“Ndinokosha Kuna Jehovha!”
MUDZINO “nguva dzokutambudzika,” vabatiri vazhinji vakatendeka vaJehovha vanotsungirira kurwisana kwenguva dzose nemirangariro yokusava namaturo. (2 Timotio 3:1) Ikoku hakushamisi, nokuti rimwe ra“mabasa amanomano” aSatani nderokutiita kuti tinzwe kuti hatidiwi, kunyange noMusiki wedu! (VaEfeso 6:11, NW, mashoko omuzasi) Nenzira yakakodzera, chinyorwa chaApril 1, 1995, cheNharireyomurindi chaiva nenyaya mbiri dzefundo yeungano dzaiva nemisoro yaiti “Unokosha Mumeso aMwari!” uye “Nyandurira Kuda Namabasa Akaisvonaka—Sei?” Nyaya idzi dzakagadzirirwa kutiyeuchidza kuti Jehovha anokoshesa nhamburiko dzedu. Dzinotevera ndedzimwe tsinhiro dzokuonga dzakagamuchirwa:
“Handina kutongotapurwa nemagazini zvakadaro mumakore angu 27 somumwe weZvapupu zvaJehovha. Hapana chandaigona kuita kunze kwokuchema—idzi nyaya dzakandiunzira yamuro huru. Zvino ndinonzwa ndichidiwa kwazvo naJehovha. Kwakaita sokunge kuti mutoro muhombe wakabviswa pamafudzi angu.”—C. H.
“Ndakarava magazini iyi kana muzuva rimwe. Ndakafarikanya nzira iyo nyaya yacho yakataura kuti wakadzidziswa nhema kana uchidavira kuti hauna maturo. Ndichashandisa nyaya iyi nokuda kwokufudza uye kuparidza pasuo nesuo.”—M. P.
“Satani akaita basa rakaisvonaka rokuita kuti kunyange avo vanoda Jehovha vanzwe vasina maturo uye vasingadiwi. Kuyeuchidzwa neboka ro‘muranda akatendeka’ kuti Jehovha anotida zvikuru uye kuti anoonga zvinhu zvose zviduku zvatinomuitira chimwe chezvinhu zvinokurudzira zvikurusa chandakarava. Kwamakore akawanda ndakava nemirangariro yamakataura nezvayo munyaya idzi. Handina kutongonzwa ndakafanirwa norudo rwaJehovha, naizvozvo ndakaedza kuita zvakawanda zvikuru mubasa rake senzira yokuwana nayo rudo irworwo. Asi ndaisundwa nokunzwa mhaka nenyadzi. Naizvozvo pasinei zvapo nokuti maawa mangani andaipedzera muushumiri, kana kuti vanhu vangani vandakabetsera, ndainzwa kuti zvakanga zvisina kukwana. Ndaingoona bedzi perevedzo mandiri. Zvino apo ndinobatira Jehovha nemhaka yorudo, ndinofungidzira kuti ari kunyemwerera uye kuti anodada neni. Ikoku kunoita kuti rudo rwangu nokuda kwake rutokure zvikuru ndokundiita kuti ndide kuita zvizhinji. Zvino ndinowana mufaro mukuru zvikuru unobva mubasa rangu kuna Jehovha.”—R. M.
“Idzi ndidzo nyaya dzakaisvonaka chose chose, dzinokurudzira zvikurusa, hungu, dzakatanhamara dzokutapura mwoyo yedu dzandati ndamborava! Ndave ndichirava Nharireyomurindi kwamakore 55, uye kwave kune zvinyorwa zvizhinji zvakatanhamara. Asi chinyorwa ichi chinopfuura chinhu chipi nechipi chatati tambova nacho chokuderedza panikiro dzedu, funganyo, uye rutyo rwokuti ‘hatina maturo’ uye kuti ‘hatidiwi’ uye hatitongogoni kuita zvakakwana kuti ti‘wane’ rudo rwaJehovha. Nharireyomurindi iyi ine rudzi rwebetsero yomudzimu hama dzedu dzinoda zvikuru. Ivavariro yangu kushandisa ndashandisazve nyaya idzi pakufudza.”—F. K.
“Nokuda kwaavo vedu vanorwisana nokuzviremekedza kwakaderera, kana kuti kunyange nemirangariro yokuzvisema, kunogona kuva kwakaoma kwazvo kuunganidza simba redu kuti tipfuurire muzvokwadi. Nyaya iyi yakaratidzira udzame hukuru hwokunzwira tsitsi nokunzwisisa, kwakanga kwakaita sokuzorwa kwomushonga unozorodza, unoporesa, pamwoyo chaipo. Kunonyaradza sei kurava mashoko akadaro muNharireyomurindi uye kuziva pasina panikiro kuti Jehovha anonzwisisa! Ndinokuongai nokutiyeuchidza kuti Jehovha haaedzi kusunda vanhu vake kupfurikidza nokunzwa vaine mhaka, nyadzi, kana kuti rutyo. Kunyange zvazvo mupiro wangu kubasa rokuparidza wave wakaganhurirwa zvakakomba nguva pfupi yapfuura nezvinetso zvemari nezvinetso zvoutano mumhuri yedu, ndichiri kuwana gutsikano mune zvandinokwanisa kuita. Ndinowana kuti ndinofara zvikuru mubasa apo ndinoedza kurega rudo ruchiva simba rangu rinosunda.”—D. M.
“Ndichangopedza kurava ‘Unokosha Mumeso aMwari!’ Ndima iri yose yakaunza misodzi kumeso angu. Ndakabva mumhuri yairatidza rudo rushoma. Ndaizvidzwa, ndaitonywa, uye ndaisekwa. Naizvozvo, pakuvamba muupenyu ndainzwa ndisina maturo. Ndichiine mirangariro yakasimba yakabva munguva yangu yakapfuura iyo inonditambudza apo ndinova nengwavaira. Apo ndakarega kubatira somukuru weungano, ndakanzwa kukundikana senguva dzose—kuna Mwari, mhuri yangu, uye hama dzangu muungano. Mirangariro iyi haiende kamwe kamwe, asi nyaya iyi yakakodzera nguva yakandibetsera kuwanazve mwero wakati wedzikamo. Yakajekesa marangarire angu.”—D. L.
“Ndinokuongai nokuda kwenyaya yaiti ‘Unokosha Mumeso aMwari!’ Ndinobata nokuzvivenga kwakakomba uye mirangariro mikuru yokusava namaturo, izvo zvine mavambo azvo mukubatwa zvisina kufanira muuhwana. Kwakakodzera chose chose kurangarira uku kufunga kwakavhiringidzwa serimwe basa ramanomano raSatani amene. Kunogona kunyange kuparadza chishuvo chomunhu chokurarama. Zvirokwazvo ndinofanira kushanda zuva riri rose kuti ndidzivise nhema dzokuti handidiwe. Nyaya iyi inoreva zvizhinji kwandiri kupfuura izvo sezvinobvira mungagona kuziva.”—C. F.
“Nhasi hama dzinobvuma zvikuru pfungwa yokuti Jehovha anoonga zviito zvinosundwa norudo panzvimbo pokugombedzera kana kuti kumanikidza. Kurangarirwa kweunhu hwaJehovha hwoushamwari uye hwechidakadaka, fariro yake muvanhu vake savanhu vamwe navamwe, uye mutoo une rudo uwo anozvishandisa nawo amene unozorodza uye unosunda. Nemhaka yaikoku, nokukurumidza patakagamuchira nyaya yaiti ‘Unokosha Mumeso aMwari!’ vazhinji vakataura kuonga. Inoratidzika seiri kuzarura nzira yokuti vazhinji vatange ukama hukuru hwomunhu oga naJehovha. Mudzimai wangu neni tinoda kutaura kuonga nokuda kwemanyorerwe nekurangarira zvinodikanwa kwakaratidzirwa mumagazini eNharireyomurindi enguva pfupi yapfuura. Tiri kushanda kuti tishandise akawanda amapfundo aya sezvatinoshanyira ungano.”—Yakabva kune mumwe mutariri anofambira.
“Ndave ndiri muravi akatendeka kwamakore anodokusvika 30, asi handisati ndatongorava chinhu chipi nechipi chinonyandura kwazvo, chinokurudzira kwazvo chakadaro. Magwaro akashandiswa zvine simba, zvine unyanzvi akandibetsera kudzura nhema dzakanga dzakavanzwa mumirangariro yangu ndimene, kuchindibvumira kuswedera pedyo zvikuru naJehovha. Kwemakore akawanda ndakabatira Jehovha nechikonzero chokunzwa ndiine mhaka. Ndaiva nenzwisiso youngwaru bedzi yorudzikinuro uye rudo rwaMwari. Ndinokuongai nokuda kwenyaya dzakadaro dzinogovera nzwisiso nokurangarira. Ndinokarira kurava zhinji dzakaita saidzo.”—M. S.
“Mumakore angu ose 29 okuva muzvokwadi, handigoni kuyeuka apo imwe nyaya yakaparira mandiri kuita kwakadaro kwokuonga nemirangariro mikuru. Kunyange zvazvo ndakarerwa norudo rukuru uye nemhuri yaiitira hanya, handina kutongonzwa ndichifanira kuva mupenyu, ndisingadudzi nezvekufanira kubatira Jehovha. Pashure penyaya iyi, ndakapfugama, uye nokuchema kukuru ndakatenda Jehovha. Ndichakoshesa nyaya iyi nokusingaperi. Ndichazvitarira ndimene nenzira yakasiyana nemhaka yokuti zvino ndine kunzwisisa kwokuti ndinokosha kuna Jehovha.”—D. B.