Kururama Kunokwidziridza Rudzi
PASHURE pamazuva emvura, mufaro wakadini kumuka ndokuona zuva richipenya mudenga risina makore! Pasi razorodzwa, uye zvino miti inogona kukura zvakanaka. Jehovha Mwari pane imwe nguva akashandisa mufananidzo wakadaro kuenzanisira zvikomborero zvokutonga kwakarurama. Kuna Mambo Dhavhidhi akati: “Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, uchabata ushe achitya Mwari; uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.”—2 Samueri 23:3, 4.
Mashoko aMwari akabvumikisa kuva echokwadi mukati mokutonga kwakarurama kwoMwanakomana waDhavhidhi, Mambo Soromoni. Bhaibheri rinoshuma, kuti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:25.
Israeri wakare akanga ari rudzi rwakasarudzwa rwaMwari. Akavapa mitemo yake ndokuvaudza kuti kana vakateerera inzwi rake, aizova“kurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.” (Dheuteronomio 28:1) Kwakanga kusiri kururama kwaIsraeri amene asi kururama kwaJehovha kwakavakwidziridza. Mirayiro iyo Mwari akavapa yakanga yakakura zvikuru kupfuura mitemo yamarudzi akanga akavapoteredza. Savanhu, vakanga vasina kukwana kungofanana namarudzi ose iwayo. Nokudaro, mbiri yokusimudzirwa kwavo pamusoro pamarudzi inoenda kuMutemo mukuru waJehovha uye kusanonamatira kwavo kwauri. Apo vaiteerera mitemo yaJehovha, vaifarikanya nyasha dzake nechikomborero. Mambo Soromoni akawana ikoku mukati mokutonga kwake. Aigona kuti: “Kururama kunokurisa rudzi;” akanyevera kudaro, “asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.”—Zvirevo 14:34.
Nenzira inosuruvarisa, kupfurikidza nezviito zvenguva nenguva zvokusateerera, rudzi rwaIsraeri rwakaderedzwa. Vakatambura manyadzi orudzi. Ikoku pakupedzisira kwakatungamirira kukurambwa kwavo kwechigarire mukutsigirwa kworudzi rutsva rwomudzimu.—Mateo 21:43.
Israeri Womudzimu
Pamusangano womutumbi unodzora wechiKristu muJerusarema, Jakobho, akaberekwa ari muJudha, akataura mukufuridzirwa kuti Mwari akanga a“mutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Muapostora Pauro akadana rudzi urwu rutsva rwechiKristu kuti “vaIsraeri vaMwari.” (VaGaratia 6:16) Nezvechinangwa chokudanwa kwavo, Petro akanyora, kuti: “Muri rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Savanhu vaMwari vakasarudzwa, vakanga vachifanira kupenya sezvivheneko munyika. Kururama kwaJehovha kwaizovaisa pakakwirira.—VaFiripi 2:15.
Kusarudzwa kwaava vaIsraeri vomudzimu kunogona kuenzaniswa nokuchera dhaimani. Apo mhangura yakazara nedhaimani inobudiswa, ingangopa carat 1 bedzi (mamirigiramu 200) pamatani 3 evhu. Mutoo waichimboshandiswa kuparadzanisa madhaimani waibatanidza kusanganisa mhangura yacho nemvura nokueredza musanganiswa wacho pamusoro pamatara amafuta. Madhaimani haadi mvura, uye ainamatira kumafuta apo zvisingadikanwi zvaieredzwa. Panhano iyi madhaimani acho akanga akakarakasha. Zvisinei, apo aichekwa ndokukwizwa, airatidzira chiedza mumativi ose.
Samadhaimani asingadi mvura ayo asati ari rutivi rwezvinhu zvakaapota, vanhu vaJehovha vakaparadzaniswa nenyika. (Johane 17:16) Apo vakatanga kukweverwa kuchiedza, vangava vakanga vasingapenyi. Asi Shoko raJehovha nomudzimu zvinoparira mukati mavo unhu hutsva, uye vanopenya sezvivheneko munyika ino. Vanoiswa pakakwirira ndokuratidzira chiedza chine mbiri chezvokwadi yoUmambo mumativi ose nemhaka yokururama kwaJehovha, kwete nemhaka yokururama kwavo vamene.
Bva, kubva murutivi rwokupedzisira rwezana ramakore rokutanga C.E., kuramba kutenda kwakapinda muungano zvishoma nezvishoma ndokutapura vazhinji. Vainzi vaKristu vakava vakabatanidzwa namarudzi enyika uye vaisagona kutsauraniswa nenyika yakanga yakavapoteredza.
Nhasi vakasarira vakatendeka vavaIsraeri vomudzimu vakadzorerwa kunyasha dzaJehovha. Vakazviparadzanisa vamene nenyika uye vakazvichenesa vamene “pamatsvina ose enyama noomweya.” (2 VaKorinte 7:1) Zvakachena uye zvakarurama pamberi paJehovha, vanotsigira kururama kwake. Ikoku kwakavakwidziridza kunzvimbo yakakwirira yenyasha pamusoro pamarudzi enyika. Kupfurikidza nokuparidza kwavo kwokushingaira mashoko akanaka oUmambo, boka guru ramarudzi akawanda rakakweverwa kuna Jehovha uye razova rutivi rwavanhu vake.—Zvakazarurwa 7:9, 10.
Nyika Inogona Kuona Musiyano
Zviremera zvenyika padzimwe nguva zvinorumbidza mafambiro evabatiri vaMwari. Panguva yakati yapfuura, murindiri mukuru wePretoria Show Grounds, South Africa, akatsinhira pamusoro pokuzvibata kweZvapupu zvaJehovha, zvinobva mumadzinza ose, izvo zvinoshandisa nzvimbo idzodzo nokuda kwekokorodzano dzazvo dzegore negore. Pakati pezvimwe zvinhu, akanyora, kuti: “Munhu ari wose akanga uye anozvibata, vanhu vachitaurirana zvakanaka, chimiro chendangariro chakaratidzirwa mazuva mashomanene apfuura—kwose kunopupurira tsika dzakaisvonaka dzemitezo yesangano renyu, uye kuti vose vanorarama pamwe chete semhuri imwe inofara.”
Vanhu vaJehovha vanogona kuparira kururama kworudzi rwake kwete bedzi pakuungana kukuru kwakadaro asiwo muupenyu hwavo hwomunhu oga. Somuenzaniso, bazu reSouth Africa reWatch Tower Society rakagamuchira tsamba yakabva kune mumwe mukadzi muJohannesburg, achiti: “Vhiki yapfuura ndakatyaira chikwama changu chiri pamusoro pemotokari yangu. Chakadonhera muna Jan Smuts Avenue uye chakanhongwa pamwe chete nezvose zvaiva machiri nemumwe mutezo weungano yenyu, VaR—, avo vakaridza runhare ndokuchidzorera kwandiri. . . . Ndinoonga zvikuru kwazvo uku kutendeseka uko kwazova chinhu chisingawanzowaniki munguva dzazvino uye ndinorumbidza ungano yenyu nokuda kwokuvamba nheyo idzo mitezo yenyu inonamatira kwadziri.”
Hungu, kupfurikidza nokunamatira kunheyo dzaJehovha dzakarurama, vanhu vake vanoitwa kuti vatanhamare savakasiyana nenyika. Nemhaka yokuti ivava vanoratidzira kururama kwaJehovha, vane mwoyo yakatendeseka vanokweverwa kuungano yechiKristu. Ndokwomuzvarirwo kukweverwa kune chimwe chinhu chakachena nechakanaka. Somuenzaniso, mumwe muenzi pane imwe nguva akambouya kumusangano weZvapupu zvaJehovha muZurich, Switzerland, uye akataura kuti akanga achida kuva mutezo weungano. Akatsanangura kuti hanzvadzi yake yakanga yadzingwa nokuda kwounzenza ndokuwedzera kuti akanga achida kukumbanira sangano “risingashiviriri mufambiro wakashata.” Kunyange New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa se“rimwe ramapoka anozvibata zvikurusa.”
Nepo kururama kuchisimudzira, chivi chinogona kuunza nyadzi pazita romunhu rakanaka, zvikurukuru kana chakaipa chakakomba chikava chinozivikanwa munzanga. Ungano yechiKristu padzimwe nguva inofanira kutsungirira nyadzi dzinotutirwa pairi apo mitezo mimwe nemimwe inoita chivi chakakomba. Nenzira inonzwisisika, mitezo yakatendeka yeungano inogona kudzivirira zita rakanaka reungano kupfurikidza nokuratidza kuti muiti wechakashata akarangwa nenzira yetsitsi, ndiko kuti, mutsinhirano nenheyo dzapaMagwaro. Kana mumwe munhu akaita chivi uye asati achizopfidza, achabviswa muungano—kudzingwa.—1 VaKorinte 5:9-13.
Chikonzero Nei Vamwe Vachidzingwa
Kunyange zvazvo zviuru zvichidzingwa muungano yechiKristu gore rimwe nerimwe, inhamba duku bedzi muzana yezvinodokusvika Zvapupu mamiriyoni mashanu munyika. Nei nhano yakakomba yakadaro ichifanira kuitirwa munhu upi noupi muungano yechiKristu? Rudzi rwechakaipa chacho chimwe chezvinhu zvinosarudza. Asi chimwe chinhu chinokosha zvikuru ndechokuti muiti wechakashata wacho anopfidza zvapachokwadi here pamusoro pechakaipa chakakomba chakaitwa. Kana ave ane urombo zvirokwazvo, atendeukira kuna Jehovha mumunyengetero wapachokwadi, achikumbira kanganwiro nokuda kwechivi chakaMuitirwa, uye atsvaka betsero yavarume vane mutoro muungano, angabatsirwa kuwanazve nyasha dzaMwari ndokuramba ari rutivi rweungano.—Zvirevo 28:13; Jakobho 5:14, 15.
Apo mwana ane ukama hwakanaka, hwakasimba nababa vake anoita chimwe chinhu chinotambudza baba, vose vari vaviri vanofanira kukurumidza kudzorera ukama ihwohwo hunokosha. Nenzira yakafanana, apo tinotsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, tinopinda muukama hunokosha zvikurusa naye. Nokudaro, apo tinoita chimwe chinhu chinomutambudza, tinofanira kuita chiito nokukurumidza mukutsvaka kudzorera ukama ihwohwo naBaba vedu Vokudenga.
Nenzira inofadza, vamwe vakanga vari muchimiro chokudzingwa vakarangarira zvakakomba mufananidzo wemwanakomana anopambadza. Jehovha imomo anofananidzwa naBaba vane rudo vakagadzirira kugamuchira mutadzi anopfidza achidzoka kana iyeye akatendeuka ndokutsvaka kanganwiro yaMwari. (Ruka 15:11-24) Kupfidza kwapachokwadi, kwomwoyo wose nokurega chakashata yave iri nzira yokudzokera nayo kunyasha dzaJehovha uye ungano yechiKristu. Vamwe vaiti vezvakashata vanopfidza avo vakanzwa vakaremerwa vari pasi pomutoro wemhaka yavo vakasundwa kukupfidza ndokuita matanho okudzokera kumhoteredzo ine rudo yeungano yechiKristu. Nokudaro vakasvika pakunzwisisa mashoko aJehovha ari pana Isaya 57:15.
Kuti adzivise vanhu kudzokera kuitiro hanya ine rudo yaJehovha, Satani angada kunyepedzera kuti hakuna kanganwirwo yezvivi zvakaitwa. Asi chibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu chakakwana kufukidza zvivi zvavapi navapi vanopfidza—hungu, kunyange kutadza kwakagarwa nhaka kwe“nyika yose.” (1 Johane 2:1, 2) Chivi chimwe chisingafukidzwi nerudzikinuro kutadzira mudzimu mutsvene waMwari, uko kunoenzana nekupandukira kwoune nokushanda kwomudzimu waMwari, zvakadai sezvivi zvakakomba zvaJudhasi Iskarioti uye vanyori vazhinji navaFarise.—Mateo 12:24, 31, 32; 23:13, 33; Johane 17:12.
Kutsigira Kururama kwaJehovha
Kubvira apo vakasarira vavaIsraeri vomudzimu vakadzorerwa kunyasha dzaJehovha muna 1919, vakava vakakwidziridzwa zvikuru munyika yakavapoteredza. Ikoku hakusati kuri nemhaka yokunaka kwavo kupi nokupi asi nemhaka yokuzviisa pasi kwavo kwokudisa pemitemo yaJehovha nemipimo. Somugumisiro, mamiriyoni a“mamwe makwai” aKristu akapinzwa musonganirano naIsraeri womudzimu neshamwari dzakavimbika. (Johane 10:16) Vanhu ava vanounza mbiri norukudzo kuna Jehovha munyika iri kure zvikuru nemipimo yaMwari yakarurama. Kuri seizvo imwe magazini yeSouth Africa Personality yakambotsinhira: “Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzika kuva zvakazara nemavara akanaka uye kusadokuva neakaipa.”
Kuti uchengete iyi nzvimbo yakakwidziridzwa munyika isina umwari, mutezo mumwe nomumwe weungano yechiKristu unofanira kurarama upenyu hwakachena, hwakarurama pamberi paJehovha. MuBhaibheri, sangano rokudenga raJehovha rinofananidzirwa nezvinhu zvakachena. Rinoonekwa somukadzi akaisvonaka akapfeka zuva uye ane mwedzi pasi petsoka dzake. (Zvakazarurwa 12:1) Jerusarema Idzva rinorondedzerwa seguta dzvene, rakaisvonaka muchitarisiko. (Zvakazarurwa 21:2) Mitezo yakatendeka yomwenga waKristu inopiwa “mucheka wakanaka, unopenya, usina tsvina.” (Zvakazarurwa 19:8) Vaya veboka guru vanoonekwa “vakapfeka nguo chena.” (Zvakazarurwa 7:9) Vanhu vanoda kururama vanokweverwa kusangano rakachena. Nokusiyanisa, sangano raSatani harina kuchena. Sangano rake rorudzidziso rinofananidzirwa semhombwe, uye avo vari kunze kweguta dzvene vanorondedzerwa savane tsvina, vasina kuchena.—Zvakazarurwa 17:1; 22:15.
Upenyu husingaperi hunopikirwa kuna vakarurama. Vanhu vakaunganidzwa vanotsigira kururama kwaJehovha vane kariro yokupukunyuka mugumo wetsika ino yakaipa. “Aninani unonditeerera . . . achagadzikana, asingatyi zvakaipa,” Mwari anopikira kudaro pana Zvirevo 1:33.
Kuchava kunofadza sei apo Soromoni Mukuru, Kristu Jesu, anotonga panyika itsva iyoyo mukururama, mukutya Jehovha! (2 Petro 3:13) Kuchava sechiedza chamangwanani apo zuva rinopenya, mangwanani asina makore. Vagari vose vapasi vachagara muchengeteko, mumwe nomumwe achigara pasi pomuzambiringa wake amene nomuonde, sokunge zvakadaro. Sangano ravanhu rakarurama richanakisa pasi ndokugara munzvimbo yaro yakakodzera muchisiko chose kurumbidzwo isingaperi yaMwari wedu, Jehovha.—Mika 4:3, 4; onawo Isaya 65:17-19, 25.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Garo Nalbandian