, nokuda kwavapari vemhaka?

Nenzira inonzwisisika, mumwe nomumwe wedu angava nemirangariro yomunhu oga pamusoro paikoku, yakavakirwa paruzivo rwedu rwokuzviwanira kana kuti mamiriro ezvinhu muupenyu. Bva, seZvapupu zvaJehovha, tinofanira kuedza kuwirirana nemifungo yaMwari pamusoro pokuranga nokuuraya, nepo tichiramba tisingatori rutivi pamusoro pezvematongerwe enyika izvo vakawanda vanoita panhau iyi.

Kuti azvitaure nenzira yakananga, muShoko rake rakanyorwa, Mwari haaratidziri kuti kuranga nokuuraya kwakaipa.

Pakuvamba munhau yavanhu, Jehovha akagoverana mifungo yake pamusoro penhau yacho, sezvatinorava muna Genesi ganhuro 9. Izvozvi zvaibatanidza Noa nemhuri yake, avo vakava madzitateguru emhuri yose yavanhu. Pashure pokunge vabuda muareka, Mwari akataura kuti vaigona kudya mhuka—ndiko kuti, mhuka dzaigona kuurawa, kubudiswa ropa radzo, uye kudyiwa. Ipapo, pana Genesi 9:5, 6, Mwari akati: “Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsvaka; ndicharitsvaka pazvipenyu zvose, ndichatsvaka upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. Ani naani unoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari wakaita munhu nomufananidzo wake.” Naizvozvo Jehovha akabvumira kuranga nokuuraya muchiitiko chemhondi.

Apo Mwari akanga achibata naIsraeri savanhu vake, dzimwe mhosho dzakasiyana-siyana dzakakomba dzairwisana nomutemo waMwari dzakanga dzichirangwa norufu. Pana Numeri 15:30, tinorava uku kutaura kunoshandiswa zvikuru: “Munhu unoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu wakaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye unomhura Jehovha; munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.”

Asi zvakadiniko pashure pokunge ungano yechiKristu yatangwa? Eya, tinoziva kuti Jehovha akabvumira hurumende dzavanhu kuti dzivepo, uye akadzidana kuti zviremera zvikuru. Kutaura idi, pashure pokukurudzira vaKristu kuti vateerere zviremera zvehurumende zvakadaro, Bhaibheri rinotaura kuti zvakadaro zvinobatira so“mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kune unoita zvakaipa.”—VaRoma 13:1-4.

Izvozvo zvinoreva here kuti hurumende dzinobvumirwa kunyange kuuraya vanoita mhosva dzakakomba? Kubva mumashoko a1 Petro 4:15, tingafanira kugumisa kuti hungu. Muchikamu ichocho muapostora akarayira hama dzake kuti: “Kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe.” Wacherekedza here, “kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muurayi”? Petro haana kukarakadza kuti hurumende dzakanga dzisina kodzero yokuita kuti mhondi itambure nokuda kwemhosva yayo. Mukupesana, akaratidzira kuti mhondi ingagamuchira chirango chakafanira nenzira yakarurama. Ikoko kwaizobatanidza kurangwa norufu here?

Kwaigona kudaro. Ikoku kwakajeka kubva mumashoko aPauro ari muna Mabasa ganhuro 25. VaJudha vakanga vapomera Pauro mhaka dzairwisana noMutemo wavo. Mukutuma musungwa wake, Pauro, kuna gavhuna weRoma, mukuru-mukuru wamauto akashuma, sezvinoratidzwa pana Mabasa 23:29 kuti: “Ndikawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi asina mhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.” Pashure pemakore maviri Pauro akazviwana ari pamberi paGavhuna Festo. Tinorava pana Mabasa 25:8 kuti: “Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murayiro wavaJudha, kana tembere, kana Kesari.” Asi zvino nangidzira ngwariro patsinhiro dzake pamusoro pechirango, kunyange kurangwa nokuurawa. Tinorava pana Mabasa 25:10, 11 kuti:

“Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka. Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu ungandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”

Pauro, akamira pamberi pechiremera chakagadzwa nenzira yakarurama, akabvuma kuti Kesari akanga ane maruramiro okuranga vaiti vezvakaipa, kunyange kuvauraya. Haana kuramba chirango muchiitiko chake kudai akanga ane mhosva. Uyezve, haana kutaura kuti Kesari aigona kushandisa kuranga nokuuraya nokuda kwemhondi bedzi.

Sezvinobvumwa, kutonga kweRoma kwakanga kusina kukwana; sezvakaitawo matare avanhu nhasi. Vamwe vasina mhaka shure munguva iyoyo vakapomerwa mhaka ndokurangwa. Kunyange Pirato akati pamusoro paJesu: “Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.” Hungu, kunyange zvazvo chiremera chehurumende chakabvuma kuti Jesu akanga asina mhaka, uyu murume akanga asina mhaka akaurawa.—Ruka 23:22-25.

Kusaruramisira kwakadaro hakuna kusunda Pauro kana kuti Petro kuita nharo kuti kuranga norufu kwakaipa chaizvozvo. Panzvimbo pezvo, mufungo waMwari panhau yacho ndewokuti chero bedzi zviremera zvikuru zvaKesari zviripo, zvino‘bata munondo kuti zviratidzire kutsamwa paavo vanoita zvakaipa.’ Izvozvo zvinobatanidza kushandisa munondo mupfungwa yokushandisa kuranga norufu. Asi pamusoro pomubvunzo unomutsa nharo wokuti hurumende ipi neipi yenyika ino inofanira kushandisa maruramiro ayo kuuraya mhondi kana kuti kwete, vaKristu vechokwadi vanoramba vasingatori rutivi nenzira yokungwarira. Mukusafanana nevafundisi vechiKristudhomu, vanoramba vasingabatanidzwi mukukurukura iyi nhau.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe