Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
“Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi.”—JOHANE 7:18.
1. Muitiro wedzidzo wakava namavambo awo rini uye sei?
DZIDZO yakavamba kare kare zvikuru. Jehovha Mwari, Mudzidzisi Mukuru noMurayiridzi, akanga achangobva kusika Mwanakomana wake wedangwe apo muitiro wedzidzo wakava nemavambo awo. (Isaya 30:20; VaKorose 1:15) Heuno Uyo aigona kudzidza kubva kuMudzidzisi Mukuru iye amene! Mukati memamireniyumu asingaverengeki esonganiro yapedyo naBaba, Mwanakomana iyeyo—uyo akasvika pakuzivikanwa saJesu Kristu—akagamuchira dzidzo inokosha mumavara, mabasa, uye zvinangwa zvaJehovha Mwari. Gare gare, somunhu pasi pano, Jesu aigona kuti: “Ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.”—Johane 8:28.
2-4. (a) Mukuwirirana naJohane ganhuro 7, ndeapi akanga ari mamirire ezvinhu akapoteredza kupinda kwaJesu Mutambo Wamatumba muna 32 C.E.? (b) Neiko vaJudha vakashamiswa pamusoro pamano okudzidzisa aJesu?
2 Jesu akashandisa sei dzidzo yaakanga agamuchira? Muushumiri hwake hwose hwapasi hwamakore matatu nehafu, akagoverana asinganeti navamwe zvaakanga adzidza. Akaita ikoku, zvisinei, achirangarira chinangwa chikuru. Uye ichocho chakanga chiri chii? Ngatinzverei mashoko aJesu ari muna Johane ganhuro 7, umo akatsanangura zvose zviri zviviri mavambo nechinangwa chedzidziso yake.
3 Rangarira mamirire acho ezvinhu. Akanga ari matsutso a32 C.E., anodokusvika makore matatu pashure porubhapatidzo rwaJesu. VaJudha vakanga vakaungana muJerusarema nokuda kwoMutambo Wamatumba. Mukati mamazuva mashomanene okutanga emutambo wacho, kwakanga kwave kune kutaura kwakawanda pamusoro paJesu. Apo mutambo wacho wakanga wava pakati, Jesu akaenda kutembere ndokuvamba kudzidzisa. (Johane 7:2, 10-14) Senguva dzose, akazvibvumikisa kuva Mudzidzisi mukuru.—Mateo 13:54; Ruka 4:22.
4 Ndima 15 yaJohane ganhuro 7 inoti: “Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza.” Unonzwisisa here chikonzero nei vakashamiswa? Jesu akanga asina kupinda chipi nechipi chezvikoro zvavanarabhi, naizvozvo akanga asina kudzidza—sekufunga kwavo! Bva, Jesu aigona kuwana ndokurava zvikamu muManyoro Anoyera nyore nyore. (Ruka 4:16-21) Chokwadi, uyu muvezi wokuGarirea akatovarayiridza muMutemo waMosesi! (Johane 7:19-23) Ikoku kwaibvira sei?
5, 6. (a) Jesu akatsanangura sei manyuko okudzidzisa kwake? (b) Jesu akashandisa dzidzo yake munzirai?
5 Jesu akatsanangura, sezvatinorava mundima 16 ne17, kuti: “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu, asi ndokwowakandituma. Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.” Vaida kuziva kuti Jesu akadzidziswa naani, uye akavaudza nenzira yakajeka kuti dzidzo yake yaibva kuna Mwari!—Johane 12:49; 14:10.
6 Jesu akashandisa sei dzidzo yake? Sezvakanyorwa pana Johane 7:18, Jesu akati: “Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi, hapana kusarurama maari.” Kwakakodzera sei kuti Jesu akashandisa dzidzo yake kuunza mbiri kuna Jehovha, “iye wakakwana pazivo”!—Jobho 37:16.
7, 8. (a) Dzidzo inofanira kushandiswa sei? (b) Ndezvipi zviri zvinangwa zvina zvinokosha zvedzidzo yakadzikama?
7 Nokudaro tinodzidza chidzidzo chinokosha kuna Jesu—dzidzo inofanira kushandiswa, kwete kuzvirumbidza timene, asi kuunza rumbidzo kuna Jehovha. Hakuna nzira iri nani kupfuureyi yokushandisa dzidzo. Ipapoka, unogona sei kushandisa dzidzo kuunza rumbidzo kuna Jehovha?
8 Kudzidzisa kunoreva “kurovedza nomurayiridzo wakarongwa nokurovedza kunotarisirwa zvikurukuru muunyanzvi, bhizimisi, kana kuti basa rounyanzvi.” Ngatirangarirei zvino zvinangwa zvina zvinokosha zvedzidzo yakadzikama uye kuti chimwe nechimwe cheizvozvi chinogona sei kushandiswa kurumbidza Jehovha. Dzidzo yakadzikama inofanira kutibetsera (1) kurava zvakanaka, (2) kunyora zvinoravika, (3) kukura mumurangariro nomutsika, uye (4) kuwana rovedzo inoshanda inodikanwa nokuda kwokurarama kwezuva nezuva.
Kudzidza Kurava Zvakanaka
9. Neiko kuchikosha kuva muravi akanaka?
9 Chatanga kurongwa ndiko kudzidza kurava zvakanaka. Neiko kuchikosha kwazvo kuva muravi akanaka? The World Book Encyclopedia inotsanangura, kuti: “Kurava . . . kunokosha kukudzidza uye humwe hwounyanzvi hunokosha zvikurusa muupenyu hwezuva riri rose. . . . Varavi vane unyanzvi vanoita rutivi rukuru mukuumba nzanga yakapfuma, inobudirira. Panguva imwe cheteyo, ivo vamene vanofarikanya upenyu hwakazara zvikuru, hunogutsa zvikuru.”
10. Kurava Shoko raMwari kunotibetsera sei kufarikanya upenyu hwakazara zvikuru, hunogutsa zvikuru?
10 Kana kuravawo zvako kuchigona kutibetsera kufarikanya “upenyu hwakazara zvikuru, hunogutsa zvikuru,” ikoku ndokwechokwadi zvirokwazvo zvikuru sei nezvekurava Shoko raMwari! Kurava kwakadaro kunozarura ndangariro dzedu nemwoyo kumifungo yaJehovha nezvinangwa, uye kunzwisiswa kwakajeka kweizvozvi kunopa revo kuupenyu hwedu. Mukuwedzera, “shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba,” inodaro VaHebheru 4:12 (NW). Sezvatinorava Shoko raMwari nokurifungisisa, tinokweverwa kuMunyori waro, uye tinosundwa kuita chinjo muupenyu hwedu kuti tive vanofadza zvikuru kwaari. (VaGaratia 5:22, 23; VaEfeso 4:22-24) Tinosundwawo kugoverana navamwe zvokwadi dzinokosha dzatinorava. Zvose izvozvi zvinounza rumbidzo kuMudzidzisi Mukuru, Jehovha Mwari. Zvirokwazvo hakuna nzira iri nani kupfuureyi yokushandisa nayo mano edu okurava!
11. Chii chinofanira kubatanidzwa mupurogiramu yakadzikama yefundo yomunhu oga?
11 Tingave tiri vaduku kana kuti vakuru, tinokurudzirwa kudzidza kurava zvakanaka, nokuti kurava kunoita rutivi runokosha muupenyu hwedu hwechiKristu. Mukuwedzera kukurava Shoko raMwari nguva dzose, purogiramu yakadzikama yefundo yomunhu oga yaizobatanidza kurangarira rugwaro rweBhaibheri kubva muKunzvera Magwaro Zuva Nezuva, kurava Nharireyomurindi neMukai!, uye kugadzirira misangano yechiKristu. Uye zvakadiniko noushumiri hwechiKristu? Nenzira yakajeka, kuparidza pachena, kuita shanyo dzedzokerero pavanhu vanofarira, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha zvose zvinoda mano okurava zvakanaka.
Kudzidza Kunyora Zvinoravika
12. (a) Neiko kuchikosha kudzidza kunyora zvinoravika? (b) Ndokupi kwakanga kuri kunyora kukurusa kwati kwamboitwa?
12 Chinangwa chechipiri ndechekuti dzidzo yakadzikama inofanira kutibetsera kudzidza kunyora zvinoravika. Kunyora hakupi bedzi mashoko edu nepfungwa asi kunozvichengetawo. Mazana amakore akawanda zvikuru akapfuura, varume 40 vechiJudha vakanyora panhokwe kana kuti dehwe mashoko akasvika pakuumba Magwaro akafuridzirwa. (2 Timotio 3:16) Zvirokwazvo ikoku kwakanga kuri kunyora kukurusa kwati kwamboitwa! Jehovha pasina panikiro akatungamirira kukopiwa nokukopiwazve kwemashoko iwayo anoyera mumazana ose amakore, zvokuti akasvika kwatiri ari muchimiro chakarurama. Hationgi here kuti Jehovha akaita kuti mashoko ake anyorwe, panzvimbo pokuvimba nokusvitswa nomuromo?—Enzanisa naEksodho 34:27, 28.
13. Chii chinoratidzira kuti vaIsraeri vaiziva manyorere?
13 Munguva dzakare, vanhu vakati kuti vakaropafadzwa bedzi, vakadai sevanyori muMesopotamia neEgipita, vakanga vachigona kurava nokunyora. Mumhesano huru namarudzi, muIsraeri munhu ari wose aikurudzirwa kuva anogona kurava nokunyora. Murayiro uri pana Dheuteronomio 6:8, 9 wokuti vaIsraeri vanyore pamagwatidziro amasuo edzimba dzavo, kunyange zvazvo sezviri pachena kuri kwokufananidzira, anoratidza kuti vaiziva manyorere. Pazera rapakuvamba, vana vaidzidziswa manyorere. Karenda yaGezer, mumwe wemienzaniso yekaresa yemanyoro akare echiHebheru, inofungidzirwa nedzimwe nyanzvi kuva chokurovedza yeuko chomukomana wokuchikoro.
14, 15. Ndedzipi dziri nzira dzinobetsera nedzakanaka dzokushandisa nadzo mano okunyora?
14 Asi tinogona sei kushandisa mano okunyora nenzira inobetsera uye yakanaka? Zvirokwazvo kupfurikidza nokunyora zvinonyorwa pamisangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano. Tsamba, kunyange kana ikanyorwa “mashoko mashomanene,” inogona kupa kurudziro kune uyo ari kurwara kana kuti inogona kutenda hama yokumudzimu kana kuti hanzvadzi iyo yakava ine mutsa kana kuti yakatigamuchira. (1 Petro 5:12) Kana mumwe munhu muungano akarasikirwa nomudiwa murufu, tsamba pfupi kana kuti kadhi rinogona kuti“tau[rira] nenzira inonyaradza” kumunhu iyeyo. (1 VaTesaronika 5:14, NW) Imwe hanzvadzi yechiKristu iyo yakafirwa naamai vayo nemhaka yekenza yakatsanangura, kuti: “Imwe shamwari yakandinyorera tsamba yakanaka. Iyoyo yakabetsera chaizvoizvo nemhaka yokuti ndaigona kuirava ndairavazve.”
15 Nzira yakaisvonaka yokushandisa nayo mano okunyora ndeyokuunza rumbidzo kuna Jehovha kupfurikidza nokunyora tsamba yokupa uchapupu hwoUmambo. Pane dzimwe nguva kungave kuri madikanwa kuramba uchikurukura navanhu vachangobva kufarira vanogara munharaunda dziri dzoga. Chirwere chingaita kuti kukuomere kwechinguvana kuenda paimba neimba. Zvichida tsamba inogona kutaura zvawaizotaura kazhinji kazhinji uripo.
16, 17. (a) Ndechakaitikai chinoenzanisira ukoshi hwokunyora tsamba yokupa uchapupu hwoUmambo? (b) Unogona kurondedzera chakaitika chakafanana here?
16 Rangarira chimwe chakaitika. Makore akawanda akapfuura chimwe Chapupu chakanyora tsamba chichipa uchapupu hwoUmambo kuchirikadzi yomurume ane rufu rwakanga rwaziviswa mupepanhau romunzvimbomo. Kwakanga kusina mhinduro. Ipapo, muna November 1994, anopfuura makore 21 gare gare, Chapupu chacho chakagamuchira tsamba yakabva kumwanasikana womukadzi wacho. Mwanasikana wacho akanyora, kuti:
17 “Muna April 1973, makanyora kuna amai vangu kuti muvanyaradze pashure porufu rwababa vangu. Ndakanga ndine makore mapfumbamwe okukura panguva iyoyo. Amai vangu vakafunda Bhaibheri, asi vachigere kuva mubatiri waJehovha. Zvisinei, fundo yavo pakupedzisira yakatungamirira kukuwana kwangu zvokwadi. Muna 1988, ndakatanga fundo yangu yeBhaibheri—makore 15 pashure pokugamuchira tsamba yenyu. Pana March 9, 1990, ndakabhapatidzwa. Ndinoonga kwazvo tsamba yenyu yamakore akawanda akapfuura uye ndinofara kwazvo kukuzivisai kuti mbeu idzodzo dzamakasima dzakakura, nebetsero yaJehovha. Amai vangu vakandipa tsamba yenyu kuti ndichengete, uye ndingada kuziva kuti ndimi ani. Ndinovimba kuti iyi tsamba ichakusvikai.” Tsamba yomwanasikana wacho, iyo yaibatanidza kero yake nenhamba yorunhare, zvirokwazvo yakasvika Chapupu chacho icho chakanga chanyora makore akawanda kwazvo akapfuura. Fungidzira kushamisika kwemukadzi muduku wacho apo akagamuchira runhare kubva kuChapupu chacho—icho chichiri kunyora tsamba kuti chigoverane tariro yoUmambo navamwe!
Kukura Mundangariro,Mutsika, uye Mumudzimu
18. Munguva dzeBhaibheri, vabereki vaitarisira sei dzidzo yendangariro neyetsika yavana vavo?
18 Chinangwa chechitatu ndechokuti dzidzo yakadzikama inofanira kutibetsera kukura mundangariro nomutsika. Munguva dzeBhaibheri kudzidzisa vana mundangariro nomutsika kwairangarirwa serimwe ramabasa makuru avabereki. Vana vaisadzidziswa bedzi kurava nokunyora, asi chinokosha zvikuru, vaidzidziswa Mutemo waMwari, uyo waibatanidza mibato yavo yose youpenyu. Nokudaro, dzidzo yaibatanidza murayiridzo pamusoro pemisengwa yavo yorudzidziso nenheyo dzinodzora roorano, ukama hwemhuri, uye tsika dzevatano, pamwe chete nemisengwa yavo kuvanhu biyavo. Dzidzo yakadaro yaivabetsera kukura kwete chete mundangariro nemutsika asi mumudzimuwo.—Dheuteronomio 6:4-9, 20, 21; 11:18-21.
19. Ndokupi kwatinogona kuwana dzidzo inotiratidza mipimo yetsika yakanakisisa yokurarama mukuwirirana nayo uye iyo inotibetsera kukura mumudzimu?
19 Zvakadiniko nanhasi? Dzidzo yakanaka yokunyika inokosha. Inotibetsera kukura mundangariro. Asi ndokupi kwatinogona kutendeukira nokuda kwedzidzo iyo ichatiratidza mipimo yetsika yakanakisisa yokurarama mukuwirirana nayo uye iyo ichatibetsera kukura mumudzimu? Mukati meungano yechiKristu, tinogona kuwana purogiramu yedzidzo youbati ushe hwaMwari iyo isingawanikwi kunzvimbo ipi neipiwo zvayo pasi pano. Kupfurikidza nefundo yedu yomunhu oga yeBhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri pamwe chete nomurayiridzo unogoverwa pamisangano yeungano, magungano, uye kokorodzano, tinogona kugamuchira iyi dzidzo inokosha, inopfuurira—dzidzo youmwari—pasina muripo! Inotidzidzisei?
20. Dzidzo youmwari inotidzidzisei, uye zvii zvinobva mairi?
20 Apo tinovamba kufunda Bhaibheri, tinodzidza dzidziso dzehwaro dzapaMagwaro, ‘dzidziso dzokutanga.’ (VaHebheru 6:1) Sezvatinopfuurira, tinodya “zvokudya zvikukutu”—ndiko kuti, zvokwadi dzakadzama zvikuru. (VaHebheru 5:14) Kupfuura izvozvo, zvisinei, tinodzidza nheyo dzoumwari idzo dzinotidzidzisa nzira yokurarama nayo seizvo Mwari anoda kuti tirarame. Somuenzaniso, tinodzidza kudzivisa tsika nemiitiro izvo ‘zvinoshatisa nyama’ uye kuva noruremekedzo nokuda kwechiremera uye nokuda kwomunhu nezvinhu zvavamwe. (2 VaKorinte 7:1; Tito 3:1, 2; VaHebheru 13:4) Mukuwedzera, tinosvika pakunzwisisa ukoshi hwokuva vakatendeseka navanobishaira mubasa redu noukoshi hwokurarama mukuwirirana nemirayiro yeBhaibheri pamusoro petsika dzevatano. (1 VaKorinte 6:9, 10; VaEfeso 4:28) Sezvatinoita fambiro mberi mukushandisa idzi nheyo muupenyu hwedu, tinokura mumudzimu, uye ukama hwedu naMwari hunokura. Uyezve, mufambiro wedu woumwari unoita kuti tive vagari vomunyika vakanaka, pasinei zvapo nekwatinogara. Uye ikoku kungasunda vamwe kurumbidza Manyuko edzidzo youmwari—Jehovha Mwari.—1 Petro 2:12.
Rovedzo Inoshanda Nokuda Kwokurarama Kwezuva Nezuva
21. Irovedzoi inoshanda iyo vana vaigamuchira munguva dzeBhaibheri?
21 Vavariro yechina yedzidzo yakadzikama ndeyokugovera munhu rovedzo inoshanda inodikanwa nokuda kwokurarama kwezuva nezuva. Dzidzo yevabereki munguva dzeBhaibheri yaibatanidza rovedzo inoshanda. Vasikana vaidzidziswa mabasa apamusha. Ganhuro rokupedzisira raZvirevo rinoratidza kuti iwaya anofanira kuva akanga ari akawanda uye akasiyana-siyana. Nokudaro, vasikana vakashongedzerwa kugadzira shinda, kuruka, uye kubika nokutarisira kuchengetwa kwose zvako kwomusha, kutengesa, uye mabhizimisi epfuma yezvivako nenzvimbo. Vakomana kazhinji kazhinji vaidzidziswa basa rokunyika rababa vavo, kurima kana kuti zvimwe basa rounyanzvi rakati. Jesu akadzidza kuveza kubva kuna baba vake vokurera, Josefa; nokudaro, akadanwa kwete bedzi kuti “mwanakomana womuvezi” asiwo “muvezi.”—Mateo 13:55; Marko 6:3.
22, 23. (a) Dzidzo inofanira kugadzirira vana nokuda kwechii? (b) Ndeipi inofanira kuva vavariro yedu mukusarudza imwe dzidzo apo ikoko kungaratidzika kuva kuri madikanwa?
22 Nhasiwo, dzidzo yakasanodzikama inobatanidza kugadzirira kutarisira zvinodikanwa zvemhuri rimwe zuva. Mashoko omuapostora Pauro anowanwa pana 1 Timotio 5:8 anoratidzira kuti kugovera mhuri yomunhu musengwa unoyera. Akanyora, kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” Dzidzo, ipapoka, inofanira kugadzirira vana nokuda kwemitoro iyo vachaita muupenyu pamwe chete nokuvashongedzera kuva mitezo inoshanda nesimba yenzanga.
23 Tinofanira kuronda dzidzo yokunyika yakawanda sei? Ikoku kungasiyana munyika nenyika. Asi kana mabasa anowanika achirayira rovedzo mukuwedzera kudukusa inodikanwa nemutemo, zviri kuvabereki kutungamirira vana vavo mukuita chisarudzo pamusoro pedzidzo yokuwedzera kana kuti rovedzo, vachiyera zvose zviri zviviri betsero dzinobvira nedzisiri betsero dzezvifundo zvokuwedzera zvakadaro. Ndeipi, zvisinei, inofanira kuva vavariro yomunhu mukusarudza imwe dzidzo apo ikoko kungaratidzika kuva kuri madikanwa? Zvirokwazvo kwete pfuma, kuzvikudza, kana kuti rumbidzo. (Zvirevo 15:25; 1 Timotio 6:17) Yeuka chidzidzo chatadzidza mumuenzaniso waJesu—dzidzo inofanira kushandiswa kuunza rumbidzo kuna Jehovha. Kana tikasarudza imwe dzidzo, sundo yedu inofanira kuva chishuvo chokuzvitsigira timene zvakakwana kuti tigogona kubatira Jehovha zvakazara sezvinobvira muushumiri hwechiKristu.—VaKorose 3:23, 24.
24. Chidzidzoi chadzidzwa kuna Jesu chatisingatongofaniri kukanganwa?
24 Naizvozvo, ngatishingaire munhamburiko dzedu dzokuwana dzidzo yokunyika yakadzikama. Ngatishandise zvakazara purogiramu inopfuurira yedzidzo youmwari iyo inogoverwa mukati mesangano raJehovha. Uye ngatisatongokanganwe chidzidzo chinokosha chatadzidza kuna Jesu Kristu, munhu akadzidziswa zvakanakisisa ati ambofamba pasi pano—dzidzo inofanira kushandiswa, kwete kuti tizvirumbidze timene, asi kuti tiunze rumbidzo kuMudzidzisi mukurusa wavose, Jehovha Mwari!
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Jesu akashandisa sei dzidzo yake?
◻ Neiko kuchikosha kudzidza kurava zvakanaka?
◻ Tingashandisa sei mano okunyora kuunza rumbidzo kuna Jehovha?
◻ Dzidzo youmwari inotibetsera sei kukura mose muri muviri mutsika nomumudzimu?
◻ Irovedzoi inoshanda iyo dzidzo yakadzikama inofanira kubatanidza?
[Bhokisi riri papeji 13]
Betsero Inoshanda Nokuda Kwavadzidzisi
PaKokorodzano Dzoruwa dza“Varumbidzi Vanofara” mukati ma1995/96, Watch Tower Society yakabudisa bhurocha idzva rine musoro unoti Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo. Iri bhurocha ramapeji 32, rine mavara akazara rakabudiswa zvikurukuru nokuda kwavadzidzisi. Kusvikira pari zvino rakashandurirwa mumitauro 58.
Kuvireiko nebhurocha nokuda kwavadzidzisi? Kuti rivabetsere kunzwisisa zviri nani zvitendero zvavadzidzi vari vana veZvapupu zvaJehovha. Bhurocha racho rinei? Nemanyorerwe akajeka uye akananga, rinotsanangura mirangariro yedu pamusoro penhau dzakadai sedzidzo yokuwedzera, mazuva okuzvarwa neKrisimisi, uye kukwaziswa kwemureza. Bhurocha racho rinovimbisawo vadzidzisi kuti tinoda kuti vana vedu vashandise zvakanakisisa kudzidza kwavo uye kuti tinoda kubatira pamwe navadzidzisi, tichiva nefariro yokushingaira mudzidzo yavana vedu.
Bhurocha raDzidzo ringashandiswa sei? Sezvo rakagadzirirwa vadzidzisi, ngatirigoverane navadzidzisi, vatarisiri vechikoro, uye vamwe vakuru vakuru vechikoro. Iri bhurocha idzva ngaribetsere vadzidzisi vose vakadaro kunzwisisa mirangariro yedu nezvitendero uye chikonzero nei isu padzimwe nguva tichitaura kuti tine kodzero yokuva vakasiyana. Vabereki vanokurudzirwa kushandisa bhurocha racho sehwaro hwekurukurirano yomunhu oga navadzidzisi vavana vavo.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Muna Israeri wakare dzidzo yaikosheswa zvikuru