RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 pp. 26-29
  • Kushanyira Munda Weufundisi Wekumusha Kwedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanyira Munda Weufundisi Wekumusha Kwedu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Kukurira Mhinganidzo yeMutauro
  • Ushumiri Hwedu Hwakasiyana-siyana
  • Tsika Dzakasiyana-siyana
  • Kariro Dzakajeka
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 pp. 26-29

Kushanyira Munda Weufundisi Wekumusha Kwedu

BOKA reungano dzechiKristu randinoshanyira rinondiita kuti ndifambe kubva kuPortugal kusvikira kuChina—kana kuti zvinoita sezvinodaro. Bva, mudzimai wangu, Olive, neni hatimbobudi muBritain.

Tinoshanyira nhamba inokura yeungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinotaura mitauro yekune dzimwe nyika dzakapararira munyika yose. Kubva pachitsuwa cheJersey, makiromita anenge 20 kubva kumhenderekedzo yegungwa yeNormandy yeFrance, kwatine boka rechiPutukezi, kusvikira kutaundi reSunderland kuchamhembe kweEngland, kwatinoshanyira vanhu vanofarira vanotaura chiChinese, tinogoverana mumunda uri kukura, wakabudirira mumudzimu, unotaura mitauro yakawanda. Takava neeuyu mugove unoshamisa sei? Uye chii chiri kuitika mumunda weufundisi wekumusha kwedu? Regai nditsanangure.

Olive neni takabatira kwemakore 20 mubasa rekufambira, tichishanyira ungano yakasiyana vhiki rega rega. Kufamba kwedu kwakatiita kuti tifambe kubvira kuchamhembe kusvikira kumaodzanyemba, kumabvazuva kusvikira kumadokero, muBritain mose, uye munguva pfupi yapfuura kuhama dzedu dzechiKristu dziri pachitsuwa chemuMediterranean cheMalta, kwatakaona mutsa wechiKristu unoshamisa. (Enzanisa naMabasa 28:1, 2.) Pashure pemakore matatu muMalta, takavamba kushamisika kuti mugove wedu unotevera waizova kupi. Takafungidzira kuti pamwe taizoshanyira nharaunda yekumamisha yechiNgezi, uye takavamba kugadziridza ndangariro dzedu kuitira kana izvozvo zvaitika. Takashamiswa kwazvo patakagamuchira mugove wedu wekubatira iri dunhu idzva rakaumbwa nemapoka neungano dzinotaura mitauro 23 yakasiyana!

Takashamiswa kuti taizobudirira sei. Kunze kwezvakaitika kwatiri muMalta, takanga tisati tambosanganiswa zvikuru nevanhu vakasiyana nesu mumamirire ezvinhu ekare netsika. Taizogona here kunyatsokurudzira vaya vaisanyatsonzwisisa chiNgezi zvikuru? Taizogona sei kukurukura tisingazivi mimwe mitauro? Zvakadini nezvekudya netsika dzakasiyana-siyana dzevamwe? Taizochinjika zvakakwana here? Takafunga mibvunzo yakafanana neiyoyi sezvatairangarira nokunyengetera uku kudanwa kweMakedhonia.—Mabasa 16:9, 10; 1 VaKorinte 9:19-22.

Kukurira Mhinganidzo yeMutauro

“Pakutanga ndakanzwa ndisina kukodzera nemhaka yekusaziva mitauro yacho,” anotsanangura kudaro Olive. “Handina kuona kuti ndaizobatsira sei hanzvadzi. Panguva iyoyo ndakayeuka kukurudzirwa kwatakaitwa nevakwanyina vakafunda Bhaibheri nesu kusamboramba mugove. Vakatidzidzisa kuti Jehovha haambotikumbiri kuita chinhu chatisingagoni kuita.” Naizvozvo tose tiri vaviri takagamuchira mugove wacho nokudisa.

Tichirangarira zvakaitika, tinoona kuti kusaziva kwedu mumwe mutauro kwakatibatsira kubata munhu wose nenzira yakafanana. Somuenzaniso, kupinda misangano yaiitiswa nemumwe mutauro vhiki yoga yoga kwakatiita kuti tinzwisise kuti hama dzainzwa sei padzaifanira kugara mumisangano yechiNgezi asi dzichinzwisisa zvishoma zvaitaurwa. Tinofanira kunyatsogadzirira misangano kuitira kuti tigogona kunzwisisa pfungwa yezviri kutaurwa. Olive nguva dzose anopindura mumwe wemibvunzo pamusangano. Anogadzirira mhinduro yacho muchiNgezi uye anoita kuti imwe hanzvadzi imushandurire, ichinyora zvainenge yashandura nekududzwa kunoitwa mashoko acho. Anobvuma kuti anozengurira kusimudza ruoko rwake kuti atsinhire. Pane dzimwe nguva nhamburiko dzake dzinoita kuti vanhu vaseke. Asi izvozvo hazvimuodze mwoyo. “Ndinoziva kuti hama dzinoonga kuedza kwangu,” anodaro. “Kutaura idi, kupindura kwangu kunokurudzira vaya vanogona mutauro wacho zvikuru kuti vagoverane mumusangano.”

Kana ndirini, kupa hurukuro kwakasiyanawo, nemhaka yekuti ndinofanira kupa muturikiri nguva pashure pemutsara wega wega. Zviri nyore kwazvo kurasikirwa nezvandiri kuda kutaura. Ndinoona kuti ndinofanira kufungisisa zvikuru ndokuderedza kwazvo mashoko angu. Asi ndinofadzwa nazvo.

Ushumiri Hwedu Hwakasiyana-siyana

Munharaunda dzakawanda dziri mumataundi muBritain, vanhu vanotaura mitauro yekune dzimwe nyika vakapararira, zvichida vaviri mumugwagwa mumwe, uye pashure peizvozvo unofanira kufamba chinhambwe chakati kuti uwane vamwe. Bva, paunovakwazisa nemutauro wavo ndokuona zvavanoita, unonzwa kuti zvinoshanda. Kana hama yandiri kuperekedza ichiparidza shoko reUmambo mumutauro wasaimba, davidzo yacho inowanzofadza zvikuru.

Zvechokwadi, ushumiri mundima yemitauro yekune dzimwe nyika chimwe chezvinhu zvinofadza zvikuru chatakava nacho mukati memakore edu 40 ebasa reUmambo. Bviro yekukura inoshamisa. Hapana mubvunzo kuti vanhu vakawanda vanodzidza nokukurumidza zvikuru uye nekuonga kwakadzama zvikuru pavanodzidziswa nerurimi rwavo rwaamai. (Mabasa 2:8, 14, 41) Zvinokurudzira zvikuru kuona hama nehazvadzi dzine misodzi yekufara pakupera kwemusangano, mune zvimwe zviitiko pashure pekukwanisa kuteerera ndokunzwisisa purogiramu yose kokutanga.

Pakuparidza paimba neimba, tinovavarira kuita sumo mumutauro wasaimba, kunyange zvazvo pane dzimwe nguva zvichitiomera. Somuenzaniso, kukwazisa imba yechiGujarati kunozivikanwa ndekwekuti Kemcho, zvichingoreva chete kuti “Kwaziwai.” Sezviri pachena zvandakambodudza zvisina kururama pane imwe nguva zvakanzwika sekuti ndakanga ndichishambadzira imwe kofi inozivikanwa. Kunyange zvakadaro, pane mumwe musha murume nemudzimai vakanyemwerera pandakavakwazisa nechiGujarati. Nokukurumidza vakatikumbira kupinda mumba ndokutipa kofi—kwete nemhaka yekuti ndakanga ndadudza zvisirizvo. Takazoona kuti vakanga vane ukama nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvaiva muboka rataishanyira, uye vakanyatsofarira chokwadi.

Imwe hanzvadzi inotaura chiNgezi yaigaropa magazini mumwe mukadzi anotaura chiChinese kwenhambo yakawanda. Nguva zhinji akanga agovera mukadzi wacho fundo yeBhaibheri yepamusha yepachena, asi akaramba. Rimwe zuva imwe hanzvadzi yakanga ichifunda chiChinese yakamuperekedza ndokugovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi Muparadhiso Pasi Pano mumutauro iwowo, iro saimba wacho akagamuchira pakarepo.a Zvino sezvo akanga ava nebhuku racho mumutauro wake, akabvuma kufunda Bhaibheri. Mashoko iwayo mashomanene akataurwa mumutauro wemukadzi iyeye akamuchinja.

Tsika Dzakasiyana-siyana

Takanga tisina kuziva kuti mune dzimwe tsika varume havadi kuti vakadzi vavo vafambe vega usiku. Izvozvi zvinoomera zvikuru hanzvadzi dzakawanda kupinda misangano inoitwa manheru. Dzimwe nzanga dzechiAsian dzinodavira kuti mhandara dzinosarudza kusaroorwa uye dzinoramba dzichigara pamusha dzinozvidza mhuri dzadzo. Baba veimwe hanzvadzi vaida kuzviisira muchetura paakaramba kuroorwa nemurume aakanga asarudzirwa nemhuri. Hungu, zvinofanira kutsungirira hanzvadzi idzodzo zvinoshamisa zvikuru! Zvisinei, paunoona kuchinja kunoita chokwadi upenyu hwemhuri uye kufadzwa kunoitwa vabereki nekuvimbika kwehanzvadzi dzacho kuna Jehovha, zvinoshamisa zvechokwadi.

Kuti tizogamuchire mugove uyu, taifanira kuita chinjo dzakati. Tisati tatanga basa rekufambira, kudya kwangu kwaifanira kuva mabikiro echiRungu chete, asi zvino kana kudya kwakarungwa zvinovavira, ndinokufarira zvikuru. Tinodemba makore akawanda atakarega achipfuura tisati tatanga kunakirwa nemachikichori akadaro—kubvira kuhove kusvikira kune zvakarungwa kari.

Kariro Dzakajeka

Zvinenge zvakajeka kuti ino inguva yekuti ndima yemitauro yekune dzimwe nyika ikure munharaunda zhinji. Zvinyorwa zvakawanda kwazvo zviri kuwanikwa zvino mumitauro yakasiyana-siyana. Unogona kuona chikomborero chaJehovha sezvo ungano itsva dzinorongwa. Hama dzinoziva mimwe mitauro dzinouya dzichibva kure kuti dzizobatsira.

Muenzaniso wakatanhamara wave uri wokugamuchira kuparidzwa kwemashoko akanaka eUmambo muchiFrench. Vapoteri vazhinji vanotaura chiFrench vanobva kuZaire nedzimwe nyika dzemuAfrica vakauya kuBritain mumakore mashomanene apfuura. Apo ungano yekutanga yemutauro wechiFrench yakaumbwa muLondon, vaparidzi voUmambo 65 vakanga vachisangana. Gore rimwe gare gare nhamba yacho yakanga yawedzera kusvikira ku117, uye pane ivava, 48 vaibatira nguva yakazara semapiyona enguva dzose. Nokukurumidza ungano yechipiri yakatangwa kuti itarisire kufarira kuri kuwedzera. Zvino vanofarira vari kubatsirwa zvikuru, 345 vavo vakapinda kuchengetwa kweChirangaridzo kwa1995. Vaichimbova vafundisi veGilead vakanga vabatira muBenin, Côte d’Ivoire, Morocco, uye Zaire zvino vanoshandisa ruzivo rwavo kutarisira iyi ndima inokura, uye davidzo yacho inoshamisa.

Pane imwe shanyo kuungano yechiFrench, ndakaenda kune imwe fundo yeBhaibheri nemumwe mukadzi wekuAfrica. Patakanga tava kuenda, mukadzi wacho akakumbira kuti: “Ndapota musaende. Chimbogarai.” Aida chaizvo kuziva zvakawanda. Akandiyeuchidza nezvaRidhia wemuzana ramakore rokutanga.—Mabasa 16:14, 15.

Basa redu rokutanga rave riri rokubatsira mapoka maduku anotaura mitauro yekune dzimwe nyika kuti ave ungano. Kwaiitira hama Fundo yeBhuku Yeungano yevhiki nevhiki, takasuma Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakapfupikiswa nokuda kwavo kamwe chete pamwedzi. Izvozvi zvinovabatsira kutaura zvakanaka muushumiri hwemumunda. Ipapo zvishoma nezvishoma vanoshandira kuva nemisangano yose yevhiki nevhiki iri mishanu. Nechekare tine ungano itsva dzinotaura chiChinese (chiCantonese), chiFrench, chiGujarati, chiJapanese, chiPutukezi, chiPunjabi, chiTamil, uye chiWelsh.

Takafarikanyawo ropafadzo yokupinda misangano yehama dziri matsi. Kutarisa hama dzichiimba nemaoko adzo kunoorora zvikuru. Ndichiziva kuti muushumiri hwavo vanotaura nemajangariko, ndinoonga nhamburiko dzavo dzakaisvonaka dzokugoverana mukuparidza Umambo. Kunotova nevanotaura nemajangariko nokuda kwevari zvose zviri zviviri matsi nemapofu. Kunenge kuti Jehovha anova nechokwadi chokuti hakuna anosara.

Kana taifanira kuita chikumbiro chakati, chingave chakafanana nechaJesu chokuti: “Kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” (Mateo 9:38) Hama dzedu dzakawanda dziri kugamuchira denho yokudzidza mitauro yemapoka edzinza ari mundima yeungano yavo. Kunyange zvazvo tisina kupiwa chipo chekutaura mitauro yakasiyana-siyana nenzira inoshamisa, Jehovha zvirokwazvo ari kuzarura ushumiri mumunda uno wekumusha kwedu weufundisi—munda waibva nokuda kwekukohwa. (Johane 4:35, 36)—Yakataurwa naColin Seymour.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe