RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 11/8 pp. 26-32
  • Hatina Kutsigira Hondo yaHitler

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hatina Kutsigira Hondo yaHitler
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro Kumibvunzo yaBaba
  • Ushumiri Hwokushingaira
  • Hitler Anotanga Kutonga
  • Dzvinyiriro Yokuwirirana
  • Perero Yomuenzaniso yaBaba
  • Miedzo Yangu Inovamba
  • Kutongwa noKuiswa Mutorongo
  • Upenyu Hwomumusasa Hunorwadza
  • Kuramba Ndakasimba Mumudzimu
  • Mikana yoKupupura
  • Upenyu Hwangu Hunovandudzika
  • Mazuva Okupedzisira eHondo
  • Kudzokazve Kumusha
  • Ushingi hwoKutsungirira
  • Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kutenda Kunoedzwa muNazi Europe
    Mukai!—2003
  • Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 11/8 pp. 26-32

Hatina Kutsigira Hondo yaHitler

YAKATAURWA NAFRANZ WOHLFAHRT

BABA VANGU, Gregor Wohlfahrt, vakabatira muuto reAustria mukati meHondo yeNyika I (1914 kusvikira 1918) uye vakarwisana neItaria. Pamwe chete, mazana ezviuru zvavaAustria navaItaria akaurawa. Zvinotyisa zvechakaitika ichocho zvakachinja chose murangariro waBaba pamusoro porudzidziso nehondo.

Baba vakaona vaprista veAustria vachikomborera mauto, uye vakaziva kuti vaprista veItaria kuno rumwe rutivi vakanga vachiita zvimwe chetezvo. Naizvozvo vakabvunza, kuti: “Neiko varwi veKaturike vachikurudzirwa kuuraya vamwe vaKaturike? VaKristu vanofanira kurwisana here?” Vaprista vacho vakanga vasina mhinduro dzinogutsa.

Mhinduro Kumibvunzo yaBaba

Pashure pehondo Baba vakachata ndokugara mumakomo eAustria pedyo nemiganhu yeItaria neYugoslavia. Ndakaberekerwa ikoko muna 1920, wokutanga wavana vatanhatu. Apo ndakanga ndine makore matanhatu, takatamira kuSt. Martin mamaira mashomanene kumabvazuva pedyo netaundi renhandaro nevaraidzo rePortschach.

Apo taigara ikoko, vashumiri veZvapupu zvaJehovha (vainzi Vadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo) vakashanyira vabereki vangu. Muna 1929 vakasiya bhukwana rinonzi Prosperity Sure, iro rakapindura mizhinji yemibvunzo yaBaba. Rakaratidza kubva muBhaibheri kuti nyika yakanga ichidzorwa nomutongi asingaoneki anonzi Dhiyabhorosi naSatani. (Johane 12:31; 2 VaKorinte 4:4; Zvakazarurwa 12:9) Pesvedzero yake parudzidziso, zvematongerwe enyika, uye zvokutengeserana zvenyika ino yakaparira zvinotyisa izvo Baba vakaona muHondo yeNyika I. Pakupedzisira Baba vakanga vawana mhinduro idzo vakanga vave vachitsvaka.

Ushumiri Hwokushingaira

Baba vakaodha mabhuku kuWatch Tower Bible and Tract Society ndokutanga kuaparadzira kuhama dzavo dzokunyama uye ipapo paimba neimba. Hans Stossier, muvakidzani wechikomana wamakore 20 bedzi, nokukurumidza akavakumbanira muushumiri hwapaimba neimba. Chinguvana, vashanu vehama dzedu dzokunyama vakavawo Zvapupu—mukoma waBaba Franz, mudzimai wake Anna, gare gare mwanakomana wavo Anton, hanzvadzi yaBaba Maria, uye murume wake, Hermann.

Uku kwakaparira kunyanduka kukuru mutaundi redu duku reSt. Martin. Kuchikoro mumwe mudzidzi akabvunza mudzidzisi wedu weKaturike kuti, “Fata Loigge, ndiani mwari mutsva anonzi Jehovha uyo Wohlfahrt ari kunamata?”

“Aiwa, aiwa, vana,” muprista akapindura kudaro. “Uyu haasi mwari mutsva. Jehovha ndiye Baba vaJesu Kristu. Kana vari kuparadzira mashoko acho mukusundwa norudo nokuda kwaMwari iyeyo, ikoko kwakanaka zvikuru.”

Ndinoyeuka baba vangu nguva zhinji vachibva pamba na 1:00 a.m. vane chitsama chamabhuku eBhaibheri nesamujisi. Maawa matanhatu kana manomwe gare gare, vaizosvika kumucheto cheto kwendima yavo yokuparidza, pedyo nomuganhu weItaria. Ndaivakumbanira panzendo pfupi.

Pasinei zvapo noushumiri hwavo hwapachena, Baba havana kuregeredza zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri yavo vamene. Apo ndakanga ndava namakore anenge gumi, vakatanga fundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki yenguva dzose nesu tose vatanhatu vedu, vachishandisa bhuku rinonzi The Harp of God. Padzimwe nguva imba yedu yaigona kuzara navavakidzani vanofarira nehama dzokunyama. Nokukurumidza makanga mava neungano yevazivisi voUmambo 26 muguta redu duku.

Hitler Anotanga Kutonga

Hitler akatanga kutonga muGermany muna 1933, uye kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha kwakawedzera imomo nokukurumidza pashure pacho. Muna 1937, Baba vakapinda kokorodzano muPrague, Czechoslovakia. Vakokorodzani vakanyeverwa nezvemiedzo yakanga iri mberi, naizvozvo pakudzoka kwavo Baba vakakurudzira tose zvedu kugadzirira nokuda kwechitambudzo.

Munguvayo, pazera ramakore 16, ndakatanga kudzidzira basa sapenda wedzimba. Ndaigara napenda ane unyanzvi nokupinda chikoro chokudzidzira unyanzvi hwebasa. Muprista akwegura uyo akanga atiza muGermany kuti apukunyuke kutonga kwehurumende yeNazi aiitisa kirasi yomurayiridzo yorudzidziso muchikoro chacho. Apo vadzidzi vaimukwazisa nokuti “Rumbidzai Hitler!” airatidza kusafara ndokubvunza, kuti: “Chii chakaipa nokutenda kwedu?”

Ndakashandisa mukana wacho ndokubvunza nei vaKaturike vaishandisa mazita okuremekedza akadai sokuti “Your Eminence” na“Baba Vatsvene,” sezvo Jesu akataura kuti vateveri vake vose ihama. (Mateo 23:8-10) Muprista wacho akabvuma kuti kuita ikoku kwakanga kwakaipa uye kuti iye amene akanga ari muchinetso nemhaka yokuramba kukotamira bhishopi ndokutsvoda ruoko rwake. Ipapo ndakabvunza, kuti: “Kunobvira sei kuuraya vaKaturike biyavo nokukomborerwa kweChechi?”

“Iyi ndiyo nyadziso huru!” muprista wacho akadaro. “Hakufaniri kutongoitikazve. Tiri vaKristu uye Chechi haifaniri kubatanidzwa muhondo.”

Pana March 12, 1938, Hitler akafora pasina kudziviswa achipinda muAustria ndokuiita nokukurumidza rutivi rweGermany. Chechi dzakamutsigira nokukurumidza. Kutaura idi, isingapfuuri vhiki imwe gare gare, mabhishopi matanhatu ose eAustria kubatanidza Kadhinari Theodore Innitzer vakasaina “ziviso yemhiko” yakanakisisa umo vakataura kuti musarudzo dzaitevera “imanikidziro nebasa rorudzi savaJerimani, kuti isu maBhishopi tivhotere Hurumende yeGermany.” Pakanga pane kugamuchira kukuru muVienna umo Kadhinari Innitzer akanga ari pakati povokutanga kukwazisa Hitler nesarupu yeNazi. Mukuru mukuru wacho akarayira chechi dzose dzeAustria kubhururutsa mureza weswastika, kuridza mabhero adzo, uye kunyengeterera mudzori weNazi.

Nokunoratidzika kuva kamwe kamwe chimiro chezvamatongerwe enyika chakachinja muAustria. Mitezo yapachivande yeNazi yakapfeka mayunifomu ayo mashava nemicheka yamaoko yakanyuka kunge howa. Muprista uyo pakuvamba akanga ataura kuti Chechi haifaniri kubatanidzwa muhondo akanga ari mumwe wavaprista vashomanene vakaramba kuti, “Rumbidzai Hitler!” Vhiki yakatevera muprista mutsva akamutsiva. Chinhu chokutanga chaakaita pakupinda mukirasi chakanga chiri kuridza zvitsitsinho zvake, kusimudza ruoko rwake mukupa sarupu, uye kuti: “Rumbidzai Hitler!”

Dzvinyiriro Yokuwirirana

Munhu ari wose akanga ari nyajambwa wedzvinyiriro yavaNazi. Apo ndaikwazisa vanhu nokuti “Guten Tag” (Makadini) panzvimbo pa“Rumbidzai Hitler,” vaishatirwa. Kanenge ka 12 ndakatengeswa kuGestapo. Kamwe chete boka remitezo yapachivande yeNazi rakatyisidzira penda ane unyanzvi uyo wandakanga ndichigara naye, richitaura kuti kana ndikasapa sarupu yacho ndokukumbanira Hitler Youth, ndaizotumirwa kumusasa wechibharo. Penda wacho, munzwiri urombo weNazi, akavakumbira kuva vanondishivirira sezvo akanga ane chokwadi chokuti pakupedzisira ndaizochinja. Akatsanangura kuti akanga asingadi kurasikirwa neni nemhaka yokuti ndakanga ndiri mushandi akanaka.

Nokutora udzori kweNazi, pakanga pane kufora kukuru kwakapfuurira kusvikira usiku, uye vanhu vakazhamba zviga nembavarira huru. Zuva riri rose nhepfenyuro dzakazhambatata nokutaura kwaHitler, Goebbels, uye vamwe. Kuzviisa pasi paHitler kweChechi yeKaturike kwakakura, sezvo vaprista vakanyengeterera nokukomborera Hitler nenzira yomuitiro.

Baba vakandiyeuchidza nezvokudikanwa kwokuita chimiro chakasimba uye kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha nokubhapatidzwa. Vakataurawo kwandiri pamusoro paMaria Stossier, hanzvadzi duku yomuvakidzani wedu Hans, uyo akanga atsigira zvakasimba zvokwadi yeBhaibheri. Maria neni takanga tabvumirana kuchata, uye Baba vakandikurudzira kuva kurudziro kwaari nenzira yokumudzimu. Maria neni takabhapatidzwa muna August 1939 nehanzvadzi yake Hans.

Perero Yomuenzaniso yaBaba

Zuva rakatevera Baba vakashevedzerwa basa rehondo. Kunyange zvazvo utano hwavo husina kutsarukana, hwakaparirwa namatambudziko akatamburwa mukati meHondo yeNyika I, hwaigona kuve hwakavadzivisa kushanda zvisinei, Baba vakataura kuvabvunzurudzi kuti somuKristu vaisazotongobatanidzwa muhondo zvakare sezvavakanga vaita apo vakanga vari muKaturike. Nokuda kweiyi tsinhiro vakachengetwa nokuda kwokumwe kunzvera.

Vhiki imwe chete gare gare apo Germany yakavhozhokera Poland, uko kwakatanga Hondo yeNyika II, vakaendeswa kuVienna. Pavakanga vachichengetwa ikoko, meya weruwa rwedu akanyora achitaura kuti Baba vakanga vasakisa kuramba kwezvimwe Zvapupu kutsigira Hitler uye naizvozvo Baba vaifanira kuurawa. Somugumisiro, Baba vakaendeswa kuBerlin uye pashure pacho vakakurumidza kutongerwa kugurwa musoro. Vakachengetwa vakasungwa necheni masikati nousiku mujere reMoabit.

Munguvayi ndakanyorera Baba ndichimiririra mhuri ndokuvaudza kuti takanga takatsunga kutevera muenzaniso wavo wokutendeka. Baba vakanga vasati variwo zvavo murume anotapurika, asi taigona kuona manzwire avo apo tsamba yavo yokupedzisira yakanga ine madondorodzi emisodzi. Vakanga vachifara zvikuru nokuti takanzwisisa chimiro chavo. Vakatumira mashoko ekurudziro, vachidudza mumwe nomumwe wedu somunhu oga nezita uye vachitikurudzira kuramba takatendeka. Tariro yavo murumuko yakanga yakasimba.

Kunze kwaBaba, zvimwe Zvapupu zvinenge makumi maviri nezvina zvaichengetwa mujere reMoabit. Vakuru vakuru vapamusoro vaHitler vakaedza kuzvinyengetedza kurega kutenda kwazvo asi pasina budiriro. Muna December 1939, Zvapupu zvine 25 zvakaurawa. Pakuziva nezvokuurawa kwaBaba, Mai vakataura kuti vaionga sei Jehovha kuti Akanga apa Baba simba rokuramba vakatendeka kusvikira parufu.

Miedzo Yangu Inovamba

Vhiki shomanene gare gare, ndakashevedzerwa basa asi nokukurumidza ndakaziva kuti mubato mukuru wakanga uri rovedzo yehondo. Ndakatsanangura kuti handisati ndaizogona kubatira muchiuto asi ndaizoita rimwe basa. Zvisinei, apo ndakaramba kuimba nziyo dzokurwa dzeNazi, vakuru vakuru vacho vakatsamwiswa.

Mangwanani akatevera ndakaoneka ndiri muzvipfeko zvisiri zvavarwi panzvimbo peyunifomu yechiuto yatakanga tapiwa. Mukuru mukuru aitarisira akataura kuti akanga asina chimwe chinhu chokuita kunze kwokundiisa mutorongo. Imomo ndakararama nechingwa nemvura. Gare gare ndakaudzwa kuti kwaizova nomutambo wokukwazisa mureza, uye ndakanyeverwa kuti kuramba kutora rutivi kwaizoguma nokupfurwa kwangu.

Panhandare dzokurovedzera pakanga pane vatsva 300 pamwe chete navakuru vakuru vehondo. Ndakarayirwa kufamba napana vakuru vakuru vacho nomureza weswastika ndokupa sarupu yaHitler. Ndichiwana simba kubva munhauro yeBhaibheri yavaHebheru vatatu, ndakangoti, “Guten Tag” (Makadini), sezvandaipfuura. (Dhanieri 3:1-30) Ndakarayirwa kufora ndichipfuurazve. Nguva ino handina kutaura chinhu chipi nechipi, ndakangonyemwerera bedzi.

Apo vakuru vakuru vana vakanditungamirira kudzokera kutorongo, vakandiudza kuti vakanga vachidedera nemhaka yokuti vaikarira kuti ndaizopfurwa. “Kunobvira sei,” vakabvunza kudaro, “kuti wanga uchinyemwerera uye isu tanga tichitya zvikuru?” Vakataura kuti vaishuva kuti kudai vakanga vane ushingi hwangu.

Mazuva mashomanene gare gare, Dr. Almendinger, mukuru mukuru wapamusoro wedzimbahwe raHitler muBerlin, akasvika mumusasa wacho. Ndakashevedzwa pamberi pake. Akatsanangura kuti mitemo yakanga yaoma zvikuru. “Hausi kuziva chinetso chauchatarisana nacho,” akadaro.

“Haiwa, hungu, ndinoziva,” ndakapindura kudaro. “Baba vangu vakagurwa musoro nokuda kwechikonzero chimwe chetecho vhiki shomanene dzapfuura.” Akakatyamadzwa ndokunyarara.

Gare gare mumwe mukuru mukuru wapamusoro wokuBerlin akasvika, uye kumwe kuedza kwakaitwa kuchinja ndangariro dzangu. Pashure pokunzwa chikonzero nei ndisati ndaizoputsa mitemo yaMwari, akabata ruoko rwangu uye, nemisodzi ichiyerera muchiso chake, akati: “Ndinoda kuponesa upenyu hwako!” Vakuru vakuru vose vakanga vakatarira vakaororwa zvikuru. Ipapo ndakatungamirirwa kudzokera mutorongo umo ndakapedza mazuva 33 pamwe chete.

Kutongwa noKuiswa Mutorongo

Muna April 1940, ndakachinjirwa kujere riri muFürstenfeld. Mazuva mashomanene musikana wangu, Maria, nomunun’una wangu Gregor vakashanya. Gregor akanga achingova muduku kwandiri negore rimwe nehafu, uye akanga atsigira zvakasimba zvokwadi dzeBhaibheri muchikoro. Ndinoyeuka kukurudzira kwake vanun’una vedu kuva vakagadzirira nokuda kwechitambudzo, achitaura kuti pakanga pachingova nenzira imwe bedzi, kubatira Jehovha! Awa inokosha yakapedzwa tichikurudzirana ndiyo yakanga iri nguva yokupedzisira yandakamuona ari mupenyu. Gare gare, muGraz, ndakatongerwa makore mashanu ebasa rakaoma.

Mukupera kwa 1940, ndakaiswa muchitima chaienda kumusasa wechibharo muCzechoslovakia, asi ndakachengetwa muVienna ndokuiswa mutorongo imomo. Mamirire ezvinhu akanga achityisa. Handina kungotambura bedzi nenzara, asi mukati mousiku ndairumwa netsikidzi huru idzo dzakasiya nyama yangu ichibuda ropa ichirwadza. Nemhaka yezvikonzero zvandakanga ndisingazivi panguva iyeyo, ndakadzoserwa kutorongo muGraz.

Makanga mune fariro muchinoitika changu nemhaka yokuti vaGestapo vairondedzera Zvapupu zvaJehovha savafiri kutendeka vanonyanyisa avo vaida tongero yorufu kuti vagowana tuso yokudenga. Somugumisiro, kwamazuva maviri ndakava nemukana wakaisvonaka wokutaura pamberi papurofesa navamwe vadzidzi vasere vakabva kuGraz University, ndichitsanangura kuti vanhu vane 144 000 bedzi vaizoendeswa kudenga kunotonga naKristu. (Zvakazarurwa 14:1-3) Tariro yangu, ndakadaro, yakanga iri yokufarikanya upenyu husingaperi mumamirire ezvinhu eparadhiso papasi.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Pashure pamazuva maviri okubvunza, purofesa wacho akati: “Ndasvika pamhedziso yokuti unoda kurarama pasi pano. Hachisi chishuvo chako kufa ndokuenda kudenga.” Akaratidzira rusuruvaro pamusoro pokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha ndokundishuvira zvakanakisisa.

Pakuvamba muna 1941, ndakazviwana ndimene ndiri muchitima chaienda kumusasa webasa rakaoma weRollwald muGermany.

Upenyu Hwomumusasa Hunorwadza

Rollwald wakanga uri pakati pamaguta eFrankfurt neDarmstadt uye waichengeta vasungwa vanenge 5 000. Zuva rimwe nerimwe raivamba na 5:00 a.m. nokushevedzwa kwamazita, uko kwaitora maawa maviri sezvo vakuru vakuru vaivandudza ndaza yavo yavasungwa pamadiro. Taidikanirwa kumira tisingazununguki, uye vasungwa vazhinji vakatambura kurohwa kwakakomba nemhaka yokusasanomira vasingazununguki.

Bhurakufesi raiumbwa nechingwa, icho chaigadzirwa nefurawa, mupfupfunyurwa wemuti, uye mbatatisi idzo dzaiwanzova dzakaora. Ipapo taienda kunoshanda mujahwi, tichichera migero yokubvisa mvura mumunda wacho nokuda kwezvinangwa zvokurima. Pashure pokushanda zuva rose mujahwi pasina bhutsu dzakaringanira, tsoka dzedu dzaizvimba kufanana nezvipanji. Paimwe nguva tsoka dzangu dzakatanga icho chairatidzika kuva ronda rinonyeka, uye ndakatya kuti paizova nedikanwo yokugurwa.

Pamasikati panzvimbo yebasa, taipiwa musanganiswa wokuedza wainzi muto. Wainakiswa netanapi kana kuti kabhiji uye pane dzimwe nguva waibatanidza mitumbi yakagayiwa yemhuka dzine hosha. Miromo yedu nehuro zvakarwadza, uye vazhinji vedu takaita mamota makuru. Mumadekwana taigamuchira mumwe “muto.” Vasungwa vazhinji vakarasikirwa namazino avo, asi ndakanga ndaudzwa ukoshi hwokuchengeta mazino achishanda. Ndaitsenga chidimbu chomuti womupaini kana kuti miti yomuhacha, uye handina kutongorasikirwa neangu.

Kuramba Ndakasimba Mumudzimu

Munhamburiko yokuputsa kutenda kwangu, varindiri vakandiparadzanisa mukuonana nezvimwe Zvapupu. Sezvo ndakanga ndisina mabhuku eBhaibheri, ndaiyeuka magwaro andakanga ndaziva nomusoro, akadai saZvirevo 3:5, 6, iyo inotikurudzira ku‘vimba naJehovha nomwoyo wedu wose,’ uye 1 VaKorinte 10:13, iyo inopikira kuti Jehovha haasati ‘achizotisiya kuti tiidzwe kupfuura patinogona napo.’ Kupfurikidza nokuhwirudzura magwaro akadaro mundangariro dzangu nokutsamira pana Jehovha mumunyengetero, ndakasimbiswa.

Padzimwe nguva ndaikwanisa kuona chimwe chapupu icho chakanga chichipfuura kubva kune mumwe musasa. Kana taisava nomukana wokutaura, taikurudzirana kumira nesimba nokugutsura kwemisoro yedu kana chibhakera chakapfumbatwa chakasimudzwa. Panhambo nenhambo ndaigamuchira tsamba kubva kuna Maria naMai. Mune imwe ndakaziva nezvorufu rwomunun’una wangu Gregor anodikanwa, uye muimwe, kunenge kumugumo wehondo, nezvokuurawa kwaHans Stossier, hanzvadzi yaMaria.

Gare gare, mumwe musungwa akachinjirwa kumusasa wedu uyo aiziva Gregor apo vakanga vari pamwe chete mujere reMoabit muBerlin. Kubva kwaari ndakaziva udzame hweizvo zvakaitika. Gregor akanga atongerwa kufa nokugurwa musoro, asi munhamburiko dzokuputsa perero yake, nhambo yokumirira yomuitiro kuuraya kusati kwaitika yakanga yawedzerwa kusvika kumwedzi mina. Mukati menguva iyoyo marudzi ose edzvinyiriro akashandiswa kumuita kuti abvumirane pane zvisina kufanira—cheni dzinorema dzakasunga maoko ake namakumbo, uye aisawanzodyiswa. Bva, haana kutongozununguka. Akanga akatendeka kusvikira kumugumo—March 14, 1942. Kunyanguvezvo ndakasaruvariswa namashoko acho, ndakasimbiswa nawo kuti ndirambe ndakatendeka kuna Jehovha, pasinei zvapo nechingaitika.

Pashure penguva yakati ndakazivawo kuti vanun’una vangu Kristian naWillibald nehanzvadzi dzangu duku Ida naAnni vakaendeswa kuimba yamanani yaishandiswa somusha wokururamisa muLandau, Germany. Vakomana vacho vakarohwa zvakakomba nemhaka yokuti vakaramba kurumbidza Hitler.

Mikana yoKupupura

Vakawanda vaavo vakanga vari mudzimba dzavarwi umo ndaigara vakanga vari vasungwa namatsotsi ezvamatongerwe enyika. Ndaiwanzopedza manheru ndichipupura kwavari. Mumwe akanga ari muprista weKaturike anobva Kapfenberg anonzi Johann List. Akanga aiswa mutorongo nemhaka yokuti akanga ataura kuungano yake pamusoro pezvinhu zvainzwiwa muNhepfenyuro yeBritain.

Johann akava nenguva yakaoma zvikuru nemhaka yokuti akanga asina kurovedzana nebasa rakaoma romuviri. Akanga ari murume anofara, uye ndaimubetsera kusvitsa basa rake rakagoverwa kuti agorega kupinda muchinetso. Akati akanga achinyadziswa kuti akaiswa mutorongo nemhaka yezvikonzero zvematongerwe enyika uye kwete nemhaka yokunamatira kunheyo dzechiKristu. “Uri kutambura chaizvoizvo somuKristu,” akadaro. Apo akabudiswa gore rimwe gare gare, akavimbisa kushanyira mai vangu nomusikana wangu, iri vimbiso yaakachengeta.

Upenyu Hwangu Hunovandudzika

Mukupera kwa 1943, takava nomutungamiriri womusasa mutsva ainzi Karl Stumpf, murume murefu, ane bvudzi jena uyo akatanga kuvandudza migariro mumusasa wedu. Imba yake yakanga yodokupendwa, uye apo akaziva kuti ndakanga ndiri penda, ndakapiwa basa racho. Ndiyo nguva yokutanga yandakashevedzwa kubva mukushanda mujahwi.

Mudzimai womutungamiriri haana kudavira chikonzero nei ndakanga ndaiswa mutorongo, kunyange zvazvo murume wake akatsanangura kuti ndakanga ndiri imomo nemhaka yokutenda kwangu somumwe weZvapupu zvaJehovha. Akandinzwira tsitsi ndokundidyisa nemhaka yokuti ndakanga ndakaondoroka. Akandirongera mabasa akawanda kuti ndigovakwa mumuviri.

Apo vasungwa vomumusasa vakanga vachishevedzerwa hondo mumapoka apamberi kunenge kumugumo wa 1943, ukama hwangu hwakanaka noMutungamiriri Stumpf hwakandiponesa. Ndakamutsanangurira kuti ndaizotambura rufu panzvimbo pokuva nemhaka yokuteura ropa kupfurikidza nokutora rutivi muhondo. Kunyange zvazvo chimiro changu chokusatora rutivi chakamuisa munzvimbo yakaoma, akanga achikwanisa kuchengeta zita rangu risipo pandaza yaavo vaishevedzerwa basa rehondo.

Mazuva Okupedzisira eHondo

Mukati maJanuary naFebruary wa 1945, ndege dzeAmerica dzaibhururuka napasi pasi dzakatikurudzira kupfurikidza nokudonhedza mapepa ayo aiti hondo yakanga yodokuguma. Mutungamiriri Stumpf, uyo akanga aponesa upenyu hwangu, akandigovera zvipfeko zvavanhu vasiri varwi ndokugovera imba yake senzvimbo yokuhwanda. Ndichibva mumusasa, ndakaona nyongano inokurira. Somuenzaniso, vana vaiva muzvipfeko zvehondo nemisodzi yaiyerera muzviso zvavo vakanga vachitiza vaAmerica. Ndichitya kuti ndaigona kupinda muvakuru vakuru veSS avo vaizoshamisika nei ndakanga ndisina kutakura pfuti, ndakasarudza kudzokera kumusasa.

Nokukurumidza musasa wedu wakapoteredzwa chose namauto eAmerica. Pana March 24, 1945, musasa wacho wakakanda mapfumo pasi, uchibhururutsa mireza michena. Ndakashamiswa zvakadini kuziva kuti makanga mune zvimwe Zvapupu mumisasa yokuwedzera izvo zvakadziviswa kuurawa noMutungamiriri Stumpf! Musangano unofadza zvakadini watakava nawo! Apo Mutungamiriri Stumpf akaiswa mujere, vazhinji vedu takasvika vakuru vakuru veAmerica ndokumupupurira pachedu somunhu oga uye netsamba. Somugumisiro, mazuva matatu gare gare akasunungurwa.

Kukukatyamadzwa kwangu, ndakanga ndiri wokutanga wavasungwa vane 5 000 akabvumirwa kuenda norusununguko. Pashure pamakore mashanu okuva mutorongo, ndakanzwa sokunge kuti ndakanga ndichirota. Nemisodzi yomufaro, ndakaonga Jehovha mumunyengetero nokuda kwokundichengetedza ndiri mupenyu. Germany haina kukanda mapfumo pasi kutozosvikira May 7, 1945, dzinenge vhiki nhanhatu gare gare.

Pakusunungurwa kwangu, ndakakurumidza kutanga onano nezvimwe Zvapupu munzvimbo yacho. Boka refundo yeBhaibheri rakarongwa, uye mukati mevhiki dzakatevera, ndakapedza maawa mazhinji ndichipupura kuvanhu munzvimbo yakapoteredza musasa. Panguva imwe cheteyo, ndakawana basa sapenda.

Kudzokazve Kumusha

Muna July, ndakanga ndichikwanisa kutenga mudhudhudhu, uye ipapo rwendo rwangu rurefu rwokuenda kumusha rwakavamba. Rwendo rwacho rwakatora mazuva anoverengeka, sezvo mabhiriji mazhinji mumugwagwa mukuru akanga aputswa. Apo ndakasvika kumusha pakupedzisira muSt. Martin, ndakatyaira ndichikwidza nomugwagwa ndokuona Maria achikohwa gorosi. Apo akandiziva pakupedzisira, akauya achimhanya. Unogona kufungidzira kubatanidzwazve kunofadza. Mai vakakanda jeko ravo pasi ndokuuyawo vachimhanya. Zvino, makore 49 gare gare, Mai vava nemakore 96 ezera uye vava bofu. Ndangariro yavo ichakajeka, uye vachiri Chapupu chakatendeka chaJehovha.

Maria neni takachata muna October 1945, uye chibviro chomumakore iwayo, takafarikanya kubatira Jehovha pamwe chete. Takakomborerwa navanasikana vatatu, mwanakomana, uye vazukuru vatanhatu, vose vari kubatira Jehovha nokushingaira. Mumakore ose ndakava negutsikano yokubetsera mapoka avanhu kutsigira zvokwadi dzeBhaibheri.

Ushingi hwoKutsungirira

Nguva zhinji ndave ndichibvunzwa kuti, sepwerewo zvayo, ndakakwanisa sei kutarisana norufu pasina rutyo. Vimbiswai—Jehovha Mwari anopa simba rokutsungirira kana wakatsunga kuramba wakavimbika. Mumwe anodzidza nokukurumidza zvikuru kutsamira zvizere paari kupfurikidza nomunyengetero. Uye kuziva kuti vamwe, kubatanidza baba vangu vamene nomunin’ina, vakatsungirira nokutendeka kusvikira kurufu kwakabatira kundibetsera kuramba ndakavimbikawo.

Makanga musiri muEurope bedzi umo vanhu vaJehovha vasina kutsigira hondo. Ndinoyeuka kuti mukati mokutonga kweNuremberg muna 1946, mumwe wavakuru vakuru vapamusoro vaHitler akanga achibvunzwa pamusoro pokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha mumisasa yezvibharo. Akabudisa muhomwe yake chidimbu chenhau icho chaishuma kuti zviuru zveZvapupu zvaJehovha muUnited States zvakanga zviri mumatorongo eAmerica nemhaka yokusatora rutivi kwazvo mukati meHondo yeNyika II.

Zvirokwazvo, vaKristu vechokwadi vanotevera nenzira youshingi muenzaniso waJesu Kristu, uyo akachengeta perero kuna Mwari kusvikira pakupedzisira chaipo. Kusvikira kuzuva rino ndinowanzofunga nezvemitezo 14 yeungano yedu duku muSt. Martin mukati mama 1930 nama 1940 iyo, nemhaka yokuda Jehovha nemibiyayo, yakaramba kutsigira hondo yaHitler uye nokuda kwechikonzero ichocho yakaurawa. Kuchava kubatanidzwazve kukuru kwakadini apo inodzoswa kuti ifarikanye zvikuru upenyu nokusingaperi munyika itsva yaMwari!

[Mufananidzo uri papeji 26]

Baba vangu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Muna 1939, Maria neni takanga tavimbisana kuchata

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mhuri yedu. Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Gregor (akagurwa musoro), Anni, Franz, Willibald, Ida, Gregor (baba, vakagurwa musoro), Barbara (mai), uye Kristian

[Mufananidzo uri papeji 32]

NaMaria nhasi

Zvapupu zvaJehovha isangano renyika yose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vana mamiriyoni mana avo vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe