RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 1/15 pp. 5-9
  • Zvakaungana Savarumbidzi Vanofara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaungana Savarumbidzi Vanofara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rumbidzai Jehovha, Imi Vanhu . . . Farai!’
  • “Ngatirambe Tichibayira Mwari Naye Chibayiro Chokumurumbidza”
  • “Farai, Imi Vanhu, uye Farai Nokusingaperi”
  • Vakaparadzaniswa Kuti Vave Varumbidzi Vanofara Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Varumbidzi Vanofara” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 1/15 pp. 5-9

Zvakaungana Savarumbidzi Vanofara

VANHU vaJehovha Mwari vakare vakarayirwa ku“far[a] kwazvo.” (Dheuteronomio 16:15) Kokorodzano Dzoruwa dza“Varumbidzi Vanofara” dza1995/96 zvirokwazvo dzakapa Zvapupu zvaJehovha zvikonzero zvakanaka zvomufaro.

Kubvira apo iyi nhevedzano yekokorodzano yakavamba, dzakavaka kutenda. Dzakaratidzawo nzira yokuwana nayo mufaro munyika isingafari. Ngatirangarirei kokorodzano yacho zuva rimwe panguva.

‘Rumbidzai Jehovha, Imi Vanhu . . . Farai!’

Musoro uri pamusoro apa wezuva rokutanga rekokorodzano wakanga wakavakirwa paPisarema 149:1, 2. Hurukuro yaiti “Tine Chikonzero Chokudanidzira Nomufaro” yakanzvera kushandiswa kwouporofita huri muna Isaya ganhuro 35. Hwakazadzika muna Israeri wakare uye zvikurukuru muzuva redu nokudzorerwa kwavanamati vaJehovha kurubudiriro noutano muparadhiso yomudzimu. Nokudaro, vakokorodzani vakanga vaine chikonzero chokudanidzira nomufaro pamusoro peizvo Mwari akaita chinangwa nokuda kwavanhu vake muparadhiso yomudzimu uye muParadhiso yokunyama inouya yava pedyo kwazvo.

Hurukuro chaiyo, “Vakatsaurwa Savarumbidzi Vanofara Munyika Yose,” yakapindura mubvunzo, wokuti: Chii chinotitsauranisa nenyika ino? Kunamata kwedu Jehovha kwakabatanidzwa. Hazvinei hazvo nouko Zvapupu zvaJehovha zvinogara papasi rino, zvinotaura nokudzidzisa mubvumirano. Zvinofarira chinangwa chikuru chaJehovha chokutsvenesa zita rake dzvene uye kureverera uchangamire hwake kupfurikidza noUmambo hwake. Kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha anotibetsera sei kuva nenzvimbo muchinangwa chake? Akatironzesa zvokwadi yeShoko rake dzvene. Mwari akatipa mudzimu wake mutsvene. Akatikomborera nouhama hwemunyika yose negadziriro yokunamata kwakachena. Mhuri yedu yamarudzi akawanda inotibetsera kubatira Jehovha nomufaro mukuru womwoyo.

“Kuramba Takaparadzana uye Tisina Kusvibiswa Nenyika” yakasimbisa kudikanwa kwokudzivisa mavara orusaruro nemisiyano yamapoka. (Jakobho 2:5-9) Vamwe vangafambidzana bedzi naavo vane mamiriro ezvinhu ekare akafanana kana kuti nzvimbo yezvemari, vachiregeredza vaKristu biyavo vari varombo kana kuti vanoshaiwa. Vamwe vangada kufarira avo vane nzvimbo dzomutoro muungano. Vanokanganwa kuti ropafadzo hurusa iyo upi noupi anogona kuva nayo ndeyokuva Chapupu chaJehovha. Naizvozvo, hatifaniri kubvumira zvimiro zvendangariro zvenyika kuti zvitisvibise uye kuti zvidzongonyedze rugare rweungano.—2 Petro 3:14.

Hurukuro yaiti “Ndagadzirira Kuroora Here?” yakaonesa kuti vazhinji vanoroora nokukurumidza. Vamwe vanoroora kuti vapukunyuke mamiriro ezvinhu akaoma pamusha kana kuti nemhaka yokuti vaenzani vavo vari kuroora. Zvisinei, zvikonzero zvakanaka zvokuroora zvinobatanidza chishuvo chavose vari vaviri chokuronda nharidzano dzoubati ushe hwaMwari, rudo rwechokwadi, kudikanwa kwoushamwaridzani nechengeteko, uye chishuvo chokurera vana. Rovedzo yomudzimu inokosha mukugadzirira roorano. Pakati pezvimwe zvinhu, pane kudikanwa kwokuvaka mavara anodikanwa kupfurikidza nokupfeka unhu hutsva. Kuchenjerawo kuwana kana mukwanyina anokarirwa achipa ufakazi hwokuva noukama chaihwoihwo naJehovha uye achibata navamwe nenzira yokuremekedza. Kutsvaka zano kuvaKristu vakakura mumudzimu kuchenjerawo.—Zvirevo 11:14.

Iyi kurukurirano inorayiridza yakateverwa neyaiva nemusoro unoti “Vabereki Vanowana Mufarwa Muvana Vavo.” Kuberekwa kwomwana kunowanzova nguva yokufara kukuru. Zvisinei, kubereka vana kunounzawo mutoro mukuru. (Pisarema 127:3) Nokudaro, kunokosha kuti vana vadzidziswe kuda Jehovha. Vabereki vanogona kuita ikoku kupfurikidza nokutaura nguva dzose nezvaJehovha kuvana vavo uye kupfurikidza nokushandisa nheyo yeShoko rake mumhuri.

Zuva rokutanga rekokorodzano rakaguma nechishamiso—kubudiswa kwebhurocha idzva Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo. Rinotsanangura zvakajeka kuti Zvapupu “zvinokurudzira vaduku vazvo kushanda zvakaoma uye kurangarira zvakakomba mabasa anogoverwa kwavari kuchikoro.” Ichi chinyorwa chinotsanangurawo migumisiro inoshamisa yezvidzidzo zvokunyora nokurava izvo Zvapupu zvaJehovha zvakaitisa kwamakore akawanda muNigeria, Mexico, uye dzimwe nyika. Bhurocha racho rinofanira kubetsera vadzidzisi kuona kuti tinokoshesa zvikuru dzidzo.

“Ngatirambe Tichibayira Mwari Naye Chibayiro Chokumurumbidza”

Musoro uri pamusoro apa wezuva rechipiri wakanga wakavakirwa pana VaHebheru 13:15. Purogiramu yamangwanani yakapa hurukuro yokusiyirana pamusoro po“Kupindura Danidzo Yokurumbidza Jehovha.” Zera harisati riri mhinganidzo yokupindura iyi danidzo. Pisarema 148:12, 13 rinokurudzira majaya, mhandara, vatana, uye vakomana kurumbidza Jehovha. Vazhinji vavabatiri vaJehovha vanofara vakakwanisa kuwedzera kurumbidza kwavo. Munyika yose, vanopfuura 600 000 vanogoverana mumubato wokuparidza nguva yakazara, kana kuti basa roupiyona. Vanopfuura 15 000 vari mubasa roupiyona chaihwo, uye vanopfuura 15 000 vari mubasa reBheteri.

“Kubatira Nokuvimbika Nesangano raJehovha” yakanga iri hurukuro iyo yakaratidza kuti ruvimbiko runokosha nokuda kwavabatiri vaMwari. Kuva akavimbika kuna Jehovha kunoreva kunamatira kwaari nokuzvipira kwakasimba kwazvo zvokuti kunoita senamo ine simba. Ruvimbiko runoda kuti tidzivise kuputsa noune mirayiro yeBhaibheri, vamwe vangave vachitiona kana kuti kwete. Runodawo kuti titsigire nokuvimbika dzidziso dzeBhaibheri dzinowanikwa mumagazini eNharireyomurindi neMukai! pamwe chete nezvimwe zvokudya zvose zvomudzimu zvinogoverwa neWatch Tower Society. Hurukuro iyi yakateverwa nehurukuro yorubhapatidzo. Paiva nomufaro wakadini apo vaida kubhapatidzwa vakapa ufakazi hwetsauriro yavo kuna Jehovha!

Mashoko ebhuku raHosea 4:1-3 akagadza mutoo wehurukuro yamasikati “Runako Kana Kuti Uipi—Ndechipi Chaunoronda?” Kunyange zvazvo murangariro wenyika worunako waderera, vaKristu vanofanira “kushingaira kwazvo” kuti varonde tsika dzakaisvonaka. (2 Petro 1:5) Ikoku kunovamba nenzira iyo munhu anofunga nayo. Kana mifungo yake yakanaka, achataura mashoko akachena, akanaka, uye anovaka uye achavavarira kuva akatendeseka mukubata kwake navamwe. Kuronda runako kunobatanidzawo kuvavarira kuva anonzwisisa uye anonzwira tsitsi muKristu biyake uyo ari kutambura nenhamo kana kuti kuora mwoyo.—1 VaTesaronika 5:14.

Imwe hurukuro, “Ngwarira Misungo yaDhiyabhorosi,” yakanyevera vaKristu pakuzviratidzira vamene kupesvedzero dzamadhemoni. Mukurapwa kwechirwere, vaKristu vanofanira kungwarira unyanzvi, hwakadai sokuvatisa, uko kwakafanana nemashiripiti. Nezvisizvo, izvo vanhu vanoita kuti vatarisire utano hwavo hwomuviri inhau yomunhu oga.

Zuva rechipiri rakaguma nechishamiso chinofadza—kubudiswa kwechinyorwa chitsva chinokwana muhomwe chakagadzirirwa kubetsera vanhu vane mwoyo yakatendeseka kufambira mberi nokukurumidza kutsauriro norubhapatidzo. Iri bhuku idzva rine mapeji 192 rine musoro unoti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Bhuku raZivo rinopa zvokwadi nenzira inovaka. Haritauri zvakanyanya pakusatendera dzidziso dzenhema. Mutauro wakajeka uye kukudziridzwa kune mufungo zvinofanira kukuita kuti kuve nyore kushandisa iri bhuku kuitisa fundo dzeBhaibheri uye kubetsera vanhu kuti vawane nzwisiso yokuziva Mwari kunofadza.

“Farai, Imi Vanhu, uye Farai Nokusingaperi”

Aya mashoko anobva mubhuku raIsaya 65:18 akanga ari musoro wezuva rechitatu rekokorodzano. Kuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri kunonongedzera kuna 1914 segore apo tsika ino yakaipa yakapinda mumazuva ayo okupedzisira. Nokudaro, hurukuro dzokusiyirana dzaiva nemusoro unoti “Varumbidzi Vanofara Mukati Memhedziso Yetsika Ino” yakabata ngwariro huru yavateereri. Vakurukuri vakaratidza nzira iyo mabhiriyoni anopesvedzerwa nayo nemudzimu wenyika woudyire uye wamasimba masimba. Pashure penguva yakati, achatongwa sorutivi rwenyika iyo Satani ari mutongi. Nokudaro, zvino inguva yokuita chisarudzo. Tinoda kuva kurutivi rupi? Tinoda here kunamata Jehovha ndokutsigira uchangamire hwake, kana kuti tichabvumira Satani kuva mutongi wedu kupfurikidza nokuita zvinhu zvinomufadza? Tose zvedu tinofanira kutsigira rutivi rwaJehovha nenzira yakajeka.

Hurukuro yavose yekokorodzano, “Rumbidzai Mambo Wokusingagumi!” yakapa vapindi vose zvokudya zvikukutu zvokurangarira. Kunyange zvazvo pfungwa yokusaguma ingaratidzika kuva isinganzwisiswi navanhu vane utera, Jehovha anoinzwisisa zvizere. “Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri,” akaimba kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 10:16) Uyu Mambo wokusingagumi akazarurira nzira rudzi rwomunhu kuti rufarikanye upenyu husingagumi kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Johane 17:3) “Hungu, isu vanhu vanotadza tingawana upenyu husingaperi kupfurikidza nedzidzo youmwari uye kutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu,” akadaro mukurukuri.

Sezvo kokorodzano yakaswedera kumugumo, avo vaivapo vakavakwa nehurukuro yokupedzisira, yaiva nomusoro unoti “Rumbidza Jehovha Nomufaro Zuva Nezuva.” Kwakanga kuchifadza kugamuchira mishumo yefambiro mberi yebasa rokuita vadzidzi mupasi rose. Uye vakokorodzani vakasundwa ku‘rumbidza Jehovha zuva rose nokurumbidza zita rake nokusingaperi.’—Pisarema 145:2.

Zviito zvisingataurike zvoutsinye zvinobira nyika mufaro. Kunyange zvazvo zvakadaro, vanhu vanotenda Jehovha zvakazara vanogona kuva nomufaro woumwari. Souhama hwemunyika yose, Zvapupu zvaJehovha naizvozvo zvinogona kudzokorora mashoko anotevera ePisarema 35:27, 28: “Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; ngavarumbidze vachiti: Jehovha ngaakudzwe, iye, unofarira kufara kwomuranda wake. Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mhuri dzichabetserwa nebhurocha “Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo”

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Bhuku idzva, “Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi,” rinopa zvokwadi dzeBhaibheri nenzira inovaka

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vazhinji vakabhapatidzwa mukuratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vakokorodzani vakasundwa zvikuru nemutambo “Kukudza Vakafanirwa Muukweguru Hwavo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe