Mashoko Akanaka Ari Mberi!
TOSE zvedu tinosuruvariswa panguva ipi neipi patinogamuchira mashoko akashata anotitapura somunhu oga. Kune rumwe rutivi, tinofara apo mashoko akanaka anosvika—mashoko omufaro nokuda kwedu isu timene kana kuti vadiwa vedu. Asi apo mashoko akashata anotapura vamwe uye kwete isu, kazhinji kazhinji pane kuda kuziva; vamwe vanotofarikanya kuziva pamusoro pejambwa revamwe. Ikoku kungati tsanangurei chikonzero nei mashoko akashata achitengwa zvikuru kwazvo!
Mukati merutivi rwokutanga rweHondo Yenyika II, kwakanga kune muenzaniso wakajeka wokufarira ngwavaira kunotyisa uko vamwe vanhu vanako. Ngarava yehondo duku yematani 10 000, Graf Spee, yakanga ichidadisa boka rengarava dzehondo dzeGermany muna 1939. Kwevhiki dzakati kuti iyi ngarava yehondo yakanga yave ichiparira nyongano pakati pengarava dzavatengesi Dzakabatanidzwa Nechibvumirano munyanza yeSouth Atlantic neyeIndian. Pakupedzisira, ngarava huru dzehondo nhatu dzeBritain dzakatevera ndokudenha Graf Spee, dzichiparira kurasikirwa noupenyu uye dzichigombedzera ngarava yacho kukweshera ichipinda muhabha yeUruguay yeMontevideo nokuda kwokugadziridzwa. Hurumende yeUruguay yakarayira kuti ngarava yacho yehondo idzokere mugungwa pakarepo, nezvisizvo yaizopfigirwa. Naizvozvo hondo inotyisa inenge yorutivi rumwe yairatidzika kuva iri pedyo.
Richinzwa nezvaikoku, boka revanamuzvinabhizimisi vakapfuma muUnited States rakahaya ndege, pamutengo unenge $22 500 pamunhu, kuti riende nendege kuUruguay kundoona hondo ine kudeurwa kweropa. Kukuodzwa mwoyo kwavo, hondo yacho haina kutongoitika. Adolf Hitler akarayira kuti Graf Spee iboorwe. Zviuru zvavaoni avo vakadirana kunzvimbo iri pedyo nemvura vachikarira kuona chiono chehondo yomugungwa inotyisa, vakaona nokunzwa panzvimbo pako kuputika kunovhara nzeve uko kwakanyudza Graf Spee, yaboorwa navashandi vomungarava vayo imene. Mukuru wacho akazviuraya nokupfura musoro wake.
Pasinei zvapo neiri vara rokufarira kuona zvinotyisa riri mune vamwe vanhu, vazhinjisa vaizobvuma kuti vanoda havo mashoko akanaka pane mashoko akashata. Haunzwi nenzira iyoyo here? Neiko, ipapoka, nhau ichirondedzera mashoko akashata akawanda kwazvo uye mashoko akanaka mashomanene kwazvo? Mamirire acho ezvinhu anogona kuzombochinjwa here?
Zvisakiso Zvamashoko Ose Akashata
Bhaibheri rinotaura nezvenguva apo mashoko akanaka akanga ari iwo bedzi aivako. Mashoko akashata akanga ari chimwe chinhu chaisazivikanwa, chaisanzwiwa nezvacho. Apo Jehovha Mwari akapedza mabasa ake okusika, Pasi rakanga ratogadzirirwa munhu nemhuka kuti zvifarikanye. Nhoroondo yaGenesi inotiudza, kuti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31.
Kusavako kwamashoko akashata hakuna kugara kwenguva refu zvikuru pashure pokusikwa kwomunhu. Adhama naEvha vasati vabereka mwana upi noupi, mashoko akashata okupandukira Mwari negadziriro yake yechisiko chapose pose ine nhevedzano yezvakanaka akashumwa. Mwanakomana womudzimu ane nzvimbo yapamusoro akatengesa nzvimbo yake yokuvimbwa ndokubudirira mukusunda vaviri vokutanga vaiva vanhu kumukumbanira munzira yake yokupandukira, yokunyengera.—Genesi 3:1-6.
Kuwanda kwamashoko akashata kwakaonwa norudzi rwomunhu kwakava namavambo ako panguva iyoyo. Hakushamisi kuti kutsausa, unyengeri, nhema, chisiri chokwadi, uye chokwadi chisina kuzara zvakasimbiswa zvakatanhamara kwazvo mumashoko akashata ayo akazadza nyika chibviro chenguva iyoyo. Jesu Kristu akaisa mhaka yacho zvakananga pana Satani Dhiyabhorosi somuvambi wemashoko akashata, achiudza vatungamiriri vorudzidziso vezuva Rake, kuti: “Imi muri vababa venyu Dhiyabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.”—Johane 8:44.
Sezvo nhamba yavanhu yakawedzera, mashoko akashata akawedzerawo. Chokwadika, ikoku hakurevi kuti kwakanga kusina nguva dzomufaro nomufarwa, nokuti kwakanga kune zvinhu zvakawanda muupenyu zvakanga zviri zvisakiso zvomufaro. Bva, kusafadza kwenhamo huru norusuruvaro kwave kuchioneka muchizvarwa chiri chose chorudzi rwomunhu kusvikira zvino.
Kune chimwe chisakiso chikuru cheaya mamirire ezvinhu anosuruvarisa. Ichocho ndiko kukombamira kwedu kuchakaipa nengwavaira kwakagarwa nhaka. Jehovha amene anozivisa ichi chisakiso chisingadzivisiki chamashoko akashata kupfurikidza nokuti: “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.”—Genesi 8:21.
Neiko Kuwanda Kwamashoko Akashata?
Kune, zvisinei, chikonzero nei mashoko akashata akawedzera muzana rino ramakore rechi20. Ichi chikonzero chinodudzwa nenzira yakajeka muBhaibheri, iro rakafanotaura kuti rudzi rwomunhu muzana ramakore rechi20 rwaizopinda munhambo yenguva yechienzi inozivikanwa se“mazuva okupedzisira” kana kuti “nguva yokupedzisira.” (2 Timotio 3:1; Dhanieri 12:4) Uporofita hweBhaibheri nokuverenga nguva kweBhaibheri zvinozivisa iyi “nhambo yomugumo” iyo yakavamba muna 1914. Nokuda kwechibvumikiso chine udzame chapaMagwaro chaikoku, tapota ona ganhuro 11 rebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mazuva okupedzisira aifanira kuvamba nechiitiko chaizoerekana chasakisa mashoko akashata pasi pano kuti awande. Chakanga chiri chii ichocho? Kwakanga kuri kukandirwa pasi kubva kudenga kwaSatani Dhiyabhorosi nemapoka ake emadhemoni. Ungarava iyi rondedzero yakajeka yekuwedzera kusingadzivisiki kwamashoko akashata pana Zvakazarurwa 12:9, 12, inoti: “Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo. . . . Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”
Naizvozvo munguva ipi kana ipi ichiripo kusvikira mazuva okupedzisira asvika pamhedziso yawo, tinogona kukarira mashoko akashata kupfuurira uye kunyange kuwedzera mukuwanda kwawo nokunyanya.
Hazvisati Zvichizoramba Zvakadaro Nguva Dzose
Nenzira inofadza nokuda kwavagari vapasi, mamirire ezvinhu anosuruvarisa anoparira murakatira wanhasi wamashoko akashata haasati achizovako nguva dzose. Kutaura idi, tinogona kutaura nechivimbo kuti mazuva emashoko akashata asingagumi ava mashoma. Mamirire acho ezvinhu haasati ari asina tariro, pasinei zvapo nezvakungaratidzika kuva kwakaita. Mugumo wemashoko ose akashata waswedera pedyo uye uchauya pasina kukundikana munguva yaMwari yakafanira.
Tinogona kuva nechokwadi chaikoku nemhaka yokuti mazuva okupedzisira akaporofitwa kuguma kana kuti kupera nokuparadza kwaMwari nokubvisa zvisakiso zvose zvamashoko akashata. Achabvisa vanhu vakaipa vari vakuchidziri verwisano avo vanoramba kuchinja ndokubva panzira yavo yakaipa. Ikoku kunoguma nehondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose, inozivikanwa zvakakurumbira sehondo yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:16) Nokukurumidza pashure paikoko, Satani Dhiyabhorosi namapoka ake amadhemoni vachamiswa kushanda. Zvakazarurwa 20:1-3 inorondedzera kusungwa kwaSatani, muvambi wemashoko ose akashata, kuti: “Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiyabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi.”
Pashure peizvi zviitiko zvinoshamisa, nguva yamashoko akanaka asina kumbovako ichauya nokuda kwepasi navagari varo. Ava vagari vachabatanidza mamiriyoni ayo akapukunyuka hondo yokupedzisira yeArmagedhoni nemabhiriyoni achamutswa kubva mukuvata kwawo kworufu mumakuva. Aya mashoko akanakisisa kupfuura ose anorondedzerwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, anoti: “Tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Unogona kufungidzira here nguva iyoyo inofadza? Zvirokwazvo nguva yemberi yakaisvonaka umo mashoko akashata asingachazovikozve. Hungu, mashoko ose akashata achave aguma uye haasati achizonzwikazve. Mashoko akanaka ipapo achapararira zvikuru, uye achawanda nokusingagumi kwose.