Nhimbe Inobudirira Yokupupura muGreece
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvakanguve zvichitarisana nechishoro muGreece. Vamwe vakuru vakuru vemapurisa, vedare, uye vehurumende vakatambudza Zvapupu, kazhinji kazhinji nemhaka yedzvinyiriro yaibva kuvafundisi veGreek Orthodox. Pane dzimwe nguva chikonzero chave chiri mutemo weGreece unorambidza kutendeutsa, padzimwe nguva kuramba kweZvapupu kwakavakirwa paBhaibheri kuenda kuhondo kana kuti zvimwe kubvuma kuisirwa ropa.—Isaya 2:2-5; Mabasa 15:28, 29.
Munhamburiko yokusimudzira kunzwisisa kukuru zvikuru pakati pezviremera zvine mwoyo yakatendeseka muGreece, Zvapupu 200 izvo hurumende yeGreece inoziva savafundisi, pamwe chete nezvimwe zviri mitezo yebasa rezvemutemo, nguva pfupi yapfuura zvakapinda munhimbe yemunyika yose. Zvakagovera bhurocha rakagadzirwa chaizvo, rine musoro unoti Jehovah’s Witnesses in Greece, pamwe chete nebhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Zvakagoverawo zvinyorwa zvinoratidzira kuti hakuna hwaro hwakanaka hwapamutemo hwokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvacho zvakashanyira vakuru vemapurisa, vanameya, varovereri vemhaka, uye vamwe vakuru vakuru.
Mhinduro yacho? Mazana ezvakaitika zvakanaka. Rangarira mimwe mienzaniso.
Mutungamiriri weimwe kamba yamapurisa muWest Macedonia akagamuchira hama dzacho ndokuti: “Ndave ndichikuzivai imi vanhu kwenguva refu, . . . uye ndinoyemura runyararo rwenyu. . . . Handibvumirani nemutemo wokutendeutsa, uye kudai kwakanga kuri kwandiri, ndaizoubvisa.”
Vatungamiriri vemakamba emapurisa akasiyana-siyana mumaguta mazhinji vakaita tsinhiro dzakadai seidzi: “Ndinokurumbidzai nokuda kwebasa renzanga ramunoita.” “Sangano renyu haritongopariri mapurisa zvinetso; munoita basa renzanga.” “Hatina chinetso nemi chose chose. Tinokuremekedzai nokukuyemurai.”
MuPiraeus mumwe mukuru mukuru mumapurisa ekuchengetedza akaudza hama dzacho, nemisodzi mumaziso ake, kuti anoziva kunyengetera kuna Jehovha Mwari nezita kupfurikidza naJesu Kristu. Akatoshamisa Zvapupu zvacho apo akazviudza kuti aiziva kuti zvakanga zvichikarira chitambudzo Armagedhoni isati yasvika, uye aikarira kuti Mwari aizomushandisa kuzvibetsera panguva iyoyo! Akagamuchira kokero yehama yokuva nedzimwe kurukurirano.
Vakuru Vakuru veHurumende Vanopindura
Mumwe meya muThessaly akati pamusoro pebhuku raProclaimers: “Rinofanirwa nenzvimbo muraibhurari yemenisiparati—nzvimbo yekutanga!” Pakarepo akabvisa mabhuku pane imwe sherufu ndokuisa bhuku raProclaimers ipapo kuitira kuti butiro raro rigogona kuonekwa.
Kuchamhembe kweGreece mumwe meya akagamuchira shanyo yehama dzacho noushamwari ndokuti: “Ndimi vanhu vakanakisisa vandingagona kuva navo mumenisiparati yangu.” Mumwe meya ane mutsa kuchamhembe kweEuboea akaudza hama, kuti: “Ndaichimbova musoja. Asi imi—ndinokuyemurai zvikuru kwazvo.” Akabvumirana nembavarira nemapfundo ayo Zvapupu zvakaita. Apo zvakaratidza mhatsa yamabhuku anobudiswa neWatch Tower Society, akati: “Kana ndikavimbisa kurava ose, muchaapa kwandiri here?” Dzakapindura, kuti: “Asi chokwadika—ndeenyu!” Akafara uye aisada kuti hama dzacho dziende.
Mune rimwe sabhabha muAttica, mumwe meya nomufaro akagamuchira mabhuku ayo hama dzakagovera ndokudzikumbira kupfuurira kumuunzira zvinyorwa zveSosaiti. Sezvadzakanga dzava kuenda, akadziudza, kuti: “Vanhu vakaodzwa mwoyo zvikuru nevezvamatongerwe enyika uye vanotsvaka zvokwadi chaiyoiyo kumwewo zvako. Ndine chokwadi chokuti kubva zvino zvichienda mberi muchave makabatikana zvikuru nemhaka yokuti mune zvokwadi.”
Varovereri Vemhaka Vanopindura
Hama dzakashanyira mumwe mutevedzeri wemurovereri wemhaka kuchamhembe kweGreece dzakayeuka, kuti: “Akaororwa nezvinyorwa zvedu uye nemharidzo, pamwe chete nenhamburiko dzatinoita dzokuva nechokwadi chokuti vanhu vedu havasi vasingabetseri pakutarisana nenhau yakakomba yekuisirwa ropa. Pakupedzisira akatitenda ndokutirumbidza noushamwari nokuda kwokutanga kushanya ndokumuzivisa. Gare gare, takaziva kuti makore mana ikoko kusati kwaitika akanga adana mapurisa ndokuraira kusungwa kwehama mbiri dzakanga dzakabatikana mubasa romumunda.”
Zvapupu zviviri zviri magweta izvo zvakashanyira hofisi dzavarovereri vemhaka muAthens zvakashamiswa kuona murovereri wemhaka mukuru anosanozivikanwa uye anoremekedzwa zvikuru achizvisvika. Akazviendesa parutivi ndokuzviudza kuti mutemo unorambidza kutendeutsa hauna hwaro uye unoparira nyongano mumatare eGreece. Akazvitenda nokubata ruoko kweushamwari.
Kuchamhembe kweGreece, mumwe murovereri wemhaka akanga aine ushamwari zvikuru uye akagamuchira mabhuku. Sezvaaiona mapeji ebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, akakatyamadzwa kuona mhatsa yemaganhuro pandaza yezviri mukati. Akatsinhira, kuti: “Zvinofukidzwa nebhuku rino, handisati ndambozviona muchiOrthodox chose.”
Mumwe murovereri wemhaka muBoeotia akabvuma kuti iye, munguva yakapfuura, akanga apa mirayiro yokuisira Zvapupu ropa mukurwisana nechido chazvo. Asi pashure pokunge hama dzarangarira naye panhau yacho, akazivisa, kuti: “Handisati ndichizotongopa murayiro wakadaro munguva yemberi!” Akasarudza kuti Dare Rokubata Nechipatara reZvapupu zvaJehovha remunzvimbomo riziviswe kuitira kuti zvinotsiva ropa zvose zvigone kuongororwa. Akagamuchira nomufaro bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku.
Vatarisiri Vemaraibhurari Vanopindura
Mashoko acho akapiwawo vatarisiri vemaraibhurari vazhinji. Mune imwe raibhurari muAthens, mumwe mutarisiri weraibhurari akapfava akagamuchira mabhuku ndokutsinhira, kuti: “Kwakaisvonaka kuti mativigira mabhuku enyu nemhaka yokuti mabhuku mazhinjisa atinawo muraibhurari yedu anorwisana nemi. . . . Mumwe muprista akashatirwa zvikuru kuona mabhuku enyu muraibhurari. . . . Hazvinei. Manzwi ose anofanira kunzwiwa.”
Mumwe mukuru mukuru mune imwe raibhurari yemenisiparati muCrete, uyo akanga aziva Zvapupu zvaJehovha mune mumwe musasa wehondo, akaudza hama dzacho kuti akanga aororwa nekuramba kweZvapupu kutora rutivi muhondo. Akanga aramba achizvibvunza amene kuti, ‘Nei vanhu ava vachifanira kutambura?’ Akagamuchira mabhuku kuhama ndokuti nezvenhimbe yadzo yapanguva iyoyo: “Maita basa rakaisvonaka uye maifanira kunge makaita irori makore akawanda apfuura. . . . MuGreece mune fungira mano zhinji.” Akakumbira hama dzacho kuti dzimushanyire zvakare nokukurumidza.
Mukati menhimbe iyi chaiyo, hama dzakagovera mabhuku aProclaimers anopfuura 1 000, mabhurocha 1 600 aJehovah’s Witnesses in Greece, pamwe chete nemazana amabhuku nemagazini. Zvinotova nani, dzakataura dzakatarisana nemazana avakuru vakuru veGreece. Zvino ikariro yevabatiri vakatendeka vaJehovha muGreece uye kupota nyika kuti zviremera zvine mwoyo yakatendeseka muGreece zvicharangarira Zvapupu zvaJehovha pasina rusaruro.