Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Chiedza Chenyu Ngachivhenekere Pamberi Pavanhu”
MUMHARIDZO yake paGomo, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Muri chiedza chenyika.” Akapfuurira kuvakurudzira kuti: “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 5:14-16.
MuItaly mabasa akaisvonaka eZvapupu zvaJehovha ave achicherekedzwa. Somuenzaniso, mufambiro wazvo wakanaka pakupinda kokorodzano dzazvo dzegore negore unounza rumbidzo kuna Mwari, sezvinosimbisa mishumo inotevera:
▪ Kwemakore akawanda mumwe mukadzi muTerni, Italy, akabetsera mwanasikana wake kutarisira kefi yakanga iri pedyo nenhandare muguta iroro. Anorondedzera kuti: “Ndakacherekedza musiyano mukuru pakati peavo vaiuya nokuda kwemitambo yenhabvu nenhume pakokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha imomo. Zvapupu zvakanga zvine mwero zvikuru mumupfekero wazvo, uye zvakanga zvakatendeseka uye zvichiremekedza. Kazhinji kazhinji ndaizvibvunza ndimene kuti vanhu vemadzinza akasiyana-siyana vaigona sei kuwirirana zvakanaka zvakadaro.
“Rimwe zuva Chapupu chakandimisa mumugwagwa ndokundibvunza kana ndaiziva zita raMwari. Ndakanga ndisingazivi, uye sezvo ndaiziva kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakanaka, ndakabvuma kuti andishanyire. Ndakanga ndine mibvunzo pamusoro pemugariro wevakafa, iyo akapindura kubva muBhaibheri. Pasina kuzengurira, ndakabvuma fundo yeBhaibheri, uye vhiki mbiri gare gare ndakavamba kupinda misangano.
“Mwanasikana wangu pakutanga akandishora, asi mufambiro wangu nokutsunga zvakachinja chimiro chake chendangariro. Ndakavamba kufunda mwedzi mipfumbamwe yapfuura. Nhasi mwanasikana wangu nemurume wake vanoita tsinhiro dzokuonga kuZvapupu zvinotenga pakefi yavo. Kana ndirini, ndakabhabhatidzwa pakokorodzano muiyi nhandare.”
▪ Pashure pekokorodzano muRoseto degli Abruzzi, maneja wepanzvimbo yemisasa akati: “Ndacherekedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakatendeseka zvikuru muzvose zvazvinoita. Vhiki rakapfuura, ndakanga ndine 40 vazvo panzvimbo yangu yemisasa, uye hazvina kuparira zvinetso zvipi nezvipi. Mukupesana, ndizvo bedzi zvinouya ndokukuudza kana zvine munhu wekuwedzera ari kugara muturera yazvo kana kuti mutende. Semaonero andinoita, izvo vatengi vakanakisisa vaunogona kuva navo.”
▪ Pashure pekokorodzano imwe cheteyo, maneja wehotera akati: “Zvapupu zvaJehovha zvose zvine rugare. Hazviite ruzha, uye zvinokurumidza kurara. Zvine mutsa chaizvoizvo, zvakatendeseka, uye zvinosanozvibata. Kwaizova kwakaisvonaka zvikuru kudai munhu wose akafanana nazvo. Vamwe vanoba chinhu chiri chose—mavhasi, matireyi anoisirwa madota efodya, kunyange pepa remuchimbudzi neshuga! Hakuna zvakadaro zvakamboitika nemi. Apo vana venyu vanotora aizikirimu mufiriji manheru, handinetseki kunonzvera yavanenge vatora. Vanoziva yavane chikwereti neni uye vanouya kuzobhadhara nokukurumidza. Ndinozvivimba zvikurusa. Kwaizova kwakaisvonaka kudai vamwe vaiva vakadaro! Ndinoshuva kuti dai vashanyi vangu vose vari Zvapupu zvaJehovha.”
Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa muItaly, semumamwe mativi akawanda epasi. Zvino‘chengeta mufambiro wazvo wakaisvonaka pakati pemarudzi’ nokudaro zvichiunza rumbidzo kuna Mwari wechokwadi, ane zita razvinopupura.—1 Petro 2:12.