RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 1/15 pp. 3-4
  • Zvinofara Munyika Isingafari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinofara Munyika Isingafari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ibwe Mumadhaka”
  • Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Chipupuriro Kukutenda Kwavo
    Mukai!—1996
  • Hatina Kutsigira Hondo yaHitler
    Mukai!—1994
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 1/15 pp. 3-4

Zvinofara Munyika Isingafari

“PAKUIPISISA kwaro, rino rave riri zana ramakore raSatani,” yakavamba ichidaro imwe nyaya yomupepeti wenhau muThe New York Times yaJanuary 26, 1995. “Vanhu havana kuratidza chimiro chendangariro chikuru chakadai, uye chishuvo, chokuuraya mamiriyoni avamwe vanhu nokuda kwezvikonzero zvedzinza, rudzidziso kana kuti boka muzera rakapfuura.”

Kuchengetwa kwegore negore kwechi50 kwokusunungurwa kwavananyajambwa vasina mhaka vakaiswa mutorongo mumisasa yorufu yeNazi kwakasunda nyaya dzavapepeti venhau dzakadai seyadudzwa pamusoro apa. Zvisinei, rudzi rumwe cheterwo rwokuuraya kwoutsinye ruchiri kuitika mune mamwe mativi eAfrica uye Eastern Europe.

Kuuraya vakawanda kwakarongwa, kuparadza rudzi, kuurawa kwedzinza—chipi nechipi chazvingadanwa—zvinoguma norusuruvaro rukuru. Bva, pakati pokuparadza kwamaune kwakadaro panonzwika manzwi ane simba omufaro. Somuenzaniso, ngatitarirei Germany muma1930.

Pakasvika April wa1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvarambidzwa mumabasa ose ehurumende naHitler nebato rake reNazi. Zvapupu zvacho zvakasungwawo, zvakaiswa mutorongo, uye zvakaendeswa kumisasa yechibharo nemhaka yokuti zvakachengeta kusatora rutivi kwechiKristu. (Johane 17:16) Mukupera kwaAugust wa1936, kwakanga kune kusungwa kwavakawanda veZvapupu zvaJehovha. Zviuru zvazvo zvakaendeswa kumisasa yechibharo, uko zvizhinjisa zvazvo zvakaramba zviri kusvikira muna 1945 kana zvakapukunyuka. Kunyange zvazvo zvakadaro, Zvapupu zvakaita sei kukubatwa noutsinye kwazvakaitirwa mumisasa yacho? Kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kunoshamisa, zvakakwanisa kuchengeta mufaro pasinei zvapo nemhoteredzo yazvo isingafadzi.

“Ibwe Mumadhaka”

Wezvenhau weBritian Christine King akabvunzurudza mumwe mukadzi weKaturike uyo akanga ari mumisasa yacho. “Akashandisa chitsama chamashoko chandisina kutongokanganwa,” akadaro Dr. King. “Akataura muudzame hukuru pamusoro pokutyisa kwoupenyu, mamiriro ezvinhu anosemesa ayo airarama maari. Uye akataura kuti aiziva Zvapupu, uye Zvapupu izvozvo zvakanga zviri ibwe mumadhaka. Nzvimbo yakaoma mumadhaka ose iwayo. Akataura kuti ndivo vakanga vari vanhu bedzi vasina kusvipa apo varindiri vaipfuura. Ndivo vakanga vari vanhu bedzi vasina kubata nezvose izvozvi noruvengo asi norudo netariro uye kunzwa kwokuti pakanga pane chinangwa.”

Chii chakagonesa Zvapupu zvaJehovha kuva ‘mabwe mumadhaka’? Kutenda kusingazununguki muna Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Naizvozvo, nhamburiko dzaHitler dzakakundikana kudzvinyirira rudo rwazvo rwechiKristu nomufaro.

Teerera sezvo vapukunyuki vaviri vemusasa vanoyeuka makore makumi mashanu pashure pokunge vasangana nenzira inobudirira nouyu muedzo wokutenda. Mumwe anoti: “Ndinofara zvikuru mukuziva kuti ndakava neropafadzo yechienzi yokubvumikisa rudo rwangu nokuonga Jehovha mumamiriro ezvinhu outsinye zvikurusa. Hapana akandimanikidza kuita ikoku! Mukupesana, avo vakaedza kutimanikidza vakanga vari vavengi vedu avo vakaedza kupfurikidza netyisidziro kutiita kuti titeerere Hitler kupfuura Mwari—asi pasina kubudirira! Ndinofara kwete zvino bedzi asi, nemhaka yehana yakanaka, ndakanga ndichifara kunyange pandaive ndiri mutorongo.”—Maria Hombach, ane makore 94 okukura.

Chimwe Chapupu chinoti: “Ndinotarira shure pamazuva angu okuiswa mutorongo nokuonga nomufaro. Makore akapedzwa pasi paHitler mumatorongo uye misasa yechibharo akanga akaoma uye akazara nemiedzo. Asi handaizoda kuva ndakaapotsa, nokuti akandidzidzisa kuvimba naJehovha chose chose.”—Johannes Neubacher, ane makore 91 okukura.

“Kuvimba naJehovha chose chose”—ndicho chakaparira mufaro wakawanwa neZvapupu zvaJehovha. Nokudaro, zvinofara, kunyange zvazvo zvakapoteredzwa nenyika isingafari. Mufaro wazvo wakanga uri pachena paKokorodzano Dzoruwa dza“Varumbidzi Vanofara” mumwedzi ichangobva kupfuura. Ngatihwirudzurei nokupfupikisa uku kuungana kwaifadza.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Maria Hombach

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe