RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/1 pp. 6-7
  • Nzira Iri Nani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Iri Nani
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Ine Mipimo Yakasimba
  • Kuomerera Pane Zvapakuvamba—Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Hurumende Ichachengeta Tsika Dzinodiwa naMwari
    Mukai!—2003
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
    Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/1 pp. 6-7

Nzira Iri Nani

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinoitira hanya pamusoro pokuparadzwa kwoumudzimu munyika uye unzenza nokusava nechokwadi kworudzidziso zvakatekeshera munzanga. Somugumisiro, pane dzimwe nguva zvinodanwa kuti zvinoomerera pane zvapakuvamba. Asi zvinodaro here? Aiwa. Nepo zvine zvitendero zvorudzidziso zvakasimba, hazvisi vanoomerera pane zvapakuvamba mupfungwa iyo mashoko acho akasvika pakushandiswa. Hazvisundi vatungamiriri vezvematongerwe enyika kuti vatsigire mufungo wakati, uye hazvitendeukiri kukuratidzira nemasimba masimba mukurwisana neavo vazvisingabvumirani navo. Zvakawana nzira iri nani. Zvinotevedzera Mutungamiriri wazvo, Jesu Kristu.

Zvapupu zvaJehovha zvinopwiswa kuti chokwadi chorudzidziso chiriko, kuti chinowanwa muBhaibheri. (Johane 8:32; 17:17) Asi Bhaibheri rinodzidzisa vaKristu kuva vane mutsa, vakanaka, vanyoro, uye vane mufungo—mavara asingabvumiri shingairo yokunyanyisa. (VaGaratia 5:22, 23; VaFiripi 4:5) Mubhuku reBhaibheri raJakobho, vaKristu vanokurudzirwa kusakurira “kuchenjera, kunobva kumusoro,” uko kunorondedzerwa so“kwakachena, uye kune rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka.” Jakobho akawedzera kuti: “Chibereko chokururama chinodzvarwa parugare navanoita rugare.”—Jakobho 3:17, 18.

Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka kuti Jesu akanga achiitira hanya zvikuru pamusoro pechokwadi. Akaudza Pontio Pirato kuti: “Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.” (Johane 18:37) Kunyange zvazvo akanga ari murevereri asingatyi wechokwadi, haana kutsvaka kuisa zvitendero zvake pane vamwe. Panzvimbo pezvo, akafadza ndangariro dzavo nemwoyo. Aiziva kuti Baba vake vokudenga, Mwari “wakanaka, wakarurama,” aizosarudza kuti aizobvisa nhema nokusaruramisira sei uye riini pamusoro papasi. (Pisarema 25:8) Nokudaro, haana kutsvaka kudzvinyirira avo vakanga vasingabvumirani naye. Mukupesana, vakanga vari vatungamiriri vorudzidziso vanogamuchirwa vezuva rake avo vakaedza kudzvinyirira Jesu.—Johane 19:5, 6.

Zvapupu zvaJehovha zvine zvitendero zvakasimba pamusoro pedzidziso dzorudzidziso, uye zvinoratidzira mipimo yakanaka munhau yetsika. Kufanana nomuapostora Pauro, zvinopwiswa kuti kuna “Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe” bedzi. (VaEfeso 4:5) Zvinozivawo mashoko aJesu okuti: “Suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Zvisinei, hazviedzi kumanikidza vamwe kuti vatevere zvitendero zvazvo. Panzvimbo pezvo, zvinotevedzera Pauro ndoku“kumbira” vose vanoshuva ku“yananiswa . . . naMwari.” (2 VaKorinte 5:20) Iyi ndiyo nzira iri nani. Inzira yaMwari.

Kuomerera pane zvapakuvamba kworudzidziso, sezvo mashoko acho anoshandiswa nhasi, kwakasiyana zvikuru. Vanoomerera pane zvapakuvamba vanoshandisa zvirongwa zvakawanda—kubatanidza masimba masimba—kuti vaise nheyo dzavo panzanga. Mukuita kudaro, vanova rutivi runokosha rwesangano rezvematongerwe enyika. Jesu, kunyange zvakadaro, akataura kuti vateveri vake vaifanira ku“sava rutivi rwenyika.” (Johane 15:19, NW;Joh 17:16; Jakobho 4:4) Mutsinhirano namashoko iwayo, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta kusatora rutivi kwakasimba mukakavadzano dzezvematongerwe enyika. Uye, seizvo pepanhau reItaly Fuoripagina rakabvuma, “ha[zvi]manikidzi chinhu chipi nechipi pamunhu upi noupi; munhu ari wose akasununguka kugamuchira kana kuti kuramba zvazvinotaura.” Mugumisiro wacho? Shoko reBhaibheri rine rugare reZvapupu rinokwezva vanhu vamarudzi ose, kunyange avo vaimboomerera pane zvapakuvamba.—Isaya 2:2, 3.

Nyika Ine Mipimo Yakasimba

Zvapupu zvinoziva kuti vanhu havagoni kupedza zvinetso zvine chokuita nevanoomerera pane zvapakuvamba. Haugoni kumanikidza munhu kuti adavire muna Mwari kana kuti agamuchire zvitendero zvako zvomunhu oga. Kufunga kuti chinhu chakadaro chinobvira kwakatungamirira kuzvimwe zvezvinotyisa zvikurusa zvenhau, zvakadai seHondo dzavaKristu, Bvunzurudzo dzomuMiddle Ages, uye “kutendeutswa” kwevaIndia vokuAmerica. Zvisinei, kana uchivimba naMwari, uchadisa kusiyira zvinhu zvacho mumaoko ake.

Maererano neBhaibheri, Mwari akagadza ganhuriro panguva umo achabvumidza vanhu kupunza mitemo yake uye nokudaro kuparira kutambura nokurwadziwa. Nguva iyoyo inenge yakatopera. Nechekare, Jesu ari kutonga saMambo muUmambo hwaMwari hwokudenga, uye nokukurumidza Umambo ihwohwo huchaita chiito kuti hubvise hurumende dzavanhu ndokutsiva kutongwa kwezuva nezuva kworudzi rwomunhu. (Mateo 24:3-14; Zvakazarurwa 11:15, 18) Mugumisiro wacho uchava paradhiso yomunyika yose umo rugare nokururama zvichava zvakawanda. Panguva iyoyo pachava pasisina kusava nechokwadi pamusoro penzira iyo Mwari wechokwadi anofanira kunamatwa nayo. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Mipimo isingagumi yakadai somutsa worudo, chokwadi, ruramisiro, uye runako ichakurira nokuda kwenakirwo yorudzi rwose rwomunhu rwunoteerera.

Achikarira nguva iyoyo, wezvamapisarema anoti achidetemba: “Ngoni nezvokwadi zvakasongana; kururama norugare zvakasvetana. Zvokwadi inomera pasi; kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo. Kururama kuchamutungamirira; kuchagadzirira tsoka dzake nzira.”—Pisarema 85:10-13.

Nepo tisingagoni kuchinja nyika, tinogona savanhu vamwe navamwe kusakurira mipimo youmwari kunyange nhasi. Nokudaro, tinogona kuedza kuva rudzi rwavanhu urwo Mwari achada savanamati vake munyika itsva iyoyo. Ipapo tichava pakati pavanyoro vanonongedzerwa kwavari nowezvamapisarema kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Mwari anotsigira uye anokomborera avo vanoita kuda kwake, uye anovimbisa zvinhu zvakaisvonaka nokuda kwenguva yavo yemberi. Muapostora Johane akati: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvapupu zvaJehovha zvinokumbira vose kuti varovedzane nemashoko akanaka oUmambo hwaMwari

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Rambi riri pamapeji 3, 4, 5, uye 6: Printer’s Ornaments/rakaitwa naCarol Belanger Grafton/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe