RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/1 p. 15
  • “Kupenya Sezvivheneko Munyika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kupenya Sezvivheneko Munyika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Unofanira KuonaVhidhiyo Inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Musangano Wakatanhamara Pamusoro Pokuvhiya Pasina Ropa muMoscow
    Mukai!—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/1 p. 15

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

“Kupenya Sezvivheneko Munyika”

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvakatanhamara sezvakasiyana uye kazhinji kazhinji zvinogamuchira kuzivisa kwakashata nemhaka yokusabvuma kwazvo kuisirwa ropa. Ichi chimiro, zvisinei, chakavakirwa zvakasimba paBhaibheri. Chinoratidza kuti Mwari anoshurikidza kushandiswa zvisina kufanira kweropa, sezvo ropa rinokosha mumaziso ake. (Genesi 9:3, 4; Revhitiko 17:14) Somugumisiro wekunzvera Magwaro panhau iyi, Zvapupu zvaJehovha zvinogumisa kuti nhungamiro yeBhaibheri yo‘kurega ropa’ ingabatanidza zvakajeka muitiro wazvino uno wokuisira ropa.—Mabasa 15:19, 20, 28, 29.

Mumakore mashoma apfuura mitezo yavarapi, pamwe chete namatare mune dzimwe nyika, vakasvika pakutsigira Zvapupu zvaJehovha panhau iyi. Somuenzaniso, muDenmark mumwe mai muduku uyo akanga akarovedzana nemurangariro weBhaibheri weropa akafa somugumisiro wetsaona yemotokari. Nemhaka yokuramba kwake kubvuma kuisirwa ropa, vanachiremba vake vakanyandura nhimbe yemwedzi wose youtsinye kupfurikidza nezvinobudisa nhau mukurwisana neZvapupu zvaJehovha.

Vabereki vemukadzi muduku wacho vakakumbira nzvero, uye muna April 1994 chisarudzo chakaziviswa neCommission of Patients’ Complaints yeDenmark. Yakataura kuti murwere wacho akafa, kwete nemhaka yokuti akaramba ropa, asi nemhaka yokurapa kusina kufanira. Chisarudzo chakanga chakavakirwa pakuongorora kwakaitwa neBoard of Forensic Medicine nezviremera zvezvoutano. Tsamba yakatenderedzwa kunzvimbo dzose dzinotarisira utano muDenmark, National Board of Health yakataura kuti vanachiremba vane musengwa wokupa Zvapupu zvaJehovha kumwe kurapa kwakanakisisa kunowanika, vachirangarira kuramba kwazvo kugamuchira ropa.

Chimwe chiitiko chakabatanidza Dan, chapupu chine makore 15 okukura icho chakafa nechirwere cheleukemia. Muchiitiko ichochi vanachiremba vakaremekedza chisarudzo chaDan choushingi chokuramba kuisirwa ropa. Ikoku kwakaguma nenhimbe huru yezvinobudisa nhau umo zvinobudisa nhau zvakashora vanachiremba nokuda kwerufu rwaDan. Vazhinji, zvisinei, havana kubvumirana nepfungwa dzakaipa dzakaparadzirwa.

Somuenzaniso, mukuru wepachikoro icho Dan akanga apinda akanga ari paHoro yoUmambo nokuda kwehurukuro yamariro. Iye akaratidza kukatyamadzwa nokufukidza nhau kwakaipa kwakaitwa rufu rwaDan. Mushure mokusvika mushandi biyake Chapupu nemibvunzo inoverengeka pamusoro peZvapupu zvaJehovha, akagamuchira kopi yevhidhiyo Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Vhidhiyo yacho yakamuorora kwazvo zvokuti akaronga kuti vadzidzisi vose vari muchikoro vaione. Gare gare, vhidhiyo yacho yakaratidzwa kune vadzidzi vose, panguva.

Gurukota reDenmark rinoona nezvoutano harina kubvumiranawo neziviso yakashata iyo vanachiremba vaDan vakagamuchira. Rakataura kuti vanachiremba vakanga vaita chinhu chakarurama mukuremekedza chisarudzo chaDan choukuru uye kutenda kwakasimba.

Kune mamiriyoni avazivisi voUmambo avo vanopa teerero kumitemo yaMwari. Nemhaka yeteerero yavo, vanotanhamara, vachi“penya sezvivheneko munyika.”—VaFiripi 2:12, 15, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe