Iwe Unoyeuka Here?
Wakarangarira nokungwarira zvinyorwa zvenguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi here? Ungakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:
◻ Munhu ‘anouya kuna Jesu’ sei mutsinhirano nekokero yake iri pana Mateo 11:28?
Jesu akati: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.” (Mateo 16:24) Nokudaro, kuuya kuna Jesu kunoreva kupa kuda kwomunhu kukuda kwaMwari naKristu, achigamuchira mutwaro wakati womutoro uye kuita saizvozvo nguva dzose.—8/15, peji 17.
◻ Nei “vashoma” bedzi vachiwana ‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu’ iyo Jesu akadudza pana Mateo 7:13, 14?
Nzira nhete yakaganhurirwa nemitemo yaMwari nenheyo. Nokudaro, yaizofadza bedzi kune mumwe munhu anoshuva zvapachokwadi kuwiriranisa upenyu hwake nemipimo yaMwari. Kunyange zvazvo ichiratidzika kuva inoganhurira, ‘nzira yakamanikana’ inosunungura munhu murutivi rwuri rwose runokosha. Miganhu yayo inoitwa ne“murayiro wokusunungurwa.” (Jakobho 1:25)—9/1, peji 5.
◻ Kunzwisisa kunogona sei kusakurirwa?
Kunzwisisa hakuuyi nenzira iri nyore kana kuti nenzira yomuzvarirwo. Asi nokushivirira, munyengetero, nhamburiko yapachokwadi, songaniro yokuchenjera, kufunda nokufungisisa Bhaibheri, uye kutsamira pamudzimu mutsvene waJehovha, kunzwisisa kunogona kusakurirwa.—9/1, peji 21.
◻ Godo romunhu rinogona sei kuva simba rezvakanaka?
Rinogona kusunda munhu kudzivirira munhu anodiwa papesvedzero dzakashata. Uyezve, vanhu vanogona kuratidzira godo zvakarurama nokuda kwaJehovha nokunamatwa kwake. (1 Madzimambo 19:10)—9/15, mapeji 8, 9.
◻ Chii chinorehwa nokutaura kuri pana Genesi 50:23 kune chokuita navazukuru vaJosefa: “Vakaberekerwa pamabvi aJosefa”?
Ikoku kungagona kureva zvako kuti Josefa akabvuma vana vacho savazukuru vake. Kungagona kuratidzirawo kuti akatamba nechidakadaka navana vacho, achivatambisa pamabvi ake. Vanababa nhasi vanoita zvakanaka kuratidza vana vavo chidakadaka chakafanana.—9/15, mapeji 20, 21.
◻ Chii chinokosha zvikuru kuroorano inobudirira noupenyu hwemhuri?
Kuti vawane migumisiro inodikanwa yakadaro, vakwanyina veroorano vanofanira nguva dzose kuisa kuda kwaMwari pakutanga. Vachiita saizvozvo, vakwanyina veroorano vanoedza kunamatirana ndokupedza zvinetso zvavo kupfurikidza nokushandisa zano reShoko raMwari. Ivo nokudaro vanodzivisa marudzi ose amarwadzo anova somugumisiro apo kuda kwaMwari kunofuratirwa. (Pisarema 19:7-11)—10/1, peji 11.
◻ Pfungwa youmwari yekurumidziro yakakomba sei nhasi?
Pfungwa youmwari yekurumidziro rutivi runokosha rwebasa romweya wose kuna Jehovha. Inodzivisa ndokubetsera kupedza kudzivisa kwaDhiyabhorosi kuparira vabatiri vaMwari ku‘neta ndokupera mweya yavo.’ (VaHebheru 12:3) Kunovadzivirira pakubatanidzwa kusiri madikanwa nenyika nokudisa kwayo zvenyika, vachichengeta ndangariro dzavo pazvinhu zviri kumusoro—“upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:19)—10/1, peji 28.
◻ Mumufananidzo wemakwai nembudzi, Jesu anogara rini pachigaro chake choumambo uye nei?
(Mateo 25:31-33) Mufananidzo wacho haumuratidzi achigara mupfungwa yokuva Mambo. Panzvimbo pezvo, anogara soMutongi. Kutonga ikoko hakusi chimwe chinhu chinopfuurira kwenhambo refu yamakore mazhinji. Panzvimbo pezvo, mufananidzo wacho unonongedzera kunguva yemberi apo Jesu munguva yakaganhurirwa achazivisa ndokuita rutongeso pamarudzi.—10/15, mapeji 22, 23.
◻ Ndechipi “chizvarwa” chinowanzonongedzerwa kwazvo kwachiri naJesu?
Jesu akashandisa kutaura kwokuti “chizvarwa ichi” kuvanhuwo zvavo vakararama panguva imwe cheteyo naye na“mapofu anotungamirira” avo vaiumba rudzi rwechiJudha. (Mateo 11:16; 15:14; 24:34, NW)—11/1, peji 14.
◻ Mukuzadzikwa kwokupedzisira kwouporofita hwaJesu huri pana Mateo 24:34-39, kutaura kwokuti “chizvarwa ichi” kunonongedzera kuchii?
Jesu sezviri pachena anonongedzera kuvanhu vari pasi avo vanoona chiratidzo chokuvapo kwaKristu asi vanokundikana kugadzira nzira dzavo.—11/1, mapeji 19, 31.
◻ Gadziriro yamaguta outiziro neganhuriro dzawo yakabetsera sei vanhu muna Israeri wakare?
Yakaroverera pavaIsraeri kuti vaisafanira kungwarira kana kuti kusakatara pamusoro poupenyu hwomunhu. Yakasimbisawo kudikanwa kwokuratidza ngoni apo kuita saizvozvo kwaitenderwa. (Jakobho 2:13)—11/15, peji 14.
◻ Nderipi guta rokufananidzira routiziro?
Irori igadziriro yaMwari yokutidzivirira parufu nokuda kwokuputsa murayiro wake pamusoro poutsvene hweropa. (Genesi 9:6)—11/15, peji 17.
◻ Uhama hwechiKristu hunogona sei kutibetsera ku“wana simba idzva”?
(Isaya 40:31) Pakati pehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu, pane vamwe vangava vachitarisana nedzvinyiriro nemiedzo zvakafanana uye vangava vachiva nemirangariro yakafanana zvikuru neyedu timene. (1 Petro 5:9) Kunonyaradza uye kunosimbisa kutenda kuziva kuti zvatiri kupfuura nomazviri hazvisati zviri zvisingazivikanwi navose uye kuti mirangariro yedu haisati iri yechienzi.—12/1, mapeji 15, 16.