RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 p. 32
  • “Batira Ishe Kristu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Batira Ishe Kristu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 p. 32

“Batira Ishe Kristu”

MUNHAU yose, mamiriyoni avanhu akatsungirira mutoro wouranda. Zviuru zvamakore zvakapfuura, vaIsraeri, somuenzaniso, vakatambura zvikuru nemhaka yavatariri veEgipita. Sezvinotaura Bhaibheri, vaka“isa vatariri vane utsinye pavaIsraeri kuti vavanetese nemitoro inorema,” zvikurukuru pakukanya zvidhina.—Eksodho 1:11, The Jerusalem Bible.

Munyika dzakawanda nhasi, vanhu vangasava varanda mupfungwa chaiyoiyo, asi vakawanda vanofanira kushanda maawa akawanda mumamiriro ezvinhu akaoma—pane dzimwe nguva outsinye. Vane mutoro unorema wehungadanwa kuti uranda hwezvemari.

Zvisinei, pane rumwe rudzi rwouranda rwusingaremi. Muapostora Pauro akakurudzira vatendi biyake kuti: “Batira Ishe Kristu.” (VaKorose 3:24) Avo vanosarudza kuva varanda vaKristu vanowana zorodzo mumitoro yavo inorema. Jesu pachake akati: “Huyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.

Kugamuchira joko raKristu hakusununguri munhu pamutoro wokugovera mhuri yake zvokunyama. (1 Timotio 5:8) Zvisinei, kunosunungura pamisungo yakawanda yezvirondwa zvokudisa zvenyika. Panzvimbo pokuita kuti kugarika kuve nharidzano yavo muupenyu, vaKristu vanowana gutsikano nezvinodikanwa zvinokosha.—1 Timotio 6:6-10; enzanisa na1 VaKorinte 7:31.

VaKristu vanowanawo zorodzo mukuita mutoro wavo wokuparidza “mashoko akanaka” oUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14, NW) Ikoku kunounza mufarwa chaiwoiwo negutsikano!

Tinofanira kuva vanoonga kuti tinogona ku“batira Ishe Kristu”!

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe